Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvinokosha Zvinokubatsira Kukurukurirana Nowawakaroorana Naye

Zvinhu Zvinokosha Zvinokubatsira Kukurukurirana Nowawakaroorana Naye

Zvinhu Zvinokosha Zvinokubatsira Kukurukurirana Nowawakaroorana Naye

‘NDINGADAI ndisina kutaura izvozvo.’ ‘Handina kunyatsotaura ndichijekesa.’ Hauna kumbonzwa saizvozvo here pashure pokunge waedza kukurukurirana nowawakaroorana naye? Kukurukurirana unyanzvi hunoda kuvandudzwa. Kungofanana nohumwe unyanzvi hwose, zvinoita sokuti vamwe vanhu vanokwanisa kukurukurirana nyore nyore, asi vamwe zvakavaomera. Kunyange zvakadaro, kana uri muboka rapedzisira kutaurwa, unogona kudzidza kutaura pfungwa dzako nenzira yakanaka, kubudirira pakukurukurirana.

Dzimwe nguva, tsika ndidzo dzinoita kuti vanhu vabate vavakaroorana navo sezvavanoita. ‘Kuti zvinzi uri murume,’ varume vangave vakaudzwa kuti, ‘haufaniri kutaurisa.’ Varume vanotaurisa vangatarisirwa pasi sevasingaiti zvavanotaura. Ichokwadi kuti Bhaibheri rinoti: “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura.” (Jakobho 1:19) Zvisinei, zano iroro rinoshanda kune vose varume nevakadzi uye rinoratidza kuti kukurukurirana kunosanganisira zvinopfuura kungotaura chete. Vanhu vaviri vangave vachitaura vose kwenguva yakareba, asi zvakadii kana vakatadza kuteererana? Pamwe vanenge vasingakurukurirani sezvavanofanira kuita. Chinhu chinonyanya kuita kuti vanhu vabudirire pakukurukurirana, sezviri kuratidzwa norugwaro ruri pamusoro apa, unyanzvi hwokuteerera.

Kukurukurirana Pasina Mashoko

Mune dzimwe nzanga, madzimai anotarisirwa kuti asataure mafungiro awo. Mumhuri varume vanofanira kuramba vasingaratidzi ushamwari. Mumhuri dzakadaro, murume nomudzimai vanongogara vachiita zvokufungidzira kuti mumwe anodei kana pane zvipi nezvipi zvinenge zvaitika. Mamwe madzimai ane unyanzvi hwokuziva zvinenge zvichida varume vawo uye anokurumidza kuzvigutsa. Muzviitiko zvakadaro, murume nomukadzi vanenge vachitokurukurirana pasina mashoko. Kunyange zvakadaro, pakukurukurirana kwakadai, munhu mumwe chete ndiye anenge achitaura. Kunyange zvazvo mudzimai angaziva manzwiro omurume wake kana kuti zvaanenge achifunga, murume wacho haawanzotarisirwi kuti aratidze unyanzvi uhwu uye kuti anzwisise manzwiro omudzimai wake.

Ichokwadi kuti mune dzimwe tsika varume vanocherechedza zvinodiwa nevakadzi mupfungwa uye vanoedza kuzvizadzisa. Zvisinei, mutsika dzakadaro, michato yakawanda ingabatsirwa kana vanhu vakakurukurirana zvakanaka.

