Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chokwadi, Unogona Kuwana Mufaro

Chokwadi, Unogona Kuwana Mufaro

Chokwadi, Unogona Kuwana Mufaro

MUFARO—mufaro wechokwadi, usingaperi—dzimwe nguva wakaoma kuuwana. Chinonyanya kuita kuti zvidaro ndechokuti vanhu vakawanda vanoutsvaka kusiri iko. Kudai bedzi vaiva neshamwari yakavimbika neinokwanisa kuvaratidza chaiko kwavangauwana!

MuBhaibheri ndimo mavangauwana. Imbofunga nezverimwe remabhuku aro—Mapisarema. Bhuku iri muunganidzwa wenziyo tsvene 150 dzakaimbirwa Jehovha Mwari, inenge hafu yadzo yakanyorwa naMambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare. Kungoziva vanyori vacho hakusiko kunokosha asi kuziva kuti bhuku iri rakanyorwa richifuridzirwa neShamwari yepamwoyo yevanhu, Jehovha ndiko kunokosha. Saka tinogona kuva nechokwadi chokuti rine zvinotaurwa naMwari zvakatinakira uye kuti rinotiratidza mawaniro atingaita mufaro.

Vanyori veMapisarema vaiva nechokwadi chokuti mufaro unobva pakuva noukama hwakanaka naMwari. Munyori wepisarema akati, “Anofara munhu anotya Jehovha.” (Pisarema 112:1) Hakuna ukama hwevanhu, hakuna pfuma yokunyama, uye hakuna zvaunogona kuita zvingaunza mufaro unofanana nounobva pakuva “vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha.” (Pisarema 144:15) Upenyu hwevashumiri vaMwari vakawanda vemazuva ano hunopupurira izvozvi.

Susanne, ane makore achangopfuura 40, ndomumwe wevakadaro. * Akati: “Nhasi, vakawanda vari kubatana nemamwe mapoka kuti vaite zvinangwa zvakafanana kana kuti kuita zvinhu zvakafanana. Zvisinei, kashoma kuti vaone munhu wose ari muboka racho seshamwari. Zvakasiyana nevanhu vaJehovha. Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tidanane zvikuru. Tinonzwa takasununguka tiri pakati pevanhu vaMwari, pasinei nokwatinenge tiri. Kubatana uku kunopfumisa upenyu hwedu zvikuru. Ndianizve angataura kuti ane shamwari dzakasiyana zvachose dzevanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye dzemarudzi akasiyana-siyana zvikuru? Ndinogona kutaura nomwoyo wangu wose kuti kuva mumwe wevanhu vaJehovha kunoguma nomufaro.”

Maree, akaberekerwa muScotland, akadzidzawo kuti ukama hwapedyo naJehovha hunokosha kana munhu achida kuwana mufaro. Akati, “Ndisati ndadzidza chokwadi cheBhaibheri, ndainakidzwa nokuona mafirimu anotyisa. Asi usiku ndaisawana hope kana ndisina kubata muchinjikwa kuti udzinge zvipoko nemadzangaradzimu zvainyanya kubudiswa mumafirimu akawanda. Zvisinei, pandakangodzidza chokwadi ndokurega kuona mafirimu akadaro, ukama hwangu naJehovha hwakaita kuti ndirare ndisingatyi, ndinofara kushumira Mwari ane simba rinopfuura remadhimoni kana kuti madzangaradzimu okufungidzira.”

Kuvimba naJehovha Kunoita Kuti Uwane Mufaro

Hatina chikonzero chokusava nechokwadi kuti Musiki ndiye Wamasimbaose uye ane uchenjeri husingaperi. Achiziva kuti aigona kuva nechivimbo chizere muna Jehovha uye kuti aigona kutizira Kwaari, Dhavhidhi akanyora kuti: “Anofara murume anovimba naJehovha.”—Pisarema 40:4.

Maria akati: “Zvakaitika kwandiri muSpain nokumwewo zvakaratidza kuti patinoita zvinhu munzira yaJehovha, tinowana migumisiro yakanakisisa kunyange zvazvo manzwiro edu nemafungiro zvingatiita kuti tide kuita zvinopesana. Izvozvi zvinoguma nomufaro nokuti nguva dzose nzira yaJehovha ndiyo yakanakisisa.”

