Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Muenzaniso waJesu Uratidze Kuti Une Hanya Nevarombo

Tevedzera Muenzaniso waJesu Uratidze Kuti Une Hanya Nevarombo

Tevedzera Muenzaniso waJesu Uratidze Kuti Une Hanya Nevarombo

UROMBO nokudzvinyirirwa zvave zviripo kwenguva yakada kufanana neiyo vanhu vave varipo. Kunyange zvazvo Mutemo waMwari waakapa Israeri waiedza kudzivirira varombo uye kuti vasanyanya kutambura, kazhinji Mutemo iwoyo waisateererwa. (Amosi 2:6) Muprofita Ezekieri akashora nzira yaibatwa nayo varombo. Akati: “Vanhu vomunyika vakaronga kubiridzira, vakabvuta nougororo, vakaitira utsinye anotambudzika nomurombo, uye vakabiridzira mutorwa vasingaruramisiri.”—Ezekieri 22:29.

Jesu paaiva pasi pano urombo nokudzvinyirirwa zvaivapo. Vatungamiriri vechitendero vakaratidza kuti vakanga vasina kana hanya nevarombo nevaishayiwa. Vatungamiriri vechitendero vakarondedzerwa se‘vanhu vaida mari’ ‘vaiparadza dzimba dzechirikadzi’ uye vaingova nehanya nokuchengeta tsika dzavo pane kutarisira vakwegura uye vaishayiwa. (Ruka 16:14; 20:47; Mateu 15:5, 6) Zvinokosha kuziva kuti mumufananidzo waJesu womuSamariya akanaka, mupristi nomuRevhi pavakaona munhu akanga akuvara, vakamunyenyeredza pane kuti vatsauke vamubatsire.—Ruka 10:30-37.

Jesu Akaratidza Kuti Aiva Nehanya Nevarombo

Nhoroondo dzeEvhangeri dzoupenyu hwaJesu dzinoratidza kuti ainyatsonzwisisa matambudziko evarombo uye aiva nehanya chaizvo nezvavaida. Kunyange zvazvo Jesu akanga ararama kudenga, akazvidurura, akava munhu, ‘akava murombo nokuda kwedu.’ (2 VaKorinde 8:9) Paakaona mapoka evanhu, Jesu “akasiririswa navo, nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Nhoroondo yechirikadzi yaishayiwa inoratidza kuti Jesu akafadzwa nomupiro mudukuduku wechirikadzi yaiva murombo, kwete nezvipo zvikuru zvevapfumi, vaipa “vachibvisa pamari yavo yakasara.” Zvayakaita zvakabaya mwoyo wake nokuti ‘yakadonhedzera ichibvisa pakushayiwa kwayo zvose zvokurarama nazvo zvayakanga iinazvo.’—Ruka 21:4.

Jesu aisangonzwira tsitsi varombo, asi aifungawo nezvezvavaida. Iye nevaapostora vake vaiva nehomwe yemari yavaikanda mari vose zvavo vachizopa vaIsraeri vaishayiwa. (Mateu 26:6-9; Johani 12:5-8; 13:29) Jesu akakurudzira vaya vaida kuva vateveri vake kuti vazive zvavaifanira kuita kuti vabatsire vaishayiwa. Akaudza mumwe mutongi muduku aiva mupfumi kuti: “Tengesa zvinhu zvose zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kumatenga; uye uya uve muteveri wangu.” Kusada kusiya zvinhu zvake kwaiita munhu wacho kwakaratidza kuti aida pfuma yake kupfuura kuda kwaaiita Mwari nevanhu. Saka, akanga asina unhu hwaidiwa kuti ave mudzidzi waJesu.—Ruka 18:22, 23.

Vateveri vaKristu Vane Hanya Nevarombo

Jesu afa, vaapostora nevamwe vateveri vaKristu vakaramba vachiratidza kuti vaiva nehanya nevarombo vavairarama navo. Munenge muna 49 C.E., muapostora Pauro akasangana naJakobho, Petro, naJohani uye vakakurukura basa raakanga apiwa naShe Jesu Kristu rokuparidza mashoko akanaka. Vakabvumirana kuti Pauro naBhanabhasi vaifanira kuenda kune “vemamwe marudzi,” vonyanya kuparidzira Vemamwe Marudzi. Zvisinei, Jakobho nevamwe vake vakakurudzira Pauro naBhanabhasi kuti ‘vafungewo nezvevarombo.’ Uye Pauro ‘akavavarirawo nomwoyo wose kuti aite’ izvozvo.—VaGaratiya 2:7-10.

