Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Sarudzai Upenyu Kuti Murambe Muri Vapenyu”

“Sarudzai Upenyu Kuti Murambe Muri Vapenyu”

“Sarudzai Upenyu Kuti Murambe Muri Vapenyu”

“Ndaisa upenyu norufu pamberi penyu, uye chikomborero nokutukwa; naizvozvo sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu.”—DHEUTERONOMIO 30:19.

1, 2. Munhu akasikwa nomufananidzo waMwari munzira dzipi?

“NGATIITE munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu.” Mashoko iwayo akataurwa naMwari akanyorwa muchitsauko chokutanga cheBhaibheri. Saizvozvo, Genesisi 1:26, 27 inotaura kuti, “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari.” Saka munhu wokutanga akanga akasiyana nezvimwe zvisikwa zvose pasi pano. Akanga akafanana noMusiki wake, achikwanisa kuratidza mafungiro akaita seaMwari, pakuratidza rudo, kururamisira, uchenjeri, uye simba. Aikwanisa kushandisa hana kuti imubatsire kusarudza zvinhu zvaizomubatsira uye zvaizofadza Mubereki wake wokudenga. (VaRoma 2:15) Nemashoko mashoma, Adhamu aiva norusununguko rwokusarudza zvaaida. Achitarisa masikiro aakanga aita mwanakomana wake wepasi pano, Jehovha akagumisa nezvebasa rake raakanga aita, achiti: ‘Tarira! rakanaka kwazvo.’—Genesisi 1:31; Pisarema 95:6.

2 Sevazukuru vaAdhamu, isuwo takaitwa nomufananidzo waMwari uye takafanana naye. Zvisinei, chaizvozvo tinogona kusarudza pane zvatinoita here? Kunyange zvazvo Jehovha achikwanisa kufanoziva zvichaitika, haagari asarudza zvichaitwa nomunhu mumwe nomumwe uye migumisiro yazvo. Haambobvumiri vana vake vepasi pano kutongwa nedzidziso yokuti vakagara varongerwa zvichaitika. Kuti tibatsirwe kunzwisisa kukosha kwokushandisa rusununguko rwedu rwokusarudza kuti tisarudze zvakarurama, kutanga ngatiwanei chidzidzo kubva kurudzi rwaIsraeri.—VaRoma 15:4.

VaIsraeri Vaiva Norusununguko Rwokusarudza

3. Wokutanga paMirayiro Gumi waiva upi, uye vaIsraeri vakanga vakatendeka vakasarudza kuuteerera sei?

3 “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yevaranda,” akadaro Jehovha kuvaIsraeri. (Dheuteronomio 5:6) Muna 1513 B.C.E., rudzi rwaIsraeri rwakanunurwa nenzira inoshamisa kwarwakanga ruri varanda muIjipiti uye naizvozvo rwakanga rusina chikonzero chokusava nechokwadi nemashoko iwayo. Mune wokutanga paMirayiro Gumi, Jehovha achishandisa mumiririri wake Mosesi, akazivisa kuti: “Usava nevamwe vanamwari kunze kwangu.” (Eksodho 20:1, 3) Panguva iyoyo, rudzi rwaIsraeri rwakasarudza kuteerera. Vakazvipira zvizere kuna Jehovha nokuzvidira.—Eksodho 20:5; Numeri 25:11.

4. (a) Mosesi akaita kuti vaIsraeri vasarudze chii? (b) Tinogona kusarudza chii mazuva ano?

4 Makore anenge 40 gare gare, Mosesi akayeuchidza zvine simba chimwe chizvarwa chevaIsraeri nezvechisarudzo chavaifanira kuita. Akazivisa kuti: “Ndinoshevedza matenga nenyika kuti zvikupupurirei nhasi, kuti ndaisa upenyu norufu pamberi penyu, uye chikomborero nokutukwa; naizvozvo sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu.” (Dheuteronomio 30:19) Saizvozvowo mazuva ano, tinogona kusarudza. Chokwadi, tinogona kusarudza kushumira Jehovha takatendeka tichifunga nezvoupenyu husingaperi, kana kuti tinogona kusarudza kusamuteerera totambura nemigumisiro yacho. Funga nezvemienzaniso miviri yevanhu vakasarudza zvakasiyana.

