Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Mambo Kristu Nokuvimbika

Kushumira Mambo Kristu Nokuvimbika

Kushumira Mambo Kristu Nokuvimbika

“Akapiwa ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.”—DHANIERI 7:14.

1, 2. Tinoziva sei kuti Kristu haana kuva nesimba rakakwana roUmambo muna 33 C.E.?

NDOUPI mutongi aigona kufira vanhu vaanotonga ozoraramazve kuti atonge samambo? Ndoupi mambo aigona kugara panyika, achiita kuti vaanotonga vavimbe naye uye vave vakavimbika kwaari, ozotonga ari kudenga? Munhu bedzi aigona kuita izvi—nezvimwe zvakawanda—ndiJesu Kristu. (Ruka 1:32, 33) PaPendekosti ya33 C.E., pashure pokunge Kristu afa, amutswa, uye akwira kudenga, Mwari “akaita kuti iye ave musoro wezvinhu zvose kuungano.” (VaEfeso 1:20-22; Mabasa 2:32-36) Saka Kristu akatanga kutonga, asi kwete zvakazara. Vanhu vaakatanga kutonga vaiva vaKristu vakazodzwa nomudzimu, vaiumba Israeri womudzimu, “Israeri waMwari.”—VaGaratiya 6:16; VaKorose 1:13.

2 Makore anenge 30 Pendekosti iyoyo yomuna 33 C.E. yapera, muapostora Pauro akabvuma kuti Kristu akanga asati ava nesimba roUmambo rakakwana, asi kuti aiva “kuruoko rworudyi rwaMwari, kubvira panguva iyoyo akamirira kusvikira vavengi vake vaitwa kuti vave sechitsiko chetsoka dzake.” (VaHebheru 10:12, 13) Zvadaro, zana remakore rokutanga C.E. rava kuda kunopera, pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akanga akwegura akafanoona Changamire Wezvinhu Zvose Zvakasikwa, Jehovha, achigadza Kristu Jesu kuti ave Mambo woUmambo hwokudenga hwakanga huchangogadzwa. (Zvakazarurwa 11:15; 12:1-5) Nepatiri iye zvino munhoroondo yevanhu, tinogona kudzokorora uchapupu hunogutsa hwokuti Kristu akatanga kutonga saMambo Mesiya kudenga muna 1914. *

3. (a) Mashoko akanaka oUmambo ava kusanganisira chimwe chinhu chitsva chipi kubvira muna 1914? (b) Tingazvibvunza mibvunzo ipi?

3 Chokwadi, kubvira muna 1914 mashoko akanaka oUmambo ava kusanganisira chimwe chinhu chitsva chinofadza. Kristu ave achishingaira kutonga saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga, kunyange zvazvo ari kutonga ari “pakati pevavengi” vake. (Pisarema 110:1, 2; Mateu 24:14; Zvakazarurwa 12:7-12) Uyezve, munyika yose, vanhu vakavimbika vaanotonga vari kuzviisa pasi pesimba rake nechido nokuitawo basa riri kuitwa munyika yose rokudzidzisa Bhaibheri, basa risingaenzaniswi nerimwe chero ripi zvaro rakamboitwa muupenyu hwevanhu. (Dhanieri 7:13, 14; Mateu 28:18) VaKristu vakazodzwa nomudzimu, “vanakomana voumambo,” vanoshumira se“nhume dzinomiririra Kristu.” Vanotsigirwa nokuvimbika neboka riri kukura re“mamwe makwai” aKristu, anoshanda senhume dzoUmambo hwaMwari. (Mateu 13:38; 2 VaKorinde 5:20; Johani 10:16) Kunyange zvakadaro, tinofanira kuongorora kana isu somunhu mumwe nomumwe tichinyatsozviisa pasi pechiremera chaKristu. Tinoramba takavimbika kwaari here? Tingaratidza sei kuti takavimbika kuna Mambo anotonga ari kudenga? Zvisinei, ngatitangei takurukura zvikonzero zvatiinazvo zvokuva vakavimbika kuna Kristu.

