Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anorovedza Vafudzi Veboka Rake

Jehovha Anorovedza Vafudzi Veboka Rake

Jehovha Anorovedza Vafudzi Veboka Rake

“Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo noungwaru.”—ZVIREVO 2:6.

1, 2. Nei hama dzakabhabhatidzwa dzichivavarira kuwana mamwe mabasa muungano?

“NDAKAFARA chaizvo pandakagadzwa kuva mukuru,” anodaro Nick, ave ari mutariri kwemakore manomwe. “Ndakaona ropafadzo iyi somukana wokuwedzera basa randinoitira Jehovha. Ndainzwa sokuti ndaifanira kumuonga chaizvo nokuda kwezvose zvaakanga andiitira. Ndaidawo kubatsira vamwe vomuungano nepandaigona napo, kuvabatsira sokubatsirwawo kwandakaitwa nevamwe vakuru.” Zvisinei, kunyange hake aifara, pane zvimwe zvaimunetsa. “Sezvo ndakagadzwa ndisati ndasvitsa makore 30,” anoenderera achidaro Nick, “ndainetseka kuti ndaisazova nounyanzvi hunodiwa—ungwaru uye uchenjeri—kuti ndibudirire kufudza ungano.”

2 Vaya vanogadzwa naJehovha kuti vatarisire boka rake vane zvikonzero zvakawanda zvokufara. Muapostora Pauro akayeuchidza vakuru vokuEfeso chimwe chikonzero chacho, paakataura mashoko akataurwa naJesu, achiti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kushumira somushumiri anoshumira kana kuti somukuru kunoita kuti hama dzakabhabhatidzwa dzive nedzimwe nzira dzokupa nadzo Jehovha uye ungano. Somuenzaniso, vashumiri vanoshumira vanobatsira vakuru. Vashumiri vanoshumira ava vanotarisirawo mamwe mabasa akawanda anodya nguva asi anofanira kuitwa. Hama dzakadaro dzinokurudzirwa nokuda kwadzinoita Mwari nevavakidzani kuti dziite basa rinokosha.—Mako 12:30, 31.

3. Nei vamwe vangazeza kuvavarira kuwana ropafadzo dzomuungano?

3 Zvakadini nehama yakabhabhatidzwa ingazeza kuvavarira kuwana ropafadzo yokuva mushumiri uye kuzova mukuru nokuti inoona sokuti haikwanisi? Kufanana naNick, inganetseka kuti haina unyanzvi hunodiwa kuti ive mufudzi anobudirira. Iwe, sehama yakabhabhatidzwa, uri mumwe wevanoona zvinhu seizvi here? Pane zvikonzero zvingaita kuti munhu aone saizvozvo. Jehovha anoti vafudzi vakagadzwa vachazvidavirira nokuda kwemabatiro avanoita boka. Jesu akati: “Munhu wose akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichadiwa kubva kwaari; uye uya akanzi nevanhu atarisire zvizhinji, vachada zvinopfuura zvenguva dzose kwaari.”—Ruka 12:48.

4. Jehovha anobatsira sei vaya vaanogadza kuti vatarisire makwai ake?

4 Jehovha anotarisira here kuti vaya vaanogadza sevashumiri nevakuru vaite basa iri vari voga? Pane kudaro, haangovapi rubatsiro runoshanda runoita kuti vakwanise asiwo rubatsiro runoita kuti vabudirire kuita mabasa acho. Sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, Jehovha anovapa mudzimu wake mutsvene, une zvibereko zvinozovabatsira kutarisira makwai nounyoro. (Mabasa 20:28; VaGaratiya 5:22, 23) Kuwedzera kune izvozvo, Jehovha anovapa uchenjeri, zivo, uye ungwaru. (Zvirevo 2:6) Anozviita sei? Ngatikurukurei nzira nhatu idzo Jehovha anorovedza nadzo vaya vaanogadza kuti vatarisire makwai ake.

