Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndinemi”

“Ndinemi”

“Ndinemi”

“Nhume yaJehovha [y]akati: . . . ‘“Ndinemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.’”—HAGAI 1:13.

1. Jesu akataura nezvezvinhu zvipi zvakaitika kare zvaiva uprofita hwezvaizoitika muzuva redu?

TIRI kurarama panguva inokosha zvikuru munhoroondo yezvinoitika. Sezvinoratidzwa nokuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, kubvira muna 1914 tave tiri mu“zuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10) Ungave wakadzidza nezvenyaya iyi, zvokuti unoziva kuti Jesu akafananidza “mazuva oMwanakomana womunhu” paanenge aine simba roUmambo ne“mazuva aNoa” uye “mazuva aRoti.” (Ruka 17:26, 28) Saka Bhaibheri rinoratidza kuti zvakaitika kare ikako hwaiva uprofita hwezvaizoitika munguva yedu. Asi, pane zvimwe zvakafanana zvatinofanira kunyatsofunga nezvazvo.

2. Jehovha akapa Hagai naZekariya basa rei?

2 Ngatikurukurei mamiriro akanga akaita zvinhu kare mumazuva evaprofita vechiHebheru Hagai naZekariya. Vaprofita vaviri ivavo vakanga vakatendeka vakataura mashoko api anoshanda zvakajeka kuvanhu vaJehovha munguva yedu? Hagai naZekariya vaiva ‘nhume dzaJehovha’ kuvaJudha pashure pokunge vadzoka vachibva kwavakanga vatapwa kuBhabhironi. Vakapiwa basa rokuvimbisa vaIsraeri kuti Mwari aizovatsigira pakuvakazve temberi. (Hagai 1:13; Zekariya 4:8, 9) Kunyange zvazvo mabhuku akanyorwa naHagai naZekariya ari mapfupi, iwo chikamu cho“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.”—2 Timoti 3:16.

Tinofanira Kuteerera Uprofita Hwacho

3, 4. Nei tichifanira kufarira mashoko aHagai naZekariya?

3 Chokwadi, mashoko aHagai naZekariya aibatsira vaJudha vomuzuva ravo, uye zvavakaprofita zvakazadzika kare ikako. Zvisinei, nei tingava nechokwadi chokuti tinofanira kuteerera zvinotaurwa mumabhuku aya maviri mazuva ano? Tinowana chinhu chinoratidza izvozvo pana VaHebheru 12:26-29. Ipapo, muapostora Pauro anotora mashoko aHagai 2:6, anotaura nezvoku“zunungusa matenga nenyika” kwaMwari. Kuzunungusa kwacho kwaizopedzisira kwa‘paradza chigaro choumambo, ndokutsakatisa simba roumambo hwemarudzi.’—Hagai 2:22.

4 Ataura mashoko aHagai, Pauro anotaura zvichaitika ku“umambo hwemarudzi” uye anotaura nezvoukuru hwoUmambo husingazununguki huchawanikwa nevaKristu vakazodzwa. (VaHebheru 12:28) Unogona kuona kubva pamashoko aPauro kuti uprofita hwaHagai naZekariya hunotaura nezvenguva yaiva mberi pakanyorwa bhuku raVaHebheru muzana remakore rokutanga reNguva yedu Yavose. Mazuva ano panyika pachine vakasara vevaKristu vakazodzwa, vanogara nhaka Umambo hwaMesiya pamwe chete naJesu. Saka, mabhuku aHagai naZekariya anofanira kuva nezvaanoreva nokuda kwenguva yedu.

5, 6. Ndezvipi zvakaitika Hagai naZekariya vasati vatanga basa ravo?

5 Bhuku raEzra rinotaura mamwe mashoko ezvakaitika mabhuku iwayo asati anyorwa. Pashure pokunge vaJudha vadzoka vachibva kwavakanga vatapwa kuBhabhironi muna 537 B.C.E., Gavhuna Zerubhabheri noMupristi Mukuru Joshua (kana kuti Jeshua) vakatarisira kuvakwa kwenheyo yetemberi itsva muna 536 B.C.E. (Ezra 3:8-13; 5:1) Kunyange zvazvo izvozvo zvakaita kuti vaJudha vafare zvikuru, pasina nguva, vakatanga kutya. Vavengi, “vanhu vomunyika yacho,” inodaro Ezra 4:4, “vakaramba vachinetesa maoko evanhu vaJudha uye vachivaodza mwoyo pakuvaka.” Vavengi vakadaro, kunyanya vaSamariya, vakapomera vaJudha zvenhema. Vashori ava vakaita kuti mambo wePezhiya arambidze basa rokuvaka temberi.—Ezra 4:10-21.