Mambo Anoita Kuti Tive Vakavimbika Kwaari

4. Chii chakaitwa naJesu saMambo Akasarudzwa paaiita ushumiri hwake pasi pano?

4 Kuvimbika kwatakaita kuna Kristu kunobva pakuonga kwatinoita zvaakaita uyewo unhu hwake hwakanaka zvikuru. (1 Petro 1:8) Paaiva pasi pano, Jesu saMambo Akasarudzwa akaita zvishomanana kana tichienzanisa nezvaachaita paachange ava Mambo anotonga nyika yose panguva yaMwari yakakodzera. Akapa vaiva nenzara zvokudya. Akaporesa vairwara, mapofu, vakaremara, matsi, uye mbeveve. Akatomutsawo vamwe vanhu vakafa. (Mateu 15:30, 31; Ruka 7:11-16; Johani 6:5-13) Uyezve, kuziva nezvoupenyu hwaJesu paaiva pasi pano kunotibatsira kuti tizive unhu hwake soMutongi weramangwana wenyika ino—kunyanya rudo rwake rwokuzvipira. (Mako 1:40-45) Pane izvi, Napoléon Bonaparte anonzi akati: “Inini, Alexander, Kesari, naCharlemagne takatanga umambo, asi chii chakaita kuti tibudirire kuita mabasa edu makuru? Takashandisa chisimba. Jesu Kristu chete ndiye akamisa umambo hwake achishandisa rudo, uye nhasi mamiriyoni evanhu angabvuma kumufira.”

5. Nei unhu hwaJesu hwaifadza chaizvo?

5 Jesu zvaaiva munyoro uye aine mwoyo unozvininipisa, vaya vaiva vakaremerwa nematambudziko nemitoro vaizorodzwa nedzidziso dzake dzaikurudzira uye nounhu hwake hwomutsa. (Mateu 11:28-30) Vana vainzwa vakasununguka pavaiva naye. Nechido, vanhu vaizvininipisa, vaiva noungwaru vakava vadzidzi vake. (Mateu 4:18-22; Mako 10:13-16) Kuva nehanya uye kuremekedza kwaaiita zvakaita kuti vakadzi vakawanda vaitya Mwari vave vakavimbika kwaari, uye vakawanda vavo vakashandisa nguva yavo, simba, uye zvinhu zvokunyama kuti vamutarisire paaiita ushumiri hwake.—Ruka 8:1-3.

6. Manzwiro api akadzama ayo Jesu akaratidza pakafa Razaro?

6 Kristu akaratidza mamwe emanzwiro akadzama aaiita pakafa shamwari yake yaaida Razaro. Akarwadziwa chaizvo nokushungurudzika kwaiita Mariya naMarita zvokuti akagomera neshungu uye “akasvimha misodzi.” “Akanetseka”—kushungurudzwa nemarwadzo nokusuruvara—kunyange zvazvo aiziva kuti munguva pfupi aizomutsa Razaro. Zvadaro, nemhaka yorudo nokunzwira tsitsi, Jesu akashandisa simba rake raakapiwa naMwari uye akamutsa Razaro kuvakafa.—Johani 11:11-15, 33-35, 38-44.

7. Nei zvakakodzera kuti tive vakavimbika kuna Jesu? (Onawo bhokisi riri papeji 31.)

7 Tinoshamiswa nokuda zvakarurama kwakasimba kwaiitwa naJesu uye kuvenga kwaaiita unyengeri nouipi. Kaviri akashinga kubudisa vatengesi vaikara mutemberi. (Mateu 21:12, 13; Johani 2:14-17) Uyezve, paaiva munhu pasi pano, akatarisana nenhamo dzemarudzi ose, zvichiita kuti anyatsozvionera matambudziko nezvinetso zvatinosangana nazvo. (VaHebheru 5:7-9) Jesu aizivawo kuti kuvengwa uye kusaruramisirwa kunorwadza zvakadini. (Johani 5:15-18; 11:53, 54; 18:38–19:16) Pakupedzisira, akashinga kubvuma kufa zvinorwadza kuitira kuti aite kuda kwaBaba vake uye kuti ape vaaizotonga upenyu husingaperi. (Johani 3:16) Unhu hwaKristu hwakadaro hahukukurudziri kuti urambe uchimushumira wakavimbika here? (VaHebheru 13:8; Zvakazarurwa 5:6-10) Asi chii chinodiwa kuti munhu atongwe naMambo Kristu?

