Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Chii chiri kukonzera kuti “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” zviuye mu“imba” yokunamata kwechokwadi?—Hagai 2:7.

Achishandisa muprofita Hagai, Jehovha akafanotaura kuti: “Ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose zvichauya; uye ndichazadza imba ino nokubwinya.” (Hagai 2:7) Kuzununguswa kwe“marudzi ose” kuri kukonzera kuti “zvinhu zvinokosha” zvemarudzi—vanhu vane mwoyo yakatendeseka—vagamuchire kunamata kwechokwadi here? Kwete.

Chimbofunga kuti chii chinozunungusa marudzi uye kuti kuzunungusa uku kunoguma nei. Bhaibheri rinoti ‘marudzi ave achiita mheremhere uye mapoka emarudzi ave achiramba achigunun’unira chinhu chisina zvachinobatsira.’ (Pisarema 2:1) “Chinhu chisina zvachinobatsira” chavanoramba ‘vachigunun’unira,’ kana kuti vachifungisisa nezvacho, ndechokuramba ivo vachitonga. Hapana chinhu chinovazunungusa kupfuura kutya kwavanoita kutorerwa utongi hwavo.

Basa romunyika yose rokuparidza nezvoUmambo hwaMwari hwakagadzwa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha rava kutyisa marudzi chaizvo. Chokwadi, Umambo hwaMesiya waMwari hunotongwa naJesu Kristu hucha“pwanya, hwogumisa umambo hwose” hwevanhu. (Dhanieri 2:44) Shoko rokutonga ratinotaura mubasa redu rokuparidza riri kuzunungusa marudzi. (Isaya 61:2) Uye kuzunungusa kwacho kuri kunyanyisa sezvo basa rokuparidza riri kuwedzera zvikuru. Saka, kuzunungusa kwakafanotaurwa pana Hagai 2:7 chiratidzo chei?

Pana Hagai 2:6, tinoverenga kuti: “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Zvakare—kwasara nguva duku—ndichazunungusa matenga nenyika negungwa nenyika yakaoma.’” Achitora mashoko murugwaro urwu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Asi zvino akapikira, achiti: ‘Ndichadederesa zvakare kwete nyika chete asi dengawo.’ Zvino kutaura kwokuti ‘Zvakare’ kunoreva kubviswa kwezvinhu zviri kuzununguswa sezvinhu zvakaitwa, kuti zvinhu zvisiri kuzununguswa [Umambo] zvirambe zviripo.” (VaHebheru 12:26, 27) Chokwadi, mamiriro ezvinhu ose epanguva ino achabviswa kuitira kuti pave nenyika itsva inoitwa naMwari.

Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanoitwa kuti vauye kuzonamata nenzira yechokwadi asi kwete nokuti marudzi anozununguswa. Chinhu chinoita kuti vauye kuna Jehovha uye kuzomunamata ndichowo chiri kukonzera kuti marudzi azununguke, kureva kuti kuparidza nezvoUmambo hwaMwari hwakagadzwa kuri kuitwa munyika yose. Kuziviswa ‘kwemashoko akanaka anofadza asingaperi’ kuri kuita kuti vanhu vane mafungiro akanaka vauye kuzonamata Mwari wechokwadi.—Zvakazarurwa 14:6, 7.

Shoko roUmambo rine chokuita nokutonga uye kuponesa. (Isaya 61:1, 2) Kuparidza sho- ko munyika yose kuri kuguma nezvinhu zvi- viri: kuzunungusa marudzi uye kuuya kwezvinhu zvinokosha zvema- rudzi kuti Jehovha akudzwe.