5, 6. Joshua akasarudza chii, uye zvakaguma nei?

5 Muna 1473 B.C.E., Joshua akatungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa. Paaivarayira zvine simba asati afa, Joshua akateterera rudzi rwacho rwose achiti: “Zvino kana zvakaipa kwamuri kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vangava vanamwari vakashumirwa nemadzitateguru enyu aiva mhiri kwoRwizi kana vanamwari vevaAmori vane nyika yamuri kugara.” Zvadaro, achitaura nezvemhuri yake, akaenderera mberi achiti: “Ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.”—Joshua 24:15.

6 Pakutanga-tanga, Jehovha akanga akurudzira Joshua kuti ashinge uye asimbe, achimurayira kusatsauka pakuteerera Mutemo waMwari. Asi, nokuverenga bhuku roMutemo nenzwi riri pasi pasi masikati nousiku, Joshua aizokwanisa kuita kuti nzira yake ibudirire. (Joshua 1:7, 8) Uye ndizvo zvakaitika. Zvakasarudzwa naJoshua zvakaunza zvikomborero. “Hapana kana chipikirwa chimwe chete chakakundikana pazvipikirwa zvose zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuimba yaIsraeri,” Joshua akazivisa kudaro. “Zvose zvakaitika.”—Joshua 21:45.

7. Muzuva raIsaya, vamwe vaIsraeri vakasarudzei, uye zvakaguma nei?

7 Kusiyana naizvozvo, funga nezvemamiriro ezvinhu muIsraeri makore anenge 700 gare gare. Pakasvika nguva iyoyo, vaIsraeri vakawanda vakanga vachitevera tsika dzechihedheni. Somuenzaniso, pazuva rokupedzisira regore, vanhu vaiunganira tafura yakanga iine zvokudya zvinonaka zvakasiyana-siyana newaini inotapira. Uku kwaisangova kuunganawo zvako kwemhuri. Kwaiva mutambo wechitendero waikudza vanamwari vaviri vechihedheni. Muprofita Isaya akanyora maonero aiita Mwari kusatendeka uku, achiti: “Imi muri vaya vanosiya Jehovha, vaya vanokanganwa gomo rangu dzvene, vaya vanogadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura yezvokudya uye vaya vanodirira waini yakavhenganiswa mwari Anofanosarudza Zvichaitika.” Vaidavira kuti goho regore racho raibva pakufadza “mwari weMhanza Yakanaka” na“mwari Anofanosarudza Zvichaitika,” kwete pakukomborerwa naJehovha. Zvisinei, chokwadi kupanduka kwavo uye kuzvisarudzira kwakasimbisa kuguma kwavo. “Ndichafanokutemerai kuti muparadzwe nebakatwa,” Jehovha akazivisa kudaro, “uye mose zvenyu muchakotama kuti muurayiwe; nokuti ndakashevedza, asi hamuna kupindura; ndakataura, asi hamuna kuteerera; makaramba muchiita zvakaipa pamberi pangu, uye makasarudza chinhu chandisina kufarira.” (Isaya 65:11, 12) Kusarudza kwavo kusiri kwokuchenjera kwakaita kuti vaparadzwe, uye mwari Anofanosarudza Zvichaitika namwari weMhanza Yakanaka vakanga vasina simba rokuzvidzivisa.

Kusarudza Zvakarurama

8. Maererano naDheuteronomio 30:20, kusarudza zvakarurama kunosanganisirei?

8 Mosesi paakarayira vaIsraeri kusarudza upenyu, akataura matanho matatu avaifanira kutora: “Nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari.” (Dheuteronomio 30:20) Ngationgororei rimwe nerimwe rematanho aya kuitira kuti tisarudze zvakarurama.

9. Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha?

