Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vafudzi Vari “Mienzaniso Kuboka”

Vafudzi Vari “Mienzaniso Kuboka”

Vafudzi Vari “Mienzaniso Kuboka”

“Fudzai boka raMwari ramunotarisira . . . nokuzvidira . . . , nomwoyo wose . . . , muchiva mienzaniso kuboka.”—1 PETRO 5:2, 3.

1, 2. (a) Jesu akapa muapostora Petro ropafadzo yei, uye nei zvakanga zvakakodzera kuti Jesu avimbe naye? (b) Jehovha anonzwa sei nezvevafudzi vaakagadza?

PANE imwe nguva Pendekosti ya33 C.E. isati yasvika, Petro nevamwe vadzidzi vatanhatu vakanga vachidya chisvusvuro chakanga chagadzirwa naJesu vari pamhenderekedzo yeGungwa reGarireya. Aka kaisava kokutanga ako Petro akaona Jesu akanga amutswa, uye hapana mubvunzo kuti aifara chaizvo kuziva kuti Jesu aiva mupenyu. Asi Petro angangodarowo ainetseka. Nokutika mazuva mashomanana izvi zvisati zvaitika, akanga aramba pachena kuti aiziva Jesu. (Ruka 22:55-60; 24:34; Johani 18:25-27; 21:1-14) Jesu akatsiura Petro akanga apfidza pamusana pokuti akanga asina kutenda here? Aiwa. Pane kudaro, Jesu akapa Petro ropafadzo yokudyisa uye kufudza ‘makwai ake maduku.’ (Johani 21:15-17) Sezvinoratidzwa nenhoroondo yeBhaibheri yeungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga, zvakanga zvakakodzera kuti Jesu avimbe naPetro. Pamwe chete nevamwe vaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema, Petro akafudza ungano yechiKristu munguva yemiedzo yakaoma uye payaikurumidza kukura chaizvo.—Mabasa 1:15-26; 2:14; 15:6-9.

2 Mazuva ano, achishandisa Jesu Kristu, Jehovha akagadza varume vanokwanisa kuti vave vafudzi pane zvokunamata kuti vatungamirire makwai Ake munguva dzinonetsa dzati dzambovapo muupenyu hwevanhu. (VaEfeso 4:11, 12; 2 Timoti 3:1) Zvakakodzera here kuti avimbe nevarume vakadaro? Ukama hworugare hune vaKristu munyika yose hunoratidza kuti zvakakodzera. Chokwadi, vafudzi ava vanhu vanotadza, sezvakanga zvakaita Petro. (VaGaratiya 2:11-14; Jakobho 3:2) Kunyange zvakadaro, Jehovha anovimba navo kuti vatarisire makwai “aakatenga neropa roMwanakomana wake.” (Mabasa 20:28) Jehovha anoda varume ava chaizvo, anovaona “vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri.”—1 Timoti 5:17.

3. Vafudzi pane zvokunamata vanoramba sei vachiita zvinhu nokuzvidira uye nomwoyo wose?

3 Vafudzi pane zvokunamata vanoramba sei vachiita zvinhu nokuzvidira uye nomwoyo wose, vachiva mienzaniso kuboka? Kufanana naPetro nevamwe vafudzi vomuzana remakore rokutanga, ivo vanovimba nomudzimu mutsvene waMwari, unovapa simba ravanofanira kuva naro kuti vaite basa ravo. (2 VaKorinde 4:7) Mudzimu mutsvene unoitawo kuti vave nechibereko chomudzimu—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratiya 5:22, 23) Ngatikurukurei dzimwe nzira dzakananga idzo vafudzi vangaratidza nadzo muenzaniso wakanaka pakuva nechibereko ichi sezvavanofudza boka raMwari ravari kutarisira.

Idai Boka Rose uye Gwai Rimwe Nerimwe

4, 5. (a) Jehovha naJesu vanoratidza sei kuti vanoda boka? (b) Ndedzipi dzimwe nzira idzo vafudzi pane zvokunamata vanoratidza nadzo kuti vanoda boka?