6 Chido chepakutanga chokuvaka temberi chakadzikira. VaJudha vakatanga kuisa pfungwa pazvinhu zvavo pachavo. Zvisinei, muna 520 B.C.E., makore 16 pashure pokunge nheyo yetemberi yavakwa, Jehovha akapa Hagai naZekariya basa rokukurudzira vanhu kuti vatangezve basa rokuvaka temberi. (Hagai 1:1; Zekariya 1:1) Vasimbiswa nenhume dzaMwari uye vanyatsoona uchapupu hwokutsigira kwaiita Jehovha, vaJudha vakatangazve basa rokuvaka temberi uye yakapera muna 515 B.C.E.—Ezra 6:14, 15.

7. Mamiriro akanga akaita zvinhu muzuva revaprofita vacho akafanana sei nenguva yazvino?

7 Unoziva here zvinorehwa neizvi zvose kwatiri? Tine basa ratinofanira kuita rine chokuita nokuparidza “mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Basa iroro rakanyanya kusimbiswa pashure peHondo Yenyika I. VaJudha vekare zvavakasunungurwa kwavakanga vakatapwa kuBhabhironi, saizvozvowo vanhu vaJehovha vemazuva ano vakasunungurwa pakutapwa neBhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. Vakazodzwa vaMwari vakashanda nesimba pabasa rokuparidza, kudzidzisa, uye kubatsira vanhu kuti vanamate zvechokwadi. Basa iroro riri kupfuurira mazuva ano zvakanyanya, uye ungave uchiriitawo. Iye zvino ndiyo nguva yokuti riitwe, nokuti kuguma kwemamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino kwava pedyo! Iri basa ratakapiwa naMwari rinofanira kuramba richiitwa kusvikira Jehovha apindira pazvinhu zvevanhu pa“kutambudzika kukuru.” (Mateu 24:21) Izvozvo zvichabvisa uipi zvobvumira kunamata kwechokwadi kupararira kwose kwose panyika.

8. Nei tingava nechivimbo chokuti Mwari achatsigira basa redu?

8 Sezvinoratidzwa nouprofita hwaHagai naZekariya, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anotitsigira uye anotikomborera sezvatinoita basa iri nomwoyo wose. Pasinei nezvingaedza kuitwa nevamwe kudzvinyirira vashumiri vaMwari kana kuti kurambidza basa ravakapiwa, hapana hurumende yave ichikwanisa kumisa kufambira mberi kwebasa rokuparidza. Funga nezvokukomborera kwakaita Jehovha basa roUmambo kuti riwedzere mumakumi emakore pashure peHondo Yenyika I uye kusvikira munguva yedu chaiyo. Zvisinei, pachine zvakawanda zvokuita.

9. Mamiriro api ezvinhu ekare atinofanira kufunga nezvawo, uye nei?

9 Zvatinodzidza muna Hagai naZekariya zvingatikurudzira sei zvakatonyanya kuteerera murayiro waMwari wokuparidza nokudzidzisa? Ngationei zvimwe zvidzidzo zvatingawana mumabhuku eBhaibheri maviri aya. Somuenzaniso, funga zvinhu zvishomanana zvakadzama zvine chokuita nebasa rokuvaka temberi raifanira kuitwa nevaJudha vakanga vadzoserwa kunyika yavo. Sezvataurwa, vaJudha vakadzokera kuJerusarema vachibva kuBhabhironi havana kupfuurira nebasa ravo rokuvaka temberi. Pashure pokuvaka nheyo, vakaregeredza. Maonero api asiriwo avakanga vava nawo? Uye tingadzidzei pane izvozvo?

Kuva Nemaonero Akarurama

10. VaJudha vakava nemafungiro api asina kururama, uye zvakaguma nei?

10 VaJudha vakadzokera kuJerusarema vaiti: “Nguva haisati yasvika.” (Hagai 1:2) Pavakatanga basa rokuvaka temberi, kuvaka nheyo muna 536 B.C.E., vakanga vasingati “nguva haisati yasvika.” Asi munguva pfupi vakabvumira kushorwa nevavakidzani uye kupindira kwehurumende kuti kuvakanganise. VaJudha vakatanga kunyanya kukoshesa dzimba dzavo uye zvakanga zvakavanakira. Achiona kusiyana kwakanga kwakaita dzimba dzavo dzakanga dzakarovererwa mapuranga akanaka kwazvo netemberi yakanga isina kupera, Jehovha akabvunza kuti: “Inguva yokuti mugare mudzimba dzenyu dzakarovererwa mapuranga, imba iyi iri dongo here?”—Hagai 1:4.

