Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”

“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”

“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”

“Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.”—PISAREMA 119:97.

1, 2. (a) Munyori akafuridzirwa wePisarema rechi119 akatarisana nemamiriro ezvinhu akaita sei? (b) Chii chaakaita nezvazvo, uye nei?

MUNYORI wePisarema rechi119 akatarisana nomuedzo wakakomba. Vavengi vaizvikudza vakanga vasingateereri mutemo waMwari vakamunyomba uye vakamuchera. Machinda akarangana kuti amutambudze. Vakaipa vakamukomba, uye upenyu hwake hwakaiswa pangozi. Zvose izvi zvakaita kuti ‘asarara neshungu.’ (Pisarema 119:9, 23, 28, 51, 61, 69, 85, 87, 161) Pasinei nomuedzo uyu, munyori wepisarema akaimba kuti: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.”—Pisarema 119:97.

2 Ungaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: “Mutemo waMwari waigona sei kunyaradza munyori wepisarema?” Chivimbo chaaiva nacho chokuti Jehovha aimufarira ndicho chakamuchengetedza. Kuziva kuti kushandisa mutemo wakanga wapiwa naMwari kwaigona kumubatsira kwakaita kuti munyori wepisarema afare, pasinei nematambudziko aaiunzirwa nevashori vake. Aiziva kuti Jehovha akanga amuitira mutsa. Uyezve, kutungamirirwa nomutemo waMwari kwakaita kuti munyori wepisarema achenjere kupfuura vavengi vake uye kwakatomuchengetedza ari mupenyu. Kuteerera mutemo kwakamupa rugare nehana yakanaka.—Pisarema 119:1, 9, 65, 93, 98, 165.

3. Nei zvakaoma kuti vaKristu vararame maererano nezvinodiwa naMwari mazuva ano?

3 Mazuva ano vamwe vashumiri vaMwari vari kutarisanawo nemiedzo yakakomba yokutenda kwavo. Tingasatarisana nemamiriro ezvinhu anoisa upenyu pangozi sezvakaita munyori wepisarema, asi tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Vanhu vakawanda vatinoonana navo mazuva ose havakoshesi maonero anoita Mwari zvakanaka nezvakaipa—zvinangwa zvavo ndezvoudyire uye zvokunyanya kuda zvinhu zvenyama, maonero avo ndeokuzvikudza uye okusaremekedza. (2 Timoti 3:1-5) VaKristu vechiduku vanofanira kugara vachirwisana nezvinhu zvingakanganisa tsika dzavo dzakanaka. Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvingava zvakaoma kuramba tichida Jehovha uye tichida zvakarurama. Tingazvidzivirira sei?

4. Munyori wepisarema akaratidza sei kuti aikoshesa mutemo waMwari, uye vaKristu vanofanira kuitawo zvakafanana here?

4 Chakabatsira munyori wepisarema kuti akurire zvinetso zvaaitarisana nazvo ndechokuti aitsaura nguva yokunyatsodzidza uye yokufungisisa mutemo waMwari. Nenzira iyoyo, akasvika pakuuda. Zvechokwadi, dzinenge ndima dzose dzomuPisarema rechi119 dzinotaura chimwe chinhu nezvomutemo waJehovha. * Mazuva ano vaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi, wakapiwa rudzi rwekare rwaIsraeri naMwari. (VaKorose 2:14) Zvisinei, zvinhu zvinotaurwa muMutemo iwoyo zvichiri kukosha. Zvinhu izvi zvakanyaradza munyori wepisarema, uye zvinogona kunyaradzawo vashumiri vaMwari vari kutambura kuti vangatarisana sei nezvinetso zvemazuva ano.

5. Zvinhu zvipi zvoMutemo waMosesi zvatichakurukura?

5 Ngationei kuti tinogona sei kukurudzirwa nezvinhu zvitatu chete zvoMutemo waMosesi: urongwa hweSabata, urongwa hwokunhonga zvaisaririra, uye murayiro wokusachochora. Pane chimwe nechimwe, tichaona kuti zvinokosha kuti tinzwisise kuti nei mitemo iyi yakaiswa kana tichizokurira matambudziko enguva yedu.

Kugutsa Zvatinoda Pakunamata

6. Zvinhu zvipi zvinokosha zvinodiwa nevanhu vose?

6 Vanhu vakasikwa vaine zvinhu zvavanoda zvakati wandei. Somuenzaniso, zvokudya, zvokunwa, uye pokugara zvinhu zvinotodiwa kuti munhu arambe aine utano hwakanaka. Asi vanhu vanofanirawo kutarisira “zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” Havazofari zvechokwadi kana vasingazvitarisiri. (Mateu 5:3) Jehovha akaona kuti kugutsa izvi zvatinoberekwa tichingoda kunokosha chaizvo zvokuti akarayira vanhu vake kuti varege mabasa avo enguva dzose kwezuva rose vhiki nevhiki kuti vafunge nezvezvinhu zvokunamata.

