Kuziva Nei Mwari Achirega Vanhu Vachitambura Kwakachinja Upenyu Hwangu
Nyaya Youpenyu
Kuziva Nei Mwari Achirega Vanhu Vachitambura Kwakachinja Upenyu Hwangu
YAKATAURWA NAHARRY PELOYAN
Nei Mwari achirega vanhu vachitambura? Mubvunzo iwoyo wakanga wanditambudza kubvira ndichiri kakomana. Vabereki vangu vaiva vanhu vaishanda nesimba, vakavimbika, uye vaifarira kugara zvakanaka kwemhuri yavo. Asi baba vangu vakanga vasingafariri zvechitendero, uye amai vangu vaizvifarira zvishoma. Saka vakanga vasingagoni kundipindura mubvunzo iwoyo.
NDAKATONYANYA kunetseka nomubvunzo iwoyo pairwiwa Hondo Yenyika II uye yapera, pandaiva muuto romugungwa reUnited States kwemakore anodarika matatu. Hondo payakapera, ndakanzi ndinoshanda mungarava yaiendesa zvinhu zvokuyamura kuChina. Ndakagara ikoko kwerinenge gore ndikaona vanhu vakawanda chaizvo vachitambura.
Vanhu vokuChina vanhu vanoshanda nesimba, vakangwara. Asi vakawanda vakanga vachitambura chaizvo nemhaka yourombo pamwe chete nechisimba chakakonzerwa neHondo Yenyika II. Ndainyanya kurwadziwa nokuona vana vakanaka chaizvo, vakawanda vavo vakanga vasina utano hwakanaka nemhaka yokushaya zvokudya zvinovaka muviri uye vaipfeka mamvemve, vachipemha kwatiri pataisvika pamhenderekedzo.
Nei Vanhu Vachitambura?
Ndakaberekwa muna 1925 ndikakurira kuCalifornia, U.S.A. Ndakanga ndisati ndamboona zvakadaro. Saka, ndaizvibvunza ndazvibvunzazve kuti, ‘Kana kuine Musiki wemasimbaose, nei achirega mamiriro ezvinhu akadai achitambudza
vanhu vakawanda kudai, kunyanya vana vaduku vasina mhosva?’Ndainetsekawo kuti kana zvechokwadi Mwari aivako, nei airega vanhu vachiparadzwa, vanhu vakawanda vachipondwa, vachifa uye vachitambura mumazana emakore akapfuura—kunyanya pairwiwa Hondo Yenyika II, pakafa vanhu vanopfuura mamiriyoni 50. Uyezve, pairwiwa hondo iyoyo, nei vanhu vechitendero chimwe chete, avo vaikurudzirwa nevafundisi vavo, vaiurayana nokuti marudzi avo akanga akasiyana?
Teresikopu
Hondo Yenyika II payakatanga muna 1939 uye paiurayiwa vanhu vakawanda, ndaifunga kuti hakungambovi naMwari. Zvadaro, mukosi yesayenzi kuchikoro chesekondari, mumwe nomumwe pavadzidzi vose akanzi agadzire chimwe chinhu chesayenzi. Sezvo ndaifarira kudzidza nezvenyeredzi, ndakatanga kugadzira teresikopu huru yaiva negirazi rakafara masendimita 20.
Kuti ndigadzire teresikopu iyi, ndakatenga girazi rakanga rakakora masendimita 2,5 uye rakafara masendimita 20 uye ndakaita kuti munhu anocheka magirazi aricheke kuita raundi. Zvadaro ndakatanga basa rakaoma rokurikwesha nemaoko kuti rive girazi rakati dzikirei nechepakati. Izvozvo zvakandidyira nguva yose yandainge ndisina zvidzidzo kwetemu yose. Pandakapedza kugadzira girazi racho, ndakariisa muchubhu refu yesimbi ndikaisa tumagirazi twokuonesa pateresikopu yacho twaiva nesimba rakasiyana-siyana.
