Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinganyatsoita Kuti Uwane Mufaro

Chinganyatsoita Kuti Uwane Mufaro

Chinganyatsoita Kuti Uwane Mufaro

“KUTSVAKA Mufaro” ikodzero yevanhu vose. Ndiwo maonero aiita vanhu vakatanga sangano rinonzi Declaration of Independence of the United States of America. Asi kuvavarira chimwe chinhu kwakasiyana nokubudirira kuchiita. Kunyange zvazvo vechiduku vakawanda vachitsvaka mabasa ane chokuita nezvinovaraidza uye zvemitambo, vangani vaunoziva vakanyatsobudirira sezvavaishuva? “Pamwe haumbobudiriri,” anodaro mumwe muimbi akakurumbira akatamburawo kuti ave muimbi anobudirira.

Kana wakambofunga kuti hauzobudiriri kuwana mufaro, pane chikonzero chakanaka chokuti usaora mwoyo. Kana ukatsvaka mufaro nenzira yakanaka, uchauwana. Nei tingadaro? Nyaya yapfuura yataura nezva“Mwari anofara,” Jehovha. (1 Timoti 1:11) MuBhaibheri, Mwari anotaura kuti ungazviita sei kuti usaguma waora mwoyo paunenge uchitsvaka mufaro. Jehovha anogona kukubatsira kukurira zvinhu zvinowanzokonzera kusuruvara. Somuenzaniso, funga nezvokukunyaradza kwaanoita paunofirwa nomunhu waunoda.

Panofa Munhu Waunoda

Pane chinhu chakanaka chero chipi zvacho chingataurwa nezvorufu here? Rufu runoparadzanisa vabereki nevana. Runoparadzanisa shamwari dzepedyo uye runoita kuti nzanga dzaiva dzakabatana dzisachengeteka. Panofa munhu, mhuri inenge ichifara inosuruvara zvikuru.

Zviri pachena kuti rufu injodzi. Zvisinei, vamwe vanhu vanoramba chokwadi ichocho uye vanotaura nezvorufu vachiti chikomborero. Funga zvakaitika pashure pokunge dutu reHurricane Katrina raparadza Gulf yokuMexico muna August 2005. Parufu rwomumwe akaurayiwa nedutu iri, mufundisi wacho akati: “Katrina haina kumuuraya. Mwari ndiye amudana kumusha wake.” Pane imwe nguva, mumwe mabharani aiva nechinangwa chakanaka wepachipatara akaudza mumwe mwanasikana kuti asanetseka, nokuti Mwari akanga atora amai vake kuti vaende kudenga. Mwanasikana wacho akachema achiti: “Nei anditorera amai vangu?”

Zviri pachena kuti pfungwa dzisina kururama dzakadaro nezvevakafa kazhinji hadzinyaradzi vanenge vafirwa. Nei? Nokuti pfungwa idzi hadzibudisi chokwadi nezvorufu. Zvakatoipa zvikuru ndezvokuti, dzinoratidza kuti Mwari anobvuta vadiwa kumhuri dzavo neshamwari achishandisa nzira dzinotyisa, dzinorwadza. Pane kuti ave munyaradzi, Mwari anoitwa kuti aite somunhu akaipa chaizvo panoitika njodzi yorufu. Asi Shoko raMwari rinotaura chokwadi nezvorufu.

Bhaibheri rinoti rufu muvengi. Rinofananidza rufu namambo ave achitonga vanhu. (VaRoma 5:17; 1 VaKorinde 15:26) Rufu muvengi ane simba zvokuti hapana munhu anogona kurudzivisa, uye munhu wose watinoda anofa anongova mumwe wevakawanda vanenge vasangana narwo. Chokwadi chomuBhaibheri ichi chinonyatsotsanangura kushungurudzika uye kunzwa tisina chatinobatsira kwatinoita patinofirwa nomunhu watinoda. Chinoratidza kuti munhu wose anonzwawo saizvozvo. Kunyange zvakadaro, Mwari anoshandisa muvengi rufu kuti aendese vadiwa vedu kudenga here? Rega Bhaibheri ripindure mubvunzo iwoyo.

Muparidzi 9:5, 10 inoti: “Vakafa havana kana chavanoziva . . . muSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” Sheori chii? Iguva kunoenda vanhu kana vafa. Muguva vakafa vanenge vasina kana chavanokwanisa kuita, vasingapfakanyiki, vasinganzwi, kana kuti vasina kana chavanofunga. Zvinoita sokuti vakafa nehope. * Saka Bhaibheri rinojekesa kuti Mwari haatori vadiwa vedu vakafa kuti ave navo kudenga. Kufa kunoita kuti vasare vasisiri vapenyu muguva.

