Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anozivisa “Zvokuguma Kubvira Pakutanga”

Jehovha Anozivisa “Zvokuguma Kubvira Pakutanga”

Jehovha Anozivisa “Zvokuguma Kubvira Pakutanga”

“Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.”—ISAYA 46:10.

1, 2. Chii chinoshamisa pamusoro pezviitiko zvaiva nechokuita nokukundwa kweBhabhironi, uye izvi zvinoratidzei nezvaJehovha?

USIKU hwakati ndoo, varwi vanoverevedza nomuRwizi rwaYufratesi vakananga kuguta rine simba reBhabhironi. Sezvavanoswedera pedyo nesuo reguta racho, vanoshamiswa nezvavanoona. Masuo ane madhoo makuru maviri orusvingo rweBhabhironi asiyiwa akavhurika! Vanokwira vachibuda murwizi; vopinda muguta. Guta racho rinokundwa pakarepo. Koreshi, mutungamiriri wavo, anobva atanga kutonga nyika yacho yakundwa uye gare gare anopa murayiro achisunungura nhapwa dzechiIsraeri. Zviuru zvenhapwa zvinodzokera kumusha kunotangazve kunamata Jehovha muJerusarema.—2 Makoronike 36:22, 23; Ezra 1:1-4.

2 Zviitiko izvozvo zvegore ra539 kusvika kugore ra537 B.C.E. zvinopupurirwa chaizvo iye zvino nevanyori venhau dzakaitika. Zvinoshamisa ndezvokuti zviitiko izvozvo zvaizivikanwa makore 200 zvisati zvaitika. Jehovha akafuridzira muprofita wake Isaya kuti arondedzere nezvokukundwa kweBhabhironi pachine nguva refu mberi. (Isaya 44:24–45:7) Mwari haana kungozivisa mamiriro ezvinhu aiva nechokuita nokukundwa kweBhabhironi chete, asi akazivisawo zita romutungamiriri wacho aizorikunda. * Achiudza vaIsraeri, avo vaiva zvapupu zvake kare ikako, Jehovha akati: “Yeukai zvinhu zvokutanga zvekare kare, kuti ndini Mwari uye hakuna mumwe Mwari, kana ani naani akafanana neni; Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.” (Isaya 46:9, 10a) Zvechokwadi Jehovha ndiMwari anogona kuziva zvichaitika pachine nguva mberi.

3. Imhinduro dzemibvunzo ipi dzichakurukurwa iye zvino?

3 Mwari anoziva zvinhu zvenguva yemberi zvakawanda sei? Jehovha anoziva pachine nguva mberi zvichaitwa nomumwe nomumwe wedu here? Zvechokwadi, nguva yedu yemberi yakagara yarongwa here? Tichakurukura mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo iyi nemimwe mibvunzo yakafanana munyaya ino neinotevera.

Jehovha—Mwari Wouprofita

4. Uprofita hwakanyorwa muBhaibheri hunobva kuna Ani?

4 Zvaanokwanisa kufanoziva nguva yemberi, Jehovha akafuridzira vashumiri vake munguva dzakanyorwa Bhaibheri kuti vanyore uprofita hwakawanda, hunoita kuti tikwanise kuziva pachine nguva mberi zvakarongwa naJehovha. “Zvinhu zvokutanga—tarirai zvaitika, asi ndiri kuzivisa zvinhu zvitsva,” anodaro Jehovha. “Ndinoita kuti muzvinzwe izvo zvisati zvaitika.” (Isaya 42:9) Chokwadi vanhu vaMwari vakakomborerwa!

5. Kufanoziva zvichaitwa naJehovha kunoita kuti munhu ave nebasa rei?

5 Muprofita Amosi anotivimbisa kuti: “Changamire Ishe Jehovha haazoiti chinhu asina kumbozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.” Uku kufanoziva kunoita kuti vave nebasa rokuita. Ona mufananidzo une simba uyo Amosi anotevera kushandisa: “Kune shumba yadzvova! Ndiani asingazotyi?” Kudzvova kweshumba zvakunoita kuti vanhu nemhuka zvinenge zviri pedyo zvikurumidze kuita chimwe chinhu, saka vaprofita vakaita saAmosi vakakurumidza kuzivisa zvakanga zvaziviswa naJehovha. “Changamire Ishe Jehovha ataura! Ndiani asingazoprofiti?”—Amosi 3:7, 8.

“Shoko” raJehovha ‘Rinobudirira’

6. ‘Zvakarongwa’ naJehovha zvakabudirira munzirai panyaya yokuparara kweBhabhironi?