4 Rudo ndihwo unhu hukuru hunoberekwa nomudzimu waMwari. Jehovha anoratidza kuti anoda boka racho rose paanoripa zvokudya zvakawanda zvine chokuita nokunamata. (Isaya 65:13, 14; Mateu 24:45-47) Asi haangopi boka racho zvokudya chete. Anonzwa achida gwai rimwe nerimwe. (1 Petro 5:6, 7) Jesu anodawo boka racho. Akapa mweya wake nokuda kwaro, uye anoziva gwai rimwe nerimwe, ‘nezita.’—Johani 10:3, 14-16.

5 Vafudzi pane zvokunamata vanotevedzera Jehovha naJesu. Vanoratidza kuti vanoda boka raMwari rose zvaro ‘nokushingairira kudzidzisa’ ungano. Hurukuro dzavo dzinobva muBhaibheri dzinobatsira kudyisa uye kudzivirira boka, uye kushanda kwavo zvakaoma panyaya iyi kunoonekwa nevanhu vose. (1 Timoti 4:13, 16) Chisinganyanyi kuonekwa inguva yavanopedza vachitarisira zvinyorwa zveungano, vachinyora tsamba, vachinyora purogiramu dzakasiyana-siyana, uye vachitarisira zvimwe zvakawanda-wanda kuti vave nechokwadi chokuti misangano yeungano nemamwe mabasa zvinoitwa “nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaKorinde 14:40) Basa iri ravanoita harionekwi nevanhu vakawanda, uye vangasatombotendwa. Chokwadi ibasa rinoratidza rudo.—VaGaratiya 5:13.

6, 7. (a) Ndeipi imwe nzira iyo vafudzi vanganyatsozivana nayo nemakwai? (b) Nei dzimwe nguva zvichibatsira kuudza mukuru manzwiro atinoita?

6 Vafudzi vechiKristu vane rudo vanoedza kuratidza kuti vanofarira gwai rimwe nerimwe riri muungano. (VaFiripi 2:4) Imwe nzira inobatsira vafudzi kuti vanyatsozivana negwai rimwe nerimwe ndeyokushanda naro mubasa rokuparidza pachena. Kazhinji Jesu aiita basa rokuparidza nevateveri vake uye aishandisa nguva dzakadaro kuti avakurudzire. (Ruka 8:1) Mumwe mufudzi wechiKristu ane ruzivo anoti: “Ndinoona kuti imwe yenzira dzakanakisisa yokuziva uye yokukurudzira nayo hama kana hanzvadzi ndeyokushanda nayo mubasa romumunda.” Kana usina kumbowana mukana wokushanda nomumwe wevakuru mubasa romumunda munguva pfupi yapfuura, wadii kuronga kuzviita nokukurumidza?

7 Rudo rwaiita kuti Jesu afare paifara vateveri vake uye asuwe pavaisuwa. Somuenzaniso, vadzidzi vake 70 pavakadzoka vachifara vachibva kwavakanga vanoparidza, Jesu “akafara kwazvo.” (Ruka 10:17-21) Zvisinei, paakaona kuti kufa kwaRazaro kwakanga kwarwadza sei Mariya nevomumhuri yake uye shamwari dzavo, “Jesu akasvimha misodzi.” (Johani 11:33-35) Saizvozvowo, mazuva ano vafudzi vane rudo vane hanya nemanzwiro anoita makwai. Rudo runoita kuti ‘vafare nevanhu vanofara’ uye kuti ‘vacheme nevanhu vanochema.’ (VaRoma 12:15) Kana ukafara kana kusuwa muupenyu hwako, inzwa wakasununguka kuudza vafudzi vechiKristu manzwiro aunoita. Kunzwa nezvokufara kwauri kuita kuchavakurudzira. (VaRoma 1:11, 12) Kana vakaziva nezvemiedzo yako zvichaita kuti vakwanise kukusimbisa uye kukunyaradza.—1 VaTesaronika 1:6; 3:1-3.

8, 9. (a) Mumwe mukuru akaratidza sei kuti aida mudzimai wake? (b) Zvinokosha zvakadini kuti mufudzi aratidze kuti anoda mhuri yake?