7, 8. (a) Mwari akasiyanisa sei Sabata nemamwe mazuva? (b) Chii chaiva chinangwa cheSabata?

7 Urongwa hweSabata hwakasimbisa kukosha kwokutsvaka zvinhu zvine chokuita nokunamata. Panotanga kuoneka shoko rokuti Sabata muBhaibheri rinenge riine chokuita nourongwa hwemana murenje. VaIsraeri vakaudzwa kuti vaifanira kuunganidza chingwa ichi chaishamisa kwemazuva matanhatu. Pazuva rechitanhatu, vaifanira kunhonga “chingwa chemazuva maviri” nokuti pazuva rechinomwe, hapana chingwa chavaizowana. Zuva rechinomwe raizova “sabata dzvene rinoitirwa Jehovha,” zuva iro mumwe nomumwe aifanira kuramba akagara munzvimbo yake. (Eksodho 16:13-30) Mumwe weMirayiro Gumi waiti pazuva reSabata paisatombofanira kuitwa basa. Zuva racho raiva dzvene. Chirango chokurega kurichengeta chaiva rufu.—Eksodho 20:8-11; Numeri 15:32-36.

8 Mutemo weSabata wairatidza kuti Jehovha aiva nehanya nokugara zvakanaka kwevanhu vake panyama uye pakunamata. “Sabata rakaitwa kuti rivepo nokuda kwomunhu,” akadaro Jesu. (Mako 2:27) Raisangoita kuti vaIsraeri vazorore chete asiwo raivapa mukana wokuswedera pedyo noMusiki wavo uye wokuratidza kuti vaimuda. (Dheuteronomio 5:12) Raiva zuva raiva rakatsaurirwa nyaya dzokunamata chete. Izvozvo zvaisanganisira kunamata semhuri, kunyengetera, uye kufungisisa Mutemo waMwari. Urongwa hwacho hwaidzivirira vaIsraeri kuti varege kushandisa nguva yavo yose nesimba pakutsvaka zvinhu zvenyama. Sabata raivayeuchidza kuti ukama hwavo naJehovha ndicho chinhu chainyanya kukosha muupenyu hwavo. Jesu akadzokorora pfungwa inokosha iyoyo isingachinji paakati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.’”—Mateu 4:4.

9. Urongwa hweSabata hunodzidzisei vaKristu?

9 Vanhu vaMwari havachatarisirwi kuti vachengete zuva rezororo resabata remaawa 24, asi urongwa hweSabata hahusi chinhuwo zvacho chatinongoda kuziva chaiitwa kare. (VaKorose 2:16) Haritiyeuchidzi kuti isuwo tinofanira kukoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata here? Zvinhu zvine chokuita nokunamata kwedu hazvifaniri kuvhiringidzwa nezvinhu zvenyama kana kuti kutsvaka mafaro. (VaHebheru 4:9, 10) Saka tingazvibvunza kuti: “Chii chinonyanya kukosha muupenyu hwangu? Ndiri kunyanya kukoshesa kudzidza, kunyengetera, kupinda misangano yechiKristu, uye kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo here? Kana kuti zvinhu zvakadaro zviri kupedzerwa nguva nezvimwe zvandinofarira here?” Kana tikatanga kuita zvinhu zvokunamata muupenyu hwedu, Jehovha anotivimbisa kuti hatizoshayi zvatinoda muupenyu.—Mateu 6:24-33.

10. Tingabatsirwa sei nokutsaura nguva yokuita zvinhu zvokunamata?

10 Nguva yatinopedza tichidzidza Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri, uyewo tichinyatsofunga nezvemashoko arimo, inogona kutibatsira kuswedera pedyo naJehovha. (Jakobho 4:8) Susan, uyo akatanga kutsaura nguva yokugara achidzidza Bhaibheri makore anenge 40 apfuura, anobvuma kuti pakutanga zvakanga zvisinganakidzi. Raiva basa. Asi paakaramba achiverenga, akatanga kunakidzwa nazvo. Iye zvino anotorwadziwa kana chimwe chinhu chikamutadzisa kudzidza ari oga. “Kudzidza kwakandibatsira kuona Jehovha saBaba,” anodaro. “Ndinogona kuvimba naye, uye kunyengetera kwaari ndakasununguka. Zvechokwadi zvinofadza kuona kuti Jehovha anoda vashumiri vake zvakadini, kuti ane hanya neni zvakadini, uye kuti akandibatsira zvakadini.” Isuwo tinogona kufara chaizvo kana tikagara tichitarisira zvinodiwa zvedu pakunamata!

