Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwedzera Kuri Kuita Vanhu Vakasiyana-siyana VokuUganda

Kuwedzera Kuri Kuita Vanhu Vakasiyana-siyana VokuUganda

Kuwedzera Kuri Kuita Vanhu Vakasiyana-siyana VokuUganda

UGANDA inyika yakanaka chaizvo, iri kumabvazuva nokumadokero kweGreat Rift Valley yokuEast Africa uye iri kumativi ose eequator. Inyika ine nzvimbo dzakakwirira nedzakadzikira, ine zvinomera zvakawanda, uye ine mhuka dzinonakidza kuona. Zvairi parwenze rwakakwirira rweAfrica, ine mamiriro okunze ari pakati nepakati uye zvikomo zvinonakidza kuona zvinongoita zienda nakuenda kwemazana emakiromita.

Inyika shoma dzine nharaunda isina kunyanya kukura munowanikwa nzvimbo dzine mazaya echando uye dzimwe dzinopisa chaizvo, asi ndozvakaita Uganda. Inotangira kumakomo anoita sinou eMountains of the Moon, uye eRuwenzori Mountains ari nechokumadokero, kusvikira kunzvimbo inonaya mvura shomanana iri kumabvazuva. Mumapani ayo unogona kuwana nzou, nyati, neshumba. Mumakomo nomumasango ane zvinomera zvakawanda munogara magorira, zvimupanzi, nemarudzi akasiyana-siyana eshiri anopfuura 1 000. Nyika dzakawanda dzomukondinendi yeAfrica dzinowanzova nenzara, asi Uganda ine nzizi nemadhamu akawanda, akadai seLake Victoria, gungwa rechipiri pakukura munyika rine mvura yakachena. Kuchamhembe kweLake Victoria kune kamukwavarara kanonodira muNile River. Ndokusaka Winston Churchill akati nyika iyi “iparera reAfrica”!

“Parera” Rinopenya Nhasi

Zvisinei, chinonyanya kufadza muUganda vanhu vayo—vane ushamwari, mutsa uye vakasiyana-siyana. Iyi nyika ine “vaKristu” vakawanda inogona kurondedzerwa senyika ine vanhu vanobva mumapoka netsika dzakasiyana-siyana. Kunyange nhasi, vanhu ivavo vakasiyana-siyana vanogona kuzivikanwa netsika dzavo nemapfekero avo.

Munguva pfupi yapfuura, vanhu vokuUganda vakati wandei vave vachigamuchira mashoko akanaka eBhaibheri anotaura nezvenguva ichapararira rugare runogara narini panyika yose. (Pisarema 37:11; Zvakazarurwa 21:4) Zvakaoma kuudza vanhu vose mashoko aya, munyika yakada kukura sezvakaita Great Britain.

Kunyange zvazvo vakatanga vari vashomanana chaizvo pakabhabhatidzwa mumwe mugari weko kuti ave Chapupu chaJehovha chakazvitsaurira muLake Victoria muna 1955, “muduku” akazopedzisira ava chiuru muna 1992. Kubvira muna 1955, vanhu vari kuramba vachiwedzera. Izvi zvinoenderana nemashoko aMwari anopa chivimbo okuti: “Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.”—Isaya 60:22.

Kukurira Zvipingamupinyi Zvomutauro

Chirungu ndiwo mutauro unoshandiswa pazvizhinji uye unoshandiswa nevakawanda, kunyanya panyaya dzedzidzo, asi hausiwo mutauro wevanhu vakawanda vokuUganda. Saka, pazvinenge zvichiedza kuudza vanhu mashoko akanaka, Zvapupu zvaJehovha zvinofungawo nezvemimwe mitauro mikuru. Izvi zvakaratidza kuti zvinodiwa nokuti vanopfuura 80 muzana pavanhu mamiriyoni 25 vanogara mumaruwa kana kuti mumataundi maduku, mune vanhu vanonyanya kutaura nomutauro waamai vavo pavanenge vachitaura zuva nezuva. Zvinoda kushanda nesimba kutaura nevanhu vemitauro yemapoka aya uye kuvagutsa mune zvavanoda pakunamata.

Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvakaedza kuita izvi nokuparidzira vanhu ava nomutauro wavo uye nokuita kuti pave nemabhuku eBhaibheri mumitauro yakasiyana-siyana. Pahofisi yebazi iri muguta guru, muKampala, pane mapoka evashanduri anoshandura mitauro mina, inoti: Acholi, Lhukonzo, Luganda, uye Runyankore. Uyezve, magungano echiKristu ave achiitwa mumitauro yakasiyana-siyana munyika yacho yose akapindwa nevanhu vakawanda chaizvo, vanopeta nhamba yeZvapupu zvaJehovha zvomuUganda nekaviri. Izvi zvinonyatsoratidza kuti kuedza kutaura nevanhu nemitauro yakasiyana-siyana kuri kubatsira kuti vanhu vanoda zvokunamata vawedzere. Asi handizvo zvoga.

