Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unobudirira Zvakadini Pakukurukurirana?

Unobudirira Zvakadini Pakukurukurirana?

Unobudirira Zvakadini Pakukurukurirana?

“TSAMBA Yorudo Yakanyorwa Nomumwe Mukuru Ane Makore 60.” Ndiwo waiva musoro wemamwe makwikwi aizopa munhu mumwe chete mubayiro, akaitiswa nerimwe bhengi rokuJapan makore mashomanana apfuura. Makwikwi acho akakurudzira vanhu vomuJapan vaiva nemakore okuma50 ne60 kuti vataure “manzwiro avo chaiwo” kuvanhu vavainge vakaroorana navo. Mumwewo aikwikwidza akanyorera mudzimai wake mashoko anoti: “Ungaseka hako, asi ndingazvidemba kana ndikasataura manzwiro angu, nenzwi guru: Ndinokutenda kuti wakabvuma kuti tiroorane.”

Mutsika dzinoverengeka, kusanganisira dzimwe dzoKumabvazuva, kutaura manzwiro ako wakasununguka kwagara kusingakurudzirwi. Kunyange zvakadaro, vanopfuura 15 000 vakapinda mumakwikwi okunyora tsamba yorudo iyi. Makwikwi aya akakurumbira kwazvo zvokuti pakaitwazve mamwe, uye mabhuku akavakirwa patsamba dzacho akabudiswa. Izvi zvinoratidza kuti mukatikati, vakawanda vanoda kutaura manzwiro avanoita nezvomunhu wavanoda wavanenge vakaroorana naye. Kunyange zvakadaro, vamwe havatauri manzwiro avo. Nei? Zvichida nokuti zvinoda unyanzvi uye pane zvavanofanira kuitawo kuti vamwe—vakadai somunhu wavakaroorana naye—vanzwisise manzwiro avanoita.

Hitoshi Kato, akanyora bhuku rezvevari pamudyandigere, anotaura kuti pavakwegura vakaroorana vari muJapan, nyaya dzakawanda dzokudimbura michato dzinotangwa nemadzimai nemhaka yezvigumbu zvakadzika midzi zvavanenge vagara vainazvo kwemakore. Anoti, “Asi imhaka yokuti vaviri vacho pavanosangana nezvinetso havataurirani manzwiro avo.”

Dzimwe nguva madzimai anoda kuramba varume vawo kana varume vacho varega basa uye varume vacho vangashamisika. Kwemakore akawanda vaviri vacho vangave vasina kumbokurukurirana manzwiro avaiita nezvomumwe nomumwe. Murume nomudzimai ava vangave vakaedza kutaurirana manzwiro avo asi vasina kukwanisa kuramba vachikurukurirana zvakanaka. Pane kuti vave noukama hwepedyo, vangave vakazviwana vava kungogara vachiitisana nharo.

Murume nomudzimai vangagadzirisa sei kusawirirana kwavo murugare uye vangataurirana sei manzwiro avo nenzira yakanaka? Ungafarira kuziva kuti mashoko anobatsira haawaniki mubhuku razvino rakanyorwa nomunhu anopa mazano vakaroorana, asi mubhuku rekare rave richikosheswa kwemazana emakore—Bhaibheri.