6 Achishandisa muprofita wake Isaya, Jehovha akati: “Zvandakaronga zvichamira, uye ndichaita zvinhu zvose zvandinofarira.” (Isaya 46:10b) ‘Zvakarongwa’ naMwari, kureva kuti, zvaaida kana kuti chinangwa chake kana tichitaura nezveBhabhironi, zvaisanganisira kudana Koreshi wokuPezhiya kuti akunde Bhabhironi oita kuti riparare. Jehovha akazivisa chinangwa ichocho pachine nguva refu zvisati zvaitika. Sezvatotaurwa, zvose zvakazadzika mugore ra539 B.C.E.

7. Nei tingava nechivimbo chokuti “shoko” raJehovha rinobudirira nguva dzose?

7 Anoda kusvika mazana mana emakore Koreshi asati akunda Bhabhironi, Mambo Jehoshafati weJudha akatarisana nemauto akanga akabatana evaAmoni nevaMoabhi. Akanyengetera nechivimbo kuti: “Haiwa Jehovha Mwari wemadzitateguru edu, hamusi Mwari ari kumatenga here? Hamusi kudzora umambo hwose hwemarudzi here? Simba noukuru hazvisi muruoko rwenyu here, zvokuti hapana angakudzivisai?” (2 Makoronike 20:6) Isaya akaratidza chivimbo chakafanana paakati: “Jehovha wemauto asarudza, ndiani angazviputsa? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa?” (Isaya 14:27) Gare gare, pfungwa dzaMambo weBhabhironi Nebhukadhinezari padzakatanga kushanda zvakanaka pashure pokumbopenga kwenguva yakati, akabvuma achizvininipisa kuti: “Hakuna angadzivisa ruoko rwa[Mwari] kana kumuti, ‘Wanga uchiitei?’” (Dhanieri 4:35) Chokwadi, Jehovha anovimbisa vanhu vake kuti: “Shoko rangu . . . harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.” (Isaya 55:11) Tinogona kuva nechivimbo chizere chokuti “shoko” raJehovha rinozadzika nguva dzose. Chinangwa chaMwari hachimbokundikani.

“Chinangwa [chaMwari] Chisingagumi”

8. “Chinangwa [chaMwari] chisingagumi” chii?

8 Mutsamba yake yaakanyorera vaKristu vokuEfeso, muapostora Pauro akataura nezvaMwari seane ‘chinangwa chisingagumi.’ (VaEfeso 3:11) Ichi hachisi chirongwa chete chaanoda kuita, sokunge kuti Mwari anofanira kuronga maitiro aachazviita. Asi, chine chokuita nokutsunga kwaJehovha kuita zvaaida pakutanga nokuda kwevanhu uye nyika. (Genesisi 1:28) Kuti tibatsirwe kunzwisisa kuti chinangwa chake hachimbokundikani, ngatifungei nezvouprofita hwokutanga hwakanyorwa muBhaibheri.

9. Genesisi 3:15 ine chii chokuita nechinangwa chaMwari?

9 Chipikirwa chiri pana Genesisi 3:15 chinoratidza kuti pashure chaipo pokunge Adhamu naEvha vatadza, Jehovha akasarudza kuti mukadzi wake wokufananidzira aizobereka mbeu, kana kuti mwanakomana. Jehovha akafanoonawo ruvengo rwaizovapo pakati pomukadzi wake naSatani uye pakati pembeu dzavo dzairwisana. Kunyange zvazvo Jehovha aizobvumira Mbeu yomukadzi waMwari kutambura nokupwanywa chitsitsinho, munguva yakakodzera yaMwari, Mbeu yacho yaizopwanya nyoka, kana kuti Satani Dhiyabhorosi mumusoro. Munguva iyi, chinangwa chaMwari chakaenderera mberi chisingakundikani nomudzinza rakasarudzwa kusvikira Jesu aoneka saMesiya akapikirwa.—Ruka 3:15, 23-38; VaGaratiya 4:4.