Andreas, mukuru wechiKristu akashumira munyika dzinoverengeka dzeEurope, anozivawo kubva mune zvakaitika kwaari kuti tinogona kuvimba naJehovha. Akati: “Ndichiri muduku, mukoma wangu asiri wechitendero changu aindikurudzira zvakasimba kutsvaka basa rine mari yakanaka. Akagumbuka zvikuru pandakapinda mubasa renguva yakazara, ndisingavimbi nokunonzi kugara zvakanaka kunobva pachirongwa chomudyandigere. Nguva yose yandave ndiri mubasa renguva yakazara handina kumboshayiwa chinhu, uye ndave ndichiwana makomborero anongoitwa zvokurotwa nevamwe.”

Muna 1993, Felix akakokwa kuzobatsira kuwedzera zvivako zvebazi reZvapupu zvaJehovha muSelters, Germany. Pakapera basa racho, akakokwa kuti ave nhengo yemhuri yeBheteri ikoko. Akaita sei? “Ndakabvuma kukokwa kwacho ndisina chokwadi. Asi ndave ndiri pano kweanenge makore gumi zvino, uye ndinobvuma kuti Jehovha akapindura minyengetero yangu. Anoziva zvakandinakira. Nokuisa chivimbo chizere maari uye kumurega achinditungamirira, ndinomupa mukana wose wokundiratidza zvaanoda kuti ndiite.”

Susanne, ambotaurwa, aida kushumira somushumiri wenguva yakazara, piyona, asi aiva nedambudziko rokuwana basa raaisazoswerera achishanda. Amirira kwegore kuti chimwe chinhu chiitike, akavimba naJehovha. Akarondedzera kuti: “Ndakaendesa fomu rangu rokukumbira kuva piyona wenguva dzose. Ndainge ndachengeta mari yaikwanirana nezvinhu zvandaida zvomwedzi wose. Uye wakava mwedzi unonakidza chaizvo! Ushumiri hwangu hwaindifadza zvikuru, asi pandaibvunzurudzwa nezvebasa kakawanda zvaikundikana. Zvisinei, sezvakapikirwa naJehovha, haana kundisiya. Pazuva rokupedzisira romwedzi, ndakakwanisa kusayina chibvumirano chebasa. Zvino ndakanga ndava kuziva kuti ndaigona kuvimba chaizvoizvo naJehovha! Zvakaitika izvi ndichangotanga ushumiri hwenguva yakazara zvakaita kuti ndive noupenyu hunogutsa uye hunofadza.”

Kugamuchira Zano raMwari Kunowedzera Mufaro

Mambo Dhavhidhi akamboita zvikanganiso zvakakomba. Pane imwe nguva, aida zano rokuchenjera. Tinoda kugamuchira zano nomurayiridzo sezvaiita Dhavhidhi here?

Aida, wokuFrance, pane imwe nguva akaziva kuti akanga aita chikanganiso chakakomba. Anoyeuka kuti: “Chandakakoshesa zvikuru kwaiva kudzorera ukama hwangu naJehovha. Hapana chimwe chandaikoshesa.” Akakumbira kubatsirwa nevakuru vechiKristu. Ashumira somushumiri wenguva yakazara kwemakore 14, iye zvino anoti: “Ndinofara zvikuru kuziva kuti Jehovha akakanganwira kukanganisa kwangu!”

Kugamuchira zano raMwari kunogona kutidzivira kuti tisakanganisa. Judith anotsanangura kuti: “Pazera remakore 20, ndakatanga kufarira zvakanyanya mumwe murume wokuGermany, uyo aiedza kuita zvose zvaaigona kuti ndimufarire. Airemekedzwa, aine basa rakanaka, uye akanga akatoroora. Ndaiziva kuti ndaifanira kusarudza kuteerera mitemo yaJehovha kana kuti kumuramba zvachose. Ndakaudza vabereki vangu. Baba vangu vakataura zvakananga vachindiyeuchidza nezveizvo Jehovha aitarisira kwandiri. Vakataura neni zvakajeka—zvandaida chaizvo! Kunyange zvakadaro, ndakatsvaka zvokunzvenga nazvo. Kwemavhiki akati amai vangu vaitaura neni manheru nezvokukosha uye kuponesa upenyu kunoita mitemo yaMwari. Ndinofara kuti mwoyo wangu zvishoma nezvishoma wakaswededzwa kuna Jehovha. Kurangwa uye kudzidziswa naye kwakandiunzira mufaro mukuru—makore akawanda anogutsa muushumiri hwenguva yakazara uye kuva nomurume wechiKristu akanaka, anondida uye anoda Jehovha nomwoyo wose.”