Zvinodiwa Kuti Utongwe Naye

8. Vanoda kutongwa naKristu vanofanira kuitei?

8 Funga nezvomuenzaniso uyu: Kazhinji kuti uve mugari weimwe nyika unofanira kuva nezvimwe zvinhu zvinokosha. Vanenge vachida kuzova vagari vomunyika yacho vangatarisirwa kuti vave nounhu hwakanaka uye kuti vave noutano hunodiwa. Saizvozvowo, vanotongwa naKristu vanofanira kuva netsika dzakanaka zvikuru noutano hwakanaka pakunamata.—1 VaKorinde 6:9-11; VaGaratiya 5:19-23.

9. Tingaratidza sei kuti takavimbika kuna Kristu?

9 Zvakakodzera kuti Jesu Kristu anodawo kuti vaanotonga vave vakavimbika kwaari uye kuUmambo hwake. Vanoratidza kuti vakavimbika saizvozvo nokurarama maererano nezvaakadzidzisa paaiva pasi pano saMambo Akasarudzwa. Somuenzaniso, vanotanga kuita zvinhu zvine chokuita noUmambo uye zvinodiwa naMwari vozotsvaka zvinhu zvokunyama. (Mateu 6:31-34) Vanoedzawo nomwoyo wose kuratidza unhu hwakaita sohwaKristu, kunyange mumamiriro ezvinhu anenge akaoma zvikuru. (1 Petro 2:21-23) Uyezve, vanoda kutongwa naKristu vanotevera muenzaniso wake nokutanga kuitira vamwe zvakanaka.—Mateu 7:12; Johani 13:3-17.

10. Kuvimbika kuna Kristu kungaratidzwa sei (a) mumhuri uye (b) muungano?

10 Vateveri vaJesu vanoratidzawo kuti vakavimbika kwaari nokuratidza unhu hwake mumhuri. Somuenzaniso, varume vanoratidza kuti vakavimbika kuna Mambo wavo wokudenga nokutevedzera unhu hwaKristu mumabatiro avanoita madzimai avo nevana vavo. (VaEfeso 5:25, 28-30; 6:4; 1 Petro 3:7) Madzimai anoratidza kuti akavimbika kuna Kristu nomufambiro wakachena uye nokuratidza “mudzimu wakanyarara uye munyoro.” (1 Petro 3:1-4; VaEfeso 5:22-24) Vana vanova vakavimbika kuna Kristu pavanotevera muenzaniso wake wokuteerera. Paaiva pwere, Jesu akaramba achizviisa pasi pevabereki vake, kunyange zvazvo vaiva vasina kukwana. (Ruka 2:51, 52; VaEfeso 6:1) Vanoda kutongwa naKristu vanoedza chaizvo kumutevedzera no‘kunzwirana ngoni, vachidanana kwazvo sehama’ uye noku“nzwirana tsitsi kwazvo.” Vanoedza kuita saKristu, ‘vachizvininipisa, vasingatsivi zvinokuvadza nezvinokuvadza kana kutuka nokutuka.’—1 Petro 3:8, 9; 1 VaKorinde 11:1.

Vaanotonga Vanoteerera Mutemo

11. Vanotongwa naKristu vanozviisa pasi pemitemo ipi?

11 Sezvo vanhu vanoda kugara mune imwe nyika vachiteerera mitemo yenyika yavo itsva, vanotongwa naKristu vanozviisa pasi po“mutemo waKristu” nokuita kuti upenyu hwavo huenderane nezvose zvakadzidziswa uye zvakarayirwa naJesu. (VaGaratiya 6:2) Vanonyanya kurarama vakavimbika maererano no“mutemo wamambo” worudo. (Jakobho 2:8) Mitemo iyi inosanganisira chii?

