Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tingasarudza Sei Maererano Nezvinoda Mwari?

Tingasarudza Sei Maererano Nezvinoda Mwari?

Tingasarudza Sei Maererano Nezvinoda Mwari?

MUMWE murume kuUnited States akaenda kubhengi necheki yemari inokwana US$25 000 (Z$2 168 625 000). Aida kuisa cheki yacho muakaundi yokubhengi kwaaizotora mari yacho papera nguva. Zvisinei, mumwe mushandi womubhengi akamupa zano rokuti aise mari yake pamusika wemari, achiti nokufamba kwenguva, mari yake yakanga isingazombodzikiri kukosha kwayo pamusika wemari. Murume wacho akasarudza kushandisa zano racho. Isiri nguva refu adaro, mari yake yakadzikira chaizvo ukoshi hwayo.

Izvi zvinoratidza kuti zvakaoma kusarudza nokuchenjera. Zvakadini nezvezvinhu zvatinosarudza muupenyu? Zvinhu zvakawanda zvatinosarudza zvinogona kuita kuti tibudirire kana kuti tikundikane—uye munguva pfupi kana kuti pava paya, zvinogona kutiraramisa kana kutiuraya. Saka tingava sei nechivimbo chokuti tiri kusarudza nokuchenjera?

“Iyi Ndiyo Nzira”

Zuva nezuva tinosarudza kuti tichadyei, tichapfekei, tichaenda kupi, zvichingodaro. Zvimwe zvinhu zvatinosarudza zvingaita sezviduku, asi zvingaita kuti pave nemigumisiro yakaipa. Somuenzaniso, kusarudza kusvuta mudzanga kokutanga kungaguma netsika yokusvuta kwoupenyu hwose. Hatifaniri kumborerutsa kukosha kwezvimwe zvinhu zvatinosarudza kuita zvingaita sezviduku.

Tingatsvaka kupi zvingatitungamirira patinenge tava kusarudza, kunyange pazvinhu zvingaita sezviduku? Zvaizova zvakanaka chaizvo kuva nenyanzvi yakavimbika yokubvunza mazano pazvinenge zvaoma kuti tisarudze! Unogona kuwana munhu anopa mazano akadaro. Rimwe bhuku rekare rine mashoko anoshanda nhasi rinoti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo,’ kana muchida kutsaukira kurudyi kana kuti muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) Iwaya mashoko aani? Uye unogona sei kuva nechokwadi chokuti kutungamirira kwake kwakavimbika?

Vimbiso iri pamusoro apa inowanika muBhaibheri, rakadzidzwa nemamiriyoni uye ayo akasvika pakuona kuti rakafuridzirwa naJehovha Mwari, Musiki. (2 Timoti 3:16, 17) Jehovha anoziva kuti akatisika sei, saka ndiye anonyatsogona kutitungamirira. Anogonawo kufanoona remangwana, zvaari “Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare; Iye ari kuti, ‘Zvandakaronga zvichamira.’” (Isaya 46:10) Ndokusaka munyori wepisarema akaratidza kuti anovimba neShoko raJehovha achiti: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Asi Jehovha anotibatsira sei kuti tirambe tiri munzira yakachengeteka munyika yanhasi iri kutambura nezvinetso? Tingasarudza sei maererano nezvinoda Mwari?

Ita Zvinotaurwa neBhaibheri

Jehovha Mwari akaudza vaKristu zvaanoda kuitira kuti vasarudze zvinhu nenzira yakanaka. Kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri uye kuzviita kungafananidzwa nokudzidza mutauro uye kuutaura. Kana wangoziva mutauro, munhu paanokanganisa girama unowanzozviziva nokuti zvaanenge ataura zvinenge zvisina kunyatsorurama. Ungatadza hako kutaura kuti anenge akanganisa girama papi chaipo, asi unoziva kuti akanganisa. Paunodzidza zvinotaura Bhaibheri zvokusvika pakuzviita, kazhinji kacho unogona kusarudza kuti izvi hazvina kunaka, kuti hazvipindirani nezvinotaurwa naMwari.

Somuenzaniso, chimbofunga nezvezvingafanira kuitwa nejaya pakusarudza magadzirirwo ebvudzi. Hapana murayiro chaiwo unoshora mamwe magadzirirwo ebvudzi. Asi, chimbofunga nezvemashoko anotaurwa muBhaibheri. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka, vasingaruki bvudzi nendarama kana nemaparera kana kupfeka nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” (1 Timoti 2:9, 10) Pauro pano ari kunyorera vakadzi, asi mashoko aya anoshandawo kune varume nevakadzi. Pfungwa inokosha ndeyokuti kudini? Chitarisiko chedu chinofanira kuratidza kuti tine mwero nepfungwa dzakanaka. Saka jaya racho ringazvibvunza kuti, ‘Magadzirirwo ebvudzi rangu anoratidza kuti ndine mwero here sezvinofanira kuita muKristu?’

