Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufaro Wokufamba Nokuvimbika

Mufaro Wokufamba Nokuvimbika

Mufaro Wokufamba Nokuvimbika

“Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—ZVIREVO 10:22.

1, 2. Nei tichifanira kungwarira kuti tisanyanya kufunga nezveramangwana?

“KUNYANYA kufunga nezveramangwana . . . kunotitadzisa kuona nguva yatiri sezvairi,” akadaro mumwe muzivi wokuAmerica. Ndizvowo zvinoita vana vanonyanya kufunga nezveropafadzo dzokuva vanhu vakuru zvokuti havafungi zvakanakira uduku kusvikira vava vanhu vakuru.

2 Kunyange vanamati vaJehovha dzimwe nguva vanombofungawo saizvozvo. Chimbofunga zvinogona kuitika. Tinoshuva kuzadzika kwechipikirwa chaMwari chokuunza paradhiso pasi pano. Tinomirira nomwoyo wose upenyu husina zvirwere, kukwegura, marwadzo, uye kutambura. Kunyange zvazvo zvakanaka kuti titarisire zvinhu zvakadaro, chii chingaitika kana tikanyanya kufunga nezvezvikomborero zvokunyama zveramangwana zvokuti tinotadza kuona zvikomborero zvedu zvemazuva ano zvine chokuita nokunamata? Izvozvo zvingasiririsa zvikuru! Tingaora mwoyo nyore nyore ‘torwara mumwoyo nokuti zvinhu zvatave tichitarisira zvinenge zvanonoka’ kupfuura zvatave tichifungidzira. (Zvirevo 13:12) Zvinetso nematambudziko oupenyu zvingaita kuti tiore mwoyo kana kuti tizvinzwire tsitsi. Pane kuti tirarame tiri mumamiriro ezvinhu asingafadzi, tingatanga kunyunyuta. Tingadzivisa zvose izvi nokufungisisa tichionga zvikomborero zvatinazvo iye zvino.

3. Tichanyanya kukurukurei munyaya ino?

3 “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho,” inodaro Zvirevo 10:22. Kubudirira mune zvokunamata kwevashumiri vaJehovha vemazuva ano hachisi chikomborero chatinofanira kufara nacho here? Ngatikurukurei kumwe kubudirira kwatakaita mune zvokunamata toona kuti kunorevei kwatiri isu pachedu. Kuva nenguva yokufunga zvikomborero izvo Jehovha akadururira “munhu akarurama anofamba akavimbika” zvechokwadi kuchasimbisa kutsunga kwedu kuramba tichishumira Baba vedu vokudenga tichifara.—Zvirevo 20:7.

‘Zvikomborero Zvinotipfumisa’ Iye Zvino

4, 5. Unonyanya kukoshesa dzidziso ipi yeBhaibheri, uye nei?

4 Zivo yakarurama yedzidziso dzeBhaibheri. Zvitendero zvechiKristudhomu zvinowanzoti zvinodavira Bhaibheri. Asi zvinokundikana kubvuma zvarinodzidzisa. Kunyange nhengo dzeboka rechitendero chimwe chete kazhinji kacho dzinoona nenzira yakasiyana zvinonyatsodzidziswa neMagwaro. Mamiriro avo ezvinhu akasiyana chaizvo neevashumiri vaJehovha! Pasinei norudzi, tsika, kana kuti dzinza redu, tinonamata Mwari watinoziva nezita. Haasi utatu husinganzwisisiki. (Dheuteronomio 6:4; Pisarema 83:18; Mako 12:29) Tinozivawo kuti nyaya huru youchangamire hwaMwari pazvinhu zvose zvakasikwa yava kuda kuzogadziriswa uye kuti kana tikaramba takavimbika kwaari, mumwe nomumwe wedu anobatanidzwa munyaya iyoyo. Tinoziva chokwadi nezvevakafa uye hatityi kuti kuna Mwari anonzi anopisa vanhu mumoto wehero kana kuti anovaendesa kupurigatori.—Muparidzi 9:5, 10.

5 Uyezve, zvinofadza chaizvo kuziva kuti hatina kuvapo nokushanduka-shanduka! Asi takasikwa naMwari, takaitwa nomufananidzo wake. (Genesisi 1:26; Maraki 2:10) “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa,” munyori wepisarema akaimbira Mwari achidaro. “Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.”—Pisarema 139:14.

6, 7. Kuchinja kupi muupenyu hwako kana kuti hwevamwe kwaunoziva kwakaratidza kuva chikomborero?