9 Nokuda Jehovha Mwari wedu: Tinosarudza kushumira Jehovha nokuti tinomuda. Kana tikateerera mienzaniso inonyevera yomuzuva revaIsraeri, tinorwisa miedzo yose yokuita unzenza uye tinodzivisa mararamiro angaita kuti tinyure mumusungo wenyika wokunyanya kuda pfuma. (1 VaKorinde 10:11; 1 Timoti 6:6-10) Tinonamatira kuna Jehovha tochengeta mirau yake. (Joshua 23:8; Pisarema 119:5, 8) VaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akavarayira kuti: “Onai, ndakakudzidzisai mirau nezvakatongwa, sezvandakarayirwa naJehovha Mwari wangu, kuti imi muite saizvozvo pakati penyika yamuchatora kuti ive yenyu. Muzvichengete uye muzviite, nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokunzwisisa kwenyu pamberi pemarudzi achanzwa nezvemirau yose iyi.” (Dheuteronomio 4:5, 6) Iye zvino ndiyo nguva yokuti tiratidze kuda kwatinoita Jehovha nokuisa zvinoda Jehovha munzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. Zvechokwadi tichakomborerwa kana tikasarudza kuita izvozvo.—Mateu 6:33.

10-12. Zvidzidzo zvipi zvatinowana patinofunga nezvezvakaitika mumazuva aNoa?

10 Nokuteerera inzwi raMwari: Noa aiva “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Vanenge vanhu vose vakararama Mafashamo asati auya vakatsauswa uye “havana kucherechedza” kunyevera kwaNoa. Zvakaguma nei? ‘Mafashamo akauya akavakukura vose.’ Jesu akanyevera kuti zuva redu, nguva yo“kuvapo kwoMwanakomana womunhu,” yaizova yakafanana. Zvakaitika muzuva raNoa zvinoshanda senyevero yakasimba kuvanhu vanosarudza kusateerera shoko raMwari mazuva ano.—Mateu 24:39.

11 Vaya vanoseka kunyevera kwaMwari kuri kuziviswa nevashumiri vake vemazuva ano vanofanira kuziva kuti kukundikana kuteerera nyevero kucharevei. Achitaura nezvevaseki vakadaro, muapostora Petro akanyora kuti: “Maererano nezvavanoda, vanokundikana kuziva chinhu ichi, kuti kubvira kare kwaiva nematenga uye nyika yakanga yakabatana isiri mumvura uye iri pakati pemvura, zvaitwa neshoko raMwari; uye nezvinhu izvozvo nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura. Asi neshoko iroro matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:3-7.

12 Zvinoitwa nevanhu ava zvakasiyana nezvakasarudzwa naNoa nemhuri yake. “Nokutenda Noa, pashure pokunge anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari, akavaka areka.” Kuteerera kwaakaita kunyeverwa kwakaita kuti mhuri yake ipone. (VaHebheru 11:7) Ngatiratidzei kuti tinokurumidza kunzwa shoko raMwari tobva tariteerera.—Jakobho 1:19, 22-25.

13, 14. (a) Nei ‘kunamatira kuna Jehovha’ kuchikosha? (b) Tinofanira kubvumira Jehovha, “Muumbi wedu,” kuti atiumbe sei?

13 Nokunamatira kuna Jehovha: Kuti ‘tisarudze upenyu toramba tiri vapenyu,’ hatingofaniri kuda Jehovha tomuteerera chete asi tinofanirawo ‘kunamatira kuna Jehovha,” kureva kuti, tinofanira kuramba tichiita zvaanoda. “Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu,” akadaro Jesu. (Ruka 21:19) Chaizvoizvo, zvatinosarudza panyaya iyi zvinoratidza zviri mumwoyo medu. “Munhu anogara achitya anofara, asi anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko,” inodaro Zvirevo 28:14. Farao womuIjipiti yekare aiva muenzaniso weizvi. Rimwe nerimwe reMatambudziko Gumi zvaraiuya paIjipiti, Farao aiomesa mwoyo wake panzvimbo pokuratidza kuti aitya Mwari. Jehovha haana kumanikidza Farao kuti asateerera asi akabvumira mutongi iyeye aidada kuti asarudze. Chero zvazvaiva, zvaida Jehovha zvakaitwa, sezvakatsanangurwa nomuapostora Pauro nezvokuona kwaiita Jehovha Farao kuti: “Nokuda kwechikonzero ichochi ndaita kuti urambe uchirarama, kuti ndiratidze simba rangu nokwauri, uye kuti zita rangu riziviswe munyika yose.”—VaRoma 9:17.