Kukurukurirana Kunokosha

Kukurukurirana kwakajeka kunogona kuita kuti vanhu vanzwisisane uye varege kufungirana zvisizvo. Kare munhoroondo yevaIsraeri, madzinza aRubheni, Gadhi, uye hafu yedzinza raManase aigara kumabvazuva kwoRwizi rwaJodhani akavaka “atari yaiva huru pakuonekwa” pedyo neJodhani. Mamwe madzinza haana kunzwisisa kuti nei vakanga vaita izvi. Achifunga kuti hama dzavo dzaiva mhiri kweJodhani dzakanga dzapanduka, madzinza okumadokero akagadzirira kurwa ne“vapanduki” vacho. Zvisinei, vasati vaenda kunorwisana navo, vakatanga vatuma nhume kuti dzinokurukurirana nemadzinza aya aiva kumabvazuva. Zvavakaita izvi chokwadi zvairatidza uchenjeri! Vakazoona kuti atari yacho yakanga isina kuitirwa zvinopiwa zvinopiswa kana kuti zvibayiro zvisiri zvepamutemo. Asi, madzinza aiva kumabvazuva aityira kuti munguva yemberi mamwe madzinza aizovaudza kuti: “Hamuna mugove kuna Jehovha.” Atari yaizova uchapupu hwokuti naivowo vainamata Jehovha. (Joshua 22:10-29) Vakapa atari yacho zita rokuti Chapupu, zvichida nokuti yaizova uchapupu hwokuti Jehovha aiva Mwari wechokwadi.—Joshua 22:34.

Zvavakatsanangura ipapo zvakanga zvakakwana kuti mamwe madzinza abvume kusiyana nepfungwa yokurwisa madzinza acho maviri nehafu. Chokwadi, kukurukurirana zvakajeka uye zvakananga kwakaita kuti vasarwisane. Gare gare, vaIsraeri pavakapandukira Jehovha Mwari, murume wavo wokufananidzira, akavaudza kuti ‘aizovaudza zvaizobaya mwoyo yavo’ nenzira yengoni. (Hosiya 2:14) Muenzaniso wakanaka zvikuru kune vakaroorana! Chokwadi, edza kutaura zvinobaya mwoyo wowawakaroorana naye kuitira kuti akwanise kunzwisisa manzwiro ako. Izvi zvinokosha, zvikurukuru kana zvichibatanidza zvaunonzwa mukatikati. “Vamwe vanoti mashoko haakoshi,” ndizvo zvinotaura Pattie Mihalik, mumwe mutori wenhau wokuUnited States, “asi mashoko anogonawo kukosha. Uye kunyange zvazvo vamwe vangawana zvakaoma kutaura zvavanofunga, pangaguma nezvakanaka kutodarika mari iri mubhengi.”

Kuramba Uchinatsiridza Unyanzvi Hwokukurukurirana

‘Muchato wedu wakavhiringika kubvira pakutanga,’ vamwe vangadaro. ‘Muchato uyu uchatoparara chete,’ vamwe vangagumisa kudaro. Vangafunga kuti hazviiti kunatsiridza unyanzvi hwavo hwokukurukurirana pashure pezuva romuchato. Asi, chimbofunga nezvevaya vanogara munzanga dziya dzine vanhu vanosarudzirwa wokuroorana naye nevoukama. Vakawanda vari munzanga dzakadaro vanozoguma vava nekurukurirano yakanaka muupenyu hwavo sevanhu vakaroorana.

Vamwe vaviri vokune imwe nyika yokuMabvazuva vakaroorana vaita zvokusarudzirwa. Munyai akanga akumbirwa kuti afambe daro refu kuti anotsvakira murume mwenga. Kunyange zvakadaro, vaviri vacho, vakararama makore anoda kusvika 4 000 apfuura, vakaratidza unyanzvi hunoshamisa hwokukurukurirana. Murume wacho, Isaka, akasangana mumunda nomunyai wake nomukadzi waaizoroora. Munyai wake “akatsanangurira Isaka zvinhu zvose zvaakanga aita.” Nhoroondo yeBhaibheri ichitaura nezvomuchato uyu inoenderera mberi ichiti: “Pashure paizvozvo Isaka akamupinza [Ribheka] mutende raSara amai vake [danho iri ndiro raishanda somuchato wepamutemo]. Nokudaro akatora Ribheka, akava mudzimai wake; akamuda.”—Genesisi 24:62-67.