12, 13. Tinozviisa sei pasi po“mutemo waKristu” takavimbika?

12 Vanotongwa naKristu vanhu vasina kukwana uye vanokanganisa. (VaRoma 3:23) Saka, vanofanira kuramba vachishandira ‘kudanana kwavo kwazvo sehama kusina unyengeri’ kuitira kuti ‘vadanane kwazvo zvichibva pamwoyo.’ (1 Petro 1:22) “Kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe,” vaKristu vanoshandisa mutemo waKristu nokuvimbika vachi“shivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.” Kuteerera mutemo uyu kunovabatsira kuita sevasingaoni kusakwana kwacho uye kunoita kuti vawane zvikonzero zvokudanana. Hauongi here kuva pamwe chete nevaya vanopfeka rudo, “chisungo chakakwana chokubatana,” vachizviisa pasi paMambo wedu ane rudo vakavimbika?—VaKorose 3:13, 14.

13 Uyezve, Jesu akatsanangura kuti rudo rwaairatidza rwaipfuura rudo runowanzoratidzwa nevanhu. (Johani 13:34, 35) Kana tichingoda vaya vanotida, hapana chatiri kuita “chinoshamisa.” Kana zvakadaro rudo rwedu runenge rusina kukwana. Jesu akatikurudzira kuti titevedzere rudo rwaBaba vake nokuratidza vanotivenga uye vanotitambudza rudo rune nheyo. (Mateu 5:46-48) Rudo urwu runoitawo kuti vanotongwa noUmambo hwacho vatsungirire vakavimbika vachiita basa ravo guru. Ibasa rei iroro?

Kuvimbika Kunoedzwa

14. Nei basa rokuparidza richikosha chaizvo?

14 Vanotongwa noUmambo hwaMwari vane basa rinokosha roku“pupurira kwazvo pamusoro poumambo hwaMwari” iye zvino. (Mabasa 28:23) Kuita izvozvo kunokosha nokuti Umambo hwaMesiya huchareverera kuti Jehovha ndiye changamire wezvinhu zvose. (1 VaKorinde 15:24-28) Patinoparidza mashoko akanaka, vanoteerera vanowana mukana wokuva vanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari. Uyezve, zvinoitwa nevanhu pavanonzwa shoko iroro ndizvo zvichashandiswa naMambo Kristu pakutonga vanhu. (Mateu 24:14; 2 VaTesaronika 1:6-10) Saka, nzira huru yatinoratidza nayo kuti takavimbika kuna Kristu ndeyokuteerera murayiro wake wokuudza vamwe nezvoUmambo.—Mateu 28:18-20.

15. Nei kuvimbika kwevaKristu kuchiedzwa?

15 Chokwadi, Satani anodzivisa basa rokuparidza nepaanogona napo, uye vatongi havabvumi kuti Kristu ane chiremera chaakapiwa naMwari. (Pisarema 2:1-3, 6-8) Ndokusaka Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti: “Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Johani 15:20) Naizvozvo, vateveri vaKristu vari kurwa hondo yezvokunamata inoedza kuvimbika kwavo.—2 VaKorinde 10:3-5; VaEfeso 6:10-12.

16. Vanotongwa noUmambo vanodzorera sei “zvinhu zvaMwari kuna Mwari”?

16 Kunyange zvakadaro, vanotongwa noUmambo hwaMwari vanoramba vakavimbika kuna Mambo wavo asingaoneki asi havaregi kuremekedza vanhu vane masimba. (Tito 3:1, 2) Jesu akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mako 12:13-17) Saka vanhu vanotongwa naKristu vanoteerera mitemo yehurumende isingapesani nemitemo yaMwari. (VaRoma 13:1-7) Zvisinei, dare repamusoro rechiJudha parakaita zvaipesana nemitemo yaMwari nokurayira vadzidzi vaJesu kuti varege kuparidza, ivo vakataura vakasimba asi vachiremekedza kuti vaifanira “kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 1:8; 5:27-32.