8 Kuda kunoita mufudzi boka kunonyanya kuoneka pamabatiro aanoita mhuri yake. (1 Timoti 3:1, 4) Kana akaroora, kuda uye kuremekedza kwaanoita mudzimai wake kunoratidza muenzaniso wokuti vamwe varume vatevedzere. (VaEfeso 5:25; 1 Petro 3:7) Funga nezvezvakataurwa nomumwe mukadzi wechiKristu anonzi Linda. Murume wake aiva mukuru kwemakore anopfuura 20 asati ashaya. Anoti: “Murume wangu aigara aine zvakawanda zvokuita achitarisira ungano. Asi aiita kuti ndione kuti taishanda pamwe chete. Kazhinji aitenda kuti ndaimutsigira, uye paaiva asingaiti mabasa eungano aiwana nguva yokuva neni. Somugumisiro, ndainzwa kuti aindida uye ndakanga ndisingaitiri godo nguva yaaipedza achishumira ungano.”

9 Kana mufudzi wechiKristu aine vana, marangiro aanoita vaduku ivavo norudo uye kugara achivarumbidza zvinoratidza muenzaniso wakanaka wokuti vamwe vabereki vatevedzere. (VaEfeso 6:4) Kutaura zvazviri, kuda kwaanoita mhuri yake kunoramba kuchipa uchapupu hwokuti anorarama maererano nokuvimbwa kwaakaitwa paakagadzwa nomudzimu mutsvene.—1 Timoti 3:4, 5.

Ita Kuti Pave Nomufaro uye Rugare Nokukurukurirana

10. (a) Chii chingakanganisa mufaro uye rugare rweungano? (b) Inyaya ipi yakanga yava kuda kukanganisa rugare rweungano yomuzana remakore rokutanga, uye nyaya iyoyo yakagadziriswa sei?

10 Mudzimu mutsvene unogona kubereka mufaro uye rugare mumwoyo momuKristu, mudare revakuru, uye muungano yose zvayo. Zvisinei, kutadza kukurukurirana makasununguka kunogona kukanganisa mufaro uyu norugare. Soromoni wekare akati: “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri.” (Zvirevo 15:22) Asiwo, kukurukurirana zvine ruremekedzo uye makasununguka kunoita kuti pave nomufaro norugare. Somuenzaniso, nyaya yokudzingiswa payakanga yava kuda kuvhiringidza rugare rweungano yomuzana remakore rokutanga, dare raidzora raiva muJerusarema rakatsvaka kutungamirirwa nomudzimu mutsvene. Vakuru ava vakataurawo maonero avo akasiyana-siyana panyaya yacho. Pashure pokunge vakurukurirana chaizvo, vakazoita chisarudzo. Pavakaudza ungano chisarudzo chavakanga vabvumirana, hama dza“kafara nokukurudzira kwacho.” (Mabasa 15:6-23, 25, 31; 16:4, 5) Zvakaita kuti pave nomufaro norugare.

11. Vakuru vangaita sei kuti muungano muve nomufaro norugare?

11 Saizvozvowo nhasi, vafudzi vanoita kuti muungano muve nomufaro norugare kana vakakurukurirana zvakanaka. Kana pakava nezvinetso zvingangovhiringidza rugare rweungano, vanoungana votaura manzwiro avo vakasununguka. Vanoteerera vachiremekedza zvinenge zvichitaurwa nevamwe vafudzi. (Zvirevo 13:10; 18:13) Kana vanyengeterera mudzimu mutsvene, vanoita kuti zvisarudzo zvavo zvibve pane zvinotaurwa neBhaibheri uye pamirayiridzo inobudiswa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47; 1 VaKorinde 4:6) Kana chisarudzo chomuMagwaro changoitwa nedare revakuru, mukuru mumwe nomumwe anobvuma kutungamirirwa nomudzimu mutsvene nokutsigira chisarudzo ichocho kunyange kana vazhinji vasina kutsigira maonero ake. Kuzvininipisa kwakadaro kunobatsira kuti pave nomufaro norugare uye kunoratidza makwai muenzaniso wakanaka wokuti angafamba sei naMwari. (Mika 6:8) Uri kushandira pamwe nezvisarudzo zvinobva muBhaibheri zvinoitwa nevafudzi muungano uchiratidza kuva nomwero here?

