Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu airevei paakaudza Nikodhimo kuti: “Hapana munhu akakwira kudenga asi uya akaburuka achibva kudenga, iye Mwanakomana womunhu”?—Johani 3:13.

Jesu akanga achiri pasi pano, uye akanga asati akwira kudenga, kana kuti kudzokera kudenga. Zvisinei, zvatinoziva nezvaJesu uye zvaaikurukura paakazotaura mashoko aya zvinogona kutibatsira kunzwisisa pfungwa yake.

Jesu “akaburuka achibva kudenga” mukuti akanga amborarama munzvimbo yomudzimu naBaba vake, asi panguva yakatarwa, upenyu hwoMwanakomana hwakatamisirwa kudumbu raMariya, zvichiguma nokuberekwa kwaJesu somunhu. (Ruka 1:30-35; VaGaratiya 4:4; VaHebheru 2:9, 14, 17) Afa, Jesu aizomutswa sechisikwa chomudzimu odzokera kunova naJehovha. Saka, nguva pfupi asati aurayiwa, Jesu aigona kunyengetera kuti: “Baba, ndikudzei parutivi rwenyu nokukudzwa kwandaiva nako parutivi rwenyu nyika isati yavapo.”—Johani 17:5; VaRoma 6:4, 9; VaHebheru 9:24; 1 Petro 3:18.

Paakataura naNikodhimo, muFarisi uye mudzidzisi muna Israeri, Jesu akanga asati adzokera kudenga. Chokwadi, hakuna mumwe munhu akanga afa ndokukwira kunzvimbo yomudzimu, kudenga. Jesu pachake akataura kuti Johani Mubhabhatidzi somuprofita waMwari akanga asina mumwe muprofita anoenzana naye, kunyange zvakadaro “munhu muduku muumambo hwokumatenga mukuru kwaari.” (Mateu 11:11) Uye muapostora Petro akatsanangura kuti kunyange Mambo Dhavhidhi akatendeka akafa, uye akanga achiri muguva rake; Dhavhidhi haana kukwira kudenga. (Mabasa 2:29, 34) Paiva nechikonzero nei vaya vakafa Jesu asati afa, vakadai saDhavhidhi, Johani Mubhabhatidzi, uye vamwe varume vakatendeka vasina kuenda kudenga. Vakafa Jesu asati azarura nzira kana kuti mukana wokuti vanhu vamutsirwe kuupenyu hwokudenga. Muapostora Pauro akanyora kuti Jesu, somutungamiriri, “akakumikidza . . . nzira itsva uye mhenyu” yokudenga.—VaHebheru 6:19, 20; 9:24; 10:19, 20.

Sezvo Jesu akanga asati afa uye amutswa, akarevei kuna Nikodhimo, paakati: “Hapana munhu akakwira kudenga asi uya akaburuka achibva kudenga, iye Mwanakomana womunhu”? (Johani 3:13) Funga zviri kutaurwa nezvazvo, kana kuti izvo Jesu akanga achikurukura naNikodhimo.

Pakauya mutongi iyeyo wechiJudha kuna Jesu usiku, Jesu akamuudza kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.” (Johani 3:3) Achipindura, Nikodhimo akati: ‘Zvingaitika sei izvozvo? Munhu angaberekwa kechipiri sei?’ Haana kunzwisisa kudzidzisa kwaMwari uku nezvokuva muUmambo hwaMwari. Paive neimwe nzira here yokuti adzidze nezveizvi? Chaizvoizvo, kwete, nokuti hapana munhu aizviziva; hapana munhu aikwanisa kumuudza, nokuti hakuna akanga amboenda kudenga, zvichiita kuti akwanise kutsanangura chero chinhu chipi zvacho nezvokupinda muUmambo. Jesu ndiye bedzi aikwanisa. Aigona kudzidzisa Nikodhimo nevamwe nokuti Iye akanga aburuka kubva kudenga uye aikwanisa kurayiridza vanhu nezvezvinhu zvakadaro.

Saka mubvunzo une chokuita norugwaro urwu unoratidza pfungwa inokosha yokuda kudzidza Shoko raMwari. Hazvina musoro kuti munhu agumbuke pamusoro peimwe ndima nokuti inoita seyakaoma kunzwisisa. Zvinotaurwa neBhaibheri mune imwe ndima zvinofanira kujekeswa nedzimwe ndima dzinopindirana nayo. Uyezve, kakawanda zviri kutaurwa nezvazvo—mamiriro ezvinhu kana kuti zvaikurukurwa—zvinogona kutibatsira kuziva nenzira inonzwisisika zviri kurehwa norugwaro runopazanisa musoro.