Uye ipfungwa ipi inobatsira inogona kuwanwa nejaya mumashoko anotevera omudzidzi Jakobho? “Imi mhombwekadzi, hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4) VaKristu vanosema pfungwa yokuva shamwari yenyika, iyo inovengana naMwari. Magadzirirwo ebvudzi rake anodiwa chaizvo nevezera rake anoita kuti aoneke seshamwari yaMwari here kana kuti seshamwari yenyika? Jaya rinenge richifungisisa nezvemagadzirirwo ebvudzi rinogona kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kuti risarudze zvinhu nokuchenjera. Kutaura zvazviri, zvinotaurwa naMwari zvinotibatsira kusarudza. Uye kana tikajaira kusarudza tichishandisa zvinotaurwa naMwari, zvinova nyore kuti tiite zvinhu zvinoguma zvaratidza uchenjeri zvisingazovi nemigumisiro yakaipa.

Tinogona kuwana zvakawanda muShoko raMwari. Zvechokwadi, tingasaona rugwaro runotaura zvakananga mamiriro edu ezvinhu. Kunyange zvakadaro, tinogona kuverenga nezvokuteerera kwakaita vamwe vanhu utungamiriri hwaMwari uye kusateerera kwakaita vamwe nyevero dzaMwari. (Genesisi 4:6, 7, 13-16; Dheuteronomio 30:15-20; 1 VaKorinde 10:11) Tikaverenga nhoroondo dzakadaro uye tikaongorora zvakaguma zvaitika, tichanzwisisa mashoko aMwari anogona kutibatsira kusarudza zvinhu zvinofadza Mwari.

Chimbotora somuenzaniso kurukurirano pfupi yakaitwa naJesu Kristu nomuapostora wake Petro. Varume vaiunganidza madrakema maviri omutero vakanga vabvunza Petro kuti: “Mudzidzisi wenyu haateri mutero wemadrakema maviri here?” Petro akanga apindura kuti: “Hungu.” Nguva pfupi pashure pacho, Jesu akabvunza Petro kuti: “Madzimambo enyika anogamuchira miripo kana mutero womunhu wose kubva kuna vanaani? Kubva kuvanakomana vavo here kana kuvamwe vanhuwo zvavo?” Petro paakati: “Kuvamwe vanhuwo zvavo,” Jesu akati kwaari: “Saka, vanakomana havateri. Asi kuti tirege kuvagumbura, enda kugungwa, ukande chirauro, utore hove inotanga kubuda, uye paunoshamisa muromo wayo, uchawana mari yesitateri. Tora iyoyo uvape nokuda kwangu newe.” (Mateu 17:24-27) Ipfungwa dzipi dzaMwari dzatinogona kuwana munhoroondo iyi?

Nokubvunza mibvunzo inotevedzana, Jesu akatungamirira mafungiro aPetro okuti: Zvaakanga ari Mwanakomana waMwari, Jesu akanga asingafaniri kubhadhara mutero. Kunyange zvazvo pakutanga Petro akanga asina kunzwisisa pfungwa yacho, Jesu akamubatsira nomutsa kuti anzwisise. Vamwe pavanokanganisa, tichitevedzera Jesu, tingasarudza kuvabata netsitsi pane kuvaratidza nenzira inorwadza zvavanenge vakanganisa kana kuvawanira mhosva.

Saka Petro aigona kuona kuti nei mutero wehurumende waifanira kubhadharwa—kuti vamwe vasagumburwe. Ndiyo imwe pfungwa yatinogona kuwana munyaya iyi. Kufunga nezvehana dzevamwe kunokosha chaizvo kudarika kuomerera pakodzero dzedu.

Chii chinoita kuti tisarudze zvinhu nenzira icharatidza kuti tinoremekedza hana dzevamwe? Kuda muvakidzani wedu. Jesu Kristu akadzidzisa kuti kuda muvakidzani wedu sokuda kwatinozviita ndiwo murayiro wechipiri unongokundwa kukosha nouya bedzi wokuda Mwari nomweya wedu wose. (Mateu 22:39) Zvisinei, tiri kurarama munyika ine vanhu vanongofunga zvakavanakira chete, uye sevanhu vanotadza tinowanzoda kuva noudyire. Saka kana munhu achizoda muvakidzani wake sokuda kwaanozviita, anofanira kuchinja mafungiro ake.—VaRoma 12:2.

Vakawanda vakachinja saizvozvo, uye pavanenge vachisarudza zvinhu zvingava zvikuru kana kuti zviduku, vanofunga vamwe. Pauro akanyora kuti: “Chokwadi, hama, makadanirwa rusununguko; asi musashandisa rusununguko urwu sechinhu chokuzvipembedza nacho chenyama inotadza, asi shandiranai norudo.” (VaGaratiya 5:13) Tingaita sei izvozvo? Chimbofunga nezvomumwe musikana wechiduku akatamira kune rimwe taundi duku rokumaruwa kuti abatsire vanhu kudzidza nezveShoko raMwari. Paaitaura nevanhu, akacherechedza kuti zvipfeko zvake, kunyange zvakanga zvichionekwa sezvine mwero mumaguta makuru, ndizvo zvakanga zvava kungotaurwa nezvazvo mutaundi racho. Zvipfeko zvake nokushambidzika kwake zvaiva nomwero, asi akasarudza kusapfeka zvipfeko zvakanga zvisina kunyanya kuva mufashoni kuti “shoko raMwari rirege kutukwa.”—Tito 2:5.

