Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paunenge Uchishandisa Simba Rako, Tevedzera Kristu

Paunenge Uchishandisa Simba Rako, Tevedzera Kristu

Paunenge Uchishandisa Simba Rako, Tevedzera Kristu

MAKORE akawanda akapfuura, pane zvimwe zvakamboedza kuitwa zvine chokuita nounhu hwevanhu zvakabudisa migumisiro inonakidza. Vaya vakaita izvi zvaiedzwa vakakamurwa kuva mapoka maviri. Vomune rimwe boka vakanzi vave varindi uye vakanzi vatarisire vomune rimwe boka, avo vakanzi vave vasungwa. Chii chakaitika?

Zvinonzi “mumazuva mashomanana, [varindi] vakawanda vakanga vava kutuka vamwe uye vava kuvashusha, vava kugara vachivaranga, asi vasungwa vakanga vava kuvatya uye kuvadedera zvikuru.” Vaiongorora vakagumisa vachiti: Anenge munhu wose anogona kuwira mumusungo wokushandisa simba rake zvisina kukodzera.

Simba—Kurishandisa Zvakakodzera uye Zvisina Kukodzera

Chokwadi, kushandisa simba zvakakodzera kungabatsira. Kungatungamirira zvakafanira uye kungaguma nokubatsira munyama, mupfungwa, uye mune zvokunamata. (Zvirevo 1:5; Isaya 48:17, 18) Zvisinei, sezvinoratidzwa nezvakaedzwa zvataurwa pamusoro apa, pagara paine ngozi yokupfuura mwero pakushandisa simba. Bhaibheri rinotaura nezvengozi iyi uye rinoti: “Kana munhu akaipa achitonga, vanhu vanogomera.”—Zvirevo 29:2; Muparidzi 8:9.

Kushandisa simba zvisina kukodzera hakuna kunaka, kunyange kana kukaitwa nevavariro yakanaka. Somuenzaniso, munguva pfupi yakapfuura, rimwe boka rinodzidzisa zvechitendero muIreland rakakumbira ruregerero pachena nemhaka yenzira iyo vamwe vadzidzisi vakashandisa nayo simba ravo pavana vavaidzidzisa. Hapana mubvunzo kuti vavariro dzevadzidzisi ava vakawanda dzakanga dzakanaka, asi nzira dzakashandiswa nevamwe vavo dzaiva dzakaipa chaizvo. Rimwe pepanhau rakataura kuti “vana vakawanda vakarwadziswa neimwe nzira nemhaka yechisimba chakanyanya uye hasha dzaiva nevakawanda vaidzidzisa.” (The Irish Times) Saka, ungashandisa sei simba kuti ubatsire vamwe kuti vaitire vamwe zvakanakisisa panzvimbo pokutaura kana kuti kuita zvinhu zvinoita kuti vasuduruke?—Zvirevo 12:18.

Jesu Kristu Akapiwa “Simba Rose”

Funga nezvomuenzaniso waJesu Kristu. Kwasara nguva pfupi kuti aende kudenga, akati kuvadzidzi vake: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” (Mateu 28:18) Izvozvo zvakaita kuti vadzidzi vake vatye here? Vakaona here sokuti Jesu akanga ava kuzoratidza maonero aiita vanaKesari veRoma, vaizivikanwa nokudzvinyirira kana kuti kusada kumukirwa?

Nhoroondo yomuBhaibheri inopindura zvakasimba kuti aiwa! Jesu Kristu anoshandisa simba sokurishandisa kunoita Baba vake. Kunyange zvazvo Jehovha akakodzera kuva Changamire Wezvose Zvakasikwa ane masimbaose, anoda kuti vanhu vake vamushumire nomwoyo wose, kwete kungomuteerera vasingafungi, vachitya, kana kuti vachingobvuma zvose zvose. (Mateu 22:37) Jehovha haamboshandisi simba rake zvisina kukodzera. Zvinhu zvinoshamisa zvakaratidzwa muprofita Ezekieri zvinoratidza izvi.