Zvinofanosarudzwa naJehovha

10. Jehovha akafanosarudza here kubvira pakutanga kuti Adhamu naEvha vaizotadza? Tsanangura.

10 Achitaura nezvebasa rakaitwa naJesu muchinangwa chaMwari, muapostora Petro akanyora kuti: “[Jesu] akafanozivikanwa nyika isati yavambwa, asi akaratidzwa pachena pamugumo wenguva dzacho nokuda kwenyu.” (1 Petro 1:20) Mwari akafanosarudza here kubvira pakutanga kuti Adhamu naEvha vaizotadza uye kuti chibayiro chorudzikinuro chakapiwa pachishandiswa Jesu Kristu chaizodiwa? Kwete. Shoko rokuti ‘pakuvamba’ rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rinoreva “kukanda mbeu.” Adhamu naEvha vasati vatadza, kwakambova noku‘kandwa kwembeu,’ kana kuti kunambwa kwomwana here? Kwete. Adhamu naEvha vakabereka vana pashure pokunge varatidza kusateerera. (Genesisi 4:1) Saka pashure pokupanduka asi Adhamu naEvha vasati vanamba vana, Jehovha akafanosarudza kuoneka kwe“mbeu.” Kufa nokumuka kwakaita Jesu kwakaita kuti urongwa hworudo hworudzikinuro huvepo, uhwo huchabvisa zvachose chivi chatinoberekwa nacho uye zvose zvinoedza kuitwa naSatani.—Mateu 20:28; VaHebheru 2:14; 1 Johani 3:8.

11. Chiitiko chipi chakafanosarudzwa naJehovha pakuitwa kwechinangwa chake?

11 Mwari akafanosarudza chimwe chiitiko pakuitwa kwechinangwa chake. Izvi zvinoratidzwa nezvakanyorerwa vaEfeso naPauro, kuti Mwari aizo“[unganidzazve] zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.” Pashure paizvozvo, achitaura nezve“zvinhu zviri kumatenga,” zvinoreva vaya vakasarudzwa kuti vave vagari venhaka pamwe chete naKristu, Pauro akatsanangura kuti: “Takafanogadzwa maererano nechinangwa chaiye anoita zvinhu zvose maererano nezvaakasarudza zvaanoda.” (VaEfeso 1:10, 11) Chokwadi, Jehovha akasarudza pachine nguva mberi kuti vanhu vashoma vaizova chikamu chechipiri chembeu yomukadzi waMwari voparadzira pamwe chete naKristu zvinhu zvinobatsira zvorudzikinuro. (VaRoma 8:28-30) Muapostora Petro anotaura nezveava so“rudzi rutsvene.” (1 Petro 2:9) Muapostora Johani akava neropafadzo yokuziva kubva pane zvaakaratidzwa, nhamba yevaya vaizova vagari venhaka pamwe chete naKristu—144 000. (Zvakazarurwa 7:4-8; 14:1, 3) Vakabatana naKristu saMambo, vanoshandira “kurumbidzwa kwokubwinya” kwaMwari.—VaEfeso 1:12-14.

12. Tinoziva sei kuti vane 144 000 havana kugara varongerwa izvozvo somunhu oga oga?

12 Kufanosarudzwa kwevane 144 000 hakurevi kuti vamwe vanhu vakagara varongerwa kuti vashumire Mwari vakatendeka saizvozvo. Chokwadika, zano riri muMagwaro echiKristu echiGiriki rakanyanya kunyorerwa kuti ritungamirire uye risimbise vakazodzwa kuti varambe vakavimbika uye kuti varambe vakakodzerwa nokudanwa kwavo kwokudenga. (VaFiripi 2:12; 2 VaTesaronika 1:5, 11; 2 Petro 1:10, 11) Jehovha anoziva pachine nguva mberi kuti vanhu vane 144 000 vachakwanisa kuita chinangwa chake. Kuti ivo vanozova vanhu vakaita sei zvinobva pakuti vaya vanokokwa somunhu oga oga vanosarudza sei kurarama upenyu hwavo, izvo munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira.—Mateu 24:13.

Zvinofanozivikanwa naJehovha

13, 14. Mashandisiro anoita Jehovha kufanoziva kwake anoenderana nechii, uye nei?

13 Jehovha zvaari Mwari wouprofita uye wechinangwa, anoshandisa sei kufanoziva kwake? Kutanga, tinovimbiswa kuti nzira dzaMwari dzose ndedzechokwadi, dzakarurama, uye ndedzorudo. Paainyorera vaKristu vechiHebheru vomuzana remakore rokutanga C.E., muapostora Pauro akasimbisa kuti mhiko yaMwari uye chipikirwa chake zvinoita “zvinhu zviviri zvisingachinjiki zvisingabviri kuti Mwari areve nhema pazviri.” (VaHebheru 6:17, 18) Mutsamba yake yaakanyorera mudzidzi Tito, Pauro akataurawo pfungwa iyi paakanyora kuti Mwari ‘haamborevi nhema.’—Tito 1:2.