Humwe usiku, kusina kana mwedzi, ndakatora teresikopu yangu yandakanga ndapedza kugadzira ndikaenda nayo panze kokutanga, ndikaishandisa kutarisa nyeredzi nenyika dzomuchadenga. Ndakashamiswa nokuwanda kwezvinhu zvakasikwa zviri kudenga zvandakaona uye kuti zvinhu zvose zvakanga zvakarongwa zvakanaka chaizvo. Zvadaro, ndakatonyanya kushamiswa pandakaziva kuti dzimwe dzandaifunga kuti i“nyeredzi” aiva mapoka enyeredzi, akaita seredu rinonzi Gwara Renzou, rimwe nerimwe riine mabhiriyoni enyeredzi.
Ndakafunga kuti, ‘Chokwadi zvose izvi hazvingangodaro zvakaitika zvoga. Hapana chinhu chakarongeka chinongoerekana chaitika. Zvinhu zvakasikwa zvakarongwa zvakanaka chaizvo zvokuti zvinoita sokuti zvakagadzirwa nenyanzvi. Kuti kungadaro kuina Mwari?’ Zvandakaona neteresikopu zvakaita kuti ndichinje maonero andakanga ndakaomerera kwaari okuti hakuna Mwari.
Ndakabva ndazvibvunza kuti: ‘Zvechokwadi kana kuina Mwari ane simba uye akachenjera zvokukwanisa kusika zvinhu zvose izvi zvinoshamisa, angatadza here kugadzirisa mamiriro ezvinhu anosiririsa ari panyika? Akamboregerei nhamo yose iyi ichivapo?’ Pandaibvunza vanhu vaienda kuchechi mibvunzo yakadaro, vakanga vasingakwanisi kundipa mhinduro dzinogutsa.
Ndapedza chikoro uye ndapedza makore anoverengeka ndiri kukoreji, ndakashanda muuto romugungwa reUnited States. Zvisinei, vafundisi vaiva muuto racho vakanga vasingakwanisiwo kunyatsopindura mibvunzo yangu. Kazhinji, vaya vaienda kuchechi vaiti, “Ishe vanoita zvinoshamisa.”
Kuramba Ndichitsvaka
Ndabva kuChina, mibvunzo yandaiva nayo pamusoro pokuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura yakaramba iripo. Mibvunzo iyi yakaramba ichindinetsa, kunyanya pandaiona makuva emauto pazvitsuwa zvakasiyana-siyana pataimira tava kudzokera kumba tichiyambuka Pacific. Anenge makuva acho ose aiva emajaya akanga agurirwa upenyu hwawo panzira.
Pandakasvika kuUnited States uye ndisingachashandi muuto romugungwa, ndaifanira kupedzisa gore rimwe chete kuchikoro paHarvard University kuCambridge, Massachusetts. Ndakapedza kudzidza pashure pegore iroro uye ndakapiwa dhigirii, asi handina kuenda kumba kuCalifornia. Ndakasarudza kugara kuMabvazuva kweUnited States kwekanguva kuti ndiedze kuwana mhinduro dzemibvunzo yangu. Ndaifunga zvokuenda kuNew York City, kwaiva nezvitendero zvakawanda, kuti ndinopinda minamato yechitendero kuti ndizive zvaidzidziswa.
KuNew York amaiguru vangu, vainzi Isabel Kapigian, vakati ndizogara pamba pavo. Ivo nevanasikana vavo vaviri, Rose naRuth, vaiva Zvapupu zvaJehovha. Sezvo ndisina kumbofunga kuti ndingafarira zvavaitenda, ndakatanga kuenda kuminamato yezvimwe zvitendero, ndichitaura nevanhu uye ndichiverenga mabhuku avo. Ndaivabvunza kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura, asi vakanga vasingazivi mhinduro yacho sezvandaingoitawo. Ndakagumisa kuti pamwe kwakanga kusitomborina Mwari.