Iva Nomwoyo Murefu Nomutsa

12. Nei Jesu aifanira kuva nomwoyo murefu nomutsa paaibata nevaapostora?

12 Jesu aiva nomwoyo murefu nomutsa paaibata nevaapostora vake, pasinei nokuti vairamba vachikanganisa. Somuenzaniso, Jesu akaedza aedzazve kuvasimbisira kuti vaifanira kuzvininipisa. (Mateu 18:1-4; 20:25-27) Asi, usiku hwokupedzisira hwoupenyu hwaJesu pasi pano, achangobva kuvapa chidzidzo chokuzvininipisa nokugeza tsoka dzavo, “pakavawo nenharo huru pakati pavo pamusoro pokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose.” (Ruka 22:24; Johani 13:1-5) Jesu akatuka vaapostora vacho here? Aiwa, nomutsa akaita zvokutaurirana navo, achiti: “Mukuru ndiani, akatsenhama patafura kana uya ari kushumira? Haasi iye akatsenhama patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu souya ari kushumira.” (Ruka 22:27) Mwoyo murefu waJesu nomutsa—pamwe chete nomuenzaniso wake wakanaka—zvakaguma zvabaya mwoyo yevaapostora vake.

13, 14. Vafudzi vanofanira kunyanya kuva nomutsa papi?

13 Saizvozvowo, mufudzi pane zvokunamata angafanira kupa apazve mumwe munhu zano nezvechimwe chikanganiso. Mufudzi wacho angashatiriswa nomunhu wacho. Zvisinei, paanenge ‘achirayira vanofamba zvisina kukodzera,’ kana akayeuka kuti naiyewo anokanganisa, iye achakwanisa kuratidza hama yake mwoyo murefu uye mutsa. Kana akadaro, anotevedzera Jesu naJehovha, avo vanoratidza unhu uhwu kuvaKristu vose—kusanganisira vafudzi.—1 VaTesaronika 5:14; Jakobho 2:13.

14 Dzimwe nguva, vafudzi vangafanira kupa zano rakasimba kumunhu anenge aita chivi chakakomba. Kana munhu wacho asingapfidzi, vafudzi vanofanira kubvisa akakanganisa wacho muungano. (1 VaKorinde 5:11-13) Kunyange zvakadaro, nzira yavanobata nayo nomunhu iyeye inoratidza kuti vanovenga chivi, kwete mutadzi wacho. (Judha 23) Vafudzi vane mutsa vangaita kuti zvive nyore kuti gwai rakarasika rigume radzoka kuboka.—Ruka 15:11-24.

Mabasa Akanaka Anokurudzirwa Nokutenda

15. Ndeipi imwe nzira iyo vafudzi vanotevedzera nayo kunaka kwaJehovha, uye chii chinovakurudzira kuti vadaro?

15 “Jehovha akanaka kune vose,” kunyange kune vaya vasingaongi zvaanovaitira. (Pisarema 145:9; Mateu 5:45) Kunaka kwaJehovha kunonyanya kuoneka pakuti anotuma vanhu vake kuti vaparidze “mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Vafudzi vanoratidza kunaka kwaMwari nokutungamirira mubasa iri rokuparidza. Chii chinoita kuti vasaneta kuriita? Kutenda kwakasimba muna Jehovha uye muzvipikirwa zvake.—VaRoma 10:10, 13, 14.