11. Nei Jehovha aifanira kupa zano vaJudha vomunguva yaHagai?

11 Chokwadi, zvainyanya kukosheswa nevaJudha zvakanga zvachinja. Panzvimbo pokuisa chinangwa chaJehovha chokuvaka temberi munzvimbo yokutanga, vanhu vaMwari vakazvikoshesa ivo nedzimba dzavo. Basa rokuvaka imba yaMwari yokunamatira rakaregeredzwa. Shoko raJehovha rakanyorwa pana Hagai 1:5 rakakurudzira vaJudha kuti ‘moyo yavo ifunge nezvenzira dzavo.’ Jehovha akanga achivaudza kuti vamire, vofungisisa zvavakanga vachiita uye vafunge kuti kusaita kuti basa rokuvaka temberi rirambe riri munzvimbo yokutanga muupenyu hwavo kwaivakanganisa sei.

12, 13. Hagai 1:6 inorondedzera sei mamiriro ezvinhu evaJudha, uye ndima iyoyo inorevei?

12 Sezvaungafungidzira, kunyanya kukoshesa kwevaJudha zvinhu zvakanga zvisingakoshi kwakakanganisa mumwe nomumwe wavo. Ona maonero aMwari anotaurwa pana Hagai 1:6, okuti: “Makadyara mbeu zhinji, asi muri kukohwa zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamudhakwi. Munopfeka zvipfeko, asi hapana anodziyirwa; uye ani naani anoshandira kubhadharwa ari kushandira kuti azviise muhomwe ine maburi.”

13 VaJudha vaiva munyika yavakanga vapiwa naMwari, asi yakanga isingabereki sezvavaida. Jehovha akanga achivanyima chikomborero chake, sezvaakanga afanonyevera. (Dheuteronomio 28:38-48) Vasingatsigirwi naye, vaJudha vakadyara mbeu asi vakakohwa zvishomanana, zvokudya zvakanga zvisingakwani kuvagutsa. Vasisina chikomborero chake, vaisakwanisa kuzvipfekedza zvipfeko zvinodziya. Zvaitoita sokuti mari yavaiwana yaienda muhomwe yaiva nemaburi, zvisingabatsiri vanhu vacho vaiwana mubayiro. Zvakadini nemashoko okuti: “Munonwa, asi hamudhakwi”? Aisareva kuti kudhakwa kwaizoratidza kukomborerwa naMwari; iye anoshora kudhakwa. (1 Samueri 25:36; Zvirevo 23:29-35) Asi, mashoko acho anoratidzawo kushayikwa kwechikomborero chaMwari pavaJudha. Waini chero ipi zvayo yavaigadzira yaisazova yakanaka, isingakwanisi kudhakisa. Revised Standard Version inoshandura Hagai 1:6, kuti: “Munonwa, asi hamumbogutswi.”

14, 15. Chidzidzo chipi chatinowana pana Hagai 1:6?

14 Chidzidzo chatinofanira kuwana pane izvozvo zvose hachisi chokungoshongedza musha. Kare kare vanhu vasati vatapwa, muprofita Amosi akanga atsiura vanhu vakanga vakapfuma muIsraeri nokuda kwe“dzimba [dzavo] dzakagadzirwa nenyanga dzenzou” uye nokuda kwo‘kurara munzvimbo dzakagadzirwa nenyanga dzenzou.’ (Amosi 3:15; 6:4) Dzimba dzacho dzemaoresa nemidziyo yakanga yakanyatsogadzirwa hazvina kugara kwenguva refu. Zvinhu izvozvo zvakapambwa nevavengi vakavakunda. Asi, makore akati gare gare, pashure pokutapwa kwemakore 70, vakawanda vevanhu vaMwari vakanga vasina kudzidza pane izvozvi. Isu tichadzidza here? Zvingava zvakakodzera kuti mumwe nomumwe wedu abvunze kuti: ‘Kutaura chokwadi, ndinokoshesa zvakadini musha wangu uye kuushongedza? Zvakadini nokuronga kuva nedzidzo yokuwedzera, kuti ndisimukire pabasa, kunyange zvazvo kuita kudaro kungatora nguva yakawanda kwemakore anoverengeka, zvichinditadzisa kuita zvinhu zvinokosha zvokunamata kwangu?’—Ruka 12:20, 21; 1 Timoti 6:17-19.

