Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

MuMutemo waMosesi, nei zvimwe zvinhu zvaiva nechokuita nenyaya dzepabonde zvaionekwa sokuti zvaiita kuti munhu ave “asina kuchena”?

Mwari akasika vanhu kuti varare pamwe chete, kuti rudzi rwevanhu ruwande uye kuti vanhu vakaroorana vafare. (Genesisi 1:28; Zvirevo 5:15-18) Zvisinei, muzvitsauko 12 ne15 zvaRevhitiko, tinowana mirau inotsanangura zvakadzama kusachena kwaikonzerwa nokubuda urume, kuenda kumwedzi, uye kusununguka mwana. (Revhitiko 12:1-6; 15:16-24) Mitemo yakadaro yakapiwa vaIsraeri vekare yaikurudzira kuva nemararamiro ane utano, yaisimudzira tsika dzakanaka chaizvo, uye yaisimbisa utsvene hweropa uye kudiwa kwokuyananisira zvivi.

Zvimwe zvakanga zvakanakira zvairayirwa noMutemo waMosesi panyaya dzepabonde, hwaiva utano hwakanaka munzanga yevaIsraeri. Bhuku rinonzi The Bible and Modern Medicine rinoti: “Kucherechedza kwaiita munhu paaienda kumwedzi pamwe chete nenguva yaairayirwa kuti arege kuita zvepabonde kwaiva nzira inobudirira yokudzivisa nayo dzimwe hosha dzine chokuita nokurara nomumwe munhu . . . uye kwaivawo chinhu chaicho chaiita kuti muromo wechibereko urege kuita mapundu.” Mitemo yakadaro yaidzivirira vanhu vaMwari pahosha dzavangave vakanga vasingazivi kana kuti kunyange dzavaisakwanisa kuona. Utsanana panyaya dzepabonde hwaiwedzera kukwanisa kubereka kworudzi rwacho rwakanga rwakomborerwa naMwari nechipikirwa chokuwedzera uye kubudirira. (Genesisi 15:5; 22:17) Utano hwepfungwa hwevanhu vaMwari hwaibatanidzwawo. Pavaiteerera mitemo iyi, varume nemadzimai vaidzidza kudzora havi yavo yokurara pamwe chete.

Zvisinei, chinhu chainyanya kukosha pamarudzi okusachena kwaikonzerwa nenyaya dzepabonde, kwaiva kubuda ropa kana kuti kurasika kwaro. Mitemo yaJehovha yaiva nechokuita neropa yaisangosimbisa utsvene hweropa chete mupfungwa dzevaIsraeri, asi yaisimbisawo basa rinokosha reropa mukunamata Jehovha, kureva, pakubayira zvibayiro uye pakuyananisira zvivi.—Revhitiko 17:11; Dheuteronomio 12:23, 24, 27.

Naizvozvo, zvairayirwa chaizvo noMutemo panyaya iyi, zvine chokuita zvakanyanya nokusakwana kwevanhu. VaIsraeri vaiziva kuti Adhamu naEvha—pashure pokunge vatadza—vaisagona kubereka vana vakakwana. Vazukuru vavo vose vaizotambura nemigumisiro yechivi chavaiberekwa vainacho—kusakwana norufu. (VaRoma 5:12) Pamusana peizvi, vabereki vaingogona kupfuudza upenyu husina kukwana hune chivi chete, kunyange zvazvo pakutanga nhengo dzokubereka nadzo dzevanhu dzakagadzirirwa kupfuudza upenyu hwakakwana pachishandiswa urongwa hwokuroorana.

Saka zvairayirwa noMutemo pakucheneswa zvaisangoyeuchidza vaIsraeri nezvechivi chavakaberekwa vainacho chete, asi nezvokudiwa kwechibayiro chorudzikinuro chokufukidza zvivi uye chokuti vanhu vakwanezve. Chokwadika, zvibayiro zvemhuka zvavaipa hazvina kuita izvozvo. (VaHebheru 10:3, 4) Chinangwa choMutemo waMosesi chaiva chokuvatungamirira kuna Kristu uye chokuvabatsira kunzwisisa kuti vaikwanisa chete kukanganwirwa zvechokwadi pachishandiswa chibayiro chakakwana chaJesu, zvichiita kuti vakatendeka vawane upenyu husingaperi.—VaGaratiya 3:24; VaHebheru 9:13, 14.