Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku Rechipiri reMapisarema

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku Rechipiri reMapisarema

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku Rechipiri reMapisarema

SEVASHUMIRI vaJehovha, tinotarisira kusangana nemiedzo. “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (2 Timoti 3:12) Chii chichatibatsira kutsungirira miedzo uye kutambudzwa, izvo zvicharatidza kuti takavimbika kuna Mwari?

Chikamu chechipiri pazvishanu zvemapisarema chinotipa rubatsiro irworwo. Mapisarema 42 kusvikira ku72 anoratidza kuti kana tichida kubudirira kutsungirira miedzo, tinofanira kuvimba naJehovha zvizere todzidza kumirira kuti atinunure. Chokwadi ichocho chidzidzo chinokosha zvikuru kwatiri! Zvinotaurwa neBhuku Rechipiri reMapisarema, kufanana neShoko rose raMwari, zvechokwadi ‘zvine upenyu uye zvine simba’ kunyange mazuva ano.—VaHebheru 4:12.

JEHOVHA NDIYE “NZVIMBO YEDU YOKUPOTERA NESIMBA REDU”

(Pisarema 42:1–50:23)

MuRevhi ari kwaakatapwa. Asuruvara nokuti haakwanisi kuenda kunzvimbo tsvene yaJehovha kuti anonamata, anozvinyaradza, achiti: “Nei wapererwa netariro, haiwa mweya wangu, nei usina kugadzikana mukati mangu? Mirira Mwari.” (Pisarema 42:5, 11; 43:5) Iyi ndima inodzokororwa inobatanidza zvikamu zvitatu zveMapisarema 42 ne43 kuva nhetembo imwe chete. Pisarema 44 nderokutetererera Judha—rudzi ruri kutambudzika, zvichida ruri mungozi yokupindirwa nechisimba neAsiriya mumazuva aMambo Hezekiya.

Pisarema 45, rwiyo pamusoro pomuchato wamambo, uprofita hune chokuita naMambo Mesiya. Mapisarema matatu anotevera anoratidza Jehovha se‘nzvimbo yokupotera uye simba,’ “Mambo mukuru panyika yose,” uye “nzvimbo yakakwirira yakachengeteka.” (Pisarema 46:1; 47:2; 48:3) Chokwadi Pisarema 49 rinoratidza nenzira yakanaka zvikuru kuti hapana munhu “anogona kudzikinura kunyange hama yake”! (Pisarema 49:7) Mapisarema masere okutanga echikamu chechipiri anonzi akanyorwa nevanakomana vaKora. Rechipfumbamwe, Pisarema 50, rakanyorwa naAsafi.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

44:19—“Nzvimbo yehunguhwe” yaiva chii? Munyori wepisarema zvimwe aitaura nezvenzvimbo yairwirwa hondo, uko vaya vaiurayiwa vaidyiwa nehunguhwe.

45:13, 14a—“Mwanasikana wamambo” uyo “achaunzwa kuna mambo” ndiani? Iye mwanasikana wa“Mambo asingagumi,” Jehovha Mwari. (Zvakazarurwa 15:3) Anomiririra ungano yakakwidziridzwa yevaKristu vane 144 000, vakagamuchirwa naJehovha sevana vake nokuvazodza nomudzimu wake mutsvene. (VaRoma 8:16) “Mwanasikana” waJehovha uyu, “akagadzirwa somwenga akashongera murume wake,” achaunzwa kumuroori—Mambo Mesiya.—Zvakazarurwa 21:2.

45:14b, 15—“Mhandara” dzinomiririra vanaani? Idzo i“boka guru” revanamati vechokwadi, vanobatana nevasara vakazodzwa uye vanovatsigira. Zva“vanobuda mukutambudzika kukuru” vari vapenyu, vachange vari panyika kuroora kwaMambo Mesiya pakuchapedzwa kudenga. (Zvakazarurwa 7:9, 13, 14) Panguva iyoyo vachazadzwa noku“fara kwazvo nomufaro.”

