Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maoko Enyu Ngaasimbe

Maoko Enyu Ngaasimbe

Maoko Enyu Ngaasimbe

“Maoko enyu ngaasimbe, imi muri kunzwa mashoko aya ari kutaurwa nemiromo yevaprofita mumazuva ano.”—ZEKARIYA 8:9.

1, 2. Nei tichifanira kufunga nezvemabhuku aHagai naZekariya?

UPROFITA hwaHagai naZekariya hwakanyorwa makore anenge 2 500 akapfuura, asi zvechokwadi hune zvahunoreva muupenyu hwedu. Nhoroondo dzeBhaibheri dziri mumabhuku aya maviri hadzisi zvinhu zvakaitika kare chete. Idzo ndezvimwe zve“zvinhu zvose zvakanyorwa kare . . . kuti tirayiridzwe.” (VaRoma 15:4) Zvakawanda zvatinoverenga mumabhuku acho zvinoita kuti tifunge nezvemamiriro chaiwo ave akaita zvinhu kubvira pakagadzwa Umambo kudenga muna 1914.

2 Achitaura nezvezviitiko uye mamiriro ezvinhu zvakaitika kuvanhu vaMwari kare kare, muapostora Pauro akati: “Zvino zvinhu izvi zvakavawira semienzaniso, uye zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (1 VaKorinde 10:11) Naizvozvo ungashamisika kuti, ‘Mabhuku aHagai naZekariya anokosha zvakadini muzuva redu?’

3. Hagai naZekariya vanonyanya kutaura nezvechii?

3 Sezvakataurwa nenyaya yakapfuura, uprofita hwaHagai naZekariya hwaiva nechokuita nenguva apo vaJudha vakadzokera kunyika yavo yavakanga vapiwa naMwari pashure pokunge vasunungurwa kwavakanga vatapwa kuBhabhironi. Vaprofita vacho vaviri vakanyanya kutaura nezvokuvakwazve kwetemberi. VaJudha vakavaka nheyo yetemberi muna 536 B.C.E. Kunyange zvazvo vaJudha vakanga vakwegura vaifunga nezvenguva yakanga yapfuura, vakawanda vakanga “vachishevedzera kwazvo vachifara.” Zvisinei, chaizvoizvo chimwe chinhu chinokosha zvikuru chakaitika munguva yedu. Sei?—Ezra 3:3-13.

4. Chii chakaitika Hondo Yenyika I ichangobva kupera?

4 Hondo Yenyika I ichangobva kupera, vakazodzwa vaJehovha vakasunungurwa mukutapwa neBhabhironi Guru. Izvozvo zvakamiririra kuratidzwa kukuru kwokutsigira kwaJehovha. Pakutanga-tanga zvaiita sokuti vatungamiriri vezvitendero neshamwari dzavo dzezvematongerwo enyika vakanga vamisa basa rokuparidza pachena uye rokudzidzisa reVadzidzi veBhaibheri. (Ezra 4:8, 13, 21-24) Zvisinei, Jehovha Mwari akabvisa zvipingamupinyi zvaivhiringidza basa rokuparidza uye kuita kuti vamwe vanhu vave vadzidzi. Kwemakumi emakore kubva muna 1919, basa roUmambo rave richiwedzera uye hapana chave chichikwanisa kumisa kufambira mberi kwaro.

5, 6. Zekariya 4:7 inotaura nezvechinhu chipi chikuru chichaitika?

5 Tinogona kuva nechokwadi chokuti kuparidza uye kudzidzisa kunoitwa nevashumiri vaJehovha vanoteerera munguva yedu kuchaenderera mberi iye achikutsigira. Pana Zekariya 4:7, tinoverenga kuti: “Iye achabudisa dombo repamusoro. Vachashevedzera kwariri kuti: ‘Unofadza kwazvo! Unofadza kwazvo!’” Izvi zvinotaura nezvechinhu chikuru chipi chichaitika munguva yedu?

