Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofara Zvechokwadi Here?

Unofara Zvechokwadi Here?

Unofara Zvechokwadi Here?

CHOKWADI, ungazvibvunza kuti, ‘Ndinofara zvechokwadi here?’ Nyanzvi dzezvemagariro evanhu dziri kuedza zvakasimba kuona kuti iwe kana kuti vamwe mungapindura sei mubvunzo wacho, asi basa ravo harisi nyore. Kuyera kufara kwevanhu kungafananidzwa nokuedza kuyera kuda kunoita murume mudzimai wake kana kuti kuyera kushungurudzika kunokonzerwa nokufirwa nomunhu womumhuri. Hazvisi nyore kunyatsoyera manzwiro anoita vanhu. Zvisinei, masayendisiti anobvuma chokwadi chinokosha chokuti: Vanhu vose vanokwanisa kufara.

Pasinei nokuti tinoberekwa tichikwanisa kufara, zvinetso zvakakomba zvinoita kuti tisafare. Imbofunga nezvomuenzaniso uyu: Mune mamwe maguta vanhu vanofa neAIDS vazadza makuva. Vakuru vakuru vava kuvhurazve nzvimbo dzemakuva dzekare kuti vavige vanhu vari kufa iye zvino. Mune dzimwe nyika dzomuAfrica, kugadzira mabhokisi evafi ndiro ratova basa revakawanda. Uye pasinei nokuti unogarepi, wakaona kuti vaya vanotambura nezvirwere zvakakomba uye vaya vakafirwa nehama neshamwari vakasuruvara zvikuru.

Zvakadini nenyika dzakapfuma? Kungokurumidza kuchinja kunoita zvinhu kungaita kuti vanhu vanenge vakavarayirwa vanzwe vasisina kuchengeteka mune zvemari. MuUnited States, vanhu vakawanda vakarega basa vava kufanira kudzokera kumabasa nokuti havachawani mudyandigere. Kurapwa kunowanzopedza mari yose inenge yakachengetwa nemhuri. Mumwe chipangamazano wezvemitemo anoti, “Unoona vanhu vachiuya kuzotaura nezvemari yakawanda chaizvo inenge ichidiwa uye nezvezvinetso zvoutano uye zvinoshungurudza kwazvo. Kakawanda unofanira kuvaudza kuti, ‘Munotofanira kutengesa imba yenyu.’” Asi zvakadini nevaya vasinganetseki nemari? Vangasafarawo here?

Vamwe vanhu vakaita somumwe munyori wenziyo aiva akakurumbira ainzi Richard Rodgers. Zvainzi nezvake: “Vanhu vashomanana vakafadza vanhu sezvaakaita.” Kunyange zvazvo nziyo dzake dzaifadza vanhu, iye akaora mwoyo chaizvo. Akawana zvinhu zviviri zvinovavarirwa nevakawanda—mari nomukurumbira—asi zvakadini nomufaro? Mumwe munyori wenhoroondo dzoupenyu akati: “[Rodgers] akabudirira chaizvo mubasa rake, akararama upenyu hwemaoresa, uye iye nomