Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutaura Zvinobaya Mwoyo Womwana

Kutaura Zvinobaya Mwoyo Womwana

Kutaura Zvinobaya Mwoyo Womwana

WATI wambosuruvara here nokuona mwana achitamba mitambo ine chokuita nehondo? Zviitiko zvakadaro zvave kujairika kunyange kuvana vaduku zvikuru, sezvo chisimba chazara muzvinhu zvinovaraidza zviri munyika. Ungabatsira sei muduku kuti afarire kutambisa matoyi ane chokuita norugare pane kufarira matoyi ane chokuita nehondo? Waltraud, mumwe weZvapupu zvaJehovha ave ari mumishinari kwenguva yakareba muAfrica, akawana nzira yokubatsira nayo mumwe mukomana kuti aite izvozvo chaizvo.

Nemhaka yehondo, Waltraud aifanira kubva munyika maakanga achigara ndokutamira kune imwe nyika iri kuAfrica. Ari ikoko akatanga kudzidza Bhaibheri nevamwe amai vaiva nomwanakomana aiva nemakore mashanu. Pose paaishanyira amai vacho, mukomana wacho ainge achitambisa pfuti duku yepurasitiki, inova toyi yoga yaakanga ainayo. Waltraud haana kumbobvira amuona achinongedza chinhu nayo, asi aigara achingoivhura nokuivhara, sezvinonzi akanga achiisa mabara.

Waltraud akati kumukomana wacho: “Werner, unoziva here kuti nei ndichigara munyika yenyu? Imhaka yehondo—ndaifanira kutiza nyika yangu kuti ndisaurayiwa nevarume vane ngozi vaipfura vanhu nepfuti yakaita seyako. Unofunga kuti kupfura kwakadaro kwakanaka here?”

Werner akapindura achinzwisa tsitsi kuti, “Aiwa, hakuna kunaka.”

“Wagona chaizvo,” akadaro Waltraud. Zvadaro akabvunza kuti: “Unoziva here kuti nei ndichishanyira iwe naamai vako vhiki yoga yoga? Imhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinoda kubatsira vamwe kuti vave norugare naMwari uye nevavakidzani vavo.” Abvumirwa naamai vaWerner, Waltraud akamuudza kuti: “Kana ukandipa pfuti yako, ndichairasa, uye ndinovimbisa kuti ndichakutengera toyi yerori ine mavhiri mana.”

Werner akamupa pfuti yake. Aifanira kumirira kwevhiki ina, asi toyi yake itsva yakazouya—toyi yerori yakagadzirwa nemapuranga, yaakagamuchira achinyemwerera chaizvo.

Unowana nguva yokutaura nevana vako here, uchiedza kutaura zvinobaya mwoyo yavo kuitira kuti vade kurasa matoyi akafanana nezvombo zvehondo? Kana zvakadaro, unenge uchivadzidzisa chidzidzo chichavabatsira kwoupenyu hwose.