6 Zekariya 4:7 iri kutaura nezvenguva apo kunamata Changamire Ishe zvechokwadi kuchaitwa kuti kuve kwakakwana muzvivanze zvepasi pano zvetemberi yake yomudzimu. Temberi iyoyo urongwa hwaJehovha hwokutaura naye pakunamata tichishandisa chibayiro chokuyananisa chaKristu Jesu. Ichokwadi kuti temberi huru yomudzimu yave iripo kubvira muzana remakore rokutanga C.E. Asi, kunamata kwechokwadi muzvivanze zvayo pasi pano kuchaitwa kwakakwana munguva yemberi. Mamiriyoni evanamati iye zvino vari kushumira muchivanze chepasi pano chetemberi yomudzimu. Ivava nevamwe vazhinjizhinji vachamutswa vachaitwa vakakwana muKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu. Panopera makore ane chiuru, vanamati vechokwadi vaMwari chete ndivo vachasara panyika yakacheneswa.

7. Jesu ane basa ripi pakuita kuti kunamata kwechokwadi kuve kwakakwana muzuva redu, uye nei izvozvo zvichifanira kutikurudzira?

7 Gavhuna Zerubhabheri noMupristi Mukuru Joshua vaivapo kuti vaone temberi ichipera muna 515 B.C.E. Zekariya 6:12, 13 yakafanotaura basa rakafanana raJesu pakuita kuti kunamata kwechokwadi kuve kwakakwana, ichiti: “Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Heuno murume anonzi Nhungirwa. Achatungira ari panzvimbo yake, uye achavaka temberi yaJehovha. Uye . . . iye achakudzwa; uye achagara pasi, otonga ari pachigaro chake choumambo, achava mupristi ari pachigaro chake choumambo.’” Tichifunga nezvokuti Jesu, uyo ari kudenga uye anoita kuti dzinza raDhavhidhi remadzimambo ritungire, ari kutsigira basa roUmambo patemberi yomudzimu, unofunga here kuti chero munhu upi zvake angapinganidza kufambira mberi kwaro? Kana! Izvi hazvifaniri here kutikurudzira kuramba tichiita ushumiri hwedu, tisingatsauswi nezvinhu zvinotinetsa zvezuva nezuva?

Zvinonyanya Kukosha

8. Nei tichifanira kuisa basa repatemberi yomudzimu munzvimbo yokutanga muupenyu hwedu?

8 Kuti Jehovha atitsigire uye kuti atikomborere, tinofanira kuita kuti basa repatemberi yomudzimu rirambe riri munzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. Kusiyana nevaJudha vakati, “Nguva haisati yasvika,” tinofanira kuyeuka kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” (Hagai 1:2; 2 Timoti 3:1) Jesu akafanotaura kuti vateveri vake vakavimbika vaizoparidza mashoko akanaka oUmambo voita kuti vamwe vanhu vave vadzidzi. Tinofanira kuchenjerera kusaregeredza ropafadzo yedu yebasa. Basa rokuparidza nokudzidzisa rakambomiswa kwenguva pfupi nokushora kwenyika rakazotanga muna 1919, asi harisati rapera. Zvisinei, unogona kuva nechokwadi chokuti zvechokwadi richapedzwa!

9, 10. Kuti munhu akomborerwe naJehovha anofanira kuitei, uye izvi zvinorevei kwatiri?

9 Kana tikaramba tichishanda nomwoyo wose sezvatinogona, tichakomborerwa—seboka uye somunhu mumwe nomumwe. Ona chipikirwa chaJehovha chinogona kuita kuti tive nechivimbo. VaJudha pavakangotangazve kunamata nomweya wose, vakatangazve basa ravo rokuvaka nheyo yetemberi nomwoyo wose, Jehovha akati: “Kubvira nhasi ndichakukomborerai.” (Hagai 2:19) Iye aizovanzwirazve nyasha zvizere. Zvino funga nezvezvikomborero zviri muchipikirwa chaMwari chokuti: “Nokuti pachava nembeu yorugare; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabudisa zvibereko zvayo, matenga achapa dova rawo; uye ndichaita kuti vachasara vevanhu ava vagare nhaka zvinhu zvose izvi.”—Zekariya 8:9-13.