6 Kusununguka patsika nemiitiro inokuvadza. Kunyevera nezvengozi dzokusvuta fodya, kunyanya kunwa doro, uye unzenza kwakazara mune zvinobudisa nhau. Kazhinji, nyevero idzi hadziteererwi. Zvisinei, chii chinoitika kana munhu anoda chokwadi akaziva kuti Mwari wechokwadi anoshora zvinhu zvakadaro uye anorwadziswa nevaya vanozviita? Chokwadi, munhu wacho anonzwa achida kurega kuita miitiro yakadaro! (Isaya 63:10; 1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1; VaEfeso 4:30) Kunyange zvazvo achinyanya kuita izvi kuti afadze Jehovha Mwari, anogamuchirawo zvimwe zvikomborero—utano huri nani uye rugare rwomupfungwa.

7 Kusiya tsika dzakaipa kwakaomera zvikuru vanhu vakawanda. Kunyange zvakadaro, gore roga roga makumi ezviuru ari kudzisiya. Vanozvitsaurira kuna Jehovha vobhabhatidzwa mumvura, nokudaro zvova pachena kuti vakabvisa muupenyu hwavo tsika dzisingafadzi Mwari. Chokwadi izvozvo zvinotikurudzira tose! Kutsunga kwedu kuramba takasununguka pauranda hwechivi uye pamufambiro unokuvadza kunosimbiswa.

8. Izano ripi romuBhaibheri rinoita kuti mhuri ifare?

8 Upenyu hwemhuri hunofadza. Munyika dzinoverengeka upenyu hwemhuri huri kuderera. Vakawanda vari kurambana, kazhinji vachisiya vana vachishungurudzika zvikuru. Mune dzimwe nyika dzokuEurope, mhuri dzine mubereki mumwe dzinoumba inoda kusvika 20 muzana yemhuri dzose. Jehovha akatibatsira sei kuti tifambe takavimbika mune izvi? Tapota verenga VaEfeso 5:22–6:4, woona zano rakanaka rinopiwa neShoko raMwari kuvarume, madzimai, nevana. Kushandisa zvakanyorwa ipapo uye pane dzimwe ndima muMagwaro zvechokwadi kunosimbisa muchato, kunobatsira vabereki kuti varere vana zvakanaka, uye kunobatsira kuva noupenyu hwemhuri hunofadza. Ichocho hachisi chikomborero chatinofanira kufarira here?

9, 10. Maonero atinoita nguva yemberi akasiyana sei neanoitwa nenyika?

9 Vimbiso yokuti matambudziko enyika achakurumidza kugadziriswa. Pasinei noruzivo rwesayenzi nerwokugadzira zvinhu uye zvinoedza kuitwa nomwoyo wose nevamwe vatungamiriri, matambudziko akakomba oupenyu hwemazuva ano anoramba asina kugadziriswa. Klaus Schwab, muvambi weWorld Economic Forum, munguva ichangopfuura akati “matambudziko ari kutarisana nenyika ari kuramba achiwedzera uye nguva yokuagadzirisa iri kuramba ichiita shoma.” Akataura nezve“ngozi dzinosangana nemarudzi ose dzakadai sougandanga, kuparara kwemhoteredzo uye kusagadzikana kwezvemari.” Schwab akagumisa achiti: “Iye zvino, kupfuura nakare kose, vanhu vanofanira kubatana uye kukurumidza kusarudza pavari kuti vagadzirise zvinetso zviri kusangana nenyika.” Sezvo zana remakore rechi21 riri kufambira mberi, vanhu vakawanda havana tariro yakajeka yeramangwana.

10 Zvinofadza zvikuru kuziva kuti Jehovha akaita urongwa hunokwanisa kugadzirisa matambudziko ose evanhu—Umambo hwaMesiya waMwari! Achishandisa Umambo ihwohwo, Mwari wechokwadi acha“gumisa hondo” ounza “rugare rukuru.” (Pisarema 46:9; 72:7) Mambo akazodzwa, Jesu Kristu, ‘achanunura murombo, munhu anotambudzika, uye munhu akaderera pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba.’ (Pisarema 72:12-14) Mukutonga kwoUmambo, zvokudya hazvichazoperevedzi. (Pisarema 72:16) Jehovha “achapukuta misodzi yose pamaziso [edu], rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Umambo hwacho hwakatogadzwa mudenga uye munguva pfupi iri kutevera huchaita zvose zvinodiwa kuti hugadzirise matambudziko ose pasi pano.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15.

11, 12. (a) Kutsvaka mafaro kunounza mufaro usingaperi here? Tsanangura. (b) Chii chinounza mufaro wechokwadi?

11 Kuziva zvinounza mufaro wechokwadi. Chii chinounza mufaro wechokwadi? Imwe nyanzvi yezvepfungwa yakataura kuti mufaro unoumbwa nezvinhu zvitatu—mafaro, kubatikana (muzvinhu zvakadai sebasa uye mhuri), uye kugutsikana (kushandira chinangwa kana kuti kuita kuti vamwe vabatsirwe). Pazvitatu izvi, akati mafaro ndiwo asinganyanyi kukosha achibva ati: “Izvi zvinoshamisa nokuti vanhu vakawanda chaizvo vanovakira upenyu hwavo pakutsvaka mafaro.” Bhaibheri rinoona sei izvi?