Kuwana Mhinduro
Zvadaro ndakakumbira amaiguru vangu nevanasikana vavo kuti ndiverenge mamwe mabhuku avo kuti ndizive maonero eZvapupu zvaJehovha. Pandakaverenga mabhuku acho, ndakakurumidza kuona kuti Zvapupu zvakanga zvakasiyana chaizvo nezvimwe zvitendero. Mhinduro dzacho dzaibva muBhaibheri uye dzaigutsa chaizvo. Munguva pfupi, mibvunzo yangu
yokuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura yakapindurwa.Handina kungopindurwa chete, asi ndaigona kuona kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiita mabasa anoenderana nemhinduro dzazvo dzomuBhaibheri. Somuenzaniso, ndakabvunza amaiguru vangu kuti majaya eZvapupu zvaJehovha okuGermany aiitei munguva yeHondo Yenyika II. Vakabatanawo nemauto aiva ikoko, vakatiwo “Rumbidzai Hitler!,” uye vakasaruta mureza weswastika here? Mhinduro yavo yaiva yokuti aiwa, havana kudaro. Uye pamusana pokuti vakanga vasina divi raivatsigira, vakaendeswa kumisasa yevasungwa, kwakanopondwa vakawanda vavo. Vakatsanangura kuti munguva yehondo Zvapupu zvaJehovha kwose kwose zvakanga zvasarudza chinhu chimwe chete—chokusava nedivi razvinotsigira. Kunyange munyika dzinoita zvegutsaruzhinji, majaya eZvapupu zvaJehovha aiiswa mujeri nemhaka yokusava nedivi raaitsigira.
Amaiguru vangu vakabva vanditi ndiverenge Johani 13:35, iyo inoti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” VaKristu vechokwadi vanofanira kuva nechiratidzo ichocho chorudo munyika dzose dzavanogara. Havazombofi vakarwisana muhondo, vachiurayana nokuti rudzi rwavo rwakasiyana! Vakabvunza kuti: “Ungafungidzira here Jesu nevadzidzi vake vachirwisana muhondo dzevaRoma, vachiurayana?”
Vakatiwo ndiverenge 1 Johani 3:10-12. Iyo inoti: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wose asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uyewo ndizvo zvakaita uya asingadi hama yake. . . . Tinofanira kudanana; hatifaniri kuita saKaini, akabva kune akaipa, akaponda munun’una wake.”
Bhaibheri rakajeka. VaKristu vechokwadi vanodanana, pasinei nokuti vanogara kunyika ipi. Saka, havazombourayi hama dzavo dzavanonamata nadzo kana kuti chero munhu upi zvake. Ndokusaka Jesu akati nezvevateveri vake: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.”—Johani 17:16.
Ndakaziva Kuti Nei Achirega Vanhu Vachitambura
Munguva pfupi ndakaziva kuti Bhaibheri rinotiudza nei Mwari achirega vanhu vachitambura. Rinotsanangura kuti Mwari paakasika vabereki vedu vokutanga, akavasika vakakwana ndokuvaisa mumunda waiva paradhiso. (Genesisi 1:26; 2:15) Akavapawo chipo chakanaka chaizvo—chokusarudza zvavanoda. Asi vaifanira kushandisa chipo ichocho zvakanaka. Kudai vaizoteerera Mwari nemitemo yake, vaizoramba vachirarama vakakwana muparadhiso. Vaizoita kuti paradhiso iyoyo ikure kusvikira nyika yose yava paradhiso. Vana vavo vaizovawo vakakwana, zvokuti nokufamba kwenguva, nyika ino yaizova paradhiso yakaisvonaka inogarwa nevanhu vakakwana, vanofara.—Genesisi 1:28.
Zvisinei, kudai Adhamu naEvha vaizosarudza kuzviraramira vasingatungamirirwi naMwari, aisazovarega vachiramba vakakwana. (Genesisi 2:16, 17) Zvinhu hazvina kufambira vanhu zvakanaka nokuti vabereki vedu vokutanga vakashandisa zvisina kukodzera rusununguko rwavo rwokusarudza zvavanoda uye vakasarudza kurega kutungamirirwa naMwari. Vakakurudzirwa nechisikwa chomudzimu chakanga chapanduka icho chakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi. Akachiva kuzviraramira asingatungamirirwi naMwari uye kunamatwa kwakanga kwakakodzera Mwari chete.—Genesisi 3:1-19; Zvakazarurwa 4:11.