Mapiyona Anotungamirira Basa Racho

Ungano dzinotsigira dzichifara mushandirapamwe unoitwa gore negore kwemwedzi inenge mitatu nokuenda kundima dziri kwadzo dzoga. (Mabasa 16:9) Mapiyona echiduku anoshingaira, kana kuti vaparidzi venguva yakazara vari kuwedzera ndivo vari kutungamirira basa iri. Dzimwe nguva vanoenda kumaruwa, kune vanhu vasati vambonzwa mashoko akanaka.

Zvapupu zviviri zvakanzi zviende kuBushenyi, taundi duku riri kumadokero kweUganda, zvichinoshanda semapiyona chaiwo kwemwedzi mitatu. Vakanobatana nechimwe Chapupu chaJehovha chaiva choga munharaunda iyoyo pakuparidza nokuronga misangano yechiKristu. Mumwedzi mumwe chete, mapiyona maviri aya akanga ava kudzidza Bhaibheri nevanhu 40, vane 17 vachibva vatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Mapiyona acho anorondedzera kuti: “Vamwe vatakanga tasiyira bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? * vakauya kumba kwedu kwapera mazuva mashomanana vaine mapeji anoverengeka avakanga vakanyora mhinduro dzemibvunzo iri mubhurocha racho. Vaida kuziva kana mhinduro dzavo dzakanga dzakarurama.” Iye zvino, mutaundi iroro mune ungano ine Imba yayo yoUmambo.

Mapiyona acho maviri akaenda kunharaunda yokumadokero kweUganda kwakanga kusati kwamboparidzirwa mashoko akanaka. Akanyora kuti: “Vanhu vane nyota chaizvo yechokwadi cheBhaibheri. Mumwedzi mitatu yatave tiri kuno, takwanisa kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu 86.” Munguva pfupi boka reZvapupu rakatangwa zviri pamutemo munharaunda iyoyo.

Vamwe Vashandi Vanoshingaira Mumunda

Pamapiyona anoshingaira pane vamwe vave vachishanda kwemakore akawanda. Asati ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, Patrick airidza chiridzwa chakada kuita sebhosvo chinonzi clarinet mubhendi remauto endege omutungamiriri wokuUganda Idi Amin. Pashure pemwedzi mitanhatu Patrick abhabhatidzwa muna 1983, akava mumwe wevashumiri venguva yakazara. Iye zvino mutariri anofambira, anoshanyira uye kukurudzira ungano.

Margaret akabhabhatidzwa muna 1962. Pasinei nokuti ava kuda kusvitsa makore 80, uye kuti ane hudyu inomurwadza inomutadzisa kufamba zvakanaka, anopedza maawa 70 pamwedzi achiudza vavakidzani vake tariro iri muBhaibheri. Anoisa mabhuku pabhenji panze peimba yake otanga kukurukura nevanhu vanenge vachipfuura vanenge vachida kuteerera mashoko akanaka ezvenyika itsva ine rugare.

Simon, mumwe murimi ari kumabvazuva kweUganda, akanga ave achitsvaka chokwadi kwemakore 16, apo akazowana mamwe mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1995. Zvaakaverenga zvakaita kuti ave nechido chokuziva zvakawanda nezvoUmambo hwaMwari uye nezvechinangwa chinoshamisa chaJehovha nokuda kwenyika. KuKamuli kwaaigara kwakanga kusina Zvapupu, saka Simoni akafamba makiromita anenge 85 kuenda kuKampala kunozvitsvaka. Iye zvino, mumusha wake mava neungano.

“Hapana Kwatiri Kuzoenda”

Kungofanana nomune dzimwe nyika dzomuAfrica, vanhu vakawanda vanotarisira kuti boka rechitendero rive nenzvimbo yakakodzera yokunamatira. Izvi zvaiita sezvaikonzera chinetso chakakura kune dzimwe ungano dzeZvapupu zvaJehovha, nokuti dzakanga dzisina mari yokuvaka Imba yoUmambo yakakodzera. Zvakaoma kurondedzera kuonga kwakaita hama pakatangwa purogiramu yokuvaka Dzimba dzoUmambo munyika yose muna 1999. Mumakore mashanu akatevera, Dzimba dzoUmambo itsva 40 dzakavakwa muUganda. Iye zvino, inenge ungano imwe neimwe ine Imba yoUmambo isingadyi mari yakawanda asi yakakodzera. Pfungwa yakawana vanhu vomunyika iyoyo paiitwa basa rokuvaka rakadaro ndeyokuti, “Hapana kwatiri kuzoenda.” Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo kwakaita kuti vanhu vawedzere.