45:16—Panzvimbo yemadzitateguru amambo pachava sei nevanakomana? Jesu paakaberekwa pasi pano, aiva nemadzitateguru epasi pano. Iwo achava vanakomana vake paachavamutsa kubva kuvakafa muKutonga kwake Kwemakore Ane Chiuru. Vamwe vacho vachava vaya vachagadzwa kuti vave “machinda munyika yose.”

50:2—Nei Jerusarema richinzi “kukwana kworunako”? Izvi zvaisava pamusana pokutaridzika kweguta racho. Asi, nokuti raishandiswa naJehovha uye akaita kuti ribwinye nokuriita nzvimbo yetemberi yake uye guta guru remadzimambo ake akazodzwa.

Zvatinodzidza:

42:1-3. Sokusuwa mvura kunoita nondo hadzi iri munzvimbo yakaoma, muRevhi wacho aisuwa Jehovha. Murume wacho akanga akasuruvara zvikuru nokusakwanisa kunamata Jehovha panzvimbo Yake tsvene zvokuti ‘misodzi yake yakava zvokudya masikati nousiku’—akatanga kusviba mwoyo. Hatifaniri here kushandira kuti tionge zvikuru kunamata Jehovha takabatana nevamwe vatinonamata navo?

42:4, 5, 11; 43:3-5. Kana tikaparadzaniswa kwekanguva neungano yechiKristu pamusana pechikonzero chatisingakwanisi kudzivisa, kuyeuka nezvomufaro wokushamwaridzana kwataiita nevamwe munguva yakapfuura kunogona kutisimbisa. Kunyange zvazvo izvi pakutanga zvingawedzera kurwadza kunoita kuva woga, zvingatiyeuchidzawo kuti Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera uye kuti tinofanira kumumirira kuti atizorodze.

46:1-3. Pasinei zvapo nedambudziko ratingasangana naro, tinofanira kuva nechivimbo chizere chokuti “Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu.”

50:16-19. Munhu wose anotaura zvokunyengera uye anoita zvinhu zvakaipa haana kodzero yokumiririra Mwari.

50:20. Panzvimbo pokubishairira kutaura zvinokanganiswa nevamwe, tinofanira kuzvifuratira.—VaKorose 3:13.

“MIRIRA MWARI WAKANYARARA, HAIWA MWEYA WANGU”

(Pisarema 51:1–71:24)

Chikamu ichi chemapisarema chinotanga nomunyengetero womwoyo wose waDhavhidhi pashure pokunge aita chivi naBhati-shebha. Mapisarema 52 kusvikira ku57 anoratidza kuti Jehovha achanunura vaya vanokanda mutoro wavo paari vomumirira kuti vaponeswe. Sezvinotaurwa muMapisarema 58-64, mukutambudzika kwake kwose, Dhavhidhi anoita kuti Jehovha ave nzvimbo yake yokupotera. Anoimba kuti: “Chokwadi mirira Mwari wakanyarara, haiwa mweya wangu, nokuti tariro yangu inobva kwaari.”—Pisarema 62:5.

Kuva noukama hwepedyo noMununuri wedu kunofanira kuita kuti ‘tiimbire kukudzwa kwezita rake.’ (Pisarema 66:2) MuPisarema 65, Jehovha anorumbidzwa nokuti ane rupo, muMapisarema 67 ne68 anorumbidzwa pamusana pemabasa ake okuponesa, uye muMapisarema 70 ne71 anorumbidzwa nokuti iye Mupukunyutsi.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

51:12—Dhavhidhi akakumbira kuti atsigirwe “nomwoyo unoda” waani? Izvi hazvitauri nezvechido chaMwari chokubatsira Dhavhidhi asi zvinotaura nezvechido chaDhavhidhi pachake—mafungiro ake. Ari kukumbira kuti Mwari amupe chido chokuita zvakarurama.

53:1—Munhu anoramba kuti Mwari ariko “ibenzi” sei? Upenzi huri kutaurwa pano hausi hwokushaya ungwaru. Kuti munhu akadaro ibenzi patsika kungaonekwa nemigumisiro yokushaya tsika inorondedzerwa pana Pisarema 53:1-4.