Saka Satani akazova “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaKorinde 4:4) Bhaibheri rinoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Jesu akadana Satani kuti “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Kusateerera kwaSatani nokwevabereki vedu vokutanga kwakaita kuti vanhu vose vave vasina kukwana, kwakaunza chisimba, kusuruvara, kutambura uye rufu.—VaRoma 5:12.
“Munhu . . . Haakwanisi”
Kuti aratidze kuti kusateerera mite- mo yoMusiki kwaizokanganisa sei vanhu, Mwari akarega migumisiro yokusaiteerera iripo kwezviuru zvemakore. Nguva iyi yakapa vanhu vose mukana wakakura wokuona chokwadi chezvinotaurwa neBhaibheri, chokuti: “Nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake. Haiwa Jehovha, ndiruramisei.”—Jeremiya 10:23, 24.
Iye zvino, pashure pemazana emakore ose aya, tinogona kuona kuti kurarama tisingatungamirirwi naMwari kwakundikana. Saka Mwari ane chinangwa chokuti vanhu vasaramba vachiedza kuzviraramira kunovakuvadza vasingatumirirwi naye nemitemo yake.
Ramangwana Rinoshamisa
Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti munguva pfupi, Mwari achagumisa mamiriro ezvinhu aya akaipa, richiti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.
Uprofita huri pana Dhanieri 2:44 hunoti: “Mumazuva emadzimambo iwayo [umambo hwemarudzi ose huripo nhasi], Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” Vanhu havazombofi vakabvumirwazve kutonga. Nyika yose ichatongwa noUmambo hwaMwari. Ichitungamirirwa nahwo, nyika yose ichaitwa paradhiso uye vanhu vachava vakakwana kuti vararame nokusingaperi vachifara. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:4) Chokwadi Mwari akatichengetera ramangwana rinoshamisa chaizvo!
Upenyu Hwakasiyana
Kuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yangu kwakachinja upenyu hwangu. Kubvira ipapo, ndakada kushumira Mwari uye kubatsira vamwe kuti vanzwisise kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura. Ndakanzwisisa kukosha kunoita zvinotaurwa na1 Johani 2:17, zvokuti: “Nyika [mamiriro ezvinhu epanguva ino ari kutongwa naSatani] iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” Ndaida chaizvo kurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari. Ndakasarudza kugara muNew York uye ndakatanga kupinda neungano yeZvapupu zvaJehovha yaiva ikoko, uye pane zvakawanda zvinofadza zvakaitika pandaibatsira vamwe kuti vadzidzewo zvandakanga ndadzidza.
Muna 1949, ndakaonana naRose Marie Lewis. Iye, amai vake vanonzi Sadie, nevakoma nevanun’una vake vatanhatu vose vaiva Zvapupu zvaJehovha. Rose aishumira Mwari achiita basa rokuparidza nguva yakazara. Aiva nounhu hwakanaka chaizvo, uye ndakabva ndangomufarira. Takaroorana muna June 1950 uye takagara muNew York. Taifara nezvataiita uye taifadzwa netariro yokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari.
Muna 1957, ini naRose Marie takakokwa kuti tinoshumira zvizere padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha, kuBrooklyn, New York. Pakasvika June 2004 takanga taroorana uye tichifara kwemakore 54, 47 acho atakapedzera padzimbahwe rokuBrooklyn. Aiva makore anofadza okushumira Jehovha uye okushanda
pamwe chete nezviuru zvevamwe vatainamata navo.Ndakatambura Zvandisati Ndamboita
Zvinosuruvarisa kuti pakutanga kwaDecember 2004, Rose Marie akanzi aiva nebundu raiva nekenza mune rimwe remapapu ake. Vanachiremba vakabvumirana kuti bundu iri rakanga richikurumidza kukura uye raifanira kubviswa. Akavhiyiwa December ava kuda kunopera, uye kwapera inenge vhiki, chiremba wacho akamuvhiya akauya muimba yomuchipatara maiva naRose ndirimo, akati: “Rose Marie, chienda kumba! Wapora!”