Panguva yaitonga Mambo Kraudhiyo, mativi akasiyana-siyana oUmambo hweRoma akava nenzara yakaipa zvikuru. Vanzwa izvi, vaKristu vaiva muAndiyoki “vakasarudza, mumwe nomumwe wavo maererano nezvaaigona, kuti vaite basa rokuyamura nokutumira zvinhu kuhama dzaigara muJudhiya; uye vakaita izvi, vachizvitumira kuvarume vakuru noruoko rwaBhanabhasi naSauro.”—Mabasa 11:28-30.

Nhasi vaKristu vechokwadi vanonzwisisawo kuti vateveri vaJesu vanofanira kuratidza kuti vane hanya nevarombo nevanoshayiwa, kunyanya vavanonamata navo. (VaGaratiya 6:10) Naizvozvo, vanoratidza kuti vane hanya chaizvo nevaya vasina zvinhu zvokunyama zvavanoda. Somuenzaniso, muna 1998, nzara yakaipa zvikuru yakaparadza kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweBrazil. Nzara yacho yakaparadza mupunga, bhinzi nechibage, zvikaita kuti nzvimbo yacho yose ive nenzara—nzara yakaipa zvikuru kupfuura dzose dzakanga dzamboitika mumakore 15. Dzimwe nzvimbo, dzakanga dzisina kunyange mvura yokunwa. Zvapupu zvaJehovha zviri kune dzimwe nzvimbo dzenyika yacho zvakakurumidza kuronga matare okuyamura, uye munguva pfupi, zvakanga zvaunganidza zvokudya zvakawanda uye zvabhadhara mari yokuti zvokudya zvacho zviendeswe kwazvaidiwa.

Zvapupu zvaitsigira kuyamura kwacho zvakanyora kuti: “Tinofara zvikuru kuti takwanisa kubatsira hama dzedu, kunyanya nokuti tine chokwadi chokuti tafadza mwoyo waJehovha. Hatimbokanganwi mashoko ari pana Jakobho 2:15, 16.” Ndima idzodzo dzeBhaibheri dzinoti: “Kana hama kana kuti hanzvadzi isina chokupfeka uye ichishayiwa zvokudya zvakakwanira zuva racho, mumwe wenyu oti kwavari: ‘Endai norugare, mudziyirwe, mugute,’ asi musingavapi zvinodiwa nemiviri yavo, zvinobatsirei?”

Mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha iri muguta reSão Paulo, chimwe Chapupu chinozvininipisa uye chinoshingaira chisina zvokunyama chinogara chichitamburira kuwana chouviri. Chinoti: “Kunyange zvazvo ndichirarama muurombo, shoko reBhaibheri rakaita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa chaicho. Handizivi kuti chii chingadai chakaitika kwandiri kudai ndisina kubatsirwa nezvimwe Zvapupu zvandinonamata nazvo.” Pane imwe nguva yakapfuura, uyu mukadzi wechiKristu anoshanda nesimba aifanira kuvhiyiwa asi akanga asingakwanisi kubhadhara mari yaidiwa kuchipatara. Muchiitiko ichi, hama nehanzvadzi dzechiKristu dzaiva muungano dzakakwanisa kubhadhara mari yokuvhiyiwa kwacho. VaKristu vechokwadi munyika yose vanobatsira varombo vavanonamata navo.

Asi pasinei nokuti zvakaitika zvakadaro zvingava zvichibaya mwoyo zvakadini, zviri pachena kuti kuedza kubatsira nomwoyo wose saizvozvo hakuzombopedzi urombo. Kunyange hurumende dzine simba nemasangano makuru okuyamura omunyika yose akambobudirira, haana kukwanisa kubvisa chinetso chourombo chave chiripo kubvira kare kare. Naizvozvo mubvunzo unovapo ndewokuti, Chii chichapedza zvachose urombo nezvimwe zvinetso zvinotambudza vanhu?