12 Mambo Soromoni weIsraeri yekare akati: “Ini, iyeni, ndakati mumwoyo mangu: ‘Chiuya zvino, ndikuedze nokufara. Uyewo, fadzwa nezvinhu zvakanaka.’ Asi, tarirai! izvozvowo zvakanga zvisina zvazvaibatsira. Ndakaudza kuseka kuti: ‘Kupenga!’ uye ndakaudza kufara kuti: ‘Kuri kuiteiko?’” (Muparidzi 2:1, 2) Maererano neMagwaro, mufaro unobva mumafaro unongova wenguva duku. Zvakadini nokubatikana nebasa? Tine basa rinokosha zvikuru ratinofanira kuita—basa rokuparidza Umambo nerokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Patinoudza vamwe shoko roruponeso rinotaurwa muBhaibheri, tinenge tichiita basa rinogona kuguma nokuponeswa kwedu uye kwevaya vanotiteerera. (1 Timoti 4:16) Zvatiri “vashandi pamwe chete naMwari,” tinoziva kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (1 VaKorinde 3:9; Mabasa 20:35) Basa iri rinowedzera zvinoreva upenyu hwedu uye rinoita kuti Musiki apindure uyo anomushora, Satani Dhiyabhorosi. (Zvirevo 27:11) Zvechokwadi, Jehovha akatiratidza kuti kuzvipira kuna Mwari kunounza mufaro wechokwadi uye usingaperi.—1 Timoti 4:8.

13. (a) Chikoro chaMwari Choushumiri chikomborero chatinofanira kufarira munzirai? (b) Wakabatsirwa sei neChikoro chaMwari Choushumiri?

13 Purogiramu yokudzidzisa inokosha uye inobudirira. Gerhard anoshumira somukuru mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Achiyeuka uduku hwake, anoti: “Pandaiva jaya, ndaitambudzika zvikuru nokutaura. Pandaiva nezvakawanda zvokutaura, ndaitadza kunyatsotaura zvakajeka uye ndaitanga kundandama. Ndainzwa sendisingakoshi uye ndakaora mwoyo. Vabereki vangu vakaronga kuti ndiite kosi yokudzidzira kutaura asi zvakashaya basa. Dambudziko rangu raiva romupfungwa, kwete mumuviri. Zvisinei, paiva nohumwe urongwa hunoshamisa kubva kuna Jehovha—Chikoro chaMwari Choushumiri. Kunyoresa muchikoro ichi kwakaita kuti ndishinge. Ndakaedza nepandaigona napo kushandisa zvandaidzidza. Zvakashanda! Ndakanga ndava kugona kutaura zviri nani, ndisisina kuora mwoyo, uye ndakashinga chaizvo muushumiri. Iye zvino ndinotopa hurukuro dzavose. Ndinoonga Jehovha chaizvo, uyo akaita kuti upenyu hwangu huve nani kuburikidza nechikoro ichi.” Nzira yatinodzidziswa nayo naJehovha kuti tiite basa rake haisi chikonzero chokuti tifare here?

14, 15. Munguva yokurwadziwa, rubatsiro rupi runowanika nyore? Enzanisira.

14 Ukama naJehovha uye kutsigirwa nehama dzakabatana dzomunyika yose. Katrin, anogara kuGermany, akanetseka zvikuru paakanzwa mishumo yokudengenyeka kwepasi kwakaipisisa zvichiguma netsunami kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia. Mwanasikana wake aienda kuThailand pakaitika njodzi iyi. Kwemaawa 32 amai ava vakanga vasingazivi kana mwanasikana wavo akanga ari mupenyu kana kuti kana aiva mumwe wevanhu vaikuvara kana kufa awa imwe neimwe. Katrin akazozorodzwa chaizvo paakatambira runhare rwaimuzivisa nezvokuti mwanasikana wake aiva asina kukuvara!

15 Chii chakabatsira Katrin munguva iyoyo yaaishungurudzika? Anonyora kuti: “Munenge munguva iyi yose zvayo ndainyengetera kuna Jehovha. Ndakaramba ndichiona kuti kunyengetera uku kwaindisimbisa zvikuru uye kwaindipa rugare mupfungwa. Uyezve, hama dzechiKristu dzine rudo dzaindishanyira uye dzainditsigira.” (VaFiripi 4:6, 7) Mamiriro ake ezvinhu angadai akaoma zvikuru kudai akapedza nguva iyoyo yaimutambudza pasina kubatsirwa nokunyengetera kuna Jehovha uye kunyaradzwa nehama dzine rudo! Ukama hwedu hwepedyo naJehovha uye noMwanakomana wake pamwe chete nokushamwaridzana nehama dzedu dzechiKristu, chikomborero chisina chimwe chinoenzana nacho, chinokosha zvikuru zvokuti hachifaniri kurerutswa.