16. Vafudzi vangaitira makwai “zvakanaka” sei?

16 Kuwedzera pakuitira “vose zvakanaka” nokuparidza, vafudzi vane mutoro wokuitira zvakanaka “kunyanya vaya vane ukama [navo] mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Imwe nzira yavanoita nayo izvi ndeyokuvashanyira kuti vavafudze zvinokurudzira. “Ndinonakidzwa nokushanya ndichifudza,” anodaro mumwe mukuru. “Zvinondipa mukana wokurumbidza hama nehanzvadzi nokuda kwezvadzinoita uye kudzibatsira kuti dzione kuti kushanda kwadzo nesimba kunoongwa.” Dzimwe nguva, vafudzi vangataura dzimwe nzira idzo munhu anganatsiridza nadzo basa rake raanoitira Jehovha. Pavanenge vachidaro, vafudzi vakachenjera vanotevedzera muapostora Pauro. Funga nezvenzira yaakateterera nayo hama dzomuTesaronika, achiti: “Tine chivimbo munaShe pamusoro penyu, kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinorayira.” (2 VaTesaronika 3:4) Mashoko akadaro anoratidza chivimbo, anoita kuti makwai ade kuita zvakanaka uye anoita kuti zvive nyore kuti ‘ateerere vaya vari kutungamirira.’ (VaHebheru 13:17) Paunoshanyirwa kuti uzofudzwa zvinokurudzira, wadii kuonga kushanya kwakadaro?

Kuva Munyoro Kunoda Kuzvidzora

17. Petro akadzidza chidzidzo chei kuna Jesu?

17 Jesu aiva munyoro, kunyange paaishatiriswa. (Mateu 11:29) Paakatengeswa akasungwa, Jesu akaratidza kuti aiva munyoro uye aizvidzora chaizvo. Asina kumbofunga, Petro akavhomora bakatwa ndokutsiva. Asi Jesu akamuyeuchidza kuti: “Unofunga kuti handigoni here kukumbira Baba vangu kuti vandipe panguva ino mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri?” (Mateu 26:51-53; Johani 18:10) Petro akabayiwa mwoyo nechidzidzo chacho uye gare gare akayeuchidza vaKristu kuti: “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake. . . . Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira.”—1 Petro 2:21-23.

18, 19. (a) Vafudzi vanofanira kunyanya kuratidza kuti vanyoro uye vanozvidzora papi? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya inotevera?

18 Saizvozvowo, vafudzi vanobudirira vanofanira kuva vanyoro kunyange kana vakabatwa zvisina kunaka. Somuenzaniso, vamwe vavanoedza kubatsira muungano vangasazvigamuchira zvakanaka. Kana munhu ari kuda kubatsirwa wacho akaneta kana kuti achirwara pane zvokunamata, paanopiwa zano, anga“taura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa.” (Zvirevo 12:18) Zvisinei, kufanana naJesu, vafudzi havadzoreri nehasha kana kuti kumutsiva. Pane kudaro, vanozvidzora uye vanoramba vachimunzwira tsitsi, izvo zvingava chikomborero kune anenge achida kubatsirwa. (1 Petro 3:8, 9) Unodzidza pamuenzaniso wevakuru woratidza unyoro uye kuzvidzora paunopiwa zano here?

19 Hapana mubvunzo kuti Jehovha naJesu vanoonga chaizvo kushanda nesimba kunoita zviuru zvevafudzi avo vanotarisira boka munyika yose vachizvidira. Jehovha noMwanakomana wake vanodawo chaizvo zviuru zvevashumiri vanoshumira vanotsigira vakuru paku“shumira vatsvene.” (VaHebheru 6:10) Saka, nei dzimwe hama dzakabhabhatidzwa dzingazeza kuvavarira kuwana iri “basa rakanaka”? (1 Timoti 3:1) Uye Jehovha anorovedza sei vaya vaanogadza sevafudzi? Tichakurukura mibvunzo iyi munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Ndedzipi dzimwe nzira idzo vafudzi vanoratidza nadzo kuti vanoda boka?

• Vose vari muungano vangaita sei kuti pave nomufaro norugare?

• Nei vafudzi vachiratidza mwoyo murefu nomutsa pavanenge vachipa zano?

• Vakuru vanoratidza sei kunaka nokutenda?

Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Rudo ndirwo runoita kuti vakuru vade kushumira ungano

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vanopedzawo nguva vaine mhuri dzavo vachitandara . . .

. . . uye vari muushumiri

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kukurukurirana zvakanaka kwevakuru kunoita kuti muungano muve nomufaro uye rugare