Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takatsunga Kushumira Jehovha

Takatsunga Kushumira Jehovha

Nyaya Youpenyu

Takatsunga Kushumira Jehovha

YAKATAURWA NARAIMO KUOKKANEN

Muna 1939, Hondo Yenyika II yakatanga muEurope, uye Soviet Union yakarwisa nyika yokumusha kwangu yeFinland. Baba vangu vakaenda kunorwa vari mumauto eFinland. Munguva pfupi ndege dzehondo dzeRussia dzakanga dzava kukanda mabhomba muguta matakanga tiri, uye amai vangu vakandiendesa kuti ndinogara naambuya vangu kunzvimbo yakanga yakati chengetekei.

MUNA 1971, ndaiva mumishinari muUganda, kuEast Africa. Rimwe zuva ndichiparidza paimba neimba, vanhu vakawanda vaitya vakapfuura nepandaiva vachimhanya. Ndakanzwa kurira kwepfuti ndokutanga kumhanya ndakananga kumba. Sezvo kurira kwepfuti kwakanga kwava kusvika pedyo, ndakasvetukira mumugero waitevedza mugwagwa. Mabara zvaaipfuura nepamusoro pangu, ndakakambaira ndichienda kumba kwangu.

Hapana zvandaigona kuita kuti ndisatambura neHondo Yenyika II, asi nei ini nomudzimai wangu takaisa upenyu hwedu mungozi tiri kunyika isina kugadzikana yeEast Africa? Mhinduro yacho ine chokuita nokutsunga kwedu kushumira Jehovha.

Matangiro Akaita Kutsunga Kwangu

Ndakaberekerwa muHelsinki, kuFinland muna 1934. Baba vangu vaiita basa rokupenda, uye rimwe zuva basa ravo rakavaendesa kuchivako chehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha romuFinland. Zvapupu zvakavataurira nezvemisangano yazvo yeungano. Pavakasvika kumba, vakataurira amai vangu nezvemisangano iyoyo. Havana kutanga kupinda misangano panguva iyoyo, asi gare gare vakazotanga kukurukurirana nyaya dzomuBhaibheri nowavaishanda naye akanga ari Chapupu. Nokukurumidza amai vakatanga kukoshesa zvavaidzidza, uye muna 1940 vakabhabhatidzwa kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Izvozvo zvisati zvaitika, ambuya vangu vakanga vaenda neni kumusha kwavo panguva yeHondo Yenyika II. Amai vangu vakatanga kunyorera amai vavo nomunin’ina wavo tsamba vachivaudza nezvezvinotendwa neZvapupu zvaJehovha. Vose vakafarira uye vakanditaurirawo zvavaidzidza. Vamiririri vanofambira veZvapupu zvaJehovha vakashanyira musha waAmbuya ndokutikurudzira, asi ndakanga ndisati ndava kuda kushumira Mwari.

Kutanga Kudzidziswa Kushumira Mwari

Pakapera hondo muna 1945, ndakadzokera kuHelsinki, uye Amai vakatanga kuenda neni kumisangano yeZvapupu zvaJehovha. Pane dzimwe nguva ndaienda kunoona mabhaisikopu pane kuenda kumisangano. Asi Amai vainditaurira nezvehurukuro yavainge vanzwa kumisangano, uye nguva nenguva vagaira vachitaura pfungwa iyi kwandiri: Amagedhoni yave pedyo zvikuru. Ndakatanga kuva nechokwadi nazvo uye ndakarega zvokurovha misangano. Sezvo kuda kwangu chokwadi cheBhaibheri kwakawedzera, chido changu chokuitawo mamwe mabasa eungano chakawedzera.

