Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mutarisire Muzambiringa Uyu”!

“Mutarisire Muzambiringa Uyu”!

“Mutarisire Muzambiringa Uyu”!

VASORI vacho 12 vakamema Nyika Yakapikirwa yose zvayo. Mosesi akanga avaudza kuti vaongorore vagari vomunyika yacho uye kuti vauye nezvimwe zvibereko zvenyika yacho. Chibereko chipi chavakanyanya kufarira? Pedyo neHebroni, vakawana munda waiva nemazambiringa akakura chaizvo zvokuti zvaida vasori vaviri kuti vatakure sumbu rimwe chete. Mazambiringa acho akanga akanaka chaizvo zvokuti vasori vacho vakatumidza nharaunda yakaorera iyoyo kuti “mupata une rukova weEshkori,” kana kuti “Sumbu Remazambiringa.”—Numeri 13:21-24.

Muzana remakore rechi19, mumwe akamboshanyira Palestine akati: “Eshkori, kana kuti mupata weMazambiringa, . . . uchakazara nemizambiringa, uye mazambiringa acho akanaka kupfuura mamwe ose uye akakura kupfuura mamwe ose muPalestine.” Kunyange zvazvo mizambiringa yokuEshkori yakanaka kupfuura mimwe yose, nharaunda yakakura yokuPalestine yaibereka mazambiringa akanaka kwazvo panguva yakanyorwa Bhaibheri. Zvinyorwa zveIjipiti zvinoratidza kuti vanaFarao vaitenga waini kuKenani.

“Nzvimbo dzakatenuka dzezvikomo zvine matombo [dzokuPalestine], neivhu radzo rakaita jecha uye kuwana kwadzinoita zuva, kupisa kwomuchirimo, uye kukurumidza kupera muvhu kunoita mvura inenge yanaya muchando, zvose zvinoita kuti ive nyika yakakodzera mizambiringa,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi The Natural History of the Bible. Isaya akaratidza kuti dzimwe nzvimbo dzacho dzakanaka dzaiva nemizambiringa ingasvika chiuru.—Isaya 7:23.

‘Nyika Yemizambiringa’

Mosesi akaudza rudzi rwaIsraeri kuti vaizogara munyika ye“mizambiringa nemaonde nemapomegraneti.” (Dheuteronomio 8:8) Maererano nebhuku rinonzi Baker Encyclopedia of Bible Plants, “mizambiringa yakanga yakawanda chaizvo muPalestine yekare zvokuti mhodzi dzemazambiringa dzakawanikwa muzvimbo dzinenge dzose dzakacherwa.” Mizambiringa yomuNyika Yakapikirwa yaibereka chaizvo zvokuti kunyange mugore ra607 B.C.E. mauto aNebhukadhinezari paakaparadza Judha, vanhu vakanga vasara munyika yacho “vakaunganidza waini nemichero yezhizha zvakawanda kwazvo.”—Jeremiya 40:12; 52:16.

Kuti vagadzire waini yakawanda, varimi vokuIsraeri vaifanira kunyatsotarisira mizambiringa yavo. Bhuku raIsaya rinorondedzera kuti mutarisiri wemizambiringa wechiIsraeri aichera nzvimbo yaiva pedyo nechikomo obvisa matombo makuru asati adyara “muzambiringa [wake] mutsvuku wakanaka kwazvo.” Zvadaro aivaka rusvingo rwematombo, achishandisa matombo aainge abvisa muvhu. Rusvingo urwu rwaibatsira kuchengetedza munda wake wemizambiringa kuti usatsikwa nemombe uyewo kuti udzivirirwe pamakava, nguruve hono dzomusango, nembavha. Aigonawo kugadzira chisviniro chewaini ovaka shongwe duku yaizova nzvimbo inotonhorera yokugara panguva yokukohwa, mizambiringa painenge yava kunyanya kuda kuchengetedzwa. Apedza basa rose iri rokutanga, aigona kutarisira goho rakanaka.—Isaya 5:1, 2. *

Kuti ave nechokwadi chokuti aizowana goho rakanaka, murimi aigara achichekerera muzambiringa wacho kuti ubereke uye aisakurira ivhu racho kuti abvise masora neminzwa. Aidiridzira munda womuzambiringa wacho mumwedzi yokupisa kana mvura yokupedzisira yakanga isina kunyorovesa ivhu racho zvakakwana.—Isaya 5:6; 18:5; 27:2-4.