Ona kuti Isaka akatanga anzwa mashoko nezvake, “pashure paizvoizvo” akazotora Ribheka akava mudzimai wake. Munyai wacho aiva mushandi aivimbwa aiva akazvipira kuna Jehovha Mwari, ainamatwa naIsaka. Isaka aiva nechikonzero chakanaka chokuvimba nomurume uyu. Zvadaro, Isaka ‘akada’ Ribheka, uyo waakanga aroora.

Isaka naRibheka vakaramba vachinatsiridza unyanzvi hwavo hwokukurukurirana here? Pashure pokunge mwanakomana wavo Isau aroora vanasikana vaviri vaHeti, mhuri yavo yakava nechinetso chakakomba. Ribheka “akaramba achiti” kuna Isaka: “Ndava kusema upenyu hwangu uhu nokuda kwevanasikana vaHeti. Kana Jakobho [mwanakomana wavo muduku] akatora chete mudzimai pavanasikana vaHeti . . . , upenyu hunondibatsireiko?” (Genesisi 26:34; 27:46) Zviri pachena kuti akataura zvakajeka zvaimunetsa uye zvakananga.

Isaka akaudza Jakobho, mupatya waIsau kuti arege kutora mukadzi pavanasikana veKenani. (Genesisi 28:1, 2) Ribheka akanga ataura zvaaifunga. Vaviri ava vakabudirira kukurukurirana nyaya yemhuri yakanga isiri nyore, ndokutisiyira muenzaniso wakanaka nhasi. Zvisinei, zvakadini kana vakaroorana vakatadza kubvumirana? Chii chingaitwa?

Pamunenge Musina Kubvumirana

Kana ukatadza kubvumirana nowawakaroorana naye, rega kugadzirisa nyaya yacho nokunyararira mumwe wako. Izvozvo zvingapa mashoko akajeka kwazvo okuti: Hausi kufara, uye kuti unoda kuti wawakaroorana naye asafarewo. Asi, wawakaroorana naye angave asiri kunyatsonzwisisa zvido zvako nemanzwiro ako.

Iwe nowawakaroorana naye mungada kukurukurirana nyaya yacho. Kana nyaya yacho ichigumbura mumwe, zvingasava nyore kuramba makadzikama. Vabereki vaIsaka, Abrahamu naSara, vakambova nemamiriro ezvinhu akaoma. Nokuti Sara akanga asingabereki, akatevedzera tsika dzaiitwa mumazuva iwayo ndokupa murandasikana wake, Hagari, kuti ave murongo anomuberekera mwana. Hagari akaberekera Abrahamu mwanakomana ainzi Ishmaeri. Zvisinei, gare gare Sara pachake akava nepamuviri, uye akaberekera Abrahamu mwanakomana ainzi Isaka. Isaka paakanga ava kurumurwa, Sara akaona kuti Ishmaeri ainyomba mwanakomana wake. Saka Sara, achiona kuti mwanakomana wake aizopinda mungozi, akakurudzira Abrahamu kuti adzinge murandasikana wake naIshmaeri. Chokwadi, Sara akataura zvakananga mafungiro ake. Asi Abrahamu haana kufarira zvachose zvaakakumbira.

Vaizogadzirisa sei chinetso chacho? Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Mwari akati kuna Abrahamu: ‘Usarega chero chinhu chipi zvacho icho Sara anoramba achikutaurira chichiva chisingakufadzi pamusoro pomukomana uye pamusoro pomurandasikana wako. Teerera inzwi rake, nokuti achanzi mwana wako achavapo nokuna Isaka.’” Abrahamu akateerera zvaakarayirwa naJehovha Mwari ndokuita saizvozvo.—Genesisi 16:1-4; 21:1-14.

Ungati, ‘Ichokwadi kuti kudai Mwari aikwanisa kutaura nesu ari kumatenga, taigona kubvumirana nyore nyore!’ Izvi zvinotiratidza kuti pane chimwe chinhu chinokosha chinogadzirisa kusabvumirana kwevakaroorana. Vakaroorana vanogona kuteerera Mwari. Sei? Nokuverenga Shoko raMwari pamwe chete uye kubvuma kuti zvarinotaura zvinobva kuna Mwari.—1 VaTesaronika 2:13.

