Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndinoda Kwazvo Zviyeuchidzo Zvenyu”

“Ndinoda Kwazvo Zviyeuchidzo Zvenyu”

“Ndinoda Kwazvo Zviyeuchidzo Zvenyu”

“Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe.”—VAROMA 15:4.

1. Jehovha anotipa zviyeuchidzo sei, uye nei tichizvida?

JEHOVHA anopa vanhu vake zviyeuchidzo kuti avabatsire kukurira zvinetso zvenguva dzino dzakaoma. Zvimwe zviyeuchidzo tinozviona patinenge tichiverenga Bhaibheri tiri toga, asi zvimwe zvingauya ari mashoko kana kuti zvinotaurwa pamisangano yechiKristu. Zvakawanda zvezvatinoverenga kana kuti zvatinonzwa pamisangano iyi zvinhu zvatinotoziva. Pamwe takatombokurukura mashoko acho. Zvisinei, sezvo tichikanganwa, tinoda kuramba tichiyeuchidzwa nezvezvinangwa, mitemo, uye mirayiridzo yaJehovha. Tinofanira kuonga zviyeuchidzo zvaMwari. Zvinotikurudzira nokutibatsira kuti tirambe tichiyeuka zvikonzero zvakaita kuti tide kurarama maererano nezvinodiwa naMwari. Ndokusaka munyori wepisarema akaimbira Jehovha achiti: “Ndinoda kwazvo zviyeuchidzo zvenyu.”—Pisarema 119:24.

2, 3. (a) Nei Jehovha akachengetedza nyaya dzoupenyu dzevanhu vakanyorwa muBhaibheri kusvikira iye zvino? (b) Inhoroondo dzipi dzomuMagwaro dzichakurukurwa munyaya ino?

2 Kunyange zvazvo rakanyorwa mazana emakore akawanda akapfuura, Shoko raMwari rine simba. (VaHebheru 4:12) Rinotipa nhoroondo dzechokwadi dzoupenyu hwevanhu vanotaurwa muBhaibheri. Kunyange zvazvo tsika nemaonero evanhu zvachinja chaizvo kubvira panguva yakanyorwa Bhaibheri, kazhinji matambudziko atinotarisana nawo akafanana neaya aitarisana nevanhu kare ikako. Nyaya dzakawanda dzakachengetwa muBhaibheri kuti dzitibatsire dzinotipa mienzaniso inotibaya mwoyo yevanhu vaida Jehovha uye vakamushumira vakatendeka pasinei nemamiriro ezvinhu ainetsa. Dzimwe nhoroondo dzinotaura nezvomufambiro unovengwa naMwari. Jehovha akaita kuti nhoroondo dzose idzi dzevanhu, dzakanaka nedzakaipa, dzinyorwe muBhaibheri sezviyeuchidzo. Zvakaita sezvakanyorwa nomuapostora Pauro kuti: “Nokuti zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.”—VaRoma 15:4.

3 Ngatimbokurukurai nhoroondo nhatu dzomuMagwaro: nyaya yokubata kwaiita Dhavhidhi naSauro, yaAnaniyasi naSafira, uye yezvakaitwa naJosefa kumudzimai waPotifari. Imwe neimwe yenhoroondo idzi inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha.

Kuvimbika Kuurongwa hwaMwari

4, 5. (a) Zvinhu zvakanga zvakamira sei pakati paMambo Sauro naDhavhidhi? (b) Dhavhidhi akaita sei paakavengwa naSauro?

4 Mambo Sauro akaratidza kuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha uye akanga asina kukodzera kutonga vanhu Vake. Naizvozvo Mwari akamuramba uye akaudza muprofita Samueri kuti azodze Dhavhidhi samambo waIsraeri wenguva yemberi. Dhavhidhi paakaratidza kuti aiva shasha yokurwa uye paakarumbidzwa nevanhu, Sauro akatanga kuona Dhavhidhi somunhu aimukwikwidza. Sauro akaedza aedzazve kumuuraya. Pose Dhavhidhi aingopona nokuti Jehovha akanga ainaye.—1 Samueri 18:6-12, 25; 19:10, 11.