Nguva yokukohwa mazambiringa pakupera kwezhizha yaiva nguva yokufara chaizvo. (Isaya 16:10) Pamapisarema aripo, matatu acho ane mashoko okusuma anosanganisira shoko rokuti “weGititi.” (Pisarema 8, 81, uye Pis 84) Mashoko aya enziyo asinganyatsozivikanwi zvaanoreva akashandurwa kuti “zvisviniro zvewaini” mushanduro yeSeptuagint uye angaratidza kuti vaIsraeri vaiimba mapisarema aya panguva yokukohwa mazambiringa. Kunyange zvazvo mazambiringa ainyanya kushandiswa kugadzira waini, vaIsraeri vaidyawo mazambiringa manyoro kana kuti vaiaomesa, vozoabikisa makeke.—2 Samueri 6:19; 1 Makoronike 16:3.

Muzambiringa waIsraeri

Kakawanda Bhaibheri rinorondedzera vanhu vaMwari somuzambiringa—dimikira rakakodzera kana tichifunga nezvokukosha kwaiita mizambiringa kuvaIsraeri. MuPisarema 80, Asafi akaenzanisa rudzi rwaIsraeri nomuzambiringa wakadyarwa naJehovha kuKenani. Munda waisakurwa kuti muzambiringa waIsraeri udzike midzi uye usimbe. Asi nokufamba kwenguva, masvingo awo okudzivirira akaputsika. Rudzi rwacho rwakanga rusingachavimbi naJehovha, uye akarega kurudzivirira. Senguruve hono yomusango inoparadza munda wemizambiringa, marudzi aivenga vaIsraeri akaramba achiparadza pfuma yavo. Asafi akanyengeterera kuti Jehovha abatsire rudzi rwacho kuitira kuti ruvezve nembiri yarwaimbova nayo. “Mutarisire muzambiringa uyu,” akateterera achidaro.—Pisarema 80:8-15.

Isaya akafananidza “imba yaIsraeri” nomunda womuzambiringa wakazobereka “mazambiringa omusango,” kana kuti michero yakaora. (Isaya 5:2, 7) Mazambiringa omusango maduku chaizvo uye haana kukura sezvakaita mazambiringa anoita zvokurimwa, mhodzi ndidzo dzinenge dzakawanda. Mazambiringa omusango haagadziri waini uye haanaki kudya—chiratidzo chakakodzera chorudzi rwakaramba kutenda rune zvibereko zvokusateerera mutemo panzvimbo pokuva nezvibereko zvokururama. Izvi zvibereko zvisingabatsiri haisi mhosva yoMurimi womuzambiringa. Jehovha akanga aita zvose zvaaigona kuti aite kuti rudzi rwacho rubereke. “Chiizve chasara kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisati ndatoita mauri?” akabvunza kudaro.—Isaya 5:4.

Sezvo muzambiringa waIsraeri wakanga waratidza kuti haubereki, Jehovha akavanyevera kuti aizoparadza rusvingo runodzivirira rwaakanga avakira vanhu vake. Akanga asingazochekereri muzambiringa kana kuti kusakurira ivhu rawo. Mvura yokupedzisira yaikudza chirimwa chacho yaisazonaya, uye minzwa nemasora zvaizokurira munda wacho wemizambiringa.—Isaya 5:5, 6.

Mosesi akaprofita kuti kuramba kutenda kwevaIsraeri kwaizoita kuti kunyange minda yavo yemizambiringa chaiyo iome. “Uchadyara minda yemizambiringa nokuisakurira, asi hauzonwi waini uye hapana zvauchaunganidza, nokuti zvichadyiwa nemakonye.” (Dheuteronomio 28:39) Muzambiringa unogona kuoma mumazuva mashomanana kana gonye rikapinda muhunde yawo huru rodya mukati mayo.—Isaya 24:7.

“Muzambiringa Wechokwadi”

Jehovha zvaakafananidza vaIsraeri nomuzambiringa chaiwo, Jesu akashandisa dimikira rakafanana. Pavaidya kunonzi nevakawanda Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu ndivo murimi.” (Johani 15:1) Jesu akaenzanisa vadzidzi vake nemapazi omuzambiringa. Sezvo mapazi omuzambiringa chaiwo achiwana simba rawo muhunde yawo huru, saka vadzidzi vaKristu vanofanira kuramba vari pamwe chete naye. “Hamungambogoni kuita chinhu musiri pamwe neni,” akadaro Jesu. (Johani 15:5) Varimi vanorima muzambiringa kuti vawane muchero wawo, uye Jehovha anotarisira vanhu vake kuti vabereke zvibereko zvomudzimu. Izvi zvinoita kuti Mwari, Murimi womuzambiringa, akudzwe uye agutsikane.—Johani 15:8.