Kurovedzwa Nevafudzi Vane Ruzivo

5. Nei Petro naJohani vaiva vafudzi vanobudirira?

5 Vaapostora Petro naJohani pavakamira pamberi peSanihedrini, vatongi vedare iroro vainzi nenyika vakangwara vakavaona sokuti “vakanga vari vanhuwo zvavo, vasina kudzidza.” Chokwadi, vaigona kuverenga nokunyora, asi vakanga vasina kudzidziswa Magwaro navanarabhi. Kunyange zvakadaro, Petro naJohani pamwe chete nevamwe vadzidzi vakanga varatidza kuti vaiva vadzidzisi vanobudirira, vaiita kuti vakawanda vevaya vaivateerera vave vatendi. Varumewo zvavo ava vakava sei vadzidzisi vanobudirira zvakadaro? Parakanzwa zvakataurwa naPetro naJohani, dare racho ra“katanga kuziva kuti vaimbova naJesu.” (Mabasa 4:1-4, 13) Chokwadi, vakanga vapiwa mudzimu mutsvene. (Mabasa 1:8) Asi zvaivawo pachena—kunyange kuvatongi ivavo vaiva mapofu panyaya dzokunamata—kuti Jesu akanga arovedza varume ava. Paaiva navo pasi pano, Jesu haana kungodzidzisa vaapostora kuti vangaunganidza sei vanhu vakaita semakwai asiwo kuti vangavafudza sei kana vangova nhengo dzeungano.—Mateu 11:29; 20:24-28; 1 Petro 5:4.

6. Jesu naPauro vakaratidza muenzaniso upi pakurovedza vamwe?

6 Jesu amutswa, akaramba achirovedza vaya vaakanga agadza kuti vave vafudzi. (Zvakazarurwa 1:1; 2:1–3:22) Somuenzaniso, ndiye akasarudza Pauro uye akatarisira kurovedzwa kwake. (Mabasa 22:6-10) Pauro akakoshesa kurovedzwa kwaakaitwa uye akadzidzisawo vamwe vakuru zvaakanga adzidza. (Mabasa 20:17-35) Somuenzaniso, akapedza nguva yakawanda nesimba achirovedza Timoti kuti ave “mushandi” mubasa raMwari, “asina chokunyara nacho.” (2 Timoti 2:15) Varume ava vakava shamwari dzepedyo. Izvi zvisati zvaitika, Pauro akanyora nezvaTimoti achiti: “Akashanda neni mukuita kuti mashoko akanaka aenderere mberi, sezvinoita mwana anoshanda nababa vake.” (VaFiripi 2:22) Pauro haana kuita kuti Timoti kana kuti mumwe mudzidzi chero upi zvake ave mudzidzi wake. Pane kudaro, akakurudzira vaainamata navo kuti vave ‘vatevedzeri vake, sezvo iye aiva waKristu.’—1 VaKorinde 11:1.

7, 8. (a) Chiitiko chipi chinoratidza migumisiro yakanaka inovapo vakuru pavanotevedzera Jesu naPauro? (b) Vakuru vanofanira kutanga rini kurovedza vaya vangangozova vashumiri vanoshumira nevakuru?

7 Vachitevedzera Jesu naPauro, vafudzi vane ruzivo ndivo vanotanga kurovedza hama dzakabhabhatidzwa, vachiwana migumisiro yakanaka yakafanana. Funga nezvezvakaitika kuna Chad. Akarerwa mumhuri yaiva nezvitendero zvakasiyana asi munguva pfupi yapfuura akagadzwa kuti ave mukuru. Anoti: “Mumakore apfuura, vakuru vanoverengeka vane ruzivo vakandibatsira kuti ndifambire mberi pakunamata. Baba vangu zvavakanga vasiri mutendi, vakuru ivavo vakanyanya kundifarira uye vakava vanababa vangu pakunamata. Vakapedza nguva yakawanda vachindirovedza muushumiri, uye gare gare, mumwe mukuru akandirovedza kutarisira mabasa eungano andainzi ndiite.”

