Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Ndichifara Pasinei Nokuva Ndonda

Kushumira Ndichifara Pasinei Nokuva Ndonda

Nyaya Youpenyu

Kushumira Ndichifara Pasinei Nokuva Ndonda

YAKATAURWA NAVARNAVAS SPETSIOTIS

Muna 1990, ndava nemakore 68, ndakaoma muviri zvachose. Asi kwemakore anenge 15 iye zvino, ndave ndichishumira somushumiri wenguva yakazara ndichifara pachitsuwa cheCyprus. Chii chakandipa simba rokuramba ndichishingaira mubasa raJehovha pasinei nokuva ndonda?

NDAKABEREKWA pana October 11, 1922, mumhuri ine vana vapfumbamwe—vakomana vana nevasikana vashanu. Taigara mumusha unonzi Xylophagou muCyprus. Kunyange zvazvo vabereki vangu vakanga vakati pfumei, kurera mhuri huru yakadaro kwaida kushanda zvakaoma muminda.

Baba vangu, Antonis, vakagara vari munhu aishanda nesimba uye aida kuziva. Nguva pfupi ndaberekwa, pavaishanyira mudzidzisi womumusha medu, Baba vakaona turakiti raiva nomusoro waiti Peoples Pulpit, rakabudiswa neVadzidzi veBhaibheri (sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo). Vakatanga kuriverenga, uye pasina nguva vakanga vanyura mune zvaraitaura. Somugumisiro, Baba pamwe chete neimwe yeshamwari dzavo, Andreas Christou, vakava vokutanga pachitsuwa chacho kushamwaridzana neZvapupu zvaJehovha.

Kuwedzera Pasinei Nokushorwa

Pashure penguva yakati, vari vaviri vakawana mamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri kubva kuZvapupu zvaJehovha. Munguva pfupi, Baba naAndreas vakakurudzirwa kuudza vamwe vomumusha mavo chokwadi cheBhaibheri chavakanga vachidzidza. Basa ravo rokuparidza rakaita kuti vashorwe zvikuru nevafundisi veGreek Orthodox nevamwe vaifunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichizovakanganisa.

Vakawanda vomunzvimbo iyoyo vairemekedza vadzidzisi veBhaibheri vaviri ava. Baba vangu vaizivikanwa zvikuru pamusana pomutsa wavo uye rupo. Kakawanda vaibatsira mhuri dzevarombo. Dzimwe nguva vaibuda mumba chinyararire usiku vonosiya gorosi kana kuti chingwa pamusuo wemhuri dzaishayiwa. Maitiro echiKristu okusava noudyire akadaro akaita kuti shoko revashumiri vaviri ava rifadze zvikuru.—Mateu 5:16.

Izvi zvakaita kuti vanhu vanenge gumi nevaviri vafarire shoko reBhaibheri. Kunzwisisa kwavo chokwadi zvakwakawedzera, vakaona zvakanaka kuti vaungane mudzimba dzakasiyana-siyana kuti vadzidze Bhaibheri seboka. Munenge muna 1934, Nikos Matheakis, mushumiri wenguva yakazara wokuGreece akasvika muCyprus, akasangana neboka romuXylophagou. Vachishivirira uye vakatsunga, Hama Matheakis vakabatsira kuronga boka racho uye kuribatsira kunzwisisa Magwaro zviri nani. Boka iri rakava musimboti weungano yokutanga yeZvapupu zvaJehovha muCyprus.

Basa rechiKristu zvarakaenderera mberi uye vanhu vakawanda zvavakagamuchira chokwadi cheBhaibheri, hama dzakaona kuti paidiwa nzvimbo yechigarire yokuitira misangano yadzo. Mukoma wangu wedangwe, George, nomudzimai wake Eleni, vakapa imba yavaishandisa seyokuchengetera zvirimwa uye zvokurimisa. Chivako ichi chaiva pedyo nomusha wavo, chakagadziridzwa ndokuchinjwa kuva nzvimbo yakakodzera yemisangano. Saka hama dzakava neImba yadzo yoUmambo yokutanga pachitsuwa chacho. Dzakafara zvikuru! Uye izvi zvakaita kuti vanhu vawedzere chaizvo!