Mutemo waMwari Wokuunganidza Zvaisaririra

11. Urongwa hwokuunganidza zvaisaririra hwaishanda sei?

11 Chechipiri chinotaurwa noMutemo waMosesi chakaratidza kuti Mwari ane hanya nokuti vanhu vake vagare zvakanaka yaiva kodzero yokuunganidza zvaisaririra. Jehovha akarayira kuti murimi wechiIsraeri paaikohwa goho mumunda make, varombo vaifanira kubvumirwa kuunganidza zvainge zvasiyiwa nevakohwi vacho. Varimi vaisafanira kukohwa micheto yeminda yavo zvachose, uyewo vaisafanira kuunganidza mazambiringa kana maorivhi ainge asara. Zvisote zvezviyo zvainge zvakanganwika mumunda zvaisafanira kunotorwa. Uhwu hwaiva urongwa hworudo hwaiitirwa varombo, vatorwa, nherera, nechirikadzi. Chokwadi, kuunganidza zvaisaririra kwaidawo kuti ivo vashande nesimba, asi kwaiita kuti vasapemha.—Revhitiko 19:9, 10; Dheuteronomio 24:19-22; Pisarema 37:25.

12. Urongwa hwokuunganidza zvaisaririra hwaipa varimi mukana wei?

12 Mutemo wokuunganidza zvaisaririra wakanga usingatauri zvakananga kuti varimi vaifanira kusiyira varombo zvakawanda sei. Zvaiva kwavari kusarudza kuti vasiye micheto yakakura kana miduku yezviyo zvisina kukohwewa. Neizvi, urongwa hwacho hwaidzidzisa kuva norupo. Hwaipa varimi mukana wokuratidza kuti vaionga Munhu ainge avapa goho racho, sezvo “munhu anonzwira murombo nyasha” achikudza Muiti wake. (Zvirevo 14:31) Bhoazi ndomumwe akaita izvozvo. Nomutsa akava nechokwadi chokuti Rute, chirikadzi yaiunganidza zvaisaririra muminda yake, aizounganidza zviyo zvakawanda. Jehovha akakomborera Bhoazi zvikuru nokuda kworupo rwake.—Rute 2:15, 16; 4:21, 22; Zvirevo 19:17.

13. Mutemo wekare wokuunganidza zvaisaririra unotidzidzisei?

13 Pfungwa yomutemo wokuunganidza zvaisaririra haisati yachinja. Jehovha anotarisira kuti vashumiri vake vave norupo, kunyanya kuvarombo. Kana tikapa zvikuru, tichakomborerwawo zvikuru. “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo,” akadaro Jesu. “Vachadurura chiyero chakanaka muhomwe inovapo kana nguo yenyu yapetwa, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira. Nokuti nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.”—Ruka 6:38.

14, 15. Tingaratidza sei rupo, uye isu pamwe chete nevatinenge tayamura tingabatsirwa sei?

14 Muapostora Pauro akatirayira kuti ‘tiitire vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.’ (VaGaratiya 6:10) Saka, tinotofanira kuva nehanya nokuti vaKristu vatinonamata navo vabatsirwa pakunamata pavanotarisana nemiedzo yokutenda kwavo. Asi vangadawo kubatsirwa zvinoshanda here, somuenzaniso, pakuenda kuImba yoUmambo kana kuti kunotenga? Muungano yenyu mune vakwegura here, vanorwara, kana kuti vasingakwanisi kubva pamba nokurwara vangafara kushanyirwa kuti vakurudzirwe kana kuti vabatsirwe? Kana tikaedza kuva nehanya nezvinhu zvakadaro, Jehovha angakwanisa kutishandisa kuti tipindure minyengetero yomurombo. Kunyange zvazvo kutarisirana uri mutoro wechiKristu, anenge achitarisira wacho anobatsirwawo. Kuratidza kuti tinoda vatinonamata navo zvechokwadi kunofadza zvikuru uye kunoita kuti tigutsikane chaizvo, izvo zvinoita kuti tifarirwe naJehovha.—Zvirevo 15:29.

15 Imwe nzira inokosha inoratidza nayo vaKristu kuti havana udyire ndeyokushandisa nguva yavo nesimba kuti vataure nezvezvinangwa zvaMwari. (Mateu 28:19, 20) Munhu upi noupi akawana mufaro wokubatsira mumwe munhu kuti asvike pakutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha anoziva kuti mashoko aJesu anotevera ndeechokwadi, okuti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Kungwarira Kuti Tisachochora

16, 17. Murayiro wechigumi wairambidzei, uye nei?

