Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wagadzirira Kupona Here?

Wagadzirira Kupona Here?

Wagadzirira Kupona Here?

“Pinda muareka, iwe neimba yako yose, nokuti pakati pechizvarwa ichi ndiwe wandaona kuti wakarurama pamberi pangu.”—GENESISI 7:1.

1. Jehovha akaita urongwa hupi hwokuponesa vanhu mumazuva aNoa?

JEHOVHA “akaunza mafashamo panyika yevanhu vakanga vasingadi Mwari” mumazuva aNoa, asiwo Akaita urongwa hwokuti vamwe vapone. (2 Petro 2:5) Mwari wechokwadi akapa Noa akanga akarurama mirayiro yakajeka yemavakirwo eareka kuti zvinhu zvipenyu zvichengeteke mumafashamo enyika yose. (Genesisi 6:14-16) Sezvataizotarisira mushumiri waJehovha akatendeka, “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari.” Zvechokwadi, “akaita izvozvo chaizvo.” Neimwe nzira, tiri vapenyu nhasi nokuti Noa akateerera.—Genesisi 6:22.

2, 3. (a) Vanhu vakararama panguva imwe chete naNoa vakaita sei kubasa rake? (b) Noa akapinda muareka aine chivimbo chei?

2 Kuvaka areka kwakanga kusiri nyore. Zvingangodaro kuti vanhu vakawanda vakashamiswa nezvakanga zvichiitwa naNoa nemhuri yake. Asi, izvozvo zvakanga zvisina kukwana kuita kuti vabvume kuti kupona kwaibva pakupinda kwavo muareka. Pakupedzisira, kushivirira kwaMwari nyika iyoyo yakanga yakaipa kwakaguma.—Genesisi 6:3; 1 Petro 3:20.

3 Pashure pemakumi emakore Noa nemhuri yake vachishanda zvakaoma, Jehovha akaudza Noa kuti: “Pinda muareka, iwe neimba yako yose, nokuti pakati pechizvarwa ichi ndiwe wandaona kuti wakarurama pamberi pangu.” Aine kutenda uye chivimbo mushoko raJehovha, “Noa akapinda muareka, nevanakomana vake nomudzimai wake nemadzimai evanakomana vake.” Jehovha akavhara musuo kuti achengetedze vanamati vake. Mafashamo acho paakauya panyika, areka yakaratidza kuti yaiva urongwa hwaMwari hwakavimbika pakupona.—Genesisi 7:1, 7, 10, 16.

Mamiriro Ezvinhu Azvino Akafanana Neomuzuva raNoa

4, 5. (a) Jesu akaenzanisa nguva yokuvapo kwake nechii? (b) Zuva raNoa nenguva yedu zvakafanana pakudini?

4 “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mateu 24:37) Nemashoko aya, Jesu akaratidza kuti nguva yokuvapo kwake kusingaoneki yaizova yakafanana nemazuva aNoa, uye ndozvazvave zvakaita zvechokwadi. Zvikurukuru kubvira muna 1919, shoko rokunyevera rakafanana nerakapiwa naNoa rave richiziviswa vanhu vemarudzi ose. Kazhinji, zvavave vachiita zvave zvakafanana nezvaiitwa nevanhu mumazuva aNoa.

5 Achishandisa Mafashamo, Jehovha akaparadza nyika yakanga ‘yakazara nechisimba.’ (Genesisi 6:13) Zvaiva pachena kune vose vakaona Noa nemhuri yake kuti havana kubatanidzwa muchisimba chakadaro asi kuti vakaramba vachiita basa rokuvaka areka murunyararo. Panowo tinoona kufanana kwazvakaita nezuva redu. Vanhu vane mwoyo yakatendeseka zvino ‘vanogona kuona kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.’ (Maraki 3:18) Kutendeka, mutsa, runyararo, uye kushingaira zvinoratidzwa neZvapupu zvaJehovha zvinoyemurwa nevaoni vasingasaruri, uye unhu uhwu hunosiyanisa vanhu vaMwari nenyika yose. Zvapupu hazviiti chisimba mumarudzi acho ose uye zvinotungamirirwa nomudzimu waJehovha. Ndokusaka zviine rugare uye zvichitevera nzira yakarurama.—Isaya 60:17.

6, 7. (a) Vanhu vomuzuva raNoa vakakundikana kunzwisisa chii, uye zvakafanana sei nhasi? (b) Mienzaniso ipi inoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinowanzozivikanwa sevanhu vakasiyana nevamwe?