5 Kwemakore akawanda, Dhavhidhi akamanikidzwa kurarama ari mupoteri. Paakawana mukana wokuuraya Sauro, shamwari dzaDhavhidhi dzakamukurudzira kuti amuuraye, dzichiti Jehovha akanga aisa muvengi waDhavhidhi muruoko rwake. Asi Dhavhidhi akaramba. Kuvimbika kwaaiva akaita kuna Jehovha uye kuremekedza kwaaiita nzvimbo yaSauro samambo akazodzwa wevanhu vaMwari ndiko kwakaita kuti arambe kumuuraya. NdiJehovha akanga agadza Sauro kuti ave mambo waIsraeri, handizvo here? Jehovha ndiye aizomubvisa paaizoona zvakakodzera kudaro. Dhavhidhi akati akanga asina kodzero yokuti apindire munyaya yacho. Aita zvose zvaaigona mumamiriro acho ezvinhu kuti aite kuti Sauro asamuvenga, Dhavhidhi akagumisa kuti: “Jehovha achamurova; kana kuti zuva rake richasvika ofa, kana kuti achaenda kuhondo oparadzwa. Handingambofungi zvakadaro, mukuona kwaJehovha, kuti nditambanudzire ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha!”—1 Samueri 24:3-15; 26:7-20.

6. Nei zvichikosha kuti tikurukure nyaya yaDhavhidhi naSauro?

6 Nhoroondo iyi ine chidzidzo chinokosha. Wakambozvibvunza here kuti nei muungano yechiKristu muchimbomuka zvinetso? Zvingava kuti mumwe munhu ari kuita zvisina kukodzera. Mufambiro wake ungasava wakaipa zvakakomba, asi ungave uchikuvhiringidza. Unofanira kuita sei? Kana uine hanya nehama yako yechiKristu uye kana wakavimbika kuna Jehovha, ungasarudza kutaura nomunhu wacho nenzira yomutsa, uine chinangwa chokumubatsira. Zvisinei, zvakadini kana chinetso chacho chikaramba chiripo? Kana waita zvose zvaungagona, ungada kusiyira nyaya yacho kuna Jehovha. Ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi.

7. Tichitevedzera Dhavhidhi, tinofanira kuita sei kana tikasaruramisirwa kana kuti tikasarurwa?

7 Kana kuti ungave uchitarisana nezvinetso zvokusaruramisirwa munzanga kana zvokusarurwa nemhaka yechitendero chako. Pamwe panguva ino hapana zvaunogona kuita nezvazvo. Zvingava zvakaoma chaizvo kutsungirira zvinhu zvakadaro, asi zvakaitwa naDhavhidhi paasina kururamisirwa zvine zvazvinotidzidzisa. Mapisarema akanyorwa naDhavhidhi inyaya dzinobaya mwoyo kwete chete dzeminyengetero yake yaibva pamwoyo yokuti Mwari amubatsire kuti asakurirwa naSauro asiwo dzinoratidza kuvimbika kwaakanga akaita kuna Jehovha uye kuti aiva nehanya nokukudza zita raMwari. (Pisarema 18:1-6, 25-27, 30-32, 48-50; 57:1-11) Dhavhidhi akaramba akavimbika kuna Jehovha kunyange zvazvo Sauro akaramba achiita zvisina kururama kwemakore akawanda. Isuwo tinofanira kuramba takavimbika kuna Jehovha uye kusangano rake pasinei zvapo nokusaruramisirwa kwatingaitwa uye pasinei nezvingaitwa nevamwe. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anonyatsoziva mamiriro akaita zvinhu.—Pisarema 86:2.