14 Uyezve, kunyange zvazvo Jehovha aine simba risingaperi, haamboiti zvinhu nenzira isina kururama. Mosesi akarondedzera Jehovha sa“Mwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomio 32:4) Chero chipi zvacho chinoitwa naJehovha chinoenderana nounhu hwake hwakanaka chaizvo. Zvaanoita zvinoratidza kupindirana kwakakwana kunoita unhu hwake hukuru hworudo, uchenjeri, kururamisira, uye simba.

15, 16. Mwari akapa Adhamu zvisarudzo zvipi mumunda weEdheni?

15 Funga kuti zvose izvi zvine chii chokuita nezvakaitika mumunda weEdheni. SaBaba vane rudo, Jehovha akapa vanhu vaakasika zvose zvavaida. Akapa Adhamu mano okuti afunge, kuti aone kuti nyaya yakamira sei, osarudza zvokuita. Kusiyana nemhuka dzakasikwa, dzinongoita zvinhu maererano nokusikwa kwadzakaitwa, Adhamu aikwanisa kusarudza. Mugumisiro weizvi waiva wokuti Mwari akatarira pasi ari pachigaro chake choumambo chiri kudenga, akaona “zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.”—Genesisi 1:26-31; 2 Petro 2:12.

16 Jehovha paakasarudza kupa Adhamu murayiro wokusadya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa,” Iye akapa mirayiridzo yakakwana kuitira kuti Adhamu asarudze zvokuita. Akabvumira Adhamu kudya “miti yose yomunda” kunze kwomumwe chete ndokumunyevera nezvemigumisiro inouraya yokudya muchero womuti wakarambidzwa. (Genesisi 2:16, 17) Akaudza Adhamu migumisiro yezvaaizoita. Adhamu aizoitei?

17. Nei tingati Jehovha anoita zvokusarudza zvaanoda kufanoziva?

17 Zviri pachena kuti Jehovha akasarudza kurega kufanoona zvaizoitwa naAdhamu—naEvha—kunyange zvazvo Iye achikwanisa kuziva zvinhu zvose pachine nguva mberi. Saka nyaya yacho haisi yokuti Jehovha anogona here kana kuti haagoni kufanoona zviri mberi asi kuti anoita zvokusarudza kuita izvozvo. Uyezve, tingati, Jehovha zvaari Mwari worudo, aisazogara asarudza achiziva hake uye nenzira youtsinye kuti kupanduka ikoko—pamwe chete nemigumisiro yako inosuruvarisa—kwaizoitika. (Mateu 7:11; 1 Johani 4:8) Saka, Jehovha anoita zvokusarudza zvaanoda kufanoziva.

18. Nei kusarudza kunoita Jehovha kufanoziva kusingaratidzi kuti haana simba?

18 Kusarudza kunoita Jehovha kufanoziva kunoreva here kuti ane chaasingakwanisi kuita, kana kuti haana simba? Kwete. Mosesi akarondedzera Jehovha se“Dombo,” achiwedzera kuti: “Basa rake rakakwana.” Aisava nemhosva yemigumisiro yechivi chevanhu. Migumisiro ine ngozi inotiwira tose nhasi inobva pakusateerera ikoko. Muapostora Pauro akataura zvakajeka kuti “chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—Dheuteronomio 32:4, 5; VaRoma 5:12; Jeremiya 10:23.

19. Mibvunzo ipi ichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Kubva pane zvatakurukura, taona kuti Jehovha anoruramisira. (Pisarema 33:5) Asi unyanzvi hwaJehovha, unhu hwake, uye zvaanoda, zvinotsigira chinangwa chake. (VaRoma 8:28) SaMwari wouprofita, Jehovha anozivisa “zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.” (Isaya 46:9, 10) Taonawo kuti anoita zvokusarudza zvaanoda kufanoziva. Saka izvi zvinoita kuti tiite sei? Tingava sei nechokwadi chokuti zvatinosarudza zvinoenderana nechinangwa chaMwari chorudo? Uye kuita izvozvo kuchatiunzira zvikomborero zvipi? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ona bhurocha rinonzi A Book for All People, peji 28, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Mienzaniso ipi yekare inopupurira kuti “shoko” raMwari rinogara ‘richibudirira’?

• Ndezvipi zvakafanosarudzwa naJehovha zvine chokuita ne“chinangwa chake chisingagumi”?

• Jehovha anoshandisa kufanoziva kwake munzirai?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 22]

Jehoshafati aivimba naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mwari akafanotaura nezvokufa nokumuka kwaJesu

[Mufananidzo uri papeji 24]

Jehovha akafanosarudza zvaizoitwa naAdhamu naEvha here?