Kana uri muzambiringa chaiwo, kuchekererwa uye kucheneswa kwawo ndiko kunoita kuti ubereke, uye Jesu anotaura nezvemabasa acho ose. Mutarisiri wemizambiringa angachekerera muzambiringa kaviri pagore kuti ubereke zvibereko zvakawanda. Mumwedzi yomuchando, mapazi akawanda omuzambiringa angabviswa. Murimi anobvisa mapazi akawanda egore rinenge rapfuura. Pamwe achasiya mapazi matatu kana mana akakura pahunde yacho, aine nhungirwa imwe kana mbiri pabazi rimwe nerimwe. Nhungirwa idzi duku, dzakafanana nenhungirwa dzegore rakapfuura, ndidzo dzinozova mapazi anobereka zvibereko muzhizha rinotevera. Pakupedzisira, paanopedza kuchekerera, mutarisiri wemizambiringa anopisa mapazi aanenge acheka.

Jesu anorondedzera kuchekerera uku achiti: “Kana munhu asingarambi ari pamwe neni, anokandwa kunze sebazi ooma; vanhu vanounganidza mapazi iwayo voakanda mumoto uye anopiswa.” (Johani 15:6) Kunyange zvazvo panguva ino muzambiringa ungaita sousina mapazi, unochekererwazve mumatsutso.

Jesu akati: “Bazi rose riri pandiri risingabereki zvibereko vanoribvisa.” (Johani 15:2) Izvi zvingareva kuchekerera kunozoitwa pave paya, kana muzambiringa wabereka zvibereko zvitsva zvakati wandei uye masumbu maduku emazambiringa ava kunyatsooneka. Mutarisiri wemizambiringa anonyatsoongorora bazi rimwe nerimwe kuti azive kuti ndeapi anobereka zvibereko uye ndeapi asingabereki. Kana mapazi aya asina zvibereko akaregwa ari pamuzambiringa wacho, anoramba achitora zvokudya nemvura muhunde yacho. Saka, murimi anobvisa mapazi aya asina zvibereko kuitira kuti zvokudya zvomuzambiringa wacho zviende kumapazi anobereka zvibereko chete.

Pakupedzisira, Jesu anozotaura nezvokuchenesa. “Rose rinobereka zvibereko vanorichenesa, kuti ribereke zvibereko zvizhinji,” anotsanangura kudaro. (Johani 15:2) Kana mapazi asina zvibereko angobviswa, mutarisiri wemizambiringa anonyatsoongorora bazi rimwe nerimwe rinobereka zvibereko. Nechepanotangira bazi rinobereka zvibereko, nguva dzose anowana nhungirwa duku itsva dzinofanirawo kubviswa. Kana dzikaregwa dzichikura, dzinonwa muto womuzambiringa ungadai waizoita kuti mazambiringa acho ave nomuto. Mamwe mashizha makuru angangobviswawo kuti aite kuti mazambiringa maduku awane zuva rakakwana. Ose aya matanho anobatsira kuti mapazi anobereka zvibereko abereke zvibereko zvakawanda.

‘Rambai Muchibereka Zvibereko Zvizhinji’

Mapazi okufananidzira o“muzambiringa wechokwadi” anomiririra vaKristu vakazodzwa. Asi “mamwe makwai” anofanirawo kuratidza kuti vadzidzi vaKristu vanobereka zvibereko. (Johani 10:16) Ivowo vanogona kubereka “zvibereko zvizhinji” vokudza Baba vavo vokudenga. (Johani 15:5, 8) Mufananidzo waJesu womuzambiringa wechokwadi unotiyeuchidza kuti, kuti tiponeswe tinofanira kuramba tiri pamwe naKristu uye kubereka zvibereko zvakanaka zvomudzimu. Jesu akati: “Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, ini zvandakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.”—Johani 15:10.

Mumazuva aZekariya, Mwari akavimbisa vakasara vakatendeka vevaIsraeri kuti nyika yaizovazve “nembeu yorugare; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabudisa zvibereko zvayo.” (Zekariya 8:12) Muzambiringa unoshandiswawo kurondedzera rugare rwevanhu vaMwari rwavachava narwo munguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Mika akaprofita kuti: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa; nokuti muromo waJehovha wemauto wazvitaura.”—Mika 4:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Maererano neEncyclopaedia Judaica, varimi vechiIsraeri vaifarira mizambiringa yaibereka mazambiringa epepuru anonzi sorek, rudzi rwomuzambiringa unotaurwa nezvawo pana Isaya 5:2. Mazambiringa aya aigadzira waini tsvuku inotapira.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Muzambiringa uchangobva kuoma

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuchekerera muchando

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kupisa mapazi anenge araswa