8 Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Chad, vafudzi vakangwara vanotanga kurovedza vaya vangangozova vashumiri vanoshumira nevakuru pachine nguva, ava vasati vafambira mberi zvakakwana kuti vawane ropafadzo dzakadaro. Nei? Nokuti Bhaibheri rinorayira kuti vashumiri vanoshumira nevakuru vanofanira kunge vaine tsika dzakanaka chaizvo uye vachida zvokunamata chaizvo vasati vagadzwa kuti vashumire. Vanofanira ku“edzwa kuti vanokodzera here.”—1 Timoti 3:1-10.

9. Vafudzi vane ruzivo vane mutoro wei, uye nei?

9 Kana hama dzakabhabhatidzwa dzichizoedzwa, zvine musoro kuti dzitange dzarovedzwa. Somuenzaniso: Kana kuchikoro mudzidzi akakumbirwa kuti anyore zamanishoni rakaoma iro vadzidzisi vacho vasina kumbomurovedza nezvaro, mudzidzi wacho angapasa bvunzo yacho here? Iye haangambopasa. Naizvozvo, munhu anofanira kurovedzwa. Zvisinei, vadzidzisi vakangwarira havangorovedzi vadzidzi kuti vapase bvunzo asiwo kuti vashandise ruzivo rwavanowana. Saizvozvowo, vakuru vanoshingaira vanobatsira hama dzakabhabhatidzwa kuti dzive nounhu hunotarisirwa kuti murume akagadzwa ave nahwo nokudzirovedza zvakananga. Havangozviitiri kuti hama idzi dzigadzwe asiwo kuti dzikwanise kunyatsotarisira boka. (2 Timoti 2:2) Chokwadi, hama dzakabhabhatidzwa dzinofanira kuita zvadzinogona uye kushanda nesimba kuti dziite zvinodiwa kuti munhu ave mushumiri anoshumira kana kuti mukuru. (Tito 1:5-9) Kunyange zvakadaro, vafudzi vane ruzivo vangabatsira vaya vanenge vachivavarira kuwana basa iri muungano, kuti vakurumidze kufambira mberi nokuvarovedza nechido.

10, 11. Vafudzi vangatanga sei kurovedza vamwe nokuda kwedzimwe ropafadzo?

10 Vafudzi vane ruzivo vangarovedza sei zvakananga vamwe kuti vatarisire ropafadzo dzeungano? Chokutanga, vanofanira kufarira hama dziri muungano—vachigara vachishanda nadzo muushumiri hwomumunda uye vachidzibatsira kuti dzinatsiridze mano adzo oku“bata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Vafudzi vane ruzivo vanokurukura nehama idzodzo nezvokufara kunobva pakushumira vamwe uye kugutsikana kwadzichaita kana dzikava nevavariro dzezvokunamata uye dzikabudirira kudziita. Vanopawo mazano akananga nomutsa okuti hama inganatsiridza sei pakuva ‘muenzaniso kuboka.’—1 Petro 5:3, 5.

11 Kana hama yangogadzwa kuva mushumiri anoshumira, vafudzi vakachenjera vanoramba vachiirovedza. Bruce, ave ari mukuru kwemakumi emakore, anoti: “Ndinofarira kugara pasi nomushumiri achangogadzwa ndodzokorora naye mirayiridzo inobudiswa nomuranda akatendeka, akangwara. Tinoverengawo zvose zvaanofanira kuita nezvebasa rake chairo, uye zvadaro ndinofarira kushanda naye kusvikira ajaira mabasa ake.” Mushumiri paanenge achiwana ruzivo, anogonawo kurovedzwa basa rokufudza. “Pandinoenda nomushumiri anoshumira kunoshanya tichifudza,” anoenderera achidaro Bruce, “ndinomubatsira kuti asarudze magwaro akananga achakurudzira munhu kana kuti mhuri yatinenge tichizoshanyira. Kudzidza kushandisa Magwaro nenzira yokuti anobaya mwoyo kunokosha kana mushumiri achizova mufudzi anobudirira.”—VaHebheru 4:12; 5:14.