Ndainyanya kunakidzwa nokupinda magungano edunhu neeruwa. Muna 1948, ndakapinda gungano reruwa rakaitirwa pedyo nomusha waambuya vangu, kwandainge ndiri pazororo romuzhizha. Imwewo shamwari yangu yaizobhabhatidzwa pagungano iroro, uye yakandikumbira kuti ndibhabhatidzwewo. Ndakaitaurira kuti ndakanga ndisina kuuya nembatya dzokupfeka ndichibhabhatidzwa, asi yakati kana iyo yabhabhatidzwa, ini ndaizoshandisa mbatya dzayo. Ndakabvuma uye ndakabhabhatidzwa musi waJune 27, 1948, ndiine makore 13.

Gungano rapera, dzimwe shamwari dzaamai vangu dzakavataurira kuti ndakanga ndabhabhatidzwa. Panguva yatakazoonana, vakanga vachida kuziva kuti nei ndakanga ndatora danho rakakura kudaro ndisina kuvataurira. Ndakavatsanangurira kuti ndakanga ndichinzwisisa chokwadi chinokosha cheBhaibheri uye kuti ndaiziva kuti ndaizozvidavirira kuna Jehovha nezvomufambiro wangu.

Kutsunga Kwangu Kunowedzera

Hama dzomuungano dzakandibatsira kuti ndisimbise kutsunga kwangu kushumira Jehovha. Dzaienda neni muushumiri hwepaimba neimba uye dzaindipa zvokuita pamisangano vhiki imwe neimwe. (Mabasa 20:20) Pandakanga ndava nemakore 16, ndakapa hurukuro yangu yavose yokutanga. Munguva pfupi pashure pacho, ndakagadzwa somutariri wechidzidzo cheBhaibheri muungano yedu. Mabasa ose iwayo okunamata akandibatsira kuti ndikure, asi ndakanga ndichiri kufanira kukurira kutya vanhu.

Mumazuva iwayo, taizivisa nezvehurukuro yavose yaizoitwa pagungano reruwa nezvikwangwani zvihombe. Zvikwangwani izvi zvairembera chimwe mberi chimwe shure zvakabatanidzwa nemabhandi aiiswa pamapfudzi. Pamusana paizvozvo, vamwe vanhu vaitipa zita rokuti vanhu vezvikwangwani.

Pane imwe nguva, ndakanga ndiri pakona yomumwe mugwagwa wakanyarara ndine zvikwangwani zvangu pandakaona boka revandaidzidza navo richiuya rakananga pandaiva chaipo. Sezvavakafamba vachipfuura, matarisire avakandiita akandityisa. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andipe ushingi ndokuramba ndakamira nezvikwangwani zvangu. Kukurira kutya vanhu panguva iyoyo kwakandigadzirira miedzo yakakura zvikuru yokusava nokwandakarerekera kwechiKristu.

Nokufamba kwenguva, hurumende yakarayira kuti ini nezvimwe Zvapupu zvechiduku tiende kuchiuto. Takaenda kunzvimbo yemauto sezvatakanga tarayirwa, asi tichiratidza ruremekedzo, takaramba kupfeka yunifomu. Vakuru vakuru vacho vakatiisa muchitokisi, uye munguva pfupi yakatevera, pane dare rakatitongera kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu. Takanziwo tigare mujeri kwemwedzi misere inova ndiyo nguva yatingadai takapedza tiri kuhondo. Saka takapedza mwedzi 14 yose pamwe chete tiri mujeri pamusana pokusava nokwatakarerekera.

Mujeri, taisangana zuva nezuva kuti tikurukure Bhaibheri. Mumwedzi iyoyo, vakawanda vedu takaverenga Bhaibheri rose kaviri. Mutongo wedu pawakapera, vakawanda vedu takabuda mujeri tatotsunga kushumira Jehovha kupfuura zvataimbova. Nanhasi, vakawanda veboka iroro revechiduku reZvapupu vanoshumira Jehovha nokutendeka.

Ndabva kujeri, ndakadzokera kunogara nevabereki vangu. Nokukurumidza pashure pacho, ndakazivana naVeera, Chapupu chakanga chichangobhabhatidzwa chaishingaira. Takaroorana muna 1957.

