Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika—Chava Kuda Kuzadziswa

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika—Chava Kuda Kuzadziswa

Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika—Chava Kuda Kuzadziswa

ADHAMU naEvha pavakanga vachiri muParadhiso, vakapiwa murayiro uyu naMwari, unoti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”—Genesisi 1:28.

Kukurira nyika kwaireva zvinopfuura kuirima kana kuti kungotarisira chikamu chayo chiduku. Adhamu naEvha nevana vavo vaifanira kutambanudza Paradhiso kusvikira yazadza pasi pose. Zvisinei, vanhu vaviri vokutanga vakaita chivi vachibva vadzingwa mumunda weEdheni. (Genesisi 3:23, 24) Asi izvozvo zvakanga zvisingarevi kuti nyika yaisazokurirwa.

Vanhu vanoteerera vachakwanisa kukurira nyika nokuti vachange vachikomborerwa naMwari. Vanhu veIsraeri yekare pavakakomborerwa naMwari, minda yavo yakabereka zvirimwa zvakanaka uye minda yavo yemichero yakabereka michero yakanaka chaizvo. Mamiriro ezvinhu akafanana achavapo nyika yedu paichaita paradhiso zvishoma nezvishoma. Sezvakavimbiswa muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, “nyika ichabereka zvibereko zvayo; Mwari, iye Mwari wedu, achatikomborera.” (Pisarema 67:6) Chaizvoizvo, mafuro enyika uye makomo, miti nemaruva ayo, nzizi dzayo nemakungwa zvichafara. (Pisarema 96:11-13; 98:7-9) Nyika yedu yose ichazara nouswa hwakasvibirira, shiri dzakaisvonaka, mhuka dzakanaka, uye vanhu vane ushamwari.

Nyika Itsva Yava Pedyo!

Iye zvino tava pedyo zvikuru nenyika itsva yakapikirwa naJehovha Mwari. “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira,” akanyora kudaro muapostora Petro, “uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Pashure pokuverenga mashoko iwayo aPetro, vamwe vangagumisa kuti nyika ino haimbofi yava paradhiso. Vangafunga kuti matenga atinoona nenyika ino zvichatsiviwa. Ndizvo here?

“Matenga matsva” chii? Haasi matenga atinoona akasikwa naMwari. (Pisarema 19:1, 2) Petro akanga achangobva kutaura nezve“matenga” okufananidzira—hurumende dzevanhu dzakasimudzirwa kana kuti kukwidziridzwa pamusoro pevanhu vadzinotonga. (2 Petro 3:10-12) “Matenga” aya ave achikundikana kutonga vanhu uye achaparadzwa. (Jeremiya 10:23; Dhanieri 2:44) “Matenga matsva” achatsiva hurumende idzi Umambo hwaMwari huna Mambo Jesu Kristu nevachagara nhaka naye vane 144 000 vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga.—VaRoma 8:16, 17; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3.

“Nyika itsva” yakataurwa naPetro haisi pasi idzva. Jehovha akasika nyika yakakodzera kuti vanhu vararame nokusingaperi. (Pisarema 104:5) Dzimwe nguva, Bhaibheri rinotaura nezve“nyika” richireva vanhu. (Genesisi 11:1) Nyika yava kuda kuparadzwa inoumbwa nevanhu vakazviita venyika ino yakaipa. Saizvozvowo, nyika yevanhu vasingadi Mwari yakaparadzwa muMafashamo omuzuva raNoa. (2 Petro 3:5-7) Saka, “nyika itsva” chii? Inzanga itsva yevanhu—yevanamati vaMwari vechokwadi, vane “mwoyo yakarurama.” (Pisarema 125:4; 1 Johani 2:17) Mitemo yose ye“nyika itsva” ichabva ku“matenga matsva.” Varume vakatendeka vari panyika pano vachaona kuti mirayiridzo iyi yaitwa.