58:3-5—Vakaipa vakaita senyoka munzirai? Nhema dzavanotaura pamusoro pevamwe dzakaita souturu hwenyoka. Vanokanganisa mukurumbira wakanaka wevanhu vavanenge vachitaura. Vakaipa havateereri kurayiridzwa kana kuti kururamiswa “semhungu inovhara nzeve dzayo.”

58:7—Vakaipa ‘vanonyunguduka kuti vave semvura inoyerera ichienda zvayo’ sei? Dhavhidhi angave aifunga nezvemvura yomune mimwe mipata ine hova iri muNyika Yakapikirwa. Kunyange zvazvo mafashamo aingoerekana avapo aiwedzera mvura mumupata wakadaro, mvura iyi yaikurumidza kuyerera yonyangarika. Dhavhidhi ainyengeterera kuti vakaipa vakurumidze kunyangarika.

68:13—‘Mapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha uye minhenga yayo yakafukidzwa nendarama yegirini yakada kuita yero’ sei? Dzimwe njiva dzine ruvara rwakaita bhuruu yakada kuita girei dzine kakupenyerera kanochinja-chinja pane mimwe minhenga yadzo. Minhenga yadzo inopenya chaizvo kana dziri pane zuva. Zvichida Dhavhidhi aifananidza varwi vechiIsraeri vakanga vakunda vaibva kuhondo nenjiva yakadaro—yakanga yakasimba pakubhururuka uye yaipenyerera. Sezvinotaurwa nedzimwe nyanzvi, rondedzero yacho ingakodzerawo chigadzirwa, mukombe wakatorwa sechinhu chinopambwa. Chero zvazvaiva, Dhavhidhi akanga achifananidzira kukunda uko Jehovha akapa vanhu vake pavavengi vavo.

68:18—“Zvipo zviri varume” vaiva vanaani? Ava vaiva vamwe vevarume vakatapwa pakakundwa Nyika Yakapikirwa. Varume vakadaro vakazonzi vabatsire vaRevhi pabasa ravo.—Ezra 8:20.

68:30—Chikumbiro choku‘tuka chikara chomutsanga’ chinorevei? Achitaura nenzira yokufananidzira nezvevavengi vevanhu vaJehovha sezvikara, Dhavhidhi akakumbira Mwari kuti avatuke, kana kuti adzivise simba ravo rokukuvadza.

69:23—‘Kuita kuti muhudyu momuvengi mugwedegwede’ kunorevei? Tsandanyama dziri muhudyu dzinokosha pakuita mabasa esimba, zvakadai sokusimudza uye kutakura zvinhu zvinorema. Muhudyu musina kusimba munoreva kurasikirwa nesimba. Dhavhidhi akanyengeterera kuti mhandu dzake dzishaye simba.

Zvatinodzidza:

51:1-4, 17. Kuita chivi hakufaniri hako kutiparadzanisa naJehovha Mwari. Kana tikapfidza, tinogona kuva nechivimbo chokuti achatinzwira ngoni.

51:5, 7-10. Kana takaita chivi, tinogona kuteterera kuti Jehovha atikanganwire pamusana pechivi chatakaberekwa nacho. Tinofanira kunyengeterawo kwaari kuti atichenese, atidzorere, kuti atibatsire kubvisa kuda kutadza mumwoyo medu, uye kuti atipe chido chakasimba.

51:18. Zvivi zvaDhavhidhi zvakaita kuti rudzi rwose ruve pangozi. Saka akanyengetera kuti Mwari afarire Ziyoni. Patinoita chivi chakakomba, chinowanzozvidzisa zita raJehovha uye ungano. Tinofanira kunyengetera kuna Mwari kuti agadzirise zvatingave takanganisa.

52:8. Tingaita “somuorivhi wakasvibirira uri mumba maMwari”—kuva pedyo naJehovha uye kubudirira mubasa rake—nokumuteerera uye nokubvuma nomwoyo wose kurangwa naye.—VaHebheru 12:5, 6.

55:4, 5, 12-14, 16-18. Kumukira kwomwanakomana wake Absaromu nokutengeswa kwaakaitwa nomunhu aimupa mazano waaivimba naye ainzi Ahitoferi zvakarwadza Dhavhidhi zvikuru. Zvisinei, izvozvo hazvina kuita kuti Dhavhidhi avimbe naJehovha zvishoma. Hatifaniri kubvumira kurwadziwa kuti kuite kuti tivimbe naMwari zvishoma.