Zviri pachena kuti zvinoitika zvakadaro zvinoratidza kuti mashoko aDhavhidhi ndeechokwadi okuti: “Anofara munhu anoregererwa kumukira kwake, ane chivi chinofukidzwa. Anofara munhu asingaverengerwi kukanganisa naJehovha.”—Pisarema 32:1, 2.

Mufaro Unobva Pakuva Nehanya Nevamwe

Dhavhidhi akanyora kuti, “Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera.” Akatiwo: “Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko. Jehovha achamurinda omuchengetedza ari mupenyu. Iye achanzi anofara munyika.” (Pisarema 41:1, 2) Kuva nehanya kworudo kwakaratidzwa naDhavhidhi kuna Mefibhosheti, mwanakomana akaremara waJonatani, shamwari inodiwa yaDhavhidhi, muenzaniso wokuona vakaderera zvakanaka.—2 Samueri 9:1-13.

Marlies, ave ari mumishinari kwemakore 47, ane mukana wokuparidzira vanhu vakatiza kunharaunda dzine njodzi dzeAfrica, Asia, neEastern Europe. Akati: “Vane zvinetso zvakasiyana-siyana uye kakawanda vanonzwa sokuti vanobatwa sevabvakure, kutaura zvazviri vanosarurwa. Kubatsira vanhu vakadaro nguva dzose kunounza mufaro.”

Marina, achangopfuura makore 40, akanyora kuti: “Zvandisina kuroorwa, zvinonyaradza kuziva kuti shamwari dziripo kuti dzindibatsire. Izvozvi zvinoita kuti ndikurudzire vamwe nokuvaridzira runhare kana kuti kuvanyorera tsamba. Vakawanda vakaratidza kuonga kwavo. Kubatsira vamwe kunondiunzira mufaro.”

Dimitar, ane makore epakati pema20, akati: “Amai vangu vakandirera vari voga. Pandaiva mwana, ndaifara kuva nomutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano ainditora vhiki yoga yoga ondirovedza muushumiri. Ndichiri kuonga kutsungirira kwake. Ndinoziva kuti zvakanga zvisiri nyore nguva dzose kundikurudzira.” Zvichibva mukuonga kubatsirwa kwaakamboitwa, Dimitar zvino anoyamura vamwe, achiti: “Kanenge kamwe chete pamwedzi ndinoedza kutora wechiduku uyewo ati kurei tobuda muushumiri.”

Bhuku reMapisarema rinotaurawo zvimwe zvinhu zvinounza mufaro. Chimwe chacho kukosha kunoita kuvimba nesimba raJehovha pane kuvimba nerako: “Vanofara vanhu vanowana simba ravo [muna Jehovha].”—Pisarema 84:5.

Corinna anogona kupupurira izvi. Akatamira kunyika yaidiwa vaparidzi vakawanda muushumiri. “Ndakasangana nomutauro mutsva, tsika itsva, uye nzira yokufunga itsva. Ndakanzwa sokunge ndakanga ndava kune imwe nzvimbo isiri pasi pano. Kufunga nezvokuparidzira mumamiriro ezvinhu andisina kujaira kwakandityisa zvikuru. Ndakakumbira Jehovha kuti andibatsire, uye simba rake ndiro rakaita kuti ndikwanise kuparidzira zuva rose munharaunda iri kure. Nokufamba kwenguva, kuita kudaro kwakazova chinhu chakajairika zvikuru. Ndakatanga kudzidza Bhaibheri nevakawanda, uye ndichiri kubatsirwa neizvi zvakaitika. Ndakadzidza kuti nesimba raJehovha, tinogona kukurira kunyange mhinganidzo dzakaita semakomo.”

Chokwadi, zvinhu zvakasiyana-siyana zvinobatsira kuti pave nomufaro, zvakadai sokuva noushamwari naMwari uye nevanhu vake, kuvimba naJehovha zvikuru, kugamuchira zano raMwari, uye kuva nehanya nevamwe. Kana tikafamba munzira dzaJehovha uye tikateerera mitemo yake, tinogona kufara kuti anotifarira.—Pisarema 89:15; 106:3; 112:1; 128:1, 2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Maria

[Mufananidzo uri papeji 13]

Maree

[Mufananidzo uri papeji 13]

Susanne naAndreas

[Mufananidzo uri papeji 15]

Corinna

[Mufananidzo uri papeji 15]

Dimitar