17. Nei tingava vakashinga panoedzwa kuvimbika kwedu?

17 Chokwadi, zvinoda kushinga chaizvo kuti vanotongwa naKristu varambe vakavimbika kuna Mambo wavo pavanenge vachitambudzwa. Kunyange zvakadaro, Jesu akati: “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga.” (Mateu 5:11, 12) Zvakaitika kuvateveri vaKristu vokutanga zvakaita kuti vaone kuti mashoko iwayo aiva echokwadi. Kunyange pavakarohwa nokuti vairamba vachiparidza mashoko akanaka oUmambo, vakafara “nokuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake. Mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu.” (Mabasa 5:41, 42) Imi munofanira kurumbidzwa, zvamuine maonero akafanana okuva vakavimbika pamunenge muchitsungirira matambudziko, kurwara, kufirwa, kana kuti kushorwa.—VaRoma 5:3-5; VaHebheru 13:6.

18. Mashoko akataurwa naJesu kuna Pondiyo Pirato anoratidzei?

18 Paakanga achiri Mambo Akasarudzwa, Jesu akatsanangurira Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.” (Johani 18:36) Naizvozvo, vanotongwa noUmambo hwokudenga havarwisani nomunhu chero upi zvake kana kutsigira pakurwisana chero kupi zvako kunoita vanhu. Vakavimbika ku“Muchinda woRugare,” vanoramba vasina divi ravanotsigira zvachose muzvinhu zvinoparadzanisa vanhu zvenyika ino.—Isaya 2:2-4; 9:6, 7.

Mibayiro Isingaperi Nokuda Kwevakavimbika Vaanotonga

19. Nei vanotongwa naKristu vangatarisira ramangwana nechivimbo?

19 Vakavimbika vanotongwa naKristu, “Mambo wemadzimambo,” vanotarisira ramangwana nechivimbo. Vanotarisira nomwoyo wose kukurumidza kwaachaita kuratidza simba rinoshamisa ramambo. (Zvakazarurwa 19:11–20:3; Mateu 24:30) Vakasara ve“vanakomana voumambo” vakazodzwa nomudzimu, vakavimbika, vanotarira mberi kunhaka yavo inokosha semadzimambo naKristu kudenga. (Mateu 13:38; Ruka 12:32) “Mamwe makwai,” aKristu akavimbika anomirira nomwoyo wose kubvumirwa naMambo wavo paachazivisa kuti: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka [pasi rinenge riri paradhiso] youmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvambwa kwenyika.” (Johani 10:16; Mateu 25:34) Saizvozvowo, vose vanotongwa noUmambo ngavatsunge kuti varambe vachishumira Mambo Kristu vakavimbika.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ona bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro, “Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichitaura kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa muna 1914?” mapeji 240-42, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Nei zvakakodzera kuti tive vakavimbika kuna Kristu?

• Vanotongwa naKristu vanoratidza sei kuti vakavimbika kwaari?

• Nei tichida kuva vakavimbika kuna Mambo Kristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi iri papeji 31]

HUMWE UNHU HWAKRISTU HWAKANAKA ZVIKURU

KusasaruraJohani 4:7-30.

TsitsiMateu 9:35-38; 12:18-21; Mako 6:30-34.

Rudo rwokuzvipiraJohani 13:1; 15:12-15.

KuvimbikaMateu 4:1-11; 28:20; Mako 11:15-18.

Kunzwira uromboMako 7:32-35; Ruka 7:11-15; VaHebheru 4:15, 16.

KunzwisisaMateu 15:21-28.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kana tichidanana, tinozviisa pasi po“mutemo waKristu” takavimbika

[Mifananidzo iri papeji 31]

Unhu hwaKristu hunoita kuti ude kumushumira wakavimbika here?