Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gutsikana Nokushandisa Zvinodzidziswa neBhaibheri

Gutsikana Nokushandisa Zvinodzidziswa neBhaibheri

Gutsikana Nokushandisa Zvinodzidziswa neBhaibheri

HAZVINA mubvunzo kuti wakamboona katsi yakazvipeta uye ichigwiriridza—izvo zvinonyatsoratidza kugutsikana. Chokwadi, zvaizova zvakanaka zvikuru kuzvipeta kufanana nayo wogutsikana saizvozvowo! Zvisinei, vakawanda vanoona zvakaoma kugutsikana, uye kugutsikana kwacho hakugari. Nei zvakadaro?

Nokuti zvatisina kukwana tinokanganisa kazhinji, uye tinofanira kutsungirira kukanganisa kwevamwe. Uyewo, tiri kurarama munguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira,” anoratidzwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1-5) Kunyange zvazvo tichiyeuka nomufaro kugutsikana kwataiita tichiri vana, vakawanda vedu iye zvino tinovhiringidzwa zvikuru neidzi “nguva dzinonetsa.” Zvinoita here kuti tigutsikane munguva yedu ino?

Ona kuti Magwaro anotaura kuti nguva dzino dzinonetsa dzaizova dzakaoma kubata nadzo kwete dzisingaiti. Tinogona kubata nadzo nokushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. Tingasapedza matambudziko edu nguva dzose, asi tichasvika pakuti gutsikanei. Ngationgororei zvinhu zvitatu zvakadaro.

Ramba Uchiona Zvinhu Sezvazviri

Kuti tigutsikane, tinofanira kuramba tichiona zvatisingakwanisi uye zvisingakwanisi kuitwa nevamwe sezvazviri chaizvo. Mutsamba yaakanyorera vaRoma, muapostora Pauro anoti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Isu hatimbonzwisisi zvinhu zvakawanda zvine chokuita nokubwinya kwaJehovha. Muenzaniso mumwe chete ndewezvinotaurwa zviri nyore pana Genesisi 1:31, kuti: “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.” Pose apo Jehovha anosarudza kutarira shure pane zvaakaita, anogona kutaura nguva dzose kuti “zvakanga zvakanaka kwazvo.” Hapana munhu anogona kutaura saizvozvo nguva dzose. Kubvuma kuti pane zvatisingakwanisi kuita ndiro danho rokutanga pakuita kuti tigutsikane. Zvisinei, pane zvimwe zvakawanda zvinodiwa. Tinofanira kunzwisisa tobvuma maonero anoita Jehovha zvinhu.

Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chivi” rinobva padzitsi rinoreva kukundikana kuita zvinodiwa. (VaRoma 3:9) Kuenzanisira: Isa mupfungwa dzako munhu ari kutarisira kuhwina mubayiro nokubaya chimwe chinhu nomuseve. Ane miseve mitatu. Anokanda wokutanga opotsa nedaro rinokwana mita. Anoedza kunanga zviri nani nomuseve wechipiri asi opotsazve nemasendimita 30. Anyatsoisa pfungwa dzake pazviri anokanda museve wokupedzisira opotsa nemasendimita maviri chete. Apotsa padikidiki kuti abaye chinhu chacho, asi anongonzi apotsa.

Tose zvedu takaita somunhu iyeye aora mwoyo anga achida kubaya chinhu nomuseve. Dzimwe nguva tinoita sokuti tiri kukundikana zvakanyanya kuita zvinodiwa. Dzimwe nguva tinoita zviri nani asi tinongokundikana. Tinovhiringidzwa nokuti tinenge taedza chaizvo, asi hazvina kuita sezvataida chaizvo. Iye zvino ngatifungeizve nezvomunhu uya anga achikanda miseve.