6 Vanhu vakararama panguva imwe chete naNoa vakakundikana kunzwisisa kuti Noa akanga achitsigirwa naMwari uye kuti aiita maererano nokutungamirira kwaMwari. Saka havana kukoshesa kuparidza kwaaiita uye hapana zvavakaita neshoko rake rokunyevera. Ko nhasi? Kunyange zvazvo vakawanda vachibayiwa mwoyo nebasa uye mufambiro weZvapupu zvaJehovha, vakawanda havakoshesi mashoko akanaka uye zvinonyeverwa neBhaibheri. Vavakidzani, vashandirwi, kana kuti voukama vangarumbidza unhu hwakanaka hwevaKristu vechokwadi asi vozochema-chema vachiti, “Dai chete vasiri Zvapupu zvaJehovha!” Zvisingaonekwi nevanhu ava ndezvokuti Zvapupu zvinoratidza unhu hwakadai sorudo, rugare, mutsa, kunaka, unyoro, uye kuzvidzora nokuti zvinotungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratiya 5:22-25) Izvi zvinofanira kuita kuti vanhu vade kugamuchira shoko ravo.

7 Somuenzaniso, kuRussia, Zvapupu zvaJehovha zvaivaka Imba yoUmambo. Mumwe murume akamira kuti ambotaura nomumwe wevaishanda, akati: “Chokwadi iyi nzvimbo iri kuvakwa inoshamisa—hapana ari kusvuta fodya, hapana anotaura mashoko akaipa, uye hapana akadhakwa! Asi muri Zvapupu zvaJehovha?” Munhu aishanda akamubvunza kuti, “Kana ndikati kwete, mungabvuma zvandinotaura here?” Murume wacho akakurumidza kupindura kuti, “Kwete.” Mune rimwe guta rokuRussia, meya wemo akashamiswa zvikuru paakaona Zvapupu zvichivaka Imba yazvo yoUmambo itsva. Akataura kuti kunyange zvazvo aimboona mapoka ose ezvitendero seakafanana, pashure pokuona kusava noudyire kwechokwadi kweZvapupu zvaJehovha, haachaaoni saizvozvo. Iyi inongova mienzaniso miviri inoratidza kuti vanhu vaJehovha vakasiyana nevaya vasingaomereri pamitemo yeBhaibheri.

8. Kupona kwedu mugumo wenyika ino yakaipa kunobva pakudini?

8 Panguva yokupedzisira ye“nyika yekare” yakaparara muMafashamo, Noa akanga ari “muparidzi wokururama” akatendeka. (2 Petro 2:5) Mumazuva ano okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino, vanhu vaJehovha vari kuzivisa mitemo yaMwari yakarurama uye vari kuzivisa mashoko akanaka nezvomukana wokupona kwava kupinda munyika itsva. (2 Petro 3:9-13) Sezvo Noa nemhuri yake yaitya Mwari vakachengetedzwa vari muareka, kupona kwevanhu nhasi kunobva pakutenda kwavo uye pakuwadzana nesangano raJehovha repasi pose vakavimbika.

Zvinoda Kutenda Kuti Munhu Apone

9, 10. Nei kutenda kuchikosha kana tichizopona pamugumo wenyika yaSatani?

9 Munhu anofanira kuitei kuti apone pakuparadzwa kwava pedyo kwenyika ino iri musimba raSatani? (1 Johani 5:19) Anofanira kutanga kunzwisisa kuti anofanira kuva akachengeteka. Zvadaro obvuma kuchengetedzwa. Vanhu vomuzuva raNoa vakaramba vachiita mabasa avo ezuva nezuva senguva dzose uye vakaona pasina chikonzero chokudzivirirwa panjodzi yakanga iri kuuya. Pane chimwe chinhu chavakanga vasina—kutenda muna Mwari.

10 Kune rimwe divi, Noa nemhuri yake vakanzwisisa kuti vaida kudzivirirwa uye kununurwa. Vaitendawo muna Changamire Wezvose, Jehovha Mwari. ‘Pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Jehovha,’ akanyora kudaro muapostora Pauro, “nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Pauro akawedzera kuti: “Nokutenda Noa, pashure pokunge anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari, akavaka areka kuti aponese imba yake; uye nokutenda uku akapa nyika mhosva, akava mugari wenhaka yokururama kunoenderana nokutenda.”—VaHebheru 11:6, 7.