Manheru Akachinja Upenyu Hwedu

Mamwe manheru patakanga tashanyirwa nehama dzaitarisira dzakanga dzabva kuhofisi yebazi, mumwe wavo akatibvunza kana takanga tichida kuita basa redunhu. Pashure pokunyengetera usiku hwose, ndakafonera bazi ndikati hungu. Kunoita basa renguva yakazara kwakareva kusiya basa rangu raibhadhara kwazvo, asi takanga takatsunga kuisa Umambo pakutanga muupenyu hwedu. Ndaiva nemakore 23 uye Veera aine 19 patakatanga basa rokufambira muna December 1957. Kwemakore matatu takanakidzwa nokushanyira uye kukurudzira ungano dzevanhu vaJehovha muFinland.

Gore ra1960 rava kunopera, takagamuchira tsamba yaitikoka kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi muBrooklyn, kuNew York. Vatatu vedu taibva kuFinland taifanira kunopinda kosi yemwedzi gumi yokudzidziswa kutarisira bazi. Madzimai edu akasara achishanda pahofisi yebazi reFinland.

Nguva pfupi kosi isati yapera, ndakanzi ndiende kuhofisi yaNathan H. Knorr, uyo akanga achitarisira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Hama Knorr vakandikumbira ini nomudzimai wangu kunoita mamishinari kuMalagasy Republic, yava kuzivikanwa iye zvino seMadagascar. Ndakanyorera Veera, ndichimubvunza kuti aifungei nezvebasa iroro, uye akapindura nokukurumidza kuti, “Hungu.” Pandakadzokera kuFinland, takakurumidza kugadzirira kunogara kuMadagascar.

Mufaro uye Kuora Mwoyo

Muna January 1962 takaenda kuAntananarivo nendege, guta guru renyika yacho, takapfeka heti dzemvere uye majazi anodziya zvikuru, nokuti takanga tabva kuFinland iri nguva yechando. Takakurumidza kuchinja mapfekero edu nokuti muMadagascar munopisa. Musha wedu wokutanga wemamishinari waiva kaimba kadiki kaiva neimba yokurara imwe chete. Vamwe vaviri vakaroorana vaiva mamishinari vakanga variko nechekare, saka ini naVeera tairara pavharanda.

Takatanga kudzidza French, mutauro unonyanya kushandiswa muMadagascar. Izvi zvakanga zvakaoma nokuti isu tiri vaviri takanga tisingatauri mutauro mumwe chete nowemudzidzisi wedu, Hanzvadzi Carbonneau. Vaishandisa Chirungu pavaitidzidzisa French, asi Veera akanga asingagoni Chirungu. Saka ndaishandura mirayiridzo yaHanzvadzi Carbonneau ndichiisa muFinnish kuitira Veera. Takazoona kuti Veera ainzwisisa Swedish zviri nani, saka ndaitsanangura mataurirwo eFrench neSwedish. Munguva pfupi takatanga kufambira mberi zvakanaka muFrench uye takatanga kudzidza Malagasy, mutauro unonyanya kushandiswa ikoko.

Munhu wandakatanga kudzidzisa Bhaibheri muMadagascar aiva murume aitaura Malagasy bedzi. Ndaitarisa ndima dzeBhaibheri muBhaibheri rangu reFinnish, uye taizotsvaka ndima idzodzo muBhaibheri reMalagasy. Ndaigona kumutsanangurira zvishomanana magwaro, asi nokukurumidza chokwadi cheBhaibheri chakawedzera mumwoyo womurume iyeye, uye akafambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

Muna 1963, Milton Henschel akashanya kuMadagascar achibva kudzimbahwe reBrooklyn reZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza pashure pacho, hofisi itsva yebazi yakavhurwa muMadagascar, uye ndakanzi ndishande somutarisiri webazi racho, kuwedzera kubasa rangu somutariri wedunhu uye weruwa. Panguva yose iyi, Jehovha ainge achitikomborera zvikuru. Kubva muna 1962 kusvika muna 1970, nhamba yevaparidzi voUmambo muMadagascar yakawedzera kubva pa85 kusvika ku469.

