Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Une “Rusununguko Rwokutaura” Here?

Une “Rusununguko Rwokutaura” Here?

Une “Rusununguko Rwokutaura” Here?

VANHU vanopfuura mamiriyoni matanhatu vari munyika 235 vanonzi neBhaibheri vane “rusununguko rwokutaura.” Mashoko aya anowanika ka16 murugwaro rweShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene muMagwaro echiKristu echiGiriki. (VaFiripi 1:20; 1 Timoti 3:13; VaHebheru 3:6; 1 Johani 3:21) Kuva no“rusununguko rwokutaura” kunorevei? Chii chingatibatsira kuti tiruwane? Rusununguko urwu rungatibvumira kutaura pasina chinovhiringidza patinenge tichikurukurirana zvinhu zvipi?

Maererano neVine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “rusununguko rwokutaura” rinoreva kuti “kutaura wakasununguka, kutaura nechivimbo, . . . kutaura usingatyi; saka, chivimbo, kutaura noushingi uchifara, usingatyi, kwete kungotaurawo zvako.” Zvisinei, kutaura wakasununguka kwakadaro hakufaniri kuonekwa sokuvirima kana kuti kusava nounhu. “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha,” rinodaro Bhaibheri. (VaKorose 4:6) Rusununguko rwokutaura runosanganisira kuramba tichingwarira asi tisingabvumiri kuti mamiriro ezvinhu anorwadza kana kuti kutya munhu kutitadzise kutaura.

Tinoberekwa tiine rusununguko rwokutaura here? Chimbofunga zvakanyorerwa vaKristu veEfeso nomuapostora Pauro. Akati: “Ndakaitirwa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa, ini munhu muduku kupfuura muduku pavatsvene vose, kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzwisisiki yaKristu.” Pauro akawedzera kuti Jesu Kristu ndiye akaita kuti “tive norusununguko urwu rwokutaura uye anoita kuti tikwanise kusvika kuna Mwari nechivimbo nokutenda kwedu maari.” (VaEfeso 3:8-12) Pane kuti ruve ropafadzo yatinoberekwa tiinayo, rusununguko rwokutaura runobva paukama hwedu naJehovha Mwari hwakavakirwa pakutenda muna Jesu Kristu. Ngationei kuti chii chingatibatsira kuti tive norusununguko urwu uye kuti tingaruratidza sei patinenge tichiparidza, tichidzidzisa, uye tichinyengetera.

Chii Chinotibatsira Kuti Tiparidze Noushingi?

Jesu Kristu ndiye muenzaniso mukuru womunhu akashandisa rusununguko rwokutaura. Kushingaira kwake kwakamuita kuti awane mikana yokuparidza. Akazorora, achidya ari kumba kwomumwe munhu, kana kuti achifamba mumugwagwa, haana kumborega kushandisa mukana wokutaura nezvoUmambo hwaMwari. Kunyombwa kana kuti kushorwa zvakananga hazvina kugona kutyisidzira Jesu kuti arambe akanyarara. Pane kudaro, akafumura noushingi vatungamiriri vezvitendero zvenhema vomuzuva rake. (Mateu 23:13-36) Kunyange paakanga akasungwa achitongwa, Jesu akataura asingatyi.—Johani 18:6, 19, 20, 37.

Vaapostora vaJesu vaivawo norusununguko rwokutaura rwakadaro. PaPendekosti ya33 C.E., Petro akataura akasununguka pamberi peboka revanhu vaipfuura 3 000. Zvinoshamisa kuti nguva shomanana izvi zvisati zvaitika, akanga adedera nokutya paakazivikanwa nomumwe mushandikadzi. (Mako 14:66-71; Mabasa 2:14, 29, 41) Pavakamiswa pamberi pevatungamiriri vechitendero, Petro naJohani havana kudedera nokutya. Vasingazezi, vakapupurira noushingi nezvaJesu Kristu akamutswa. Kutaura zvazviri, kwaiva kutaura norusununguko uku kwaPetro naJohani kwakaita kuti vatungamiriri vechitendero vazive kuti varume ava vaimbova naJesu. (Mabasa 4:5-13) Chii chakaita kuti vakwanise kutaura noushingi kudaro?

Jesu akanga avimbisa vaapostora vake kuti: “Pavanokuendesai kumatare, musazvidya mwoyo pamusoro pematauriro amuchaita kana zvamuchataura; nokuti muchapiwa zvamuchataura muawa iyoyo; nokuti hamusi imi moga munenge muchitaura, asi mudzimu waBaba venyu ndiwo uchange uchitaura uchikushandisai.” (Mateu 10:19, 20) Mudzimu mutsvene wakabatsira Petro nevamwe kukurira kunyara kwose kana kuti kutya kungadai kwakakanganisa kutaura kwavo vakasununguka. Kushanda kwesimba iroro kungatibatsirawo.