Kuita Kuti Chokwadi Chive Changu

Muna 1938, ndava nemakore 16, ndakasarudza kuva muvezi. Saka Baba vakandiendesa kuguta guru reCyprus, rinonzi Nicosia. Noungwaru, vakaronga kuti ndinogara naNikos Matheakis. Hama iyi yakatendeka ichiri kuyeukwa nevakawanda pachitsuwa chacho nokuda kwokushingaira kwayo uye mutsa. Chido chayo chaiva pachena uye ushingi hwaisachinja zvaiva unhu hwaidiwa nomuKristu chero upi zvake aiva muCyprus mumazuva iwayo okutanga.

Hama Matheakis vakandibatsira zvikuru kuva nezivo yeBhaibheri yakadzama uye kufambira mberi pakunamata. Ndichiri kugara navo, ndaipinda misangano yose yaiitirwa pamba pavo. Kokutanga, ndakanzwa kuti kuda kwandaiita Jehovha kwakanga kuchikura. Ndakatsunga kuita kuti ndive noukama hunokosha naMwari. Mumwedzi mishomanana, ndakabvunza Hama Matheakis kana zvaiita kuti ndiende navo muushumiri. Maiva mugore ra1939.

Kwapera nguva yakati, ndakadzokera kunoshanyira mhuri yangu. Kuva pamwe nababa kwekanguva kwakawedzera chivimbo changu chokuti ndakanga ndawana chokwadi uye zvinoreva upenyu. Muna September 1939, Hondo Yenyika II yakatanga. Majaya akawanda ezera rangu akazvipira kuenda kuhondo, asi ndichitevera zano reBhaibheri, ndakasarudza kuramba ndisina divi randaitsigira. (Isaya 2:4; Johani 15:19) Gore iroro chairo, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha uye ndakabhabhatidzwa muna 1940. Kokutanga, ndakanzwa kuti ndakanga ndisisatyi munhu!

Muna 1948, ndakaroora Efprepia. Takava nevana vana. Nenguva pfupi takaziva kuti taifanira kushanda zvakaoma kuti tivarere “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) Minyengetero yedu nezvataiedza kuita zvakanga zvakananga pakuita kuti vana vedu vade Jehovha zvikuru uye varemekedze mitemo yake uye chokwadi chake chinokosha.

Matambudziko Outano Anounza Muedzo

Muna 1964, ndava nemakore 42, ndakatanga kunzwa chiveve muruoko rwangu rworudyi negumbo. Zvishoma nezvishoma, chakapararira kudivi roruboshwe. Ndakaongororwa ndikanzi ndine hosha yokupera tsandanyama, hosha isingarapiki iyo pakupedzisira inoita kuti muviri uome zvachose. Mashoko iwayo akandivhiringidza zvikuru. Izvi zvakangoerekana zvaitika uye ndisingatarisiri! Ndakurirwa nehasha uye chinya, ndakafunga kuti ‘Nei izvi zvichifanira kuitika kwandiri? Ndakatadzei kuti ndiitirwe izvi?’ Zvisinei, pashure penguva yakati, ndakakwanisa kukunda kuvhiringidzika kwandakatanga kuva nako pandakaongororwa. Ndakabva ndakurirwa nepfungwa dzokuzvidya mwoyo uye kusava nechokwadi. Mibvunzo inoverengeka yakamhanya-mhanya mupfungwa dzangu. Ndichaoma muviri zvachose ndotarisirwa nevamwe nguva dzose here? Ndichararama sei? Ndichakwanisa kupa mhuri yangu zvainoda here—mudzimai wangu nevana vangu vana? Ndaitya chaizvo pandaifunga izvi.

Panguva iyi yakaoma muupenyu hwangu, kupfuura kare kwose, ndakaona kuti ndaifanira kunyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha uye kumuudza zvose zvinondinetsa uye zvinondidya mwoyo. Ndakanyengetera usiku nemasikati ndiine misodzi mumaziso angu. Pasina nguva ndakanzwa ndanyaradzwa. Mashoko anozorodza aVaFiripi 4:6, 7 akava echokwadi chaizvo kwandiri, anoti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.”

