Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakwegura Havaratidzwi Hanya, uye Vanobatwa Zvisina Kukodzera

Vakwegura Havaratidzwi Hanya, uye Vanobatwa Zvisina Kukodzera

Vakwegura Havaratidzwi Hanya, uye Vanobatwa Zvisina Kukodzera

SEZVAAITENDERERA, mumwe murindi anoshanda usiku akashamiswa chaizvo nezvaakaona zvaityisa. Panze pechimwe chivako choumbozha chinogara vanhu, akaona zvitunha zviviri—vakwegura vaviri vakaroorana avo vakanga vasvetuka nepahwindo vachibva muimba yavo yepauriri hwechisere. Kunyange zvazvo kuzviuraya kwavakaita kwaishamisa zvikuru, vavariro yavo yaitovhiringidza chaizvo. Kapepa kakawanikwa muhomwe yomurume wacho kaiti: “Tiri kuzviuraya pamusana pokuramba tichibatwa zvisina kukodzera uye kuitirwa utsinye nomwanakomana wedu uye muroora wedu.”

Mashoko enyaya iyi angava anoshamisa, asi zvinokonzera izvozvo zvinozivikanwa kwose kwose uye zvinotovhiringidza. Chokwadi, kubatwa zvisina kukodzera kwevakwegura kuri kwose kwose panyika. Funga nezvezvinotevera:

• Mune kumwe kuongorora, 4 kubva muzana yevakwegura vokuCanada yakataura kuti yaibatwa zvisina kukodzera kana kuti kushandiswa zvisina kukodzera—kakawanda kacho nenhengo yemhuri. Zvisinei, vakwegura vakawanda vanonyara chaizvo kana kuti vanotya zvikuru kutaura nezvedambudziko ravo. Nyanzvi dzinoti nhamba yacho ingava pedyo ne10 kubva muzana.

• “Nyika yeIndia, ine mhuri dzinooneka nechokunze sedzine ukama hwakasimba, iri kuparara pamusana penhamba iri kuwedzera yevanhu vakwegura vasingadiwi nevana vavo,” inodaro India Today.

• Maererano nokufungidzira kwakanaka chaizvo kuripo, “vanhu vokuAmerica vane makore 65 kana kuti kupfuura vari pakati pemiriyoni imwe chete nemaviri vakakuvadzwa, vakashandiswa zvisina kukodzera, kana kuti vakabatwa zvisina kukodzera nomumwe munhu anofanira kunge achivatarisira kana kuti kuvadzivirira,” inodaro National Center on Elder Abuse. Rimwe gweta rinomiririra mukuru weruwa muSan Diego, California, rinotaura kuti kubata vakwegura zvisina kukodzera “imwe yenyaya dzakakomba zvikuru dzakatarisana nevanoona kuti mitemo iri kuteererwa here mazuva ano.” Rinowedzera kuti: “Ndinoona dambudziko racho richiwedzera mumakore mashomanana ari kutevera.”

• MuCanterbury, New Zealand, vanhu vari kuramba vachinetseka kuti vakwegura ndivo vari kuitirwa zvakaipa nenhengo dzemhuri—kunyanya dziya dzine matambudziko okushandisa zvinodhaka, doro, kana kuti kubhejera. Nhamba yemhosva dzakataurwa dzokubata vakwegura zvisina kukodzera muCanterbury yakawedzera zvikuru kubva pa65 muna 2002 kuenda ku107 muna 2003. Mukuru mukuru wesangano rakaumbwa kuti ridzivise kuita zvisina kukodzera kwakadaro anoti nhamba iyi ingangova “kachikamu kadikidiki kezviri kuitika chaizvo.”

• Japan Federation of Bar Associations yakapa zano rokuti “vakwegura vanobatwa zvisina kukodzera vanofanira kuratidzwa hanya zvakanyanya kupfuura vana vanobatwa zvisina kukodzera kana kuti vanhu vanoitirwa chisimba mumhuri,” inodaro The Japan Times. Nei? Times inoti chikonzero chimwe chete ndechokuti, “kana kuchienzaniswa nokubatwa zvisina kukodzera kwevana kana kuti kwomudzimai kana murume, kubata zvisina kukodzera vakwegura kunotora nguva yakareba kuti kubude pachena, chimwe chinoita kuti zvidaro imhosva yokuti vakwegura vanonzwa vaine mutoro pavanoitirwa chisimba chacho nevana vavo, uyewo nokuti hurumende kana kuti vakuru vakuru vomunzvimbo imomo vatadza kugadzirisa dambudziko racho kusvika panguva ino.”

Mienzaniso iyi mishomanana yezviri kuitika munyika yose inoita kuti tibvunze kuti: Nei vakwegura vakawanda kudai vasiri kuratidzwa hanya uye vachibatwa zvisina kukodzera? Pane tariro here yokuti zvinhu zvichanaka? Inyaradzo ipi iripo nokuda kwevakwegura?