12. Vafudzi vane ruzivo vangarovedza sei vakuru vanenge vachangogadzwa?

12 Vafudzi vanenge vachangogadzwa vanobatsirwawo chaizvo nokuramba vachirovedzwa. Nick, ambotaurwa, anoti: “Kurovedzwa kwandakaitwa kunyanya nevatariri vaviri vakura kwakandibatsira zvikuru. Hama idzi dzaiwanzonzwisisa kuti nyaya dzakati dzinofanira kubatwa sei. Nguva dzose dzaiteerera zvandaitaura dzichishivirira uye dzainyatsofunga nezvemaonero angu—kunyange padzakanga dzisingabvumirani nawo. Ndakadzidza zvakawanda nokuona kuzvininipisa uye kuremekedza kwavaiita pavaibata nehama nehanzvadzi dziri muungano. Vakuru ava vakandisimbisira kuti ndaifanira kushandisa Bhaibheri nounyanzvi pandakanga ndichibata nezvinetso kana kuti ndichikurudzira mumwe munhu.”

Kurovedzwa neShoko raMwari

13. (a) Hama inofanira kuva nechii kuti ive mufudzi anobudirira? (b) Nei Jesu akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu”?

13 Zvechokwadi, Shoko raMwari, Bhaibheri rine mitemo, chokwadi chinokosha, uye mienzaniso inodiwa nomufudzi kuti “akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Hama ingava yakadzidza chaizvo, asi kuziva kwainoita Magwaro uye kuashandisa ndiko kuchaibatsira kuti ive mufudzi anobudirira. Funga nezvomuenzaniso waJesu. Ndiye aiva mufudzi pane zvokunamata ati ambovapo panyika, aiva nezivo, ungwaru, uye akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; asi kunyange iye haana kuvimba nouchenjeri hwake paaidzidzisa makwai aJehovha. Akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” Nei Jesu akakudza Baba vake vokudenga? Akatsanangura kuti: “Anotaura zvake oga ari kutsvaka kukudzwa kwake oga.”—Johani 7:16, 18.

14. Vafudzi vanoita sei kuti vasazvitsvakira kukudzwa?

14 Vafudzi vakavimbika havatsvaki kuti ivo vakudzwe. Vanoita kuti zano ravo uye kukurudzira kwavanoita kubve muShoko raMwari, kwete pauchenjeri hwavo. Vanonzwisisa kuti basa romufudzi nderokubatsira makwai kuti awane “pfungwa dzaKristu,” kwete pfungwa dzevakuru. (1 VaKorinde 2:14-16) Somuenzaniso, zvakadini kana mukuru anga achibatsira vamwe vakaroorana pazvinetso zvavo zvemhuri akavapa zano rinobva pane zvakaitika kwaari pane kuvapa zano rinobva pane zvinotaurwa neBhaibheri nemashoko anobudiswa no“muranda akatendeka, akangwara”? (Mateu 24:45) Zano rake ringava richinyanya kuenda kutsika dzomunzvimbo iyoyo uye richibva pazvishoma zvaanoziva. Chokwadi, dzimwe tsika hadzina kuipa, uye mukuru wacho angava noruzivo rwezvinoitika muupenyu. Asi makwai anobatsirwa chaizvo paanokurudzirwa nevafudzi kuti ateerere inzwi raJesu uye zvinotaurwa naJehovha pane kuteerera pfungwa dzevanhu kana kuti zvinodiwa netsika dzomunzvimbo iyoyo.—Pisarema 12:6; Zvirevo 3:5, 6.