Imwe ungano duku yokuUganda yaimboitira misangano yayo pasi pemiti yemimango yaiva nemashizha akawanda. Pakawanikwa nzvimbo, zvinhu zvakakurumidza kufambira mberi chaizvo. Hama dzaivaka, dzichishanda neZvapupu zvomuungano iyoyo, dzakatanga kuvaka Imba yoUmambo. Mumwe wezvematongerwo enyika akakurumbira womunharaunda iyoyo akafadzwa chaizvo nebasa racho. Akati vaitire misangano yavo mugaraji rake kusvikira Imba yoUmambo yacho yapera. Akabvumawo kudzidza Bhaibheri nomumwe wevaizvipira kuvaka. Iye zvino ava muparidzi anoshingaira, anofara kunamata Jehovha muImba yoUmambo itsva iyoyo yakanaka chaizvo!

Paivakwa imwe Imba yoUmambo kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwenyika yacho, imwe nyanzvi yokuvaka yomunharaunda iyoyo yakabayiwa mwoyo chaizvo nokufara, rudo uye kushandira pamwe kwayakaona kuchiitwa nehama zvokuti yakati yaida kubatsirawo basa racho. Imba yacho yoUmambo yava kupera kuvakwa, akatoshanda usiku hwose kuitira kuti Imba yoUmambo inge yapera kuti vakwanise kuitsaurira mangwanani aitevera. Akati: “Ndimi moga vanhu vanodanana zvechokwadi—kwete zvokungotaura.”

Vangangowedzera Pasinei Nezvinetso

Sezvo ndima itsva dziri kuparidzirwa muUganda, Zvapupu zviri kuramba zvichiwedzera zvishoma nezvishoma, uye vakawanda vanofarira vari kuwadzana neungano. Zvisinei, pari kufungwawo nezvenhamba yakakura yevapoteri vari kugara muUganda. Kurwisana kwevanhu vomunyika imwe chete vari munyika dzayakavakidzana nadzo kwakavhiringidzawo vanhu vaJehovha. Zvapupu zviri mumisasa yevapoteri zvakaratidza kuti zvinovimba naJehovha chaizvo. Mumwe aimbova mukuru mukuru wokunyika iri pedyo, akambotambudzawo Zvapupu pazvairambidzwa munyika iyoyo, anoyeuka nezvoupenyu hwaaimbova nahwo hwomutambarakede. Pashure pokunge adzidza Bhaibheri mune mumwe musasa wevapoteri uye ava Chapupu, akati: “Kubudirira mune zvokunyama uye chinzvimbo chakakwirira munyika ino hazvikoshi. Kunyange zvazvo iye zvino ndiri murombo uye ndichirwara, upenyu hwangu huri nani kupfuura zvahwaiva. Ndava kuziva Jehovha, uye ndinoonga ropafadzo yomunyengetero. Kunyange zvazvo ndiine tariro yakasimba yenguva yemberi, ndinoziva kuti nei tichifanira kutsungirira zvinetso mazuva ano. Saka ndava norugare rwomumwoyo rwandanga ndisati ndambova narwo.”

Zvinonzi kana ukasima katanda muivhu rakaorera rokuUganda manheru, mangwanani acho kanenge katova nemidzi. Kuwedzera mune zvokunamata kuri kuitika munyika yacho kunoratidza kuti ivhu rezvokunamata rakaorerawo chaizvo. Tinotenda Jehovha Mwari kuti akabvumira nguva yokuti vamwe vanhu vokuUganda vakasiyana-siyana vadzidze nezvoUmambo hwake. Jesu akafananidza kukosha kwahwo ne“parera rimwe chete raikosha kwazvo.” Vanhu vakawanda vokuUganda vari kusvika pakunzwisisa izvozvo.—Mateu 13:45, 46.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mepu dziri papeji 8]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SUDAN

UGANDA

Nile River

Kamuli

Tororo

Kampala

Bushenyi

Lake Victoria

KENYA

TANZANIA

RWANDA

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vashumiri vatatu pamapiyona akawanda anoshingaira

[Mufananidzo uri papeji 10]

Patrick

[Mufananidzo uri papeji 10]

Margaret

[Mufananidzo uri papeji 10]

Simon

[Mufananidzo uri papeji 10]

Gungano Reruwa rakaitirwa muTororo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Necheseri: © Uganda Tourist Board