Uyezve, Jesu akapa vateveri vake basa ravo rokuita vadzidzi. Izvi zvakanga zvakakodzera, nokuti Ndiye akapiwa “simba rose kudenga nepanyika.” Uye ‘anavo.’ (Mateu 28:18-20) Kuziva kuti Jesu aivatsigira kwakaita kuti vadzidzi vekare vave nechivimbo pavaitarisana nevanhu vane simba vakanga vakatsunga kumisa basa ravo rokuparidza. (Mabasa 4:18-20; 5:28, 29) Isu tichavawo nechivimbo kana tikaziva izvozvo.

Achipa chimwezve chikonzero chokutaura norusununguko, Pauro akabatanidza tariro no“rusununguko rukuru rwokutaura.” (2 VaKorinde 3:12; VaFiripi 1:20) Sezvo shoko retariro rakanga rakanyanya kunaka kuti varambe vakanyarara naro, vaKristu vaifanira kuriudza vamwe. Chokwadi, tariro yedu ndiyo inoita kuti tive norusununguko rwokutaura.—VaHebheru 3:6.

Kuparidza Noushingi

Tingaparidza sei noushingi kunyange patinenge tiri mumamiriro ezvinhu anotyisa? Funga nezvomuenzaniso womuapostora Pauro. Paaiva musungwa muRoma, akakumbira vaainamata navo kuti vanyengetere kuti ‘zvimwe aizogoneswa kutaura nokushama muromo wake, kuti aizotaura noushingi sezvaaifanira kutaura.’ (VaEfeso 6:19, 20) Minyengetero iyoyo yakapindurwa here? Hungu! Paaiva mujeri, Pauro akaramba ‘achiparidzira umambo hwaMwari norusununguko rukuru rwokutaura, asingadziviswi.’—Mabasa 28:30, 31.

Kushandisa mikana yokupupura kubasa, kuchikoro, kana kuti patinenge tichifamba kungaedza rusununguko rwedu rwokutaura. Kunyara, kutya zvingaita vanhu patinotaura navo, kana kuti kusava nechivimbo nemano edu zvingaita kuti tirambe takanyarara. Panozve, muapostora Pauro anoratidza muenzaniso wakanaka. “Takava noushingi sei naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo,” akanyora kudaro. (1 VaTesaronika 2:2) Pauro akanga achikwanisa kuita zvaakanga asingagoni kuita oga nokuti aivimba naJehovha.

Munyengetero wakabatsira mumwe mukadzi ainzi Sherry kuti ataure noushingi pakamuka mukana wokupupurira zvisina kurongwa. Rimwe zuva paakanga achimirira murume wake kuti adzoke kwaainge aenda, akaona mumwe mukadzi akamirawo. Sherry akati, “Ndichitya kwazvo, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andipe ushingi.” Sherry paaitaura nomukadzi uya, mumwe mushumiri weBaptist akasvika. Sherry akanga asingatarisiri kusangana nomufundisi. Zvisinei, akanyengetera zvekare uye akakwanisa kuparidzira. Akagovera mukadzi uya bhuku vachibva varonga kuti azodzokerazve. Patinowana mikana yokupupurira, tinogona kuva nechokwadi chokuti kuvimba naJehovha kuchatibatsira kuti titaure takasununguka.

Patinenge Tichidzidzisa

Kutaura norusununguko kwakanyatsobatana nokudzidzisa. Nezve“varume vanoshumira zvakanaka” muungano, Bhaibheri rinoti: “Vari kuzviwanira zita rakanaka norusununguko rukuru rwokutaura pakutenda muna Kristu Jesu.” (1 Timoti 3:13) Vanowana rusununguko urwu rwokutaura nokushandisa zvavanodzidzisa vamwe. Kuita kwavo izvozvo kunodzivirira uye kunosimbisa ungano.

Patinova norusununguko rwokutaura nenzira iyi, zano redu rinobatsira zvikuru uye ringangogamuchirwa. Pane kutsauswa nomuenzaniso wakaipa womumwe munhu, vateereri vanokurudzirwa nokuona kushanda kunoita zvavari kudzidziswa. Rusununguko urwu runoita kuti vaya vane zvinodiwa pakunamata vagone ‘kururamisa hama yavo’ chinetso chisati chakura. (VaGaratiya 6:1) Kusiyana neizvi, munhu anoratidza muenzaniso wakaipa angazeza kupa zano, achifunga kuti haana kodzero yokutaura. Kunonoka kupa zano rinodiwa kungaita kuti pave nemigumisiro ine ngozi.

Kutaura kwatinoita noushingi hakurevi kuti kutonga vamwe, kuomesa musoro, kana kuti tinoda kuita zvatinofunga isu. Pauro akakurudzira Firimoni “nokuda kworudo.” (Firimoni 8, 9) Uye zviri pachena kuti mashoko omuapostora wacho akagamuchirwa zvakanaka. Zvechokwadi, mukuru anofanira kupa zano achikurudzirwa norudo!