Ungadai wakaita sei kudai waifanira kusarudza nezvokushambidzika kwako kana kuti nezveimwe nyaya ine chokuita nezvezvaunofarira? Iva nechokwadi chokuti Jehovha achafara kana ukasarudza uchiratidza kuti une hanya nehana dzevamwe.

Ona Zviri Kure

Kunze kwechokwadi cheBhaibheri nehana dzevamwe, chii chatingafunga nezvacho patinenge tava kusarudza? Kunyange zvazvo kurarama sevaKristu kwakaoma kungofanana nokufamba munzira ine matombo uye yakatetepa, Mwari anovapa rusununguko asi rune parunogumira. (Mateu 7:13, 14) Tinofanira kufunga kuti zvatinosarudza zvichatiita sei mune zvokunamata, mupfungwa, uye muutano hwedu hwomuviri munguva yemberi.

Ngatitii wanga uri kufunga kubvuma kushanda rimwe basa. Zvichida harisi basa rounzenza kana kuti risina kukodzera. Uchakwanisa kupinda misangano yechiKristu nemagungano. Mari yauchatambira ichange yakawanda kudarika yawanga uchitarisira. Waunoshandira wacho anokoshesa kwazvo unyanzvi hwako uye anoda kuti unyatsohushandisa. Uyezve, unoda basa racho. Pane chingakutadzisa kubvuma basa racho here? Ngatitii wafanoona kuti pane mukana wokuti uchanyanya kupedza nguva yakawanda uchiita basa racho. Unobva waudzwa kuti hausi kuzomanikidzwa kushanda maawa okuwedzera. Asi kuti upedze basa raunenge wanzi uite, uchada kuzvishandisa kupfuura zvaunofanira kuita here? Hauzogari uchishanda maawa okuwedzera here? Hazvingazoiti kuti usava nemhuri yako here uye kuita kuti usazonyanya kuita zvokunamata asi zvechokwadi zviri izvo zvaunotofanira kuita?

Chimbofunga nezvechimwe chinhu chikuru chaifanira kusarudzwa naJim nezvebasa rake. Akashanda nesimba uye akawana chinzvimbo chepamusoro kubasa. Akazopedzisira ava maneja mukuru wekambani yaaishandira Kumabvazuva kwose, akava mukuru mukuru webazi rekambani iyi kuUnited States, uye nhengo yedare remapazi ayo okuEurope. Zvisinei, mamiriro oupfumi paakadzikira muJapan, akaona kuti zvaiva zvisingabatsiri kutsvaka mari uye simba. Mari yaakanga ashandira zvakaoma yakatsakatika nokukurumidza. Akaona upenyu hwake husina chinangwa. ‘Ndichange ndichiitei makore gumi kubva pari zvino?’ akazvibvunza kudaro. Akabva aona kuti mudzimai wake nevana vake vaiva nezvinangwa zvinokosha muupenyu. Kwemakore ose aya vakanga vachiwadzana neZvapupu zvaJehovha. Jim aidawo kufara uye kugutsikana sezvaiita mhuri yake. Saka akatanga kudzidza Bhaibheri.

Nenguva isipi Jim akaona kuti mararamiro aaiita aimutadzisa kurarama upenyu hune chinangwa somuKristu. Zvaaigara achienda kuAsia, kuUnited States, nokuEurope, akanga asina nguva yakakwana yokudzidza Bhaibheri uye yokuwadzana nevamwe vaainamata navo. Aifanira kusarudza: ‘Ndinofanira kuramba ndichirarama upenyu hwandakararama kwemakore 50 apfuura here, kana kuti ndinofanira kuva nemararamiro matsva?’ Achiita zvokunyengetera akafunga kuti zvaaizosarudza zvaizoguma sei kwapera nguva refu ndokusarudza kusiya mabasa ake ose achibva asara nerimwe chete raizomupa nguva yokuita zvinhu zvokunamata. (1 Timoti 6:6-8) Zvaakasarudza zvakaita kuti afare, zvakamupa mukana wokuita zvakawanda mumabasa echiKristu.

Hazvinei kuti zvikuru here kana kuti zviduku, zvaunosarudza zvinokosha. Zvaunosarudza nhasi zvingaita kuti ubudirire kana kuti ukundikane, kunyange kuti urarame kana kuti kufa munguva yemberi. Unogona kusarudza nokuchenjera kana ukafungisisa chokwadi cheBhaibheri, hana dzevamwe, uye kana ukafungisisa kuti zvaunoita zvichaguma nei nokufamba kwenguva. Sarudza maererano nezvinoda Mwari.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Zvinhu zvingaita sezviduku pakusarudza zvingava nemigumisiro yakaipa chaizvo

[Mufananidzo uri papeji 14]

Zvinotaurwa neBhaibheri zvingamubatsira sei kusarudza nokuchenjera?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu akataura netsitsi kuna Petro