8. Zvapupu zvaJehovha zvokuMozambique zvakaita sei pazvakaedzwa panyaya yokuvimbika kuna Jehovha?

8 VaKristu vokuMozambique muenzaniso wemazuva ano wevanhu vakaramba vakavimbika kuna Jehovha munguva yavaiedzwa. Muna 1984 misha yavo yakapambwa kakawanda nenhengo dzeboka raipikisa idzo dzaiba, dzaipisa misha, uye dzaiuraya. Zvaiita sokuti vaKristu ava hapana zvavaigona kuita kuti vazvidzivirire. Vanhu vaigara munharaunda iyoyo vaigara vachinetswa kuti vapinde muuto reboka racho kana kuti kumanikidzwa kuti varitsigire nedzimwe nzira. Zvapupu zvaJehovha zvaiona kutsigira kuchipesana nokusava kwavo nedivi ravanorerekera sevaKristu. Kuramba kwavaiita kwaigumbura boka racho. Munguva iyoyo inotambudza Zvapupu zvinosvika 30 zvakaurayiwa, asi kunyange kutyisidzirwa kuti vaizourayiwa hakuna kutadzisa vanhu vaMwari kuramba vakavimbika. * Kufanana naDhavhidhi, vakatsungirira kusaruramisirwa asi pakupedzisira vakazokunda.

Chiyeuchidzo Chinonyevera

9, 10. (a) Tingabatsirwa sei nemimwe mienzaniso iri muMagwaro? (b) Zvakaitwa naAnaniyasi naSafira zvakanga zvakaipa pakudii?

9 Vamwe vanhu vanotaurwa muMagwaro vanopa zviyeuchidzo zvinonyevera nezvomufambiro usingafaniri kuitwa. Zvechokwadi, Bhaibheri rine nhoroondo dzakawanda dzevanhu vakatambura zvakonzerwa nokukanganisa kwavo, vamwe vaitova vashumiri vaMwari. (1 VaKorinde 10:11) Imwe nhoroondo yakadaro ndeyaAnaniyasi naSafira, vakanga vakaroorana vaiva muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga muJerusarema.

10 Pashure pePendekosti ya33 C.E., vatendi vatsva vakanga vasara muJerusarema vaifanira kuyamurwa mune zvokunyama kuti vabatsirwe nokushamwaridzana nevaapostora. Vamwe vomuungano vakatengesa zvinhu zvavo kuti vave nechokwadi chokuti hapana munhu aishayiwa chinhu. (Mabasa 2:41-45) Ananiyasi naSafira vakatengesa munda ndokuendesa imwe mari yacho kuvaapostora, vachiti chipo chavo ichi ndiyo mari yose yavakanga vawana pavakatengesa. Chokwadi, Ananiyasi naSafira vaifanira kupa chero zvakawanda kana kuti zvishoma sezvavaida kupa, asi vavariro yavo yakanga yakaipa uye vakanga vasina kutendeka. Vaida kufadza vanhu uye kuti vaite sokuti vakanga vapa zvakawanda kudarika zvavakanga vapa chaizvo. Muapostora Petro, afuridzirwa nomudzimu mutsvene, akafumura kusatendeseka kwavo uye unyengeri hwavo, uye Jehovha akavauraya.—Mabasa 5:1-10.

11, 12. (a) Ndezvipi zvimwe zvatinoyeuchidzwa nezvokuva vakatendeseka? (b) Zvinobatsirei kuva vakatendeseka?

11 Kana tikaedzwa kuti tireve nhema tichiedza kuti vanhu vatione sokunge tiri vanhu vakanaka, nyaya yaAnaniyasi naSafira ngaitiyeuchidze zvakasimba zvatisingafaniri kuita. Tingakwanisa kunyengera vanhu vakaita sesu, asi hatigoni kunyengera Jehovha. (VaHebheru 4:13) Magwaro anotirayira atirayirazve kuti tinofanira kuva vakatendeseka kune mumwe nomumwe, nokuti vanoreva nhema havazogari panyika yakacheneswa yakarurama. (Zvirevo 14:2; Zvakazarurwa 21:8; 22:15) Chikonzero chacho chiri pachena. Satani Dhiyabhorosi ndiye anotsigira nhema dzose.—Johani 8:44.