Jesu akasimbisa chokwadi ichi pashure pokunge shamwari yake Razaro yafa. Jesu akafananidza rufu nokurara. Kudai Razaro akanga aenda kudenga kunova naMwari Wemasimbaose, kudzorerwa kuupenyu kwaakaitwa naJesu achizoguma nokufa zvakare kungadai kusina kuva chinhu chakanaka. Nhoroondo yakafuridzirwa inoti paaiva paguva racho, Jesu akati nenzwi guru: “Razaro, buda!” Bhaibheri rinoenderera richiti: “Murume akanga akafa akabuda.” Razaro akatangazve kurarama. Jesu aiziva kuti Razaro akanga asina kumbobva panyika. Akanga akarara muguva asiri mupenyu.—Johani 11:11-14, 34, 38-44.

Chiitiko ichi chakanyorwa muBhaibheri chinotibatsira kunzwisisa kuti rufu haisi nzira inoshandiswa naMwari kubvisa vanhu panyika achivaendesa kudenga. Saka tinogona kuswedera pedyo naMwari, tichiziva kuti haasi iye anokonzera kuti tisuruvare. Tinogonawo kuva nechivimbo chokuti anonyatsonzwisisa kutambudzika uye kurwadziswa kwatinoitwa nomuvengi rufu. Uye chokwadi chiri muBhaibheri nezvemamiriro ezvinhu evakafa chinoratidza kuti vakafa havatamburi muhero yomoto kana kuti mupurigatori asi kuti vanenge vasiri vapenyu muguva. Saka patinoyeuka vadiwa vedu hatifaniri kugumbukira Mwari kana kuti kutya kuti vari kupi. Uyezve, muBhaibheri, Jehovha anotinyaradzazve.

Tariro Inoita Kuti Ufare

Magwaro atakurukura anotaura nezvetariro, chinhu chinokosha kuti ufare. Shoko rokuti “tariro” sokushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri rinoreva kuti kutarisira zvakanaka nechivimbo. Kuti uone kuti tariro inogona sei kuita kuti ufare, ngatidzokerei kunhoroondo yaJesu yokumutsa Razaro.

Pane zvikonzero zvinenge zviviri nei Jesu akaita chishamiso ichocho. Chimwe chacho chaiva chokuti Marita naMariya neshamwari dzaichema varege kusuruvara. Vaigonazve kushamwaridzana nomunhu wavaida. Asi Jesu akataurira Marita chikonzero chechipiri, chinonyanya kukosha, achiti: “Handina kukuudza here kuti kudai waizotenda waizoona kubwinya kwaMwari?” (Johani 11:40) Shanduro inonzi The New Testament in Modern English, yakanyorwa naJ. B. Phillips, inoshandura mashoko okupedzisira ichiti “kushamisa kwezvinogona kuitwa naMwari.” Paakamutsa Razaro, Jesu akaratidza zvinogona kuitwa naJehovha Mwari uye zvaachaita mune remangwana. Heano mamwe mashoko nezvouku “kushamisa kwezvinogona kuitwa naMwari.”

Pana Johani 5:28, 29, Jesu akati: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.” Izvi zvinoreva kuti vose vakafa vari muSheori, kusanganisira vadiwa vedu, vachamutswa. Mabasa 24:15 inotaura mamwe mashoko nezvechiitiko ichi chinoshamisa, ichiti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Saka kunyange “vasina kururama,” vanhu vakawanda vakanga vasingazivi Jehovha uye vasingamushumiri, vachawana mukana wokunzwirwa nyasha naMwari mune ramangwana.

Rumuko urwu ruchaitika kupi? Pisarema 37:29 inoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” Funga kuti izvozvo zvinorevei! Mhuri neshamwari dzakaparadzaniswa norufu dzichaonanazve pasi pano. Sezvaunofunga nezvokuva nenguva yakanaka nevawaishamwaridzana navo, zvine musoro kuti mwoyo wako uzare nomufaro.