10 Jehovha zvaakakomborera vaJudha ivavo pakunamata uye nezvinhu zvokunyama, saizvozvowo achatikomborera sezvatinoshingaira kuita basa raakatipa nomwoyo unofara. Zvikomborero izvi zvinosanganisira kuva norugare pakati pedu, kuchengeteka, kubudirira, uye kukura pakunamata. Asi, munogona kuva nechokwadi chokuti, kuti tirambe tichikomborerwa naMwari, tinofanira kuita basa repatemberi yomudzimu nenzira iyo Jehovha anoda kuti riitwe.

11. Tingazviongorora sei?

11 Iye zvino ndiyo nguva yokuti ‘mwoyo yedu ifunge nezvenzira dzedu.’ (Hagai 1:5, 7) Tinofanira kuwana nguva yokuongorora zvatinonyanya kukoshesa muupenyu. Kukomborerwa kwatinoitwa naJehovha mazuva ano kunobva pakuti tiri kukudza zita rake uye tiri kuramba tichiita basa redu patemberi yake yomudzimu zvakadini. Ungazvibvunza kuti: ‘Zvandinonyanya kukoshesa zvachinja here? Kushingairira kwangu Jehovha, chokwadi chake, uye basa rake kwakaita sei kana kuchienzaniswa nokushingaira kwandaiita pandakabhabhatidzwa? Kufarira upenyu hwomutambarakede kuri kukanganisa kufunga kwandinoita nezvaJehovha uye Umambo hwake here? Kutya munhu—kunetseka nokuti vamwe vachafungei—kuri kundidzorera shure nenzira yakati here?’—Zvakazarurwa 2:2-4.

12. Zvii zvakanga zvava kuitwa nevaJudha zvinotaurwa pana Hagai 1:6, 9?

12 Hatidi kuti Mwari atinyime zvikomborero zvake zvakawanda nokuti tinoregeredza basa rokukudza zita rake. Yeuka kuti pashure pokutanga zvakanaka, vaJudha vakanga vadzokera kunyika yavo vakanga vava ku“mhanya-mhanya, mumwe nomumwe nokuda kweimba yake,” sezvinotaurwa naHagai 1:9. Vakabatikana nezvinhu zvavo zvavaida zvezuva nezuva uye nemararamiro avaiita. Somugumisiro, ‘vakakohwa zvishoma,’ zvokudya zvakanaka, zvokunwa, uye zvipfeko zvinodziya zvakava zvishoma. (Hagai 1:6) Jehovha akavanyima chikomborero chake. Pane chatingadzidza here?

13, 14. Tingashandisa sei chidzidzo chatinowana pana Hagai 1:6, 9, uye nei izvi zvichikosha?

13 Haubvumi here kuti, kuti tirambe tichiwana zvikomborero zvaMwari, tinofanira kurwisa kuzvitsvakira zvinhu tichiregeredza kunamata Jehovha? Tinofanira kudaro, pasinei nokuti zvatiri kuita kana kuti zvatiri kufarira izvo zviri kutitsausa zvingava kumhanyisana nepfuma, zvirongwa zvokukurumidza kupfuma, zvirongwa zvokutsunga kuwana dzidzo yepamusoro yokuti tive nebasa ratinoda mumamiriro ezvinhu aripo iye zvino, kana kuti makosi okubatsira kuti tiwane zvatinoda.

14 Zvinhu zvakadaro zvingasava zvivi pachazvo. Zvisinei, hauoni here kuti kana tichitaura nezvoupenyu husingaperi, zvechokwadi iwayo “mabasa akafa”? (VaHebheru 9:14) Mupfungwa ipi? Pakunamata, iwo akafa, haabatsiri, uye haana zvibereko. Kana munhu akaramba achiaita, mabasa akadaro angaita kuti munhu afe pakunamata. Zvakaitika kune vamwe vaKristu vakazodzwa muzuva revaapostora. (VaFiripi 3:17-19) Zvakaitika kune vamwe munguva yedu. Ungave uchiziva vamwe vakatsauswa zvishoma nezvishoma pamabasa echiKristu uye muungano; iye zvino havamboratidzi kuda kudzoka kubasa raJehovha. Tinotarisira kuti vanhu vakadaro vachadzoka kuna Jehovha, asi chokwadi ndechokuti kumhanyisana ne“mabasa akafa” kunogona kuita kuti munhu asafarirwa uye asakomborerwa naJehovha. Unogona kuona kuti ichocho chingava chinhu chinosuruvarisa zvikuru. Zvingareva kurasikirwa nomufaro uye rugare zvinoitwa kuti zvivepo nomudzimu waMwari. Uye fungidzira kuti kungava kurasikirwa kwakadini kusava noukama hwechiKristu hunofadza!—VaGaratiya 1:6; 5:7, 13, 22-24.