14 Mazana emakore pashure pokunge vaIsraeri vanunurwa mukutonga kwaFarao, muprofita Isaya akazivisa kuti: “Haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri Muumbi wedu; tose zvedu tiri basa roruoko rwenyu.” (Isaya 64:8) Sezvatinobvumira Jehovha kutiumba nokudzidza kwatinoita tiri toga uye kushandisa kwatinoita Shoko rake, zvishoma nezvishoma tinopfeka unhu hutsva. Tinova vanyoro uye tinoumbika, zvichitiitira nyore kuti tinamatire kuna Jehovha takavimbika nokuti tinoda kumufadza nomwoyo wose.—VaEfeso 4:23, 24; VaKorose 3:8-10.

“Uzvizivise”

15. Maererano naDheuteronomio 4:9, Mosesi akayeuchidza vaIsraeri nezvezvinhu zviviri zvipi zvavaifanira kuita?

15 Kurudzi rwaIsraeri rwakanga rwakaungana rwagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akati: “Asi zvichenjerere, utarisire mweya wako zvakanaka, kuti urege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nemaziso ako uye kuti zvirege kubva mumwoyo mako mazuva ose oupenyu hwako; uzvizivise vanakomana vako nevazukuru vako.” (Dheuteronomio 4:9) Kuti vakomborerwe naJehovha uye vabudirire munyika yavakanga vava kuda kugara nhaka, vanhu vacho vaifanira kuita zvinhu zviviri pamberi paJehovha Mwari wavo. Vaisafanira kukanganwa zvinhu zvinoshamisa izvo Jehovha akanga aita vachiona, uye vaifanira kuzvidzidzisa zvizvarwa zvomunguva yemberi. Sevanhu vaMwari mazuva ano, tinofanira kuita zvakafanana kana tichida ‘kusarudza upenyu toramba tiri vapenyu.’ Zvinhu zvipi zvatakaona nemaziso edu zvatakaitirwa naJehovha?

16, 17. (a) Mamishinari akarovedzwa kuGiriyedhi ave achikwanisa kuita chii mubasa rokuparidza Umambo? (b) Mienzaniso ipi yevanhu vaunoziva vakaramba vachishingaira?

16 Tinofara zvikuru kuona kukomborera kwakaita Jehovha basa redu rokuparidza uye rokuita kuti vamwe vave vadzidzi. Kubvira pakatangwa Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi muna 1943, mamishinari ave achitungamirira basa rokuita kuti vamwe vave vadzidzi munyika dzakawanda. Kusvika iye zvino, vakatanga kupedza kudzidza pachikoro ichi vachiri kushingairira kuparidza Umambo, kunyange zvazvo vakwegura uye vamwe vachitadziswa kuita zvimwe zvinhu nokurwara. Mumwe muenzaniso wakanaka zvikuru ndewaMary Olson, akapedza kudzidza kuGiriyedhi muna 1944. Ave ari mumishinari kutanga muUruguay, akazoenda kuColombia, uye iye zvino ari kuPuerto Rico. Kunyange zvazvo vachitadziswa kuita zvimwe zvinhu nokurwara-rwara kunokonzerwa nokukwegura, Hanzvadzi Olson vanoramba vaine chido chokuparidza. Vachishandisa ruzivo rwavo rwomutauro weSpanish, vhiki yoga yoga vanoronga nguva yokuenda muushumiri pamwe chete nevaparidzi vomunyika iyoyo.