11. Tingadzidzei pakudzivirira kwaiita Jehovha munguva yekare?

11 Kuti tipone pachaguma nyika ino, tinofanira kuita zvinopfuura kungodavira kuti ichaparadzwa. Tinofanira kuva nokutenda, tichishandisa zvizere urongwa hwaMwari hwokuti tipone. Chokwadi, tinofanira kutenda muchibayiro chorudzikinuro choMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. (Johani 3:16, 36) Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti vaya chete vaiva mukati chaimo meareka yaNoa ndivo vakapona paMafashamo. Saizvozvowo, maguta okupotera muIsraeri yekare aingodzivirira bedzi munhu aiuraya asingaiti nemaune kana aizotanga kutizira kuguta rakadaro obva aramba ari mukati maro kusvikira mupristi mukuru afa. (Numeri 35:11-32) Padambudziko rechigumi muIjipiti muzuva raMosesi, matangwe evaIjipiti akaurayiwa, asi evaIsraeri haana. Nei? Jehovha akanga arayira Mosesi kuti: “[VaIsraeri] ngavatore rimwe ropa [regwayana rePaseka] varisase pamagwatidziro maviri nokurutivi rwokumusoro rwesuo padzimba dzavacharidyira. . . . Hapana kana mumwe wenyu anofanira kubuda pasuo reimba yake kusvikira mangwanani.” (Eksodho 12:7, 22) Matangwe api evaIsraeri aizorega kuteerera mirayiridzo yakapiwa naMwari obuda kunze kwemba yakaiswa chiratidzo chokusaswa ropa pamagwatidziro maviri uye kurutivi rwokumusoro rwesuo?

12. Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza mubvunzo upi, uye nei?

12 Saka tine chikonzero chokunyatsofunga nezvemamiriro edu ezvinhu. Tiri mukati chaimo here mourongwa hwaJehovha hwokudzivirirwa mune zvokunamata? Panouya kutambudzika kukuru, misodzi yomufaro uye yokuonga ichayerera pazviso zvevaya vakatsvaka kudzivirirwa kwakadaro. Vamwe vachangova nemisodzi yokusuwa neyokuzvidemba.

Zvinogara Zvichigadziridzwa Musangano Zvinotibatsira Kuti Tipone

13. (a) Zvinhu zvinogadziridzwa musangano zvine chinangwa chei? (b) Tsanangura kumwe kugadziridzwa kwezvinhu kuri kufambira mberi.

13 Jehovha ave achigadziridza zvinhu musangano rake repasi. Izvi zvabatsira kuita kuti urongwa hwake hwokuti isu tidzivirirwe mune zvokunamata hunake, hutsige, uye husimbe. Kubvira kuma1870 kusvikira muna 1932, vakuru nemadhikoni vaiita zvokusarudzwa nenhengo dzeungano. Muna 1932 vakuru vakanga vasarudzwa vakatsiviwa nedare rebasa raisarudzwa neungano kuti ribatsire mutungamiriri webasa akanga agadzwa. Muna 1938, urongwa hwakaitwa hwokugadza vashumiri vose vechiKristu muungano. Kubvira muna 1972, rumbidzo dzave dzichiitwa uye kana dzatenderwa, ungano dzinogamuchira tsamba dzechiKristu dzokugadza vatariri nevashumiri vanoshumira, dzichitungamirirwa neDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Mumakore apfuura, basa reDare Rinodzora rakawedzera uye zvinhu zvave zvichichinjwa kuitira kuti basa ravo rive nyore.

14. Ipurogiramu ipi yokudzidzisa yakatanga muna 1959?

14 Kare muna 1950, kunyatsoongororwa kwePisarema 45:16 kwakaita kuti pave nepurogiramu yokudzidzisa inoenderera mberi. Rugwaro irworwo runoti: “Panzvimbo yemadzitateguru ako pachava nevanakomana vako, vauchagadza kuti vave machinda munyika yose.” Vakuru vari kutungamirira muungano vari kudzidziswa mabasa echiKristu iye zvino uye pashure peAmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Chikoro Choushumiri hwoUmambo chakatangwa muna 1959. Panguva iyoyo, kosi yaiitwa kwomwedzi wose yainyanya kurongerwa vashumiri veungano, sokudanwa kwaiitwa vatariri vanotungamirira kare ikako. Iye zvino chikoro ichi chava kupa mirayiridzo kuvatariri vose nevashumiri vanoshumira. Zvadaro, hama idzi dzinozotungamirira pakudzidzisa Chapupu chaJehovha chimwe nechimwe muungano dzadzo dzakasiyana-siyana. Naizvozvo, vose vanobatsirwa mune zvokunamata uye vanobatsirwa kuti vawedzere kubudirira kwoushumiri hwavo sevazivisi vemashoko akanaka oUmambo.—Mako 13:10.