Kurarama Nokuoma Muviri

Mamiriro angu ezvinhu akaramba achiipa. Ndakaziva kuti ndaifanira kukurumidza kuchinjira kumamiriro angu ezvinhu matsva. Sezvo ndakanga ndisisakwanisi kushanda somuvezi, ndakasarudza kuwana basa risina kunyanya kuoma raienderana nemamiriro angu ezvinhu uye raiita kuti ndikwanise kutarisira mhuri yangu. Pakutanga, ndaitengesa aizikirimu ndichishandisa motokari duku. Ndakaita izvi kweanenge makore matanhatu kusvikira kurwara kwangu kwaita kuti ndigare ndiri muwiricheya. Ndakabva ndachinjira kumabasa akasiyana-siyana akareruka andaikwanisa.

Kubvira muna 1990 utano hwangu hwashata zvokuti ndave ndisingakwanisi kuita basa chero ripi zvaro. Iye zvino, vamwe ndivo vanonditarisira nguva dzose, kunyange pazvinhu zvinogara zvichiitwa nomunhu akagwinya. Ndinoda rubatsiro pakurara, kugeza, uye kupfeka. Kuti ndipinde misangano yechiKristu, ndinofanira kusundwa ndiri muwiricheya kuti ndiende kumotokari ndosimudzwa kupinzwa mumotokari. KuImba yoUmambo, ndinofanira kusimudzwa kubudiswa mumotokari ndichiiswa muwiricheya ndosundwa kupinda mukati. Panguva yemisangano, hita yemagetsi inenge iri pedyo neni kuti tsoka dzangu dzirambe dzichidziyirwa.

Zvisinei, kunyange zvazvo ndakaoma muviri, ndinopinda misangano yose yeungano nguva dzose. Ndinonzwisisa kuti ikoko ndiko kwatinodzidziswa naJehovha, uye kuva pamwe chete nehama nehanzvadzi dzangu dzandinonamata nadzo, ndiko kuva munzvimbo chaiyo yokupotera uye kunonditsigira nokundikurudzira. (VaHebheru 10:24, 25) Kugara ndichishanyirwa nevamwe vandinonamata navo vakasimba pakunamata kwave kuchindibatsira nguva dzose. Ndinonzwa sezvakaita Dhavhidhi chaizvo, uyo akati: “Kapu yangu yakanyatsozara.”—Pisarema 23:5.

Mudzimai wangu anodiwa ave ari mubatsiri anoshamisa kwemakore ose aya. Vana vanguwo vave vachinditsigira zvakanyanya. Kwemakore anoverengeka iye zvino, vave vachindibatsira nezvandinoda zuva nezuva. Zvavari kuita hazvisi nyore, uye nokupfuura kuri kuita makore, zvinoramba zvichioma kuti vanditarisire. Zvechokwadi ivo vanoratidza muenzaniso wakanaka mukushivirira uye kushanda nesimba, uye ndinonyengeterera kuti Jehovha arambe achivakomborera.

Humwe urongwa hunoshamisa hwaJehovha hwokusimbisa vashumiri vake ndehwomunyengetero. (Pisarema 65:2) Jehovha akapindura kuteterera kwangu kwomwoyo wose nokundipa simba rokuramba ndiri mukutenda kwemakore ose aya. Pandinonyanya kunzwa ndakaora mwoyo, munyengetero unondibatsira kuramba ndichifara. Kugara ndichikurukura naJehovha kunondizorodza uye kunomutsidzira kutsunga kwangu kwokuti ndipfuurire. Ndine chivimbo chizere chokuti Jehovha anonzwa minyengetero yevashumiri vake uye anovapa rugare rwepfungwa rwavanoda.—Pisarema 51:17; 1 Petro 5:7.

Ndinonyanya kusimbiswazve pose pandinoyeuka kuti pakupedzisira Mwari achaporesa vose vanopiwa mubayiro woupenyu muParadhiso panguva inenge ichitonga Umambo hwoMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kanopfuura kamwe chete misodzi yokufara yakayerera pachiso changu sezvandaifungisisa nezvetariro iyoyo inoshamisa.—Pisarema 37:11, 29; Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kushanda Somushumiri Wenguva Yakazara

Munenge muna 1991, pashure pokuongorora mamiriro angu ezvinhu, ndakaziva kuti nzira yakanyanya kunaka yokuti ndisazvinzwira tsitsi yaiva yokugara ndakabatikana ndichiudza vamwe mashoko akanaka oUmambo anokosha. Mugore iroro, ndakatanga kushumira somushumiri wenguva yakazara.