Zvishoma nezvishoma ava kuenda, akasuruvara nokuti zvechokwadi anga achida mubayiro iwoyo. Murume ari kutarisira makwikwi acho anongoerekana amushevedza kuti adzoke omupa mubayiro, achiti: “Ndinoda kukupa mubayiro uyu nokuti ndinokuda, uye ndaona kuti waedza zvakaoma.” Munhu wacho anga achikanda miseve anofara zvikuru!

Afara zvikuru! Vose vanogamuchira “chipo” choupenyu husingaperi hwakakwana kubva kuna Mwari vachanzwa saizvozvo. (VaRoma 6:23) Pashure paizvozvo, zvinhu zvose zvavachaita zvichange zvakanaka—havazombokundikanizve kuita zvinodiwa. Vachagutsikana zvakakwana. Panguva ino, kana tikaramba tichiona zvinhu seizvi, tichava nemanzwiro ari nani pamusoro pedu uye pamusoro pevamwe.

Ziva Kuti Chinhu Chose Chinoda Nguva

Ichokwadi kuti chinhu chose chinoda nguva. Zvisinei, wakamboona here kuti zvakaoma kuti urambe uchigutsikana chinhu chaunenge wakamirira pachinoita sokuti chiri kutora nguva refu kupfuura yawaitarisira kana kuti mamiriro ezvinhu asingafadzi paanoita sokuti ari kutora nguva refu kupfuura yawaitarisira? Kunyange zvakadaro, vamwe vakakwanisa kuramba vachigutsikana mumamiriro ezvinhu akadaro. Funga nezvomuenzaniso waJesu.

Asati auya panyika, Jesu aiva muenzaniso wakanaka zvikuru wokuteerera ari kudenga. Zvisinei, pano panyika ndipo pa“akadzidza kuteerera.” Sei? “Pazvinhu zvaakatambura.” Kare, akanga aona vanhu vachitambura asi iye akanga asati ambotambura. Paaiva panyika, kunyanya kubvira paakabhabhatidzwa muJodhani kusvikira paakafa paGorogota, akava mumamiriro ezvinhu akawanda aiedza. Hatizivi mashoko ose okuti Jesu aka“itwa akakwana” sei pane izvi, asi tinoziva kuti zvakatora nguva.—VaHebheru 5:8, 9.

Jesu akabudirira nokuti aifungisisa “mufaro wakaiswa pamberi pake,” mubayiro wokutendeka kwake. (VaHebheru 12:2) Kunyange zvakadaro, pane dzimwe nguva “aiteterera uyewo aikumbira . . . achichema kwazvo uye achisvimha misodzi.” (VaHebheru 5:7) Dzimwe nguva tingazviwana tichinyengetera nenzira yakafanana. Jehovha anozviona sei? Ndima iyoyo inoratidza kuti Jehovha akanzwa Jesu. Mwari achaita zvakafanana kwatiri. Nei?

Nokuti Jehovha anoziva zvatisingakwanisi kuita, uye anotibatsira. Munhu wose ane paanogumira pane zvaangatsungirira. Vanhu vari muBenin, muAfrica, vanoti: “Mvura yakawandisa inopedzisira yanyudza kunyange matatya.” Jehovha anoziva zviri nani kupfuura isu pachedu patinenge tava kuda kusvika patisingakwanisi. Norudo anotinzwira “ngoni uye . . . mutsa usina kukodzera kuwanwa kuti tibatsirwe panguva yakakodzera.” (VaHebheru 4:16) Akaitira izvozvo Jesu, uye akazviitira vamwe vasingaverengeki. Ona kuti izvi zvakaitika sei kuna Monika.