Mumwe mudzimai wechiKristu ane ruzivo akati: “Kakawanda, mukadzi wechiduku paanouya kwandiri kuti azondibvunza mazano nezveimba yake, ndinomubvunza kana iye nomurume wake vave vachiverenga Bhaibheri pamwe chete. Vakawanda vane zvinetso mumhuri dzavo havana tsika iyoyo.” (Tito 2:3-5) Tose zvedu tinogona kubatsirwa nezvaakataura. Nguva dzose verenga Shoko raMwari nowawakaroorana naye. Ukadaro, ‘uchanzwa’ mashoko aMwari pamusoro pokuti unofanira kuzvibata sei zuva nezuva. (Isaya 30:21) Zvisinei, ngwarira kuti: Usashandisa Bhaibheri seshamhu yokurova nayo mumwe wako, uchingoramba uchitaura nezvemagwaro aunofunga kuti mumwe wako ari kutadza kuashandisa. Asi, edza kuona kuti mose mungashandisa sei zvamunenge muchiverenga.

Kana kuri kuti muri kuedza kugadzirisa chimwe chinhu chakaoma chiri kukunetsai, madii kutarisa muWatch Tower Publications Index * nezvezvinenge zvichikunetsai zvacho? Pamwe muri kutarisira vabereki vakwegura, uye izvi zviri kuita kuti musanyatsowirirana muimba yenyu. Pane kuti muitisane nharo nezvezvinofanira kuita mumwe kana kuti zvaasingafaniri kuita, madii kugara pasi motsvaka nyaya yacho muIndex pamwe chete? Chokutanga, tsvakai musoro mukuru unoti “Parents.” Mungada kutarisa panobva mamwe mashoko pasi pemisoro miduku, seiya inoti “caring for aged parents.” Verengai mose nyaya dzine chokuita nezvazvo mumabhuku eZvapupu zvaJehovha. Ungashamisika nokubatsirwa kwaungaitwa iwe nomumwe wako nemashoko anobva muBhaibheri, akabatsira vaKristu vakawanda vechokwadi.

Kutsvaka mashoko mumabhuku aya nokuverenga mashoko acho pamwe chete kuchakubatsirai kunzwisisa zvinenge zvichikunetsai. Muchawana mashoko eMagwaro achaita kuti muone zvinenge zvichikunetsai semaonero anoita Mwari. Vhurai Bhaibheri, uye verengai pamwe chete. Chokwadi, muchanzwa kuti Mwari anoti kudii nezvezvinenge zvichikunetsai!

Itai Kuti Mukwanise Kuramba Muchikurukurirana

Wakamboedza kuvhura musuo wanga usingashandiswi kwenguva yakareba here? Achibudisa kamwe karuzha, mahinji ane ngura anozongoita kuti musuwo wacho uvhurike. Zvakadini kudai musuwo wacho waigara uchishandiswa uye mahinji acho aiiswa girizi? Zvaizova nyore kuuvhura. Izviwo zvakafanana nokukurukurirana. Sezvinongoita girizi pamahinji edhoo, kana mukagara muchikurukurirana, moita kuti zvive nyore kuramba muchikurukurirana nokuratidza rudo rwechiKristu, zvichava nyore kutaura zvaunofunga kunyange pamunenge musingabvumirani panyaya dzinokosha chaizvo.

Munozvitanga zvishoma nezvishoma. Kunyange zvazvo kurukurirano pakutanga ingada kuishandira, edza kuzviita. Zvadaro unogona kuzopedzisira wava noukama hwakanaka nowawakaroorana naye, zvichiguma nokunzwisisana kunogara.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Pamunenge musingabvumirani, muchatsvaka kutungamirirwa naMwari here?