15 Zvatinoverenga pana Hagai 1:6 zvinofanira kuita kuti tifunge nezvokuda kwatinoita chikomborero chaMwari muupenyu hwedu. VaJudha ivavo vekare havana kuwana chikomborero, zvikaita kuti vatambure. Tingave tiine zvinhu zvakawanda zvokunyama kana kuti tisina, kana tikakundikana kuwana chikomborero chaJehovha, zvechokwadi izvozvo zvichakanganisa kunamata kwedu. (Mateu 25:34-40; 2 VaKorinde 9:8-12) Asi, tingawana sei chikomborero ichocho?

Jehovha Anobatsira Achishandisa Mudzimu Wake Mutsvene

16-18. Kare, Zekariya 4:6 yairevei?

16 Mumwe muprofita aiprofita pamwe naHagai, Zekariya, akafuridzirwa kusimbisa nzira iyo Jehovha akakurudzira uye akakomborera nayo vanhu vakanga vakazvipira kare ikako. Uye izvi zvinoratidza kukukomborera kwaachaitawo. Tinoverenga kuti: “‘Hazviitwi nehondo, kana nesimba, asi nomudzimu wangu,’ Jehovha wemauto adaro.” (Zekariya 4:6) Ungave wakanzwa mashoko endima iyi achitaurwa kakawanda, asi airevei kuvaJudha mumazuva aHagai naZekariya, uye anorevei kwauri?

17 Yeuka kuti mashoko akafuridzirwa aHagai naZekariya akashanda zvinoshamisa panguva iyoyo. Zvakataurwa nevaprofita vaviri ivavo zvakasimbisazve vaJudha vakanga vakatendeka. Hagai akatanga kuprofita mumwedzi wechitanhatu muna 520 B.C.E. Zekariya akatanga kuprofita mumwedzi wechisere wegore iroro. (Zekariya 1:1) Sezvaunogona kuona kubva pana Hagai 2:18, basa rokuvaka nheyo rakatanga kuitwazve nomwoyo wose mumwedzi wechipfumbamwe. Saka vaJudha vakakurudzirwa kuita chimwe chinhu, uye vakateerera Jehovha vaine chivimbo chokuti aizovatsigira. Mashoko aZekariya 4:6 ane chokuita nokutsigira kwaMwari.

18 VaJudha pavakadzokera kunyika yavo muna 537 B.C.E., vakanga vasina uto rehondo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akavadzivirira uye akavatungamirira parwendo rwokubva kuBhabhironi. Uye mudzimu wake waitungamirira zvinhu pavakatanga basa rokuvaka temberi nguva pfupi pashure paizvozvo. Pavaizongotangazve kuita basa nomwoyo wose, iye aizovatsigira achishandisa mudzimu wake mutsvene.

19. Mudzimu waMwari wakakunda chipingamupinyi chipi chakasimba?

19 Pachishandiswa zviratidzo zvisere zvakanga zvakatevedzana, Zekariya akavimbiswa kuti Jehovha aizova nevanhu vake, avo vaizoita basa repatemberi vakatendeka kusvikira rapera. Chiratidzo chechina, chakanyorwa muchitsauko 3, chinoratidza kuti Satani akanga achibishaira kurwisa zvaiitwa nevaJudha kuti vapedze kuvaka temberi. (Zekariya 3:1) Zvechokwadi Satani aisazofara kuona Mupristi Mukuru Joshua achishumira akamiririra vanhu patemberi itsva. Kunyange zvazvo Dhiyabhorosi akanga achibishaira kupinganidza vaJudha kuvaka temberi, mudzimu waJehovha waizoita basa guru rokubvisa zvipingamupinyi uye kusimbisa vaJudha kuti vaenderere mberi kusvikira temberi yapera.