Zvinhu Zvitsva uye Zvakaisvonaka!

Chokwadi Jehovha akatipa musha wakanaka chaizvo paakagadzira nyika kuti igarwe nevanhu. Iye pachake akati basa rake rose repanyika pano rakanga ‘rakanaka kwazvo.’ (Genesisi 1:31) Satani Dhiyabhorosi akaita kuti Adhamu naEvha vapanduke. (Genesisi 3:1-5; Zvakazarurwa 12:9) Zvisinei, nokukurumidza Mwari achaona kuti vakarurama vane “upenyu chaihwo.” Izvi zvinoreva “upenyu husingaperi” mumamiriro ezvinhu akakwana muParadhiso. (1 Timoti 6:12, 19) Iye zvino ngatichikurukura zvimwe zvezvikomborero zvichawanika panguva iyoyo.

MuKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, Satani achambomiswa kuita basa uye achange asingakwanisi kuunzira vanhu nhamo. Muapostora Johani anoti: “Ndakaona ngirozi [ngirozi huru Mikayeri, kana kuti Jesu Kristu] ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika uye cheni huru iri muruoko rwayo. Yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani, ikamusunga kwemakore ane chiuru. Yakamukanda mugomba rakadzikadzika, ikarivhara, ikariisa chisimbiso iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera.” (Zvakazarurwa 20:1-3; 12:12) Kunze kwokusununguka pakufurirwa naSatani paanenge ari mugomba rakadzikadzika, vanhu vachava nezvimwe zvikomborero zvakawanda Umambo hwacho pahuchange huchitonga.

Uipi, chisimba, nehondo hazvizovipozve. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:10, 11, 29) Jehovha Mwari ‘achagumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.’ (Pisarema 46:9) Chokwadi iyi ivimbiso inoshamisa yokuchengeteka norugare!

Tichava nemafashafasha ezvokudya zvinovaka muviri uye zvinonaka. “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo,” akaimba kudaro munyori wepisarema. “Zvichafashukira pamusoro pemakomo.” (Pisarema 72:16) Panguva iyoyo, hapana achatambura marwadzo anotyisa enzara.

Hapana acharwara. Zvechokwadi, “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24; 35:5, 6) Jesu Kristu paaiva panyika pano, akarapa vaiva nemaperembudzi uye akaporesa vakanga vakaremara nemapofu. (Mateu 9:35; Mako 1:40-42; Johani 5:5-9) Chimbofungidzira zvaa- chaita munyika itsva! Chi- mbofunga mufaro uchavapo kana mapofu, matsi, zvirema uye zvimumumu vaporeswa.

Vanhu vanoteerera zvavanosvika pakukwana, migumi- siro yakaipa yoku- kwegura ichabviswa. Panenge pasisina magirazi emaziso, tsvimbo, madondoro, mawiricheya, zvipatara, nemishonga. Uku kuchava kuchinja kwakazonaka sezvo tichavazve nesimba redu rouduku! (Jobho 33:25) Mangwanani oga oga, tichamuka tichinzwa kuti tanyatsorara zvakanaka uye tazorora usiku, tagadzirira kutanga rimwe zuva ratichaita basa rinotifadza.

Kumutswa kwevadiwa vedu uye vamwe vanhu kuchaita kuti mwoyo yedu ifare. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Tichafara chaizvo kugamuchira Abheri, Noa, Abrahamu, Sara, Jo- bho, Mosesi, Rute, Dhavhi- dhi, Eriya, Esteri, nevamwe vakawanda! Mamiriyoni evamwe achamutswawo. Vakawanda vavo havana kumbodzidza nezvaJehovha, asi vachagamuchirwa nevanhu vanoda nomwoyo wose kuvadzidzisa nezvaMwari, zvinangwa zvake, uye Mwanakomana wake, Jesu Kristu. Sezvo vaya vachamutswa vachaziva Musiki wavo, zvechokwadi kuziva Jehovha kuchazadza nyika.

