Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kodzero Yokuva Nezita

Kodzero Yokuva Nezita

Kodzero Yokuva Nezita

MUNHU wose ane kodzero yokuva nezita. MuTahiti, kunyange mwana achangobva kuberekwa anenge araswa, anababa naamai vasingazivikanwi anopiwa zita. Vehofisi yehurumende inonyoreswa vanhu vanotsvakira mwana akaraswa zita rake uye remhuri.

Asi pane munhu mumwe chete uyo mupfungwa yakati akanyimwa kodzero iyi inokosha, kodzero inopiwa anenge munhu ari wose. Zvinoshamisa kuti iye ndiye “Baba, avo mhuri dzose dziri kudenga nedziri panyika dzinowana mazita adzo kubva kwavari”! (VaEfeso 3:14, 15) Unoona, vanhu vakawanda vanoramba kushandisa zita roMusiki sezvariri muBhaibheri. Vanosarudza kuritsiva nemazita okuremekedza akadai sa“Mwari,” “Ishe,” kana kuti “Asingagumi.” Saka zita rake ndiani? Munyori wepisarema anopindura mubvunzo iwoyo achiti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—Pisarema 83:18.

Muhafu yokutanga yezana remakore rechi19 mamishinari eLondon Missionary Society paakasvika muTahiti, vanhu vokuPolynesia vainamata vanamwari vanoverengeka. Mumwe nomumwe aiva nezita rake pachake, vanamwari vacho vakuru vari Oro naTaaroa. Kuti asiyanise Mwari womuBhaibheri nevamwe, mamishinari iwayo haana kuzengurira kushandisa zvakanyanya zita raMwari, rinoshandurwa kuti Iehova muchiTahiti.

Zita iroro rakasvika pakunyatsozivikanwa uye kushandiswa kwazvo mukukurukurirana kwezuva nezuva uye pakunyora tsamba. Mambo Pomare II weTahiti, akatonga pakutanga kwezana remakore rechi19, aiwanzorishandisa paainyora tsamba dzake. Uchapupu hwaizvozvo huri mutsamba yakaratidzwa pano. Iyo yakanyorwa neChirungu uye yakaiswa pachena muMuseum of Tahiti neZvitsuwa Zvayo. Tsamba iyi inopupurira kuti vanhu panguva iyoyo vaigamuchira zita raMwari pasina kana dambudziko. Uyezve, zita raMwari pachake rinooneka kane zviuru muBhaibheri rokutanga rechiTahiti, rakapera kushandurwa muna 1835.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Mambo Pomare II

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Mambo uye tsamba: Collection du Musée de Tahiti et de ses Îles, Punaauia, Tahiti