Zvandiri chirema, ndinonyanya kuparidza nokunyora tsamba. Zvisinei, hazvisi nyore kuti ndinyore; zvinoda kuti ndishande zvakaoma. Zvakandiomera kubata penzura zvakasimba noruoko rwangu, runopedzwa simba nehosha yokupera tsandanyama. Asi nokushivirira uye kunyengetera, ndave ndichiparidza nokunyora tsamba kwemakore anopfuura 15 iye zvino. Ndinoshandisawo runhare kuparidzira vanhu. Handimborasikirwi nomukana wokutaura nezvetariro yangu yenyika itsva uye pasi rinenge riri Paradhiso kuhama, shamwari, uye vavakidzani vanondishanyira mumusha mangu.

Saka, ndakava nezvakaitika zvakawanda zvinokurudzira. Ndakafara chaizvo kuona mumwe wevazukuru vangu, wandakadzidza naye Bhaibheri makore 12 apfuura, achifambira mberi mune zvokunamata uye achiratidza kuonga chokwadi cheBhaibheri. Akurudzirwa nehana yake yakarovedzwa neBhaibheri, akaramba akavimbika uye akatsiga panyaya yechiKristu yokusava nedivi raanotsigira.

Ndinonyanya kufara vanhu vandinonyorera tsamba pavanokurukura neni kuti vawane mamwe mashoko ane chokuita neBhaibheri. Pano neapo, vamwe vanokumbira mamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Somuenzaniso, mumwe mukadzi akandiridzira runhare akandionga pamusana petsamba inokurudzira yandakanyorera murume wake. Akaona pfungwa dzaiva mutsamba yacho dzichifadza zvikuru. Izvi zvakaita kuti tikurukurirane Bhaibheri kakawanda naye uye nomurume wake mumusha mangu.

Ndine Tariro Yakaisvonaka

Kwemakore akawanda, ndakaona vazivisi voUmambo vachiwedzera mudivi rino renyika. Imba yoUmambo duku iri pedyo neimba yomukoma wangu George yakakudzwa, ikagadziridzwa kanoverengeka. Iyo inzvimbo yakanaka chaizvo yokunamatira, inoshandiswa neungano mbiri dzeZvapupu zvaJehovha.

Baba vakafa muna 1943, vava nemakore 52. Chokwadi, vakatisiyira nhaka yakanaka zvikuru ine chokuita nokunamata! Vana vavo vanokwana vasere vakagamuchira chokwadi uye vachiri kushumira Jehovha. Mumusha weXylophagou, makaberekerwa Baba, uye mumisha iri pedyo, iye zvino mune ungano nhatu, dzine vaparidzi voUmambo vanokwana 230!

Migumisiro yakanaka chaizvo yakadaro yave ichindifadza zvikuru. Iye zvino, ndava nemakore 83, ndinodzokorora nechivimbo mashoko omunyori wepisarema, anoti: “Vana veshumba vava nezenze vave vaine zvishoma, vakava nenzara; asi vaya vanotsvaka Jehovha havazoshayiwi chero chinhu chipi zvacho chakanaka.” (Pisarema 34:10) Ndakamirira nomwoyo wose nguva apo uprofita hwakanyorwa pana Isaya 35:6 huchazadzika, hunoti: “Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono.” Pasinei nokuva kwangu ndonda, ndakatsunga kuramba ndichishumira Jehovha ndichifara kusvikira panguva iyoyo.

[Mepu iri papeji 17]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

TURKEY

SYRIA

LEBANON

CYPRUS

Nicosia

Xylophagou

Mediterranean Sea

[Mufananidzo uri papeji 17]

Imba yoUmambo yokutanga muXylophagou, ichiri kushandiswa nanhasi

[Mifananidzo iri papeji 18]

Ndiina Efprepia muna 1946 uye iye zvino

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndinofara nokuparidza norunhare uye kunyora tsamba