15. Hagai 2:14 inoratidza sei kuti kunamata kwedu kunokosha?

15 Iyi inyaya inokosha zvikuru. Ona pana Hagai 2:14 maonero aiita Jehovha vaJudha vakaregeredza imba yake yokunamatira vachitoroverera zvavo dzimba dzavo mapuranga, kuroverera chaiko kana kuti kwokufananidzira. “‘Ndizvo zvakaita vanhu ava, uye ndizvo zvakaita rudzi urwu pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndizvo zvakaita basa rose remaoko avo, nezvose zvavanopa ikoko. Hazvina kuchena.’” Chero zvipo zvipi zvazvo zvaipiwa nevaJudha vaiva nemwoyo miviri paatari yenguva pfupi yaiva muJerusarema zvakanga zvisingagamuchiriki chero bedzi vairegeredza kunamata kwechokwadi.—Ezra 3:3.

Anovimbisa Kuvatsigira

16. Nemhaka yezviratidzo zvakanga zvaratidzwa Zekariya, vaJudha vaigona kuva nechokwadi chechii?

16 VaJudha vaiteerera vakashanda pakuvakazve temberi yaMwari vakavimbiswa kuti Mwari aizovatsigira, sezvakaratidzwa naMwari muzviratidzo zvisere zvakanga zvakatevedzana zvakaratidzwa Zekariya. Chokutanga chaivimbisa kupedzwa kwetemberi uye kubudirira kweJerusarema neJudha chero bedzi vaJudha vaizoita basa raivapo vachiteerera. (Zekariya 1:8-17) Chiratidzo chechipiri chakavimbisa kuguma kwehurumende dzose dzaishora kunamata kwechokwadi. (Zekariya 1:18-21) Zvimwe zviratidzo zvakavimbisa kudzivirira kwaizoita Mwari basa rokuvaka, kudirana kwevanhu vemarudzi akawanda vachienda kuimba yaJehovha yokunamatira yakanga yapera kuvakwa, rugare rwechokwadi nokuchengeteka, kubviswa kwezvipingamupinyi zvaiita sezvisingakundiki pabasa ravakanga vapiwa naMwari, kubviswa kwouipi, uye kutarisira nokudzivirira kwengirozi. (Zekariya 2:5, 11; 3:10; 4:7; 5:6-11; 6:1-8) Vavimbiswa naMwari seizvi, unogona kunzwisisa chikonzero nei vanhu vaiteerera vakagadzirisa mararamiro avo ndokuisa pfungwa dzavo pabasa iro Mwari akavasunungura kuti vaite.

17. Tichifunga nezvevimbiso yatinayo, tinofanira kuzvibvunza kuti chii?

17 Saizvozvowo, vimbiso yatinayo yokuti zvechokwadi kunamata kwechokwadi kuchakunda inofanira kuita kuti tinzwe manyukunyuku okuita basa uye kutikurudzira kufunga zvakadzama nezveimba yaJehovha yokunamatira. Zvibvunze kuti: ‘Kana ndichidavira kuti iye zvino ndiyo nguva yokuita basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kuita kuti vamwe vave vadzidzi, zvandinovavarira uye mararamiro angu zvinoenderana here nezvandinodavira? Ndiri kushandisa nguva yakakodzera kudzidza Shoko raMwari rouprofita here, ndichiita kuti rive chinhu chandinonyanya kukoshesa, uye kukurukura nezvaro nevamwe vaKristu pamwe chete nevamwe vanhu vandinosangana navo?’

