Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kurwa ndokwaJehovha”

“Kurwa ndokwaJehovha”

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”

“Kurwa ndokwaJehovha”

MAUTO maviri ari kuda kurwa akamirisana pane mumwe mupata. Kwemazuva 40 varume vaIsraeri vanodedera nokutya uye vanoramba vachinyombwa naGoriyati, mhare yevaFiristiya.—1 Samueri 17:1-4, 16.

Goriyati anoshevedzera achishora vaIsraeri nemashoko aya: “Sarudzai murume, uye ngaauye kwandiri. Kana achikwanisa kurwa neni uye akandiuraya, tichabva tava vashandi venyu. Asi kana ini ndikamukunda uye ndikamuuraya, imi muchavawo vashandi vedu, uye muchatishandira. . . . Ini ndinoshora mauto akarongwa aIsraeri nhasi. Ndipei murume, tirwisane!”—1 Samueri 17:8-10.

Munguva dzekare, zvakanga zvakajairika kuti mhare dzimiririre mauto adzo pairwisana murume nomurume. Mauto aiva nomurume ainge akunda ndiwo ainzi ahwinha. Asi munhu uyu ari kushora Israeri haasi musojawo zvake. Iye ihofori yakareba kwazvo—muvengi anotyisa uye anovhundutsira. Zvisinei, nokunyomba uto revanhu vaJehovha, Goriyati ari kutotaura mugumisiro wokuparadzwa kwake.

Uku hakusi kungorwisanawo zvako kwemauto. NdiJehovha ari kurwa navanamwari vevaFiristiya. Pane kuti atungamirire uto rake noushingi kuti rirwe nevavengi vaMwari, Mambo waIsraeri Sauro anotya zvikuru.—1 Samueri 17:11.

Jaya Rinovimba naJehovha

Panguva iyi yokurwisana, rimwe jaya rakatozodzwa kare kuti rive mambo waIsraeri rinoshanyira hama dzaro dziri muuto raSauro. Rinonzi Dhavhidhi. Parinonzwa mashoko aGoriyati, rinobvunza kuti: “MuFiristiya uyu asina kudzingiswa ndianiko kuti ashore mauto akarongwa aMwari mupenyu?” (1 Samueri 17:26) Mukuona kwaDhavhidhi, Goriyati anomiririra vaFiristiya navanamwari vavo. Aine chikonzero chakanaka chokutsamwa, Dhavhidhi anoda kutsigira Jehovha naIsraeri uye kurwisa hofori yechihedheni. Asi Mambo Sauro anoti: “Haukwanisi kuenda kunorwa nomuFiristiya uyu, nokuti unongova hako mukomana.”—1 Samueri 17:33.

Maonero aSauro neaDhavhidhi akasiyana chaizvo! Sauro anoona mufudzi somukomanawo zvake anoda kurwa nehofori ine utsinye. Asi, Dhavhidhi anoona Goriyati somunhuwo zvake ari kuzvidza Changamire Ishe Jehovha. Dhavhidhi akashinga nokuti ane chivimbo chokuti Mwari haazoregi kuranga vanhu vanonyomba zita Rake nevanhu Vake. Kunyange zvazvo Goriyati achizvikudza nesimba rake, Dhavhidhi anovimba naJehovha, achiona mamiriro acho ezvinhu sokuoneka kwaanoitwa naMwari.

“Ini Ndiri Kuuya Kwauri Ndichishandisa Zita raJehovha”

Kutenda kwaDhavhidhi kwakasimba zvikuru. Anoyeuka kuti Mwari akamubatsira kununura makwai ake kuti asadyiwa nemhuka inonzi bheya uye neshumba. Mufudzi muduku uyu ane chokwadi chokuti iye zvino Jehovha achamubatsira kukurira muvengi uyu asingakundiki wokuFiristiya. (1 Samueri 17:34-37) Dhavhidhi anoenda kunosangana naGoriyati achingova zvake nechipfuramabwe uye matombo mashanu anotsvedzerera.

Dhavhidhi muduku anosarudza kuita chinhu ichi chinoita sechisingagoneki achivimba nesimba rinobva kuna Jehovha. Akashinga, anoudza muFiristiya wacho kuti: “Uri kuuya kwandiri nebakatwa nepfumo uye nepfumo duku, asi ini ndiri kuuya kwauri ndichishandisa zita raJehovha wemauto, Mwari wemauto akarongwa evaIsraeri, wawashora. Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu . . . Vanhu vepanyika pose vachaziva kuti kuna Mwari wevaIsraeri. Ungano yose iyi ichaziva kuti Jehovha haaponesi nebakatwa kana kuti nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha.”—1 Samueri 17:45-47.

Chii chinoguma chaitika? Nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Dhavhidhi, nechipfuramabwe nedombo, akava nesimba kupfuura muFiristiya uye akawisira muFiristiya wacho pasi, akamuuraya; asi muruoko rwaDhavhidhi makanga musina bakatwa.” (1 Samueri 17:50) Akanga asina bakatwa muruoko rwake, asi akanga achitsigirwa zvakasimba naJehovha Mwari. *

Kutenda muna Jehovha kwaDhavhidhi kwakaratidzwa mukurwisana ikoko! Patinofanira kusarudza pakati pokutya vanhu nokuvimba nesimba raJehovha rokuponesa, chisarudzo chacho chiri pachena: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Uyezve, patinoona mamiriro ezvinhu akaoma sokuoneka kwaanoitwa naJehovha Mwari, tinokwanisa kuona zviri pakati nepakati kunyange zvinetso zvakakura.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2006, May/June.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

GORIYATI AKANGA AKAKURA SEI?

Nhoroondo iri pana 1 Samueri 17:4-7 inotiudza kuti Goriyati akanga akareba makubhiti anodarika matanhatu—anenge mamita matatu. Chinoratidza kureba uye simba romuFiristiya uyu yaiva nguo yake yokuzvidzivirira nayo yemhangura yaiva nesimbi. Yairema makirogiramu 57! Mubato wepfumo rake wakanga wakaita sedanda, uye chipasa charo chesimbi chairema makirogiramu manomwe. Chokwadi, zvombo zvaGoriyati zvehondo zvingangove zvairema kupfuura Dhavhidhi!