12 Kuva vakatendeseka kunotibatsira mune zvakawanda. Zvimwe zvacho ndezvokuti tinova nehana yakachena uye tinogutsikana nokuvimbwa nevamwe. Kakawanda, vaKristu vakawana mabasa kana kuti vakachengetedza mabasa avo nokuti vakanga vakatendeseka. Zvisinei, chatinonyanya kubatsirwa nacho ndechokuti kuva vakatendeseka kunoita kuti tive shamwari dzaMwari Wemasimbaose.—Pisarema 15:1, 2.

Kuramba Wakachena

13. Josefa akazviwana ari mumamiriro ezvinhu akadini, uye akaita sei?

13 Josefa, mwanakomana watateguru Jakobho, akatengeswa kuti ave muranda aine makore 17. Akazopedzisira ava mumba mejinda reIjipiti rainzi Potifari, kwaakatanga kufarirwa nomudzimai watenzi wake. Mudzimai wacho aida kurara naJosefa, uyo aiva jaya raiva rakanaka pameso, uye zuva nezuva aigara achimukurudzira kuti: “Rara neni.” Josefa aiva kure nemhuri yake ari munyika yaakanga asingambozivikanwi. Zvaizova nyore kuti arare nomukadzi uyu pasina vamwe vanhu vaizomboziva nezvazvo. Asi mudzimai waPotifari paakapedzisira amubata, Josefa akatiza.—Genesisi 37:2, 18-28; 39:1-12.

14, 15. (a) Nei tichifarira nyaya yaJosefa? (b) Nei mumwe mukadzi wechiKristu achionga kuti akateerera zviyeuchidzo zvaMwari?

14 Josefa akarerwa mumhuri yaitya Mwari, uye ainzwisisa kuti zvakanga zvisina kunaka kuti vanhu vasiri murume nomudzimai varare vose. “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?” akabvunza kudaro. Zvaakazoita zvingangova zvaitungamirirwa nokuziva mutemo wakaisirwa vanhu naMwari wakataurwa muEdheni, wokuti murume ave nomudzimai mumwe chete. (Genesisi 2:24) Nhasi vanhu vaMwari vanogona kubatsirwa nokufungisisa zvakaitwa naJosefa mumamiriro ezvinhu iwayo. Mune dzimwe nzvimbo, vanhu vanorerutsa nyaya dzepabonde zvokuti vechiduku vanoramba kuita unzenza vanosekwa nevezera ravo. Vanhu vakuru vakawanda vanoita upombwe. Saka, nyaya yaJosefa chiyeuchidzo chakakodzera nguva. Mutemo waMwari uchiri kungoti ufeve noupombwe zvivi. (VaHebheru 13:4) Vakawanda vakaguma vaita unzenza vanobvuma kuti pane chikonzero chakasimba chinoratidza kuti havafaniri kunge vakazviita. Kunzwa uchinyara, hana ine mhaka, godo, kuva nepamuviri, uye zvirwere zvinotapuriranwa pabonde ndemimwe yemigumisiro yacho isingafadzi. Sezvatinoyeuchidzwa neMagwaro, munhu anoita ufeve ari “kutadzira muviri wake pachake.”—1 VaKorinde 5:9-12; 6:18; Zvirevo 6:23-29, 32.