Patakadzoka kubva kuushumiri rimwe zuva muna 1970, takawana pasuo redu paine tsamba yairayira kuti mamishinari eZvapupu zvaJehovha aifanira kuenda kuhofisi yegurukota rehurumende renzvimbo iyoyo. Tava ikoko gurukota riya rakatitaurira kuti hurumende yakanga yarayira kuti tibude munyika iyoyo nokukurumidza. Pandakabvunza mhosva yaiita kuti ndidzingwe, mukuru mukuru wacho akati: “Monsieur Kuokkanen, hapana chawakanganisa.”

“Tave tiri muno kwemakore ma- sere,” ndakadaro. “Kuno ndiko kumusha kwedu. Hazviiti kuti tingoenda pasina chikonzero.” Pasinei zvapo nezvatakaedza kuita, muvhiki imwe chete mamishinari ose aifanira kunge aenda. Bazi rakavharwa, uye chimwe Chapupu chinogara munzvimbo iyoyo chakatanga kutarisira basa racho. Tisati tasiya hama dzedu dzinodiwa dzomuMadagascar, takatambira tsamba yokuti tiende kunoshanda kumwe, kuUganda.

Kutangazve

Kwapera mazuva mashomanana tabva kuMadagascar, takasvika muKampala, guta guru romuUganda. Takatanga kudzidza mutauro weLuganda pakarepo, mutauro unonakidza unoita sokunge kuimba, asi wakaoma chaizvo kudzidza. Mamwe mamishinari akabatsira Veera kuti atange kudzidza Chirungu, uye taigona kuparidzira zvinobudirira neChirungu.

Mamiriro okunze omuKampala okuti kunenge kuchipisa uye kuine mhepo ine unyoro, akakanganisa utano hwaVeera. Saka takatambi- ra tsamba yokuti tinoshanda kuMbarara, taundi riri muUganda rine mamiriro okunze ari nani. Ndisu taiva Zvapupu zvokutanga ikoko, uye zu- va redu rokutanga muushumi- ri, takakomborerwa nezvaka- itika zvainakidza. Ndakanga ndichitaura nomumwe murume aiva mumba, mudzimai wake paakabuda muimba yokubikira. Ainzi Margaret, uye akanga akateerera mharidzo yangu. Veera akatanga kudzidza Bhaibheri naMargaret, uyo akafambira mberi zvakanaka mune zvokunamata. Akabhabhatidzwa uye akava muparidzi woUmambo anoshingaira.

Kurwisana Mumigwagwa

Muna 1971 hondo yavagari vomuUganda yakagumisa rugare rwedu. Rimwe zuva pakava nokurwisana pedyo nomusha wedu wemamishinari muMbarara. Panguva iyoyo ndipo pakaitika zvandambotsanangura kwokutanga kwenyaya ino.

Veera akanga atova pamusha wemamishinari pandakasvika ndambokambaira kwechinhambo mumugero, ndisingaonekwi nemasoja. Mune imwe kona yeimba yacho, takagadzira “pokuvanda” nemamatiresi nefenicha. Takaramba tiri mumba kwevhiki, tichiteerera nhau muredhiyo. Pane dzimwe nguva mabara airovera kumadziro sezvatainge takachonjomara munzvimbo yedu yataivanda. Usiku takanga tisingashandisi chiedza, tichiitira kuti zvisazivikanwa kuti takanga tiri mumba. Pane imwe nguva masoja akauya pamusuo akatanga kudaidzira. Hatina kana kumbopfakanyika, takanyengetera chinyararire kuna Jehovha. Kurwisana kwapera, vavakidzani vedu vakauya kuzotitenda pamusana pokuti vakanga vakachengeteka. Vaifunga kuti Jehovha akanga atichengetedza tose, uye takabvumirana navo.