17 Nancy Porter, uyo ava chirikadzi iye zvino, akapedza kudzidza kuChikoro cheGiriyedhi muna 1947, achiri kushumira ari kuBahamas. Iye ndomumwe mumishinari anoramba achishingaira mubasa rokuparidza. “Kudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri chinhu chaicho chave chichiita kuti ndifare,” vanodaro Hanzvadzi Porter munyaya yavo youpenyu. * “Kunondibatsira kuva nepurogiramu yakarongeka yezvokunamata iyo yakaita kuti upenyu hwangu huve hwakarongeka uye hwakadzikama.” Hanzvadzi Porter nevamwe vashumiri vakatendeka pavanotarira shure, havakanganwi zvakaitwa naJehovha. Zvakadini nesu? Tinoonga here patinoona nzira iyo Jehovha akakomborera nayo basa roUmambo munzvimbo yatinogara?—Pisarema 68:11.

18. Chii chatingadzidza patinoverenga nyaya dzoupenyu dzemamishinari?

18 Tinofara nezvakaitwa uye zvichiri kuitwa nevanhu ava vave vari mubasa raMwari kwenguva refu. Kuverenga nyaya dzavo dzoupenyu kunotikurudzira nokuti patinoona zvakaitwa naJehovha kuvanhu ava vakatendeka, zvinosimbisa kutsunga kwedu kwokuti tishumire Jehovha. Unogara uchiverenga nyaya dzinofadza dzakadaro dzinobudiswa muNharireyomurindi wofungisisa nezvadzo here?

19. Vabereki vechiKristu vangashandisa sei zvakanaka nyaya dzoupenyu dzakanyorwa muNharireyomurindi?

19 Mosesi akayeuchidza vaIsraeri kuti vaisafanira kukanganwa zvinhu zvose zvavakanga vaitirwa naJehovha uye kuti zvinhu izvozvo zvaisafanira kubva mumwoyo mavo mazuva ose oupenyu hwavo. Akabva awedzera rimwe danho achiti: “Uzvizivise vanakomana vako nevazukuru vako.” (Dheuteronomio 4:9) Nyaya dzechokwadi dzinonakidza zvikuru. Vaduku vari kukura vanoda mienzaniso yakanaka. Hanzvadzi dzisina kuroorwa dzinogona kuwana zvidzidzo kubva mumuenzaniso wokutendeka wehanzvadzi dzakura dzine nyaya dzoupenyu dzinorondedzerwa muNharireyomurindi. Kushumira mundima yomutauro wokune imwe nyika asi vari munyika yavo kunopa hama nehanzvadzi mimwe mikana yokuti vabatikane mukuparidza mashoko akanaka. Vabereki vechiKristu, munodii kushandisa zvakaitika zvemamishinari akatendeka okuGiriyedhi nevamwe kuti mukurudzire vana venyu kusarudza upenyu hwebasa renguva yakazara?

20. Kuti ti‘sarudze upenyu’ tinofanira kuitei?

20 Saka, mumwe nomumwe wedu ‘angasarudza upenyu’ sei? Nokushandisa chipo chakanaka chaizvo chorusununguko rwokusarudza kuratidza Jehovha kuti tinomuda uye nokuramba tichiita zvatinokwanisa mubasa rake chero bedzi achitibvumira kuva neropafadzo iyoyo. “Nokuti,” sokuzivisa kwakaita Mosesi, Jehovha “ndiye upenyu hwenyu nokuwanzwa kwemazuva enyu.”—Dheuteronomio 30:19, 20.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Ona nyaya inoti “Ndinofara uye Ndinoonga Kunyange Zvazvo Ndakarasikirwa Zvinorwadza,” yakabudiswa muNharireyomurindi yaJune 1, 2001, mapeji 23-7.

Ungayeuka Here?

• Wadzidzei pamienzaniso yatakurukura yezvakasarudzwa zvakasiyana-siyana?

• Matanho api atinofanira kutora kuti ‘tisarudze upenyu’?

• Zvinhu zvipi zviviri zvatinokurudzirwa kuita?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

“Ndaisa upenyu norufu pamberi penyu”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kuteerera inzwi raMwari kwakaita kuti Noa nemhuri yake vapone

[Mufananidzo uri papeji 30]

Mary Olson

[Mufananidzo uri papeji 30]

Nancy Porter