Monika akakura ari munhu asina zvaimunetsa, aiva noutano hwakanaka uye aifara. Muna 1968, achiri kumakore okuma20, akakatyamadzwa kuziva kuti aiva nemultiple sclerosis, hosha inowanzoguma yaita kuti munhu aome rutivi rwomuviri. Izvi zvakachinja upenyu hwake zvachose uye zvaida kuti agadziridze zvinhu zvakawanda muushumiri hwake hwenguva yakazara. Monika akaziva kuti zvaizotora nguva refu. Makore gumi nematanhatu gare gare, akati: “Hosha yangu haisati yava kurapika uye ingangoramba yakadaro kusvikira mamiriro ezvinhu matsva aMwari aita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akabvuma kuti zvave zvisiri nyore achiti: “Kunyange zvazvo shamwari dzangu dzichiti ndakaramba ndichifara uye kuti ndinofara sakare, . . . shamwari dzangu dzepedyo dzinoziva kuti pane dzimwe nguva ndinosvimha misodzi zvikuru.”

Zvisinei, akati: “Ndakadzidza kushivirira uye kufara pandinonzwa zviri nani zvishomanana. Ukama hwangu naJehovha hwakasimbiswa nokuona kwandakaita kuti munhu haambokwanisi kurwisana nehosha. Jehovha chete ndiye anokwanisa kuporesa vanhu zvizere.” Achibatsirwa naJehovha, Monika ave achigutsikana uye iye zvino anogona kutarira shure kumakore anopfuura 40 ebasa renguva yakazara.

Chokwadi, mamiriro ezvinhu akaita seaMonika haasi nyore. Asi zvechokwadi, uchagutsikana zvikuru kana ukaziva kuti zvimwe zvinhu zvingatora nguva refu kupfuura yaunotarisira. Kufanana naMonika, iwewo unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha ‘achakubatsira panguva yakakodzera.’

Usazvienzanisa Nevamwe—Vavarira Zvaunokwanisa Kuita

Uri munhu akasiyana nevamwe. Hapana mumwe akanyatsofanana newe. Chimwe chirevo mumutauro weGun womuAfrica chinotaura izvi nenzira iri nyore kuti: “Minwe haina kureba zvakafanana.” Hwaizova upenzi kuenzanisa munwe chero upi zvawo nomumwe. Waisazoda kuti Jehovha akuenzanise nomumwe munhu, uye iye haazomboiti izvozvo. Zvisinei, vanhu kwose kwose vane tsika yokuzvienzanisa nevamwe uye ingaita kuti vanhu vasagutsikana. Ona kuti Jesu akaratidza sei izvi nenzira ine simba, sezvatinoverenga pana Mateu 20:1-16.

Jesu akataura nezva“tenzi” aida vashandi mumunda wake wemizambiringa. Akawana vamwe varume vakanga vasina basa ndokuvatora kuti vanoshanda ‘mangwanani-ngwanani,’ zvichida nenguva dza6:00. Vakabvumirana mubayiro wezuva nezuva wepanguva iyoyo, dhinari rimwe chete nokuda kwezuva rokushanda remaawa 12. Hazvina mubvunzo kuti varume vacho vakafara kuti vakanga vawana basa uye kuti vaizowana mubayiro wenguva dzose. Gare gare, tenzi akawana mamwe mapoka evarume vakanga vasina basa ndokuita kuti vashande—nenguva dza9:00 mangwanani, 12:00, 3:00 masikati, uye kunyange nenguva dza5:00 zuva rovira. Hapana aiva mumapoka aya aizoshanda kwezuva rizere. Kana iri nyaya yomubayiro, tenzi wacho akavavimbisa ‘chero chainge chakakodzera,’ uye vashandi vacho vakabvumirana nazvo.

Pakapera zuva racho, tenzi akarayira murume aitarisira kuti abhadhare mibayiro yacho. Akarayira kuti ashevedze vashandi, otanga kubhadhara vaya vakanga vapedzisira kutorwa kuti vazoshanda. Ava vakanga vangoshanda kweawa imwe chete, asi zvinoshamisa kuti vakawana mubayiro wezuva rose. Tinogona kufungidzira kukurukurirana kune upenyu kwakatevera. Vaya vakanga vashanda maawa 12 azere vakafunga kuti vaizowanawo mari yakawanda. Zvisinei, naivowo vakawana yakafanana.