Zvinodzidziswa neBhaibheri Zvinobatsira Zvechigarire

Nhoroondo dzeEvhangeri dzinorondedzera kuti Jesu Kristu aigara achiitira zvakanaka vaya vaiva varombo kana kuti vane zvimwe zvavaishayiwa. (Mateu 14:14-21) Asi ainyanya kukoshesa basa ripi? Pane imwe nguva, apedza nguva yakati achibatsira vaya vaishayiwa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, mumataundi omumusha ari pedyo, kuti ndiparidze ikokowo.” Nei Jesu akamborega basa raaiitira vairwara nevaishayiwa kuti atangezve basa rake rokuparidza? Akatsanangura achiti: “Ndakauyira izvozvo,” kureva zvokuparidza. (Mako 1:38, 39; Ruka 4:43) Kunyange zvazvo kuitira vanhu vaishayiwa zvakanaka kwaikosha kuna Jesu, basa rake guru raiva rokuparidza nezvoUmambo hwaMwari.—Mako 1:14.

Bhaibheri zvarinokurudzira vaKristu kuti va“nyatsotevera tsoka” dzaJesu, nhasi vaKristu vanonyatsoziva zvavanofanira kutanga kuita pavanenge vachiedza kubatsira vamwe. (1 Petro 2:21) Kufanana naJesu, vanobatsira vanhu vanoshayiwa. Zvisinei, sezvakaita Jesu, vanoitawo kuti basa rokudzidzisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari rive panzvimbo yokutanga. (Mateu 5:14-16; 24:14; 28:19, 20) Asi nei kuparidza zvinotaurwa neShoko raMwari kuchifanira kuva kunokosha kupfuura dzimwe nzira dzokubatsira nadzo vamwe?

Zvinhu zvakaitika chaizvo munyika yose zvinoratidza kuti kana vanhu vakanzwisisa uye vakatevera zano rinoshanda reBhaibheri, vanenge vava kukwanisa kutarisana nematambudziko ezuva nezuva oupenyu, anosanganisira urombo. Uyezve, shoko reBhaibheri roUmambo hwaMwari rinoparidzwa neZvapupu zvaJehovha mazuva ano rinopa vanhu tariro yeramangwana—tariro inoita kuti upenyu huve hwakakodzera kurarama, kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. (1 Timoti 4:8) Itariro yei iyoyo?

Shoko raMwari rinotivimbisa nezveramangwana kuti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira [iye Mwari], uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Bhaibheri parinotaura nezve“nyika,” dzimwe nguva rinenge richireva vanhu vanogara panyika. (Genesisi 11:1) Naizvozvo vanhu vanofarirwa naMwari ndivo “nyika itsva” yakarurama yakavimbiswa kuti ichauya. Shoko raMwari rinovimbisazve kuti kana Kristu ava kutonga, vaya vanofarirwa naMwari vachagamuchira chipo choupenyu husingaperi uye vachararama upenyu hunogutsa mupasi rinenge riri paradhiso. (Mako 10:30) Ramangwana rakaisvonaka iroro rinogona kuwanikwa nevanhu vose, kusanganisira varombo. Mu“nyika itsva” iyoyo, dambudziko rourombo richapedzwa zvachose.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

JESU “ACHANUNURA MUROMBO” SEI?—Pisarema 72:12

KURURAMISIRA: Ngaatongere vanhu vanotambudzika, ngaaponese vanakomana vomurombo, ngaapwanye anobiridzira.” (Pisarema 72:4) Kristu paanenge achitonga nyika, acharuramisira vanhu vose. Panenge pasisina uori, dambudziko rinoita kuti nyika dzakawanda dzingadai dzakapfuma dzive nourombo.

RUGARE: “Mumazuva ake, munhu akarurama achamera, uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo.” (Pisarema 72:7) Urombo hwakawanda huri munyika hunokonzerwa nokurwisana kwevanhu uye hondo. Kristu achaunza rugare rwakakwana panyika, achibva abvisa kurwisana nehondo, zvinhu zvinonyanya kukonzera urombo.

TSITSI: “Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba, ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.” (Pisarema 72:12-14) Vakaderera, varombo, uye vanodzvinyirirwa vachava vanhu vomumhuri imwe inofara, yakabatana inenge ichitungamirirwa naMambo Jesu Kristu.

KUBUDIRIRA: “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo.” (Pisarema 72:16) Kristu paanenge achitonga, pachava nezvinhu zvakawanda zvokunyama. Vanhu havazotamburi nokushomeka kwezvokudya nenzara zvinogara zvichikonzera urombo nhasi.

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Jesu aiva nehanya nezvaidiwa nevarombo

[Mufananidzo uri papeji 6]

Shoko reBhaibheri rinounza tariro yechokwadi