Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Terevhizheni—Mureri Akanaka Wevana Here?

Terevhizheni—Mureri Akanaka Wevana Here?

Terevhizheni—Mureri Akanaka Wevana Here?

DZIMWE nguva, kuita kuti vana vako varambe vachifara nokuvaita kuti vaone terevhizheni paunenge uchiita mamwe mabasa kungaita sokwakanaka zvikuru. Asi izvi zvingakanganisa sei vana vako?

“Kunyange vana vaduku vanogona kukanganiswa nezvinhu zvinovhiringidza pfungwa zvinobudiswa paTV,” rinodaro pepanhau rinonzi The New York Times. Pane zvichangobva kuongororwa, vana vane gore rimwe chete vakaratidzwa zvidimbu zvipfupi zvepurogiramu yeTV izvo zvaiva nomutambi wechikadzi airatidza manzwiro akasiyana-siyana patoyi. “Mutambi uyu wechikadzi paairatidza kutya toyi yacho, vana vacho vairamba kutamba nayo uye vaibva vanyanya kuita sevari kushushikana, kufinyama, kuvhunduka kana kuti kuchema. Mutambi wacho wechikadzi paairatidza kuifarira, vana vaibva vafarira kutamba netoyi yacho.”

Zviri pachena kuti terevhizheni inogona kukanganisa vana. Asi zvakadini nokukanganisa vana kwenguva refu kwainoita? Dr. Naoki Kataoka, chiremba wevana paKawasaki Medical College muKurashiki, kuJapan, akaongorora vana vakawanda vakanyararisa uye vane zviso zvisingaratidzi kufaranuka. Vose ivava vakanga vaona TV kana kuti mavhidhiyo kwenguva yakareba. Mumwe mukomana ane makore maviri akanga asingagoni kukurukurirana nevamwe uye aingova nemashoko mashomanana aaiziva. Aigara achiona mavhidhiyo kubva mangwanani kusvikira manheru zuva nezuva kubva achine gore. Mukomana wacho akazotanga kuwedzera kuziva mashoko pashure pokunge amai vake vashandisa zano ravakapiwa nachiremba, rokumuita kuti arege kuona mavhidhiyo vachibva vatanga kukurukura naye nokutamba naye. Chokwadi vabereki vanofanira kukurukurirana nevana vavo.

Jehovha Mwari, Muvambi wourongwa hwemhuri, akataura kukosha kwokukurukurirana. Kare kare akaudza vanhu vake kuti: “Unofanira kuaroverera [mashoko aMwari] mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.” (Dheuteronomio 6:7) Vabereki ndivo vanogona kudzidzisa vana vavo zvakanaka nezvavanotaura uye zvavanoita, “maererano nenzira” yakavakodzera, kwete TV.—Zvirevo 22:6.