15 Jenny, * chimwe Chapupu chaJehovha chisina kuroorwa, ane zvikonzero zvokuonga zviyeuchidzo zvaJehovha. Kubasa, mumwe murume waaishanda naye aiva akanaka pameso akatanga kuita zvinhu zvaimukwezva kuti amude. Jenny paakaratidza kusazvifarira, murume uyu akatowedzera zvaaiita. “Zvakanga zvava kundiomera kuti ndirambe ndiine tsika dzakachena,” anobvuma kudaro, “nokuti kana munhurume achiramba achikutarisa zvinoita kuti unzwe sokuti unokwezva.” Asi akaziva kuti murume wacho akanga achingoedza kuti ave mumwe wevakadzi vaakanga arara navo. Paakanzwa sokuti akanga asingachakwanisi kuramba akatsunga, akateterera Jehovha kuti amubatsire kuramba akatendeka Kwaari. Jenny akaona kuti zvinhu zvaakadzidza paaitsvakurudza muBhaibheri uye mumabhuku echiKristu zvakaita sezviyeuchidzo zvakamukurudzira kuti arambe akangwarira. Chimwe chezviyeuchidzo izvozvo yaiva nyaya yaJosefa nomudzimai waPotifari. “Pose pandairamba ndichizviyeuchidza kuti ndaida Jehovha chaizvo,” anogumisa achidaro, “ndakanga ndisingafaniri kutya kuti ndichaita chakaipa ichi chikuru ndomutadzira.”

Teerera Zviyeuchidzo zvaMwari!

16. Tingabatsirwa sei nokudzokorora uye kufungisisa nezvoupenyu hwevanhu vanotaurwa muBhaibheri?

16 Tose tinogona kuwedzera kuonga kwatinoita zvinotaurwa naJehovha nokuedza kunzwisisa kuti nei akaita kuti tichengeterwe dzimwe nhoroondo dziri muMagwaro. Dzinodzidzisei? Unhu hupi kana kuti maitiro api akaratidzwa nevanhu vakanyorwa muBhaibheri atingada kutevedzera kana kudzivisa? Kutaura zvazviri mazana evanhu akanyorwa muShoko raMwari. Vose vanoda kurayiridzwa naMwari vangabatsirwa kana vakakudziridza chido chokuva nouchenjeri hunopa upenyu, kusanganisira zvidzidzo zvatinogona kudzidza mumienzaniso yatakanyatsochengeterwa naJehovha. Magazini ino inowanzobudisa nyaya dzine chokuita nevanhu vakadaro dzine zvadzinotidzidzisa. Wadii wawana nguva yokudzidzokorora?

17. Unonzwa sei nezvezviyeuchidzo zvaJehovha, uye nei?

17 Tinoonga zvikuru kuva nehanya kworudo kunoratidzwa naJehovha kune vaya vari kuedza kuita zvaanoda! Zvechokwadi hatina kukwana, sezvakaita varume nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri vakanga vasina kukwana. Zvisinei, zvinhu zvavakaita zvakanyorwa zvinotibatsira chaizvo. Kana tikateerera zviyeuchidzo zvaJehovha, tinogona kudzivisa zvikanganiso zvakakomba, uye tinogona kutevedzera mienzaniso yakanaka yevaya vakafamba munzira dzokururama. Kana tikadaro, tichakwanisa kuimba sezvakaita munyori wepisarema kuti: “Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo zva[Jehovha]; vanoramba vachimutsvaka nomwoyo wose. Mweya wangu wakachengeta zviyeuchidzo zvenyu, uye ndinozvida zvakanyanya.”—Pisarema 119:2, 167.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha reChirungu ra1996, mapeji 160-2.

^ ndima 15 Zita rakachinjwa.

Ungapindura Sei?

• Tingadzidzei pamaonero aiita Dhavhidhi Sauro?

• Nhoroondo yaAnaniyasi naSafira inotidzidzisei?

• Nei tichinyanya kufarira nyaya youpenyu yaJosefa?

Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nei Dhavhidhi akaramba kuti Sauro aurayiwe?

[Mufananidzo uri papeji 27]

Tinodzidzei munhoroondo yaAnaniyasi naSafira?

[Mufananidzo uri papeji 28]

Chii chakaita kuti Josefa arambe kuita unzenza?