Zvinhu zvakaramba zvakadzikama kusvikira mamwe mangwanani patakanzwa muredhiyo kuti hurumende yeUganda yakanga yarambidza basa reZvapupu zvaJehovha. Akapa chiziviso chacho akati Zvapupu zvaJehovha zvose zvaifanira kudzokera kune zvaichimbova zvitendero zvazvo. Ndakaenda nenyaya yedu ndichinyengerera vakuru vakuru vehurumende asi hazvina kubudirira. Ndakazoenda kuhofisi yaPurezidhendi Idi Amin ndikakumbira kumuona. Anogamuchira vaenzi akanditaurira kuti purezidhendi vakanga vaine zvokuita. Ndakadzokera kakawanda, asi handina kana kumboona purezidhendi wacho. Pakupedzisira, muna July 1973 taifanira kubuda muUganda.

Gore Rimwe Chete Rinova Makore Gumi

Takasuruvara sezvatakamboita patakadzingwa muMadagascar patakasiya hama dzedu dzomuUganda. Tisati taenda kubasa redu idzva kuSenegal, takaenda kuFinland. Ikoko takaudzwa kuti takanga tisingafaniri kuenda kuAfrica asi kuti tigare muFinland. Zvairatidzika sokuti takanga tisingazoshandizve semamishinari. MuFinland, takashanda semapiyona chaiwo, tikazoshandazve mubasa redunhu.

Pakazosvika 1990 kushorwa kwebasa redu muMadagascar kwakanga kwaderera, uye dzimbahwe reBrooklyn rakatishamisa nokutikumbira kuenda kunoshanda ikoko kwegore rimwe chete. Taida kuenda asi pakanga paine zvinhu zviviri zvainetsa. Baba vangu vakanga vakura vaida kutarisirwa, uye Veera airamba achinetseka noutano hwake. Kufa kwakaita baba vangu muna November 1990, kwakandisuruvarisa, asi utano hwaVeera hwakanga huri kuita nani hwakaita kuti tive netariro yokudzokera kubasa roumishinari. Takadzokera kuMadagascar muna September 1991.

Taifanira kushanda muMadagascar kwegore rimwe chete, asi akazosvika gumi. Panguva iyoyo, vaparidzi vakawedzera kubva pa4 000 kusvika ku11 600. Ndakanakidzwa zvikuru nokushanda somumishinari. Asi dzimwe nguva ndainzwa ndakaora mwoyo, ndichifunga kuti zvimwe ndakanga ndichiregeredza manzwiro omudzimai wangu mumuviri uye mupfungwa. Jehovha akatipa simba rokuti tirambe tichishanda. Pakupedzisira, muna 2001 takadzokera kuFinland, kwatave tichishanda pahofisi yebazi. Tichiri kushingairira Umambo zvikuru, uye tichiri kufunga nezvokuAfrica. Takatsunga kuita kuda kwaJehovha chero kwaanenge ati tiende kunoshanda.—Isaya 6:8.

[Mepu iri papeji 12]

(For fully formatted text, see publication)

FINLAND

EUROPE

[Mepu iri papeji 14]

(For fully formatted text, see publication)

AFRICA

MADAGASCAR

[Mepu iri papeji 15]

(For fully formatted text, see publication)

AFRICA

UGANDA

[Mufananidzo uri papeji 14]

Zuva ratakachata

[Mifananidzo iri papeji 14, 15]

Kubva kubasa redunhu muFinland, muna 1960 . . .

. . . kuenda kubasa roumishinari kuMadagascar, muna 1962

[Mufananidzo uri papeji 16]

Ndiina Veera nhasi