55:22. Tinokanda sei mutoro wedu pana Jehovha? Tinoita izvi (1) nokunyengetera kwaari tichimuudza zviri kutinetsa, (2) nokutsvaka kutungamirirwa uye kutsigirwa neShoko rake nesangano, uye (3) nokuita zvatinokwanisa kuti tibvise mamiriro acho ezvinhu.—Zvirevo 3:5, 6; 11:14; 15:22; VaFiripi 4:6, 7.

56:8. Jehovha haangozivi mamiriro edu ezvinhu chete asi anozivawo kuti iwo anotivhiringidza zvakadini.

62:11. Mwari haashandisi simba rinobva kune vamwe vanhu kana kune zvimwe zvinhu. Simba rinobva kwaari. ‘Simba nderake.’

63:3. “Mutsa [waMwari] worudo uri nani kupfuura upenyu” nokuti pasina iwo, upenyu hahuna zvahunoreva uye hahuna chinangwa. Kuchenjera kuti tishandire kuva noukama naJehovha.

63:6. Nguva yousiku—yakanyarara uye isina zvinovhiringidza—inogona kuva nguva yakanaka zvikuru yokufungisisa.

64:2-4. Guhwa rinokuvadza rinogona kukanganisa zita rakanaka romunhu asina mhosva. Hatifaniri kuteerera guhwa rakadaro kana kuti kuriparadzira.

69:4. Kuti tive norugare, dzimwe nguva kungava kuchenjera ‘kudzorera’ nokukumbira ruregerero, kunyange kana tisina chokwadi chokuti takakanganisa.

70:1-5. Jehovha anonzwa kuteterera kwedu kwokukurumidzira. (1 VaTesaronika 5:17; Jakobho 1:13; 2 Petro 2:9) Mwari angabvumira muedzo kuti uenderere mberi, asi achatipa uchenjeri hwokutarisira mamiriro acho ezvinhu uye simba rokuti tiutsungirire. Haazobvumiri kuti tiedzwe kupfuura zvatinogona kutsungirira.—1 VaKorinde 10:13; VaHebheru 10:36; Jakobho 1:5-8.

71:5, 17. Dhavhidhi akava noushingi nesimba nokuvimba naJehovha paaiva muduku—kunyange asati atarisana nehofori yechiFiristiya Goriyati. (1 Samueri 17:34-37) Vechiduku vanofanira kuvimba naJehovha pane zvose zvavanoita.

“Kubwinya Kwake Ngakuzadze Nyika Yose”

Rwiyo rwokupedzisira muchikamu chechipiri chemapisarema, Pisarema 72, runotaura nezvokutonga kwaSoromoni, ruchifanotaura nezvemamiriro ezvinhu achange ari kwose kwose Mesiya paanenge achitonga. Chokwadi izvozvo zvikomborero zvinoshamisa zvikuru zvinorondedzerwa imomo—rugare rwakawanda, kuguma kwoudzvinyiriri nechisimba, zviyo zvizhinji panyika! Tichava vamwe vevaya vachawana zvikomborero zvoUmambo izvi pamwe nezvimwe here? Tinogona kuva vamwe vavo, kana kufanana nomunyori wepisarema, tichigutsikana nokumirira Jehovha, tichiita kuti ave nzvimbo yedu yokupotera uye simba redu.

‘Minyengetero yaDhavhidhi inoguma’ nemashoko aya: “Jehovha Mwari, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye oga ari kuita mabasa anoshamisa. Zita rake rinokudzwa ngarirumbidzwe nokusingagumi, kubwinya kwake ngakuzadze nyika yose. Ameni uye Ameni.” (Pisarema 72:18-20) Nenzira yakafanana ngatirumbidzei Jehovha nomwoyo wose uye tirumbidze zita rake rakanaka.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unoziva here anomiririrwa no“mwanasikana wamambo”?

[Mufananidzo uri papeji 10, 11]

Jerusarema rinonzi “kukwana kworunako.” Unoziva here kuti nei?