16. Taura chakaitika chinoratidza kukosha kwetariro yorumuko.

16 Tariro yokuonazve vadiwa vakafa. (Johani 5:28, 29) Mumwe murume wechiduku anonzi Matthias akarerwa seChapupu chaJehovha. Zvisinei, asingaongi zvikomborero zvake, akasiya ungano yechiKristu paaiva achiri kuyaruka. Iye zvino anonyora kuti: “Handina kumbonyatsokurukura zvinhu zvakadzama nababa vangu. Kwemakore, taikakavadzana kakawanda. Zvisinei, nguva dzose baba vangu vaida kuti ndive noupenyu hwakanaka. Vaindida chaizvo, chiri chimwe chinhu chandakatadza kuona panguva iyoyo. Muna 1996, pandaiva ndakagara padivi pomubhedha wavo, ndakabata ruoko rwavo ndichichema zvikuru, ndakavaudza kuti ndaiva nourombo chaizvo nezvose zvandakanga ndaita uye kuti ndaivada chaizvo. Asi vakanga vasingandinzwi. Pashure pokurwara kwenguva pfupi, vakashayika. Kana ndichizorarama kuti ndione baba vangu pachamutswa vakafa, tichagadzirisa zvakaitika kare. Uye zvechokwadi vachafara kunzwa kuti iye zvino ndiri kushumira somukuru uye kuti ini nomudzimai wangu tiri kushumira semapiyona.” Tariro yorumuko chikomborero chakazokura kwatiri!

“Haawedzeri Kurwadziwa Pamwe Chete Nacho”

17. Kufungisisa zvikomborero zvaJehovha kunofanira kuita kuti tiitei?

17 NezvaBaba vake vokudenga, Jesu Kristu akati: “Vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mateu 5:45) Kana Jehovha Mwari achikomborera kunyange vanhu vasina kururama uye vakaipa, zvechokwadi anokomborera zvikuru sei vaya vanofamba nokuvimbika! “Jehovha haazonyimi vaya vanofamba vasina mhosva chero chinhu chipi zvacho chakanaka,” rinodaro Pisarema 84:11. Patinofungisisa kutarisira kwaanoita norudo vaya vanomuda uye kuva nehanya navo kwake, zvechokwadi mwoyo yedu inopfachukira nokuonga uye nomufaro!

18. (a) Nei zvinganzi Jehovha haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nechikomborero chake? (b) Nei vakawanda vevanhu vaMwari vakavimbika vachitambura?

18 “Chikomborero chaJehovha”—ndicho chakaita kuti vanhu vake vabudirire mune zvokunamata. Uye tinovimbiswa kuti “haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.” (Zvirevo 10:22) Saka nei miedzo ichiwira vakawanda vevanhu vaMwari vakavimbika, ichiita kuti varwadziwe uye vatambure zvikuru? Matambudziko uye kurwadziwa zvinotiwira nokuda kwezvikonzero zvitatu zvikuru. (1) Kuda kwedu kutadza. (Genesisi 6:5; 8:21; Jakobho 1:14, 15) (2) Satani nemadhimoni ake. (VaEfeso 6:11, 12) (3) Nyika yakaipa. (Johani 15:19) Kunyange zvazvo Jehovha achibvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike kwatiri, haasi iye anozvikonzera. Chokwadi, “zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, nokuti zvinoburuka zvichibva kuna Baba vezviedza zvokudenga.” (Jakobho 1:17) Zvikomborero zvaJehovha hazvikonzeri kurwadziwa.

19. Chii chakamirira vaya vanoramba vachifamba vakavimbika?

19 Kubudirira mune zvokunamata nguva dzose kunosanganisira kuswedera pedyo naMwari. Patinova noukama hwepedyo naye, ‘tinozvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yedu, kuti tibatisise upenyu chaihwo’—upenyu husingaperi. (1 Timoti 6:12, 17-19) Munyika itsva yaMwari yaachaita munguva yemberi, tichapfuma mune zvokunamata uye tichava nezvikomborero zvokunyama. Upenyu chaihwo huchabva hwava mugove wevaya vose ‘vanoramba vachiteerera inzwi raJehovha.’ (Dheuteronomio 28:2) Takatsunga zvakasimba, ngatirambei tichifamba nomufaro takavimbika.

Wadzidzei?

• Nei kusiri kuchenjera kuramba uchinyanya kufunga ramangwana?

• Iye zvino tiri kuwana zvikomborero zvipi?

• Nei vashumiri vaMwari vakatendeka vachitambura?

[Mibvunzo Yechidzidzo]