Jehovha Anoda Kuti Ufare

Takurukura nzira mbiri idzo Jehovha anogona kuwedzera nadzo mufaro wako pasinei nezvinetso zvako. Kutanga, achishandisa Bhaibheri, anokupa zivo uye anokutungamirira kuti akubatsire kubudirira pakutarisana nematambudziko. Kunze kwokutibatsira kuti titarisane nokusuruvara kunokonzerwa norufu, zano reBhaibheri rinogona kutibatsirawo kutarisana nezvinetso zvemari uye zvoutano. Rinogona kukusimbisa kuti utsungirire kusaruramisirwa uye kusagadzikana kwezvematongerwo enyika. Uye kana ukashandisa zano raro muupenyu hwako, rinogona kukubatsira kuti utarisane nezvinetso zvako iwe pachako.

Chechipiri, kana ukadzidza Bhaibheri, unowana tariro inopfuura nokure chero chinhu chipi zvacho chaunowana munzanga yevanhu. Kumutswa kweshamwari nemhuri ndeimwe tariro inodzidziswa neBhaibheri. Zvakazarurwa 21:3, 4 inotaura mamwe mashoko ichiti: “Mwari pachake achava [nevanhu]. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Izvi zvinoreva kuti chero chinhu chinoita kuti usuruvare muupenyu hwako munguva pfupi inouya chichange chichisisipo zvachose. Zvinovimbiswa neBhaibheri zvichaitika, uye unogona kufara pazvichazadzika. Kungoziva kuti zvinhu zvichanaka mberi kunozorodza. Kuziva kuti hauzongorambi uchitambura kana wafa chikonzero chokufara.

Kuenzanisira: Makore akawanda adarika Maria akaona murume wake achifa zvinorwadza nekenza. Achiri kuchema, zvinetso zvemari zvakamumanikidza iye nevanasikana vake vatatu kuti vatame pamusha wemhuri yavo. Kwapera makore maviri, Maria akaziva kuti aiva nekenza. Akavhiyiwa kaviri uye zuva roga roga anorwadziwa zvikuru. Pasinei nezvinetso izvi, ane mafungiro akanaka chaizvo zvokuti anonzwa achida kukurudzira vamwe vanhu. Anoita sei kuti arambe achifara?

Maria anoti: “Kana ndiine chinetso, ndinoedza kusazvifunga. Handibvunzi mibvunzo yakaita seyokuti: “Ndini ndakaita sei? Nei ndichifanira kutambura zvakadai? Nei ndaifanira kurwara? Kufunga zvisina kunaka kunopedza simba rangu. Pane kudaro, ndinoshandisa simba rangu kushumira Jehovha uye kubatsira vamwe. Izvozvo zvinondifadza.”

Tariro inobatsira Maria sei muupenyu hwake? Ane tariro yeramangwana Jehovha paachabvisira vanhu kurwara nezvimwe zvinetso. Paanoenda kuchipatara kunorapwa, anoudzawo vamwe varwere vane kenza vangave vasina tariro nezvetariro yaainayo. Tariro inokosha zvakadini kuna Maria? Anoti: “Ndinowanzofunga nezvezvinotaurwa neBhaibheri pana VaHebheru 6:19, Pauro paakarondedzera tariro sechinhu chinotsigisa mweya. Kana usina chitsigiso ichocho, uchakukurwa sezvinoita chikepe chisina kutsigiswa mudutu. Asi kana wakasungirirwa pachitsigiso ichocho, uchachengeteka pasinei nezvinetso zvakaoma zvaungatarisana nazvo.” “Tariro [iyoyo] youpenyu husingaperi iyo Mwari, asingamborevi nhema, akapikira kare kare,” inobatsira Maria kuti arambe achifara. Inogonawo kuita zvakafanana kwauri.—Tito 1:2.

Kana ukadzidza Bhaibheri, unogona kufara zvechokwadi pasinei nezvinetso zvako. Zvisinei, ungava usina chokwadi kuti izvi zvinonyatsoshanda here. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza mhinduro dziri muMagwaro dzaunofanira kuziva kuti uzofara zvechokwadi. Sezvaunomirira kuzadzika kwetariro inopiwa naJehovha, unogona kuva mumwe wevaya vanorondedzerwa vachinzi: “Vachazogara vachifara narini vachazogara narini vasingasuwi nokuchema.”—Isaya 35:10, Bhaibheri Rinoyera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Encyclopædia Britannica (2003) inorondedzera Sheori se“nzvimbo isina marwadzo kana mufaro, isiri yokurangwa kana kuti yokupiwa mubayiro.”

[Mufananidzo uri papeji 5]

Chokwadi cheBhaibheri chete ndicho chinogona kuderedza kusuruvara

[Mufananidzo uri papeji 7]

Tariro yeBhaibheri yorumuko inogona kukubatsira kuti ufare