Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Urombo—Mamiriro Akaita Zvinhu Mazuva Ano

Urombo—Mamiriro Akaita Zvinhu Mazuva Ano

Urombo—Mamiriro Akaita Zvinhu Mazuva Ano

VICENTE * anowanzoonekwa achidhonza chingoro chinenge chizere nezvinhu achifamba mumigwagwa yeSão Paulo, kuBrazil. Anonhongerera makadhibhokisi, masimbi, nemapurasitiki. Kunze pakunotanga kusviba, anowaridza makadhibhokisi pasi pechingoro chake obva arara. Anoita sokuti haatombonzwi ruzha rwemotokari nemabhazi zvinenge zvichifamba mumugwagwa unofamba mota zhinji maanenge akarara. Aimboshanda, aiva neimba, nemhuri—asi haasisina kana chimwe chete. Iye zvino ava kutamburira kuwana chokurarama nacho mumigwagwa.

Zvinosuruvarisa kuti mamiriyoni evanhu vakaita saVicente vari munyika yose, vanorarama muurombo hwakaipisisa. Munyika dzichiri kusimukira, vakawanda vanomanikidzwa kugara mumigwagwa kana kuti muzvitangwena. Zvakajairika kuona vapemhi—zvirema, mapofu, nevakadzi vanenge vachiyamwisa vana vavo. Pamarobhoti, vana vanomhanya nepakati pemotokari dzinenge dzakamira, vachiedza kutengesa zvihwitsi vachitarisira kuwana mari shomanana.

Zvakaoma kutsanangura kuti nei vanhu vari varombo zvakadaro. Magazini yokuBritain inonzi The Economist yakati: “Iye zvino vanhu vava vapfumi, vava noruzivo rwezvokurapa, unyanzvi hwokugadzira zvinhu uye ungwaru hunodiwa kuti vakurire urombo kupfuura kare.” Chokwadi, vakawanda vakabatsirwa nounyanzvi uhwu. Migwagwa yomumaguta makuru ari munyika dzakawanda dzichiri kusimukira izere nemotokari itsva dzinopenya. Nzvimbo dzine zvitoro zvakawanda dzizere netwunhu twemagetsi twemazuva ano, uye vanhu vakawanda chaizvo vanotwutenga. Nzvimbo mbiri dzine zvitoro zvakawanda dzokuBrazil dzakashambadzira zvimwe zvinhu kuti zvitengwe. Dzakaramba dzakavhura usiku hwose kubvira musi waDecember 23 kusvikira 24, 2004. Imwe nzvimbo yacho yakahaya vanhu vanotamba mimhanzi kuti vavaraidze vaiuya kuzotenga. Izvi zvakakwezva vatengi vanenge 500 000!

Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda havana chavanowana paupfumi hune vamwe. Musiyano wakakura wevapfumi nevarombo wakaita kuti vakawanda vagumise kuti urombo hunofanira kukurumidza kupedzwa. Magazini yokuBrazil inonzi Veja yakati: “Gore rino [ra2005] nyaya huru inofanira kunyanya kutaurwa nevatungamiriri venyika dzose ndeyokuti urombo hungapedzwa sei.” Veja yakataurawo nezvokutangwa kwourongwa hutsva hweMarshall Plan huri kuitirwa kubatsira nyika dzine urombo zvikuru, kunyanya dziri muAfrica. * Zvisinei, kunyange zvazvo urongwa hwakadaro huchiita sokuti huri kufambira mberi, magazini iyoyo yakawedzera kuti: “Panewo zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vasava nechokwadi nezvemigumisiro yacho. Kana nyika dzakawanda dzisingadi kutsigira urongwa hwakadaro nemari, imhaka yokuti kazhinji mari yacho haimbosviki kuvanhu vanenge vachifanira kuiwana.” Zvisinei, nemhaka youori, uye mitemo yakaoma, mari yakawanda yacho inopiwa nehurumende, masangano omunyika dzakawanda, nevamwewo vanhu haimbosviki kuvanhu vanenge vachifanira kuiwana.

Jesu aiziva kuti dambudziko rourombo raizoramba riripo. Akati: “Varombo munogara muinavo.” (Mateu 26:11) Izvi zvinoreva here kuti panyika pachangoramba paine urombo? Pane chinogona kuitwa here kuti mamiriro acho ezvinhu avandudzike? VaKristu vangaitei kuti vabatsire varombo?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Zita racho rakachinjwa.

^ ndima 5 Marshall Plan hwaiva urongwa hwaitsigirwa neUnited States hwokuwana mari yokubatsira kuti Europe isimbezve mune zvoupfumi pakapera hondo yenyika yechipiri.