Kutaura zvazviri, rusununguko rwokutaura runokosha kana zano richifanira kupiwa. Runokoshawo pane dzimwe nguva. Pauro akanyorera ungano yaiva muKorinde kuti: “Ndine rusununguko rukuru rwokutaura nemi. Ndinozvirumbidza kwazvo pamusoro penyu.” (2 VaKorinde 7:4) Pauro haana kurega kurumbidza hama nehanzvadzi dzake pazvakanga zvakakodzera. Rudo rwakaita kuti anyanye kutarira unhu hwakanaka hwevaainamata navo, kunyange zvazvo aiziva zvavaikanganisa. Saizvozvowo, nhasi ungano yechiKristu inokurudzirwa kana vakuru vachirumbidza uye vachikurudzira hama nehanzvadzi dzavo vakasununguka.

Kuti vabudirire pakudzidzisa kwavanoita, vaKristu vose vanofanira kuva norusununguko rwokutaura. Sherry, ambotaurwa, aida kukurudzira vana vake kuti vapupurire kuchikoro. “Kunyange zvazvo ndakanga ndakurira mumhuri yechiKristu,” anobvuma kudaro, “ndakanga ndisingawanzopupuriri pandaiva kuchikoro. Uye ndakanga ndisingawanzopupuriri zvisina kurongwa. Ndakazvibvunza kuti, ‘Ndiri kuratidza vana vangu muenzaniso wakadini?’” Izvi zvakaita kuti Sherry ashande nesimba kuti apupurire zvisina kurongwa.

Chokwadi, vamwe vanocherechedza zvatinoita uye vanoona kana tichikundikana kushandisa zvatinodzidzisa. Saka, ngative norusununguko rwokutaura nokuedza kuita kuti zvatinoita zvienderane nemashoko edu.

Mumunyengetero

Rusununguko rwokutaura runokosha zvikuru patinonyengetera kuna Jehovha. Kana pasina chinovhiringidza, tinogona kudurura mwoyo yedu pana Jehovha tiine chivimbo chokuti anonzwa minyengetero yedu uye achaipindura. Saka, tinova noukama hwakanaka, hwepedyo naBaba vedu vokudenga. Hatimbofaniri kuzeza kutaura naJehovha, tichifunga kuti hatinyanyi kukosha. Zvakadini kana kunzwa tiine mhosva pamusana pechikanganiso kana kuti chivi kuchititadzisa kutaura nomwoyo wose? Tingagona kutaura naChangamire wezvose takasununguka here?

Nzvimbo yaJesu yakakwirira soMupristi Mukuru inowedzera kupa chivimbo mumunyengetero. Pana VaHebheru 4:15, 16 tinoverenga kuti: “Tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi. Naizvozvo, ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kukodzera kuwanwa, kuti tinzwirwe ngoni uye tiitirwe mutsa usina kukodzera kuwanwa kuti tibatsirwe panguva yakakodzera.” Ikoko ndiko kukosha kworufu rwaJesu uye kwebasa rake soMupristi Mukuru.

Kana tichiedza nomwoyo wose kuteerera Jehovha, tine chikonzero chakanaka chokutarisira kuti achanyatsotinzwa. Muapostora Johani akanyora kuti: “Vadiwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tine rusununguko rwokutaura naMwari; uye zvinhu zvose zvatinokumbira tinozvigamuchira kubva kwaari, nokuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinhu zvinofadza pamberi pake.”—1 Johani 3:21, 22.

Kutaura naJehovha mumunyengetero pasina chinotivhiringidza kunoreva kuti tinogona kumuudza zvose. Chero zvingava zvichitityisa, zvichitinetsa, zvichitishungurudza, kana kutidya mwoyo, tinogona kuzviudza Jehovha, tiine chivimbo chokuti haazomboregi kuteerera minyengetero yedu yemwoyo wose. Kunyange kana takaita chivi chakakomba, kuva nemhosva hakufaniri kutitadzisa kutaura mumunyengetero kana tapfidza nomwoyo wose.

Chipo chatisina kukodzera kuwana chokutaura norusununguko zvechokwadi chinokosha. Nacho, tinogona kukudza Mwari mubasa redu rokuparidza nokudzidzisa toramba tichiswedera pedyo naye mumunyengetero. Ngatirege ‘kurasa rusununguko rwedu rwokutaura, ruchapiwa mubayiro mukuru’—mubayiro woupenyu husingaperi.—VaHebheru 10:35.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Muapostora Pauro akataura noushingi

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kudzidzisa zvinobudirira kunoda kuva norusununguko rwokutaura

[Mufananidzo uri papeji 16]

Rusununguko rwokutaura mumunyengetero runokosha