16 Chechitatu chinotaurwa noMutemo waMwari kuna Israeri chatichakurukura, murayiro wechigumi wairambidza kuchochora. Mutemo wacho waiti: “Usachiva imba yowokwako. Usachiva mudzimai wowokwako, kana murandarume wake kana murandasikana wake, kana nzombe yake kana mbongoro yake, kana chero chinhu chipi zvacho chowokwako.” (Eksodho 20:17) Hapana munhu aigona kupa murayiro wakadaro, sezvo pasina munhu anogona kuziva zviri mumwoyo. Zvisinei, murayiro iwoyo wakaita kuti Mutemo ukwirire zvikuru kupfuura mitemo yevanhu. Wakaita kuti muIsraeri mumwe nomumwe azive kuti aizozvidavirira zvakananga kuna Jehovha, uyo anogona kuziva zvinodiwa nomwoyo. (1 Samueri 16:7) Uyezve, murayiro uyu wakaratidza chinokonzera zvinhu zvakawanda zvakaipa zvinoitwa.—Jakobho 1:14.

17 Mutemo wairambidza kuchochora waikurudzira vanhu vaMwari kuti varege kunyanya kuda zvokunyama, kukara, uye kunyunyuta nezvemamiriro avo ezvinhu. Waivadzivirirawo pamuedzo wokuba kana kuti wounzenza. Pachagara paine vaya vane zvinhu zvokunyama zvatinoyemura kana kuti vanoita sevanobudirira kutipfuura. Kana tikatadza kudzora mafungiro edu mumamiriro ezvinhu akadaro, tingasafara toitira vamwe shanje. Bhaibheri rinoti kuchochora kuratidzwa kwe“mafungiro akaipa.” Zvingava nani chaizvo kuti tisachochora.—VaRoma 1:28-30.

18. Maonero api ari munyika mazuva ano, uye angatikanganisa sei?

18 Mazuva ano maonero ari munyika anokurudzira kunyanya kuda zvokunyama uye makwikwi. Nokushambadzira, vezvokutengeserana vanoita kuti tide zvinhu zvitsva uye kazhinji vanopa pfungwa yokuti hatingafari kana tisina zvinhu izvozvo. Aya ndiwo maonero chaiwo aishorwa noMutemo waJehovha. Kuda kubudirira muupenyu pasinei nemigumisiro yacho uye kuunganidza pfuma ndemamwewo maonero aishorwa. Muapostora Pauro akanyevera kuti: “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.”—1 Timoti 6:9, 10.

19, 20. (a) Kumunhu anoda Jehovha, zvinhu zvipi zvinokosha zvechokwadi? (b) Nyaya inotevera ichakurukura nezvechii?

19 Vaya vanoda Mutemo waMwari vanoziva ngozi dzokunyanya kuda zvokunyama uye vanodzivirirwa padziri. Somuenzaniso, munyori wepisarema akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Itai kuti mwoyo wangu ude zviyeuchidzo zvenyu, kwete kuwana mubereko. Mutemo womuromo wenyu wakanaka kwandiri, kupfuura zviuru zvendarama nesirivha.” (Pisarema 119:36, 72) Kutendiswa kuti mashoko aya ndeechokwadi kuchatibatsira kuti tirambe tiri pakati nepakati kuti tidzivise misungo yokunyanya kuda zvokunyama, makaro, uye kusagutsikana nezvatinazvo muupenyu. “Kuzvipira kuna Mwari,” kwete kuunganidza zvinhu, ndiko kunopfumisa kwazvo.—1 Timoti 6:6.

20 Zvakaita kuti Jehovha ape rudzi rwaIsraeri Mutemo zvichiri kungokosha munguva yedu yakaoma sezvazvakanga zvakaita Jehovha paakapa Mosesi Mutemo iwoyo. Kana tikazvishandisa muupenyu hwedu, tichanyatsozvinzwisisa, tichazvida kwazvo, uye tichafara zvikuru. Mutemo une zvidzidzo zvinokosha zvakawanda zvatinogona kudzidza, uye zviyeuchidzo zvakajeka zvokukosha kwaunoita zvinoratidzwa noupenyu uye zvakaitika kuvanhu vakanyorwa muBhaibheri. Zvimwe zvacho zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kunze kweina, dzimwe ndima dzose pa176 dzepisarema iri dzinotaura nezvemirayiro yaJehovha, zvaakatonga, mutemo, zviyeuchidzo, mashoko, mirau, nzira dzake kana kuti shoko rake.

Ungapindura Sei?

• Nei munyori wePisarema rechi119 aida mutemo waJehovha?

• VaKristu vangadzidzei paurongwa hweSabata?

• Mutemo waMwari wokukohwa zvaisaririra unokosha zvakadini?

• Murayiro wokuti tisachochora unotidzivirira sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Mutemo weSabata waisimbisei?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mutemo wokukohwa zvaisaririra unotidzidzisei?