Pane izvi zvaakaratidzwa, Ezekieri akaona ngirozi ina dzaitsigira uchangamire hwaMwari. Imwe neimwe yakanga iine zviso zvina. “Kana kuri kutaridzika kwezviso zvazvo,” anonyora kudaro Ezekieri, “zvose zviri zvina zvaiva nechiso chomunhu nechiso cheshumba kurudyi, zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kuruboshwe; zvose zviri zvina zvaivawo nechiso chegondo.” (Ezekieri 1:10) Zviso zvina izvi zvinomiririra unhu huna hwaMwari hukuru hwakanyatsokwana. MuShoko raMwari unhu uhwu hunonzi: rudo, runomiririrwa nechiso chomunhu; ruramisiro, inomiririrwa nechiso cheshumba; uye uchenjeri, hunomiririrwa nechiso chegondo. Unhu hutatu uhwu hunoshanda pamwe nohwechina—simba, sezvinoratidzwa nechiso chenzombe. Zvose izvi zvinorevei? Zvakaratidzwa zvacho zvinoratidza kuti Jehovha haamboshandisi simba rake risingagumi nechiremera chake nenzira isingaenderani nohumwe unhu hwake hukuru.

Achitevedzera Baba vake, Jesu Kristu aigara achishandisa simba rake nenzira yainyatsoenderana norudo, uchenjeri, uye ruramisiro. Vadzidzi vake vaizorodzwa zvikuru pavaishumira vachitarisirwa naJesu. (Mateu 11:28-30) Rudo ndihwo unhu hwaJehovha Mwari naJesu Kristu hwakakura, kwete simba kana kuti chiremera!—1 VaKorinde 13:13; 1 Johani 4:8.

Unoshandisa Sei Chiremera Chako?

Uri kuita sei panyaya iyi? Somuenzaniso, mumhuri, unoshandisa simba rako kunyange kana zvichireva kuti unoomerera pa- ne zvaunongoda nezvaunongofa- rira chete here? Vamwe vari mumhuri mako vanobvumirana nezvaunosarudza nemhaka yokukutya here kana kuti yokukuda? Simba rako ndiro rinoita kuti vakuteerere here? Iyi mibvunzo yokuti misoro yemhuri inogona kuzvibvunza iine pfungwa yokuita zvinotaurwa naMwari nezvourongwa hwemhuri.—1 VaKorinde 11:3.

Zvakadini kana uine chiremera chakati muungano yechiKristu? Kuti uone kana uri kuchishandisa zvakakodzera, ongorora kana uri kushandisa pfungwa dzinotevera dzakafuridzirwa naJehovha Mwari dzikaenzanisirwa naJesu Kristu.

“Muranda waShe . . . anofanira kuva norupfave kuna vose, . . . anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa, achirayiridza nounyoro vaya vasingadi.”—2 Timoti 2:24, 25.

Vamwe vanhu vaiva muungano yechiKristu yepakutanga vaiva nechiremera chaizvo. Somuenzaniso, Timoti aigona ‘kutorayira vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso.’ (1 Timoti 1:3) Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti Timoti aitevedzera unhu hwaMwari mune zvose zvaaiita, nokuti hapana mubvunzo kuti akaita maererano nezano raPauro rokurayiridza “nounyoro” uye “kuva norupfave kuna vose” paaitarisira ungano yechiKristu. Nokuti aiva muduku pavakuru vose vaivapo panguva iyoyo, aifanira kuita somwanakomana anoremekedza vanhu vakuru uye hama ine hanya nevaduku. (1 Timoti 5:1, 2) Kana ungano yechiKristu ichitungamirirwa norudo zvakadaro, inoita sezvinoita mhuri ine rudo, ine ushamwari, kwete kambani ine vanhu vasina ushamwari, vane utsinye.—1 VaKorinde 4:14; 1 VaTesaronika 2:7, 8.

“Vatongi vemamwe marudzi vanozviita madzishe paari uye vanhu vakuru vanoshandisa simba paari. Izvi hazvina kudaro pakati penyu; asi munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu.”—Mateu 20:25, 26.