Kurovedzwa No“muranda Akatendeka, Akangwara”

15. Jesu akapa “muranda akatendeka, akangwara,” basa rei, uye ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti boka romuranda ribudirire?

15 Vafudzi vakaita somuapostora Petro, Johani naPauro vose vaiva nhengo dzeboka rakarondedzerwa naJesu so“muranda akatendeka, akangwara.” Boka iri romuranda rinoumbwa nehama dzaJesu dzakazodzwa nomudzimu dziri pasi pano, dzine tariro yokunotonga naKristu kudenga. (Zvakazarurwa 5:9, 10) Mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino, hama dzaKristu dzasara pasi pano dzava shoma chaizvo, sezvatingatarisira. Zvisinei, basa ravakanzi naJesu vaite—rokuparidza mashoko akanaka oUmambo mugumo usati wasvika—rava kuitwa munzvimbo dzakawanda kupfuura kare kose. Kunyange zvakadaro, boka romuranda rave richibudirira zvinoshamisa! Nei? Kusvikira pamwero wakati, nokuti vakarovedza nhengo dze“mamwe makwai” kuti dzivabatsire mubasa rokuparidza nokudzidzisa. (Johani 10:16; Mateu 24:14; 25:40) Nhasi, basa racho rakawanda rinoitwa neboka iri rakavimbika.

16. Boka romuranda rinorovedza sei varume vakagadzwa?

16 Boka romuranda rinovarovedza sei? Muzana remakore rokutanga, vamiririri veboka iroro romuranda vakapiwa masimba okuti varovedze uye vagadze vatariri muungano, uye vatariri ava vaizorovedzawo makwai. (1 VaKorinde 4:17) Ndozvazvakaitawo nhasi. Dare Rinodzora—boka duku revakuru vakazodzwa vanomiririra boka romuranda—rinopa vanorimiririra masimba okurovedza uye kugadza vashumiri nevakuru muungano dzine makumi ezviuru dziri munyika yose. Uyewo, Dare Rinodzora rinoronga zvikoro zvokurovedza nhengo dzeMatare eMapazi, vatariri vanofambira, vakuru, uye vashumiri vanoshumira kuti vangatarisira sei makwai zvakanakisisa. Mimwe mirayiridzo inopiwa pachishandiswa tsamba, nyaya dzinobudiswa muNharireyomurindi, uye pachishandiswa mamwe mabhuku, akadai sebhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha. *

17. (a) Jesu akaratidza sei kuti anovimba neboka romuranda? (b) Vafudzi pane zvokunamata vangaratidza sei kuti vanovimba neboka romuranda?

17 Kuvimba kunoita Jesu neboka romuranda kwakasimba zvokuti akarigadza kuti ritarisire “zvinhu zvake zvose”—kureva zvinhu zvake zvose zvine chokuita nokunamata zviri pasi pano. (Mateu 24:47) Vafudzi vakagadzwa vanoratidza kuti ivowo vanovimba neboka romuranda nokushandisa zvavanoudzwa neDare raro Rinodzora. Chokwadi, vafudzi pavanorovedza vamwe, pavanobvuma kurovedzwa neShoko raMwari, uye pavanoshandisa kurovedzwa kwavanoitwa neboka romuranda, vanoita kuti boka ribatane. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha akarovedza varume vane hanya zvikuru nenhengo imwe neimwe yeungano yechiKristu!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Vafudzi pane zvokunamata vane ruzivo vanorovedza sei vamwe?

• Nei vafudzi vasingadzidzisi pfungwa dzavo pachavo?

• Vafudzi vanoratidza sei kuti vanovimba neboka romuranda uye nei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vakuru vechiKristu vanorovedza varume vaduku muungano

[Mifananidzo iri papeji 26]

“Muranda akatendeka, akangwara,” anorovedza vakuru chaizvo