Kupfuura zvose, tichakwanisa kunamata Mwari wechokwadi bedzi nokusingaperi. Tichava neropafadzo ‘yokushumira Jehovha tichifara,’ uye tichashanda pamwe chete murugare patinenge tichivaka misha yakanaka, tichirima minda, uye pakupedzisira tokurira pasi pose. (Pisarema 100:1-3; Isaya 65:21-24) Zvichafadza zvikuru kurarama nokusingaperi muparadhiso inobereka zvibereko, ine rugare, uye yakaisvonaka inoita kuti zita dzvene raJehovha rikudzwe!—Pisarema 145:21; Johani 17:3.

Kuedzwa Kuchaitwa Vanhu Pakupedzisira

MuKutonga kwake Kwemakore Ane Chiuru, Jesu achashandisa chibayiro chake chorudzikinuro kumunhu wose anoteerera. Pakupedzisira, chivi chose chichabviswa uye vanhu vachasvika pakukwana. (1 Johani 2:2; Zvakazarurwa 21:1-4) Kana migumisiro yechivi chaAdhamu yabviswa zvachose, vanhu vakakwana vachaita zvinodiwa naMwari mumuviri, mupfungwa, mutsika, uye mune zvokunamata. Saka, ‘vachava vapenyu’ mupfungwa yakazara pavanenge vakwana vasisina chivi. (Zvakazarurwa 20:5) Izvi pamwe chete nepasi rinenge riri Paradhiso zvichakudza Jehovha zvechokwadi!

Nguva shomanana pashure pokunge Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru kwaguma, Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni ake, kana kuti ngirozi dzakaipa, vachabudiswa mugomba rakadzikadzika mavanenge vambokandwa kwemakore chiuru. (Zvakazarurwa 20:1-3) Vachabvumirwa kuti vaedze kokupedzisira kutsausa vanhu kuti vabve pana Mwari. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachaita zvishuwo zvakaipa, kupanduka uku hakuzobudiriri. Jehovha achaparadza vanhu vane udyire pamwe chete naSatani nemadhimoni ake ose. Uipi hahuzovipozve. Vanhu vose vanoita zvakaipa vachaparadzwa zvachose, uye vakarurama vachawana upenyu husingaperi.—Zvakazarurwa 20:7-10.

Uchavamo Here?

Vaya vanoda Jehovha Mwari vachawana mufaro usingaperi. Pachange pasina zvinhu zvinofinha pakurarama nokusingaperi muParadhiso. Kutaura zvazviri, upenyu hucharamba huchiwedzera kunakidza nokufamba kwenguva, nokuti kuziva nezvaJehovha Mwari hakuperi. (VaRoma 11:33) Nguva dzose uchange uine chimwe chinhu chitsva chokudzidza nezvacho, uye uchava nenguva yakawanda yokuramba uchiwana zivo. Nei? Nokuti uchararama nokusingaperi, kwete kwemakore 70 kana 80 chete.—Pisarema 22:26; 90:10; Muparidzi 3:11.

Kana uchida Mwari, uchagara uchifarira zvikuru kuita zvaanoda. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Saka usarega chimwe chinhu chichikumisa kana totaura nezvokufadza Jehovha Mwari nokuita zvinhu zvakarurama. Ramba uchifunga nezvetariro yakaisvonaka yaunopiwa neShoko raMwari, Bhaibheri. Tsunga kuita zvinodiwa naJehovha, uye usambotsauka pakuzviita. Ipapo uchavapo kana chinangwa chaMwari nokuda kwenyika chava kuzadziswa uye musha wedu wose wepasi wava paradhiso isingagumi.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Minda yevaIsraeri yakabereka zvibereko zvakawanda chaizvo nokuti yaikomborerwa naMwari

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unotarisira kuwana zvikomborero zvipi muParadhiso?