Vakaita sei? “Pavakarigamuchira, vakatanga kugunun’unira muridzi wemba, vakati, ‘Vokupedzisira ava vashanda awa imwe chete; asi mavaenzanisa nesu taswera tichishanda tichipiswa kwazvo!’”

Zvisinei, tenzi wacho aiona zvinhu nenzira yakasiyana. Akataura kuti vakanga vawana zvavakanga vabvumirana, kwete zvishoma. Kana vari vamwe, akasarudza kuvapa mubayiro wezuva rose, zvechokwadi unopfuura zvavaitarisira. Chaizvoizvo hapana akawana zvishoma pane zvavakanga vabvumirana; chokwadi, vakawanda vakatowana zvinopfuura zvavaitarisira. Saka tenzi wacho akabvunza kuti: “Hazvibvumirwi nomutemo here kuti ini ndiite zvandinoda nezvinhu zvangu?”

Zvino chifungidzira kuti kudai murume wacho aitarisira akanga atanga kubhadhara boka rokutanga uye ava vakabva vaenda. Vangadai vakagutsikana. Kusagutsikana kwakavapo pavakaona kuti vamwe vakanga vapiwa mubayiro wakafanana newavo asi ivo vaita basa shoma. Izvi zvakaita kuti vatsamwe, kunyange kutosvika pakugunun’unira tenzi, uyo wavangadai vakaonga zvikuru pakutanga nokuti akanga avatora kuti vazoshanda.

Izvi zvinonyatsoratidza zvinoitika patinozvienzanisa nevamwe. Kana ukafungisisa nezvoukama hwako naJehovha woonga kukukomborera kwaanoita, uchagutsikana. Usaenzanisa mamiriro ako ezvinhu neevamwe. Kana zvikaita sokuti Jehovha asarudza kuitira vamwe zvakati wandei, fara navo.

Zvisinei, Jehovha ane zvaanotarisira kwauri. Zvii izvozvo? VaGaratiya 6:4 inoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake.” Nemamwe mashoko, vavarira zvaunokwanisa kuita. Ronga kuita chaizvo zvaunokwanisa, wovavarira kuzviita. Kana chinangwa chacho chichikwanisika uye ukachiita, uchava “nechikonzero chokupembera nomufaro.” Uchagutsikana.

Kuchange Kuine Mibayiro

Zvinhu zvitatu zvatakurukura zvinoratidza kuti kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri zvechokwadi kunogona kuita kuti tigutsikane kunyange mumazuva ano okupedzisira uye pasinei nokusakwana. Paunenge uchiverenga Bhaibheri zuva nezuva, wadii kutsvaka zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri zvakadaro, zvichida zvinotaurwa zviri pachena kana kuti zvisiri pachena munhoroondo kana kuti mifananidzo.

Kana uchifunga kuti kugutsikana kwako kuri kupera, edza kuona chaicho chiri kukonzera izvozvo. Wadaro tsvaka zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri zvaungashandisa kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu. Somuenzaniso, ungatarisa pamapeji 110-11 ebhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” * Ipapo bhuku raZvirevo rinokurukurwa, uye uchawana zvinhu zvakawanda uye mazano zvakanyorwa pasi petumisoro 12. The Watch Tower Publications Index * neWatchtower Library iri paCD-ROM * zvine mashoko akanaka zvikuru. Kana ukagara uchizvishandisa, uchava nyanzvi pakuwana zvinhu zvinoshanda zvinodzidziswa neBhaibheri.

Nguva iri kuuya Jehovha paachapa vakakodzera upenyu husingaperi vakakwana muparadhiso pasi pano. Upenyu hwavo huchazara nokugutsikana.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 30 Anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 30 Anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 30 Anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

“Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Jesu “akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura.”—VaHebheru 5:8, 9

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

‘Achava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.’—VaGaratiya 6:4