Zvisinei, kwangopera mazuva mashomanana adzoka kumba, Rose Marie akatanga kurwadziwa chaizvo nomudumbu nedzimwewo nhengo dzomuviri wake. Akaramba achirwadziwa, saka akadzokera kuchipatara kuti anoongororwazve. Hazvina kuzivikanwa kuti nei ropa rake raigwamba munhengo dzake dzinokosha dzakati wandei, izvo zvaiita kuti nhengo idzodzo dzisawana okisijeni inodiwa. Vanachiremba vakaita zvose zvaikwanisa kuitwa nevanhu kuti vaite kuti risagwamba asi havana kubudirira. Kwapera vhiki shomanana chete, musi waJanuary 30, 2005, ndakatambura zvandisati ndamboita muupenyu hwangu hwose. Mudzimai wangu wandaida zvikuru Rose Marie akafa.
Panguva iyoyo, ndakanga ndava nemakore anenge 80 uye ndakanga ndaona vanhu vachitambura muupenyu hwangu hwose, asi izvi zvakanga zvakasiyana. Sokutaura kunoita Bhaibheri, ini naRose Marie taiva “nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Ndakanga ndamboona vamwe vachitambura uye ini pachangu ndakanga ndambotambura hama neshamwari padzaifa. Asi kutambura kwandakaita pakafa mudzimai wangu kwakanga kuri kukuru zvikuru uye kwakatora nguva refu. Iye zvino ndava kunyatsoziva kuti kufirwa nevanhu vaunoda kwave kuchiita kuti vanhu vasuruvare zvikuru kwenguva yakareba.
Kunyange zvakadaro, kunzwisisa kwandinoita matangiro akaita kutambura uye kuti kuchaguma sei kwakandibatsira. Pisarema 34:18 inoti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” Chinhu chinobatsira kuti nditsungirire kutambura kwakadai kuziva kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu vachamutswa, kuti vaya vari mumakuva vachabuda vova nomukana wokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari. Mabasa 24:15 inoti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Rose Marie aida Mwari chaizvo. Ndine chokwadi chokuti Mwari aimudawo zvakafanana uye kuti achamuyeuka omumutsa panguva yake yakakodzera, uye ndinovimba kuti achazviita nokukurumidza.—Ruka 20:38; Johani 11:25.
Kunyange zvazvo vanhu vachishungurudzwa zvikuru nokufirwa nomunhu wavanoda, vachafara zvakanyanya pavachagamuchira vadiwa vavo pavachamutswa. (Mako 5:42) Shoko raMwari rinovimbisa kuti: “Vakafa venyu vachararama. . . . Nyika icharegawo vaya vasina simba vari murufu vachiberekwa.” (Isaya 26:19) Zvichida vakawanda vevaya “vakarurama” vanotaurwa pana Mabasa 24:15 vachatanga kumutswa. Nguva iyoyo ichava nguva inoshamisa chaizvo! Uye Rose Marie achava mumwe wevaya vachamutswa. Achachingurwa zvakanaka chaizvo nevaya vanomuda! Zvichange zvichigutsa chaizvo panguva iyoyo kurarama munyika isina kutambura!
[Mifananidzo iri papeji 9]
Ndakaona vanhu vachitambura pandaishandira kuChina
[Mifananidzo iri papeji 10]
Kubvira muna 1957, ndave ndichishanda padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha riri muBrooklyn
[Mufananidzo uri papeji 12]
Ndakaroora Rose Marie muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 13]
Muna 2000, musi watakasvitsa makore 50 taroorana