Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kana munhu achinetswa nemadhimoni, angaitei kuti asanetswa?

Shoko raMwari rinoratidza kuti vaya vanorwiswa nemadhimoni vanogona kusununguka pakunetswa kwakadaro. Munyengetero unokosha zvikuru pakusunungurwa kwakadaro. (Mako 9:25-29) Asi mumwe munhu ari kunetswa nemadhimoni angafanira kutora mamwe matanho. Zviitiko zvaiva nechokuita nevaKristu vomuzana remakore rokutanga zvinoratidza zvimwe zvingafanira kuitwa.

Vasati vava vateveri vaKristu, vamwe vanhu muEfeso yekare vaiita zvechidhimoni. Zvisinei, pashure pokunge vatsunga kushumira Mwari, “vaya vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vose.” (Mabasa 19:19) Pavakaparadza mabhuku avo ezvokushopera, vatendi vatsva ivavo vaiva muEfeso vakaratidza muenzaniso kuna ani zvake anoda kuzvisunungura pakurwiswa nemadhimoni mazuva ano. Vanhu vakadaro vanotofanira kurasa zvinhu zvose zvine chokuita nemidzimu. Izvi zvinosanganisira mabhuku, magazini, mafirimu, mashoko anotorwa mukombiyuta, mimhanzi inotaura nezvemidzimu, uyewo matumwa kana kuti zvimwe zvinhu zvinopfekerwa “kuzvidzivirira” kana kuti zvine chokuita nezvemidzimu.—Dheuteronomio 7:25, 26; 1 VaKorinde 10:21.

Makore mashomanana pashure pokunge vaKristu ivavo vaiva muEfeso vaparadza mabhuku avo ezvemashiripiti, muapostora Pauro akanyora kuti: ‘Tinorwa nemasimba emidzimu yakaipa.’ (VaEfeso 6:12) Pauro akakurudzira vaKristu kuti: “Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11) Zano iroro richiri kushanda. VaKristu vanofanira kutora matanho okusimbisa kunamata kwavo kuti vazvidzivirire pakurwisa kwemidzimu yakaipa. Pauro akasimbisa kuti, “Kupfuura zvinhu zvose, torai nhoo huru yokutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa.” (VaEfeso 6:16) Munhu anosimbisa kutenda kwake nokudzidza Bhaibheri. (VaRoma 10:17; VaKorose 2:6, 7) Saka, kugara tichidzidza Bhaibheri kunotibatsira kuti tive nokutenda kuchatidzivirira pakunetswa nemidzimu yakaipa.—Pisarema 91:4; 1 Johani 5:5.

VaKristu ivavo vaiva muEfeso vaifanira kutorazve rimwe danho rinokosha. Pauro akavaudza kuti: “Muchiramba muchinyengetera mumudzimu nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera.” (VaEfeso 6:18) Chokwadi, mazuva ano, zvinokosha chaizvo kuti vaya vanoda kusunungurwa pakurwiswa nemadhimoni vanyengetere nomwoyo wose kuti vadzivirirwe naJehovha. (Zvirevo 18:10; Mateu 6:13; 1 Johani 5:18, 19) Bhaibheri rinotaura zvakakodzera kuti: “Naizvozvo, zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—Jakobho 4:7.

Kunyange zvazvo uya ari kurwiswa nemadhimoni achifanira kunyengetera nomwoyo wose kuti asarwiswa, vamwe vaKristu vechokwadi vanganyengetererawo munhu akadaro anonyatsoda kushumira Jehovha uye ari kuedza nomwoyo wose kurwisa masimba akaipa. Vangakumbira Mwari kuti munhu ari kutambudzwa nemadhimoni awane simba pakunamata kuti arwise paanodenhwa nemadhimoni. Shoko raMwari zvarinotaura kuti “kuteterera kwomunhu akarurama, kune simba guru pakushanda kwakunoita,” minyengetero inotaurwa nevashumiri vaMwari zvechokwadi ichabatsira vari kutambura vari kuita zvose zvavanokwanisa kuti ‘varwisane naDhiyabhorosi.’—Jakobho 5:16.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vatendi vaiva muEfeso vakaparadza mabhuku avo ezvemashiripiti