Vatongi vane simba vari munyika “vanozviita madzishe” evamwe nokuvaudza zvavanoda kuti vaite uye kuomerera kuti zvinhu zviitwe nenzira yakati, vachivatyisidzira kuti vachavaomesera kana vakasateerera. Zvisinei, Jesu Kristu akasimbisa nyaya yokushumira vamwe, kwete kuvamanikidza. (Mateu 20:27, 28) Aigara achingobata vadzidzi vake norudo, aine hanya navo. Kana ukatevedzera muenzaniso waJesu, zvinova nyore kuti vamwe vashandire pamwe newe. (VaHebheru 13:7, 17) Zvinoitawo kuti zvive nyore kwavari kuti vazviise pasi pesimba rako, vachizviita vachida uye vasingaiti zvokumanikidzwa.—Mateu 5:41.

“Fudzai boka raMwari ramunotarisira, . . . musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.”—1 Petro 5:2, 3.

Nhasi vatariri vanoziva kuti vachazvidavirira nokuda kwemamiriro ezvinhu ezvokunamata evose vari muungano. Vanofungisisa basa iri. Pavanenge vachitarisira boka raMwari, vanoedza kuzviita nokuzvidira, nomwoyo wose, uye norudo. Kufanana nomuapostora Pauro, vanoshanda nesimba kuti vavake uye vasimbise kutenda kwevaya vavanenge vachitarisira, vasingaiti sevanatenzi vokutenda kwavo.—2 VaKorinde 1:24.

Pavanenge vachifanira kupa zano rakakodzera, vakuru vanoripa nounyoro kuti varuramise anenge akanganisa kana kuti vabatsire muKristu wavanonamata naye kuti afambire mberi mune zvokunamata. Vanofunga nezvechiyeuchidzo chomuapostora Pauro chokuti: “Hama, kunyange mumwe munhu akadarika asati azviziva, imi mune zvinodiwa zvomudzimu edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro, muchizvichenjerera, muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.”—VaGaratiya 6:1; VaHebheru 6:1, 9-12.

“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose . . . Pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:13, 14.

Unobata sei nevaya vangakundikana kuita zvinonyatsoenderana nemitemo yechiKristu? Unofungawo nezvokusakwana kwavakaita, sezvinoita Jehovha naJesu Kristu here? (Isaya 42:2-4) Kana kuti pose pose unoomerera pamutemo? (Pisarema 130:3) Yeuka kuti zvakakodzera kuratidza unyoro pazvinenge zvichiita uye kuomesa paunenge uchifanira kudaro. Kuita zvinhu norudo kuchabatsira kuti pave noukama hwakasimba uye kuvimbana pakati pako nevaya vaunotungamirira.

Kana ukapiwa simba, shanda nesimba kuti utevedzere Jehovha Mwari naJesu Kristu pakurishandisa. Yeuka kurondedzera kunoshamisa kwakaitwa nomunyori wepisarema achirondedzera nzira iyo Jehovha anoshandisa nayo simba rake pavanhu vake. Dhavhidhi akaimba kuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa. Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji; anonditungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji. Anozorodza mweya wangu. Anonditungamirira mumakwara okururama nokuda kwezita rake.” Saizvozvowo, nezvaJesu, tinoverenga kuti: “Ndini mufudzi akanaka kwazvo, uye ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, sokundiziva kunoita Baba neni ndichiziva Baba; uye ndinopa mweya wangu nokuda kwemakwai.” Pane here mienzaniso iri nani yatingava nayo yokushandisa simba nenzira yorudo?—Pisarema 23:1-3; Johani 10:14, 15.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]

Jehovha anogara achishandisa simba rake zvakakwana zvinoenderana nokururamisira kwake, uchenjeri, uye rudo

[Mufananidzo uri papeji 18]

Dzimwe nguva, vakuru vanofanira kupa zano rorudo kune vanotadza

[Mufananidzo uri papeji 19]

Pauro akapa Timoti zano rokuti aite somwanakomana ane ruremekedzo uye hama ine hanya

[Mufananidzo uri papeji 20]

Jesu Kristu anoshandisa simba rake nenzira yokuchenjera, yakarurama, uye yorudo