20. Mudzimu mutsvene wakabatsira sei vaJudha kuita zvaidiwa naMwari?

20 Zvaiita sokuti paiva nechipingamupinyi chokushora chakanga chisingakundiki, chaibva kuvakuru vehurumende vakanga vakwanisa kuita kuti basa rirambidzwe. Asi, Jehovha akapikira kuti iri raiita se“gomo” raizobviswa rova “nyika yakati chechetere.” (Zekariya 4:7) Uye izvozvo zvakaitika! Mambo Dhariyasi I akaongorora, akawana gwaro raKoreshi raibvumira vaJudha kuvakazve temberi. Saka Dhariyasi akachinja kurambidza kwacho, akabvumira kuti mari yaibva muhomwe yeimba youmambo ipiwe vaJudha kuti ibatsire kubhadhara zvaidiwa pabasa racho. Ikoko kwaiva kuchinja kwezvinhu kwaishamisa zvikuru! Mudzimu waMwari pane zvawakaitawo here pane izvi? Tinogona kuva nechokwadi chokuti wakadaro. Temberi yakapera muna 515 B.C.E., gore rechitanhatu rokutonga kwaDhariyasi I.—Ezra 6:1, 15.

21. (a) Munguva yekare, Mwari aka“zunungusa marudzi ose” sei uye “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” zvakabuda sei? (b) Mazuva ano izvozvo zviri kuzadzika sei?

21 Pana Hagai 2:5, muprofita wacho akayeuchidza vaJudha nezvesungano yakanga yaitwa naMwari navo paGomo reSinai apo “gomo rose rakanga richizununguka kwazvo.” (Eksodho 19:18) Mumazuva aHagai naZekariya, Jehovha aizoita kuti kumwe kuzununguka kuitike, sezvinorondedzerwa nomutauro wokufananidzira wendima 6 ne7. Zvinhu zvaizova zvisina kugadzikana muUmambo hwePezhiya, asi basa raiitwa patemberi raizoenderera mberi kusvika rapera. Vanhu vakanga vasiri vaJudha, “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose,” pamwe chete nevaJudha vaizopedzisira vava kurumbidza Mwari vari munzvimbo iyoyo yokunamatira. Nenzira huru munguva yedu, Mwari ‘ari kuzunungusa marudzi’ nokuparidza kwedu kwechiKristu, uye “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” zviri kuuya kuzonamata Mwari pamwe chete nevakasara vakazodzwa. Chokwadi, vakazodzwa pamwe chete nemamwe makwai vari kuzadza imba yaJehovha nokubwinya. Vanamati vechokwadi vakadaro vanomirira vachitenga nguva apo Jehovha ‘achazunungusa matenga nenyika’ neimwe nzira. Izvozvo zvichaitirwa kuti akunde uye atsakatise simba roumambo hwemarudzi.—Hagai 2:22.

22. Marudzi ari ‘kuzununguswa’ sei, zvichiguma nei, uye chii chichaitikazve?

22 Tinoyeuchidzwa nezvokuchinja kukuru kwakaitika muzvinhu zvakasiyana-siyana zvinomiririrwa ne“matenga nenyika negungwa nenyika yakaoma.” Chimwe chacho ndechokuti, Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vakakandirwa pedyo nenyika. (Zvakazarurwa 12:7-12) Uyezve, kuparidza kuri kutungamirirwa nevakazodzwa vaMwari zvechokwadi kwakazunungusa zvinhu zvepanyika zvemamiriro ezvinhu aripo iye zvino. (Zvakazarurwa 11:18) Pasinei naizvozvo, “boka guru” rezvinhu zvinokosha zvemarudzi ose rakabatana naIsraeri womudzimu mukushumira Jehovha. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Boka guru rinoshanda pamwe chete nevaKristu vakazodzwa mukuparidza mashoko akanaka okuti nokukurumidza Mwari achazunungusa marudzi paAmagedhoni. Chiitiko ichocho chichaita kuti kunamata kwechokwadi kuve kwakakwana munyika yose.

Unoyeuka Here?

• Hagai naZekariya vakashumira rini uye mumamiriro ezvinhu akaita sei?

• Ungashandisa sei mashoko akataurwa naHagai naZekariya?

• Nei uchiona kuti Zekariya 4:6 inokurudzira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 20]

Zvakanyorwa naHagai naZekariya zvinotivimbisa kuti Mwari anotitsigira

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Inguva yokuti mugare mudzimba dzenyu dzakarovererwa mapuranga, imba iyi iri dongo here?”

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vanhu vaJehovha vanoitawo basa rokukurukura ne‘vanhu vanokosha vemarudzi’