Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chidzidzo Pamusoro Pokuzvikudza uye Kuzvininipisa

Chidzidzo Pamusoro Pokuzvikudza uye Kuzvininipisa

Chidzidzo Pamusoro Pokuzvikudza uye Kuzvininipisa

CHIMWE chinhu chakaitika muupenyu hwaMambo Dhavhidhi chinoratidza kusiyana kwakaita kuzvininipisa kwechokwadi nokuzvikudza. Zvakaitika pashure pokunge Dhavhidhi akunda Jerusarema ndokuriita guta rake guru. Dhavhidhi aiona Jehovha saMambo chaiye waIsraeri, saka akaronga kuti Areka, iyo yaimiririra kuvapo kwaMwari, iunzwe muguta. Chiitiko ichi chakanga chichikosha zvikuru kuna Dhavhidhi zvokuti akaratidza mufaro wake pachena paaitevera vapristi vakanga vakatakura Areka. Vagari vomuJerusarema vakaona mambo wavo “achisvetuka-svetuka” uye “achipembera . . . nesimba rake rose.”—1 Makoronike 15:15, 16, 29; 2 Samueri 6:11-16.

Zvisinei, Mikari mudzimai waDhavhidhi haana kuuyawo pamudungwe wevanhu vaifara. Akatarira nepahwindo, uye pane kuti afarire nzira yaDhavhidhi yokurumbidza nayo Jehovha, “akatanga kumuzvidza mumwoyo make.” (2 Samueri 6:16) Nei Mikari akanzwa nenzira iyoyo? Zviri pachena kuti ainyanya kukoshesa kuva kwake mwanasikana waSauro, mambo wokutanga waIsraeri, uye kuti aiva mudzimai wamambo wechipiri waIsraeri. Zvimwe ainzwa sokuti murume wake, mambo, aisafanira kuzvideredza kuti aenzane nevanhuwo zvavo uye kupemberera pamwe chete navo. Makwazisiro aakaita Dhavhidhi paakadzokera kumba ndiwo akaratidza kuzvikudza kwakadaro. Nenzira yokutsvinya akati: “Mambo waIsraeri azvikudza sei nhasi paazvifukura nhasi pamberi pevarandasikana vevashandi vake, sokuzvifukura chose kunoita benzi!”—2 Samueri 6:20.

Dhavhidhi akaita sei paakatsoropodzwa seizvi? Dhavhidhi akatsiura Mikari nokumuudza kuti Jehovha akanga aramba baba vake Sauro, achisarudza iye. Dhavhidhi akatizve: “Ndichatozviita asingaremekedzwi kupfuura izvi, uye ndichava akaderera mumaziso angu; uye ndakatsunga kuzvikudza pamberi pevarandasikana vawataura.”—2 Samueri 6:21, 22.

Chokwadi, Dhavhidhi aiva akatsunga kuramba achishumira Jehovha achizvininipisa. Manzwiro aya anotibatsira kunzwisisa kuti nei Jehovha akati Dhavhidhi “munhu anodiwa nomwoyo wangu.” (Mabasa 13:22; 1 Samueri 13:14) Kutaura zvazviri, Dhavhidhi akanga ari kutevedzera muenzaniso wakanakisisa wokuzvininipisa—waJehovha Mwari pachake. Sezvineiwo, mashoko akashandiswa naDhavhidhi paakati kuna Mikari, “ndichava akaderera” anobva muchiito chechiHebheru chinoshandiswawo kutsanangura maonero anoita Mwari vanhu. Kunyange zvazvo Jehovha ari iye Munhu mukuru pane zvose zvakasikwa, Pisarema 113:6, 7 inomutsanangura se“anozvideredza [kuzvideredza panzvimbo yakakwirira kuti abate nevanhu vakaderera] kuti atarire denga nenyika, achisimudza munhu akaderera kubva muguruva; anokwidziridza murombo kubva mugomba remadota.”

Sezvo Jehovha achizvininipisa, hazvishamisi kuti anovenga “maziso anozvikudza” evanhu vanodada. (Zvirevo 6:16, 17) Mikari akanyimwa mukana wokuti aberekere Dhavhidhi mwanakomana nokuti akaratidza maitiro aya akaipa uye haana kuremekedza uyo akasarudzwa naMwari samambo. Akafa asina mwana. Ichi chidzidzo chinokosha zvikuru kwatiri! Vose vanoda kufarirwa naMwari vanofanira kuteerera mashoko aya: “Zvisungei nepfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe, nokuti Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”—1 Petro 5:5.