15. Rucheno rweungano yechiKristu runochengetedzwa munzira dzipi mbiri?

15 Vanhu vanoda kuva nhengo dzeungano yechiKristu vanofanira kuva nezvimwe zvinhu zvinodiwa. Zvinonzwisisika kuti vaseki vemazuva ano havabvumirwi kuti vave nhengo dzeungano yechiKristu, sezvakangoitika kune vaya vasina kubvumirwa kupinda muareka yaNoa. (2 Petro 3:3-7) Zvikurukuru kubvira muna 1952, Zvapupu zvaJehovha zvakawedzera kutsigira urongwa hunobatsira kudzivirira ungano—kureva kuti, kudzinga vatadzi vasingapfidzi. Kutaura zvazviri, vatadzi vanopfidza zvepachokwadi vanobatsirwa nenzira yorudo kuti ‘vagadzirire tsoka dzavo nzira dzakarurama.’—VaHebheru 12:12, 13; Zvirevo 28:13; VaGaratiya 6:1.

16. Manamatiro evanhu vaJehovha akadini?

16 Kubudirira mune zvokunamata kwevanhu vaJehovha hakushamisi uyewo haisi tsaona. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akati: “Tarirai! Vashumiri vangu vachadya, asi imi muchava nenzara. Tarirai! Vashumiri vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota. Tarirai! Vashumiri vangu vachafara, asi imi muchanyara. Tarirai! Vashumiri vangu vachashevedzera vachifara nokuda kwokufara kwomwoyo, asi imi muchashevedzera nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo uye muchaungudza nokuda kwokurwadziwa mwoyo kwazvo.” (Isaya 65:13, 14) Jehovha anoramba achitipa mafashafasha ezvokudya zvokunamata zvakakodzera nguva uye zvinovaka zvinoita kuti tirambe takasimba pakunamata.—Mateu 24:45.

Gadzirira Kupona

17. Chii chichatibatsira kuti tigadzirire kupona?

17 Sezvisina kumboitika, iye zvino ndiyo nguva yokuti “tirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane.” (VaHebheru 10:23-25) Kuwadzana neimwe yeungano dzinopfuura 98-000 dzeZvapupu zvaJehovha uye kuramba tichishingaira tirimo kuchatibatsira kuti tizvigadzirire kupona. Tichabatsirwa nevatinonamata navo sezvatinoedza kuratidza “unhu hutsva” toshanda chaizvo nomwoyo wose kuti tibatsire vamwe kudzidza nezvourongwa hwaJehovha hwokupona.—VaEfeso 4:22-24; VaKorose 3:9, 10; 1 Timoti 4:16.

18. Nei wakatsunga kuramba uri pedyo neungano yechiKristu?

18 Satani nenyika yake yakaipa vanoda chaizvo kutinyengera kuti tisiye ungano yechiKristu. Zvisinei, tinogona kuramba tiri nhengo dzeungano uye tinogona kupona pachaparadzwa nyika ino yakaipa. Kuda Jehovha uye kuonga urongwa hwake hworudo ngazviite kuti tive vakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kumisa zvinoedza kuitwa naSatani. Kufungisisa zvikomborero zvatiinazvo iye zvino kuchasimbisa kutsunga kwedu. Zvimwe zvezvikomborero izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Nguva yedu yakafanana pakudini nezuva raNoa?

• Unhu hupi hunodiwa kuti upone?

• Zvinhu zvipi zvakagadziridzwa musangano zvakasimbisa urongwa hwaJehovha pakuti tidzivirirwe?

• Isu pachedu tingagadzirira sei kupona?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 22]

Vanhu vakararama panguva imwe chete naNoa havana kumukoshesa

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kukoshesa mashoko aMwari okunyevera kune mubayiro

[Mufananidzo uri papeji 24]

Chikoro Choushumiri hwoUmambo chinobatsirei?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Iye zvino ndiyo nguva yokuramba uri pedyo neungano yechiKristu