18. Chii chiri mberi, maererano naZekariya chitsauko 14?

18 Zekariya akataura nezvokuparara kweBhabhironi Guru kunoteverwa nehondo yeAmagedhoni. Tinoverenga kuti: “Richava zuva rimwe chete rinozivikanwa seraJehovha. Hakuzovi nemasikati, uye hakuzoviwo nousiku; uye panguva yemanheru kuchava nechiedza.” Hungu, zuva raJehovha zvechokwadi richange rakasviba, zuva rerima kuvavengi vake pasi pano! Asi richareva chiedza chinoramba chiripo uye nyasha kuvanamati vaJehovha vakatendeka. Zekariya akarondedzerawo kuzivisa kuchaita zvinhu zvose utsvene hwaJehovha munyika itsva. Kunamata kwechokwadi kunoitwa patemberi yaMwari huru yomudzimu kuchange kuri kunamata kumwe chete kunenge kuchiitwa panyika. (Zekariya 14:7, 16-19) Iyoyo ivimbiso inoshamisa zvikuru! Zvakafanotaurwa zvichazadzika patiri uye tichaona kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha. Chokwadi zuva iroro raJehovha richange rakasiyana nemamwe ose!

Zvikomborero Zvechigarire

19, 20. Nei Zekariya 14:8, 9 ichikurudzira?

19 Pashure pokurevererwa kwouchangamire ikoko kunoshamisa, Satani nemadhimoni ake vachavharirwa mugomba rakadzikadzika rokusaita basa. (Zvakazarurwa 20:1-3, 7) Zvadaro, zvikomborero zvichadururwa munguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Zekariya 14:8, 9 inoti: “Pazuva iroro mvura mhenyu ichabuda muJerusarema, hafu yayo ichienda kugungwa rokumabvazuva uye hafu yayo kugungwa rokumavirira. Zvichaitika muzhizha nomuchando. Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro Jehovha achava mumwe chete, uye zita rake richava rimwe chete.”

20 “Mvura mhenyu,” kana kuti “rwizi rwemvura youpenyu,” inoratidza urongwa hwaJehovha hwoupenyu, icharamba ichiyerera ichibva kuchigaro choUmambo hwaMesiya. (Zvakazarurwa 22:1, 2) Boka guru revanamati vaJehovha, rinenge rapona paAmagedhoni, richabatsirwa nokusunungurwa pakutongerwa rufu rwakabva kuna Adhamu. Kunyange vaya vakafa kare vachabatsirwa norumuko. Ikoko kuchava kutanga kwechikamu chitsva chenguva yokutonga kwaJehovha nyika yose. Vanhu munyika yose vachabvuma kuti Jehovha ndiye Changamire Wezvinhu Zvose Zvakasikwa, mumwe chete anofanira kunamatwa.

21. Tinofanira kutsunga kuitei?

21 Tichifunga zvose zvakafanotaurwa naHagai naZekariya uye zvose zvakazadzika, tine chikonzero chakanaka chokuramba tichiita basa ratakapiwa naMwari kuti tiite muzvivanze zvetemberi yake yomudzimu pasi pano. Kusvikira kunamata kwechokwadi kwaitwa kuti kukwane, tose zvedu ngativavarirei kuramba tichiisa zvinhu zvine chokuita noUmambo munzvimbo yokutanga. Zekariya 8:9 inotikurudzira kuti: “Maoko enyu ngaasimbe, imi muri kunzwa mashoko aya ari kutaurwa nemiromo yevaprofita mumazuva ano.”

Unoyeuka Here?

• Ndezvipi zvakaitika kare zvine zvazvakafanana nazvo iye zvino zvinoita kuti mabhuku aHagai naZekariya akoshe nhasi?

• Mabhuku aHagai naZekariya anotipa chidzidzo chipi pamusoro pezvinofanira kunyanyokosheswa?

• Nei kudzidza mabhuku aHagai naZekariya kuchitipa chikonzero chokuva nechivimbo pamusoro peramangwana?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Hagai naZekariya vakakurudzira vaJudha kuti vashande nomweya wose kuti vawane chikomborero

[Mifananidzo iri papeji 27]

Uri ‘kumhanya-mhanya nokuda kweimba yako here’?

[Mufananidzo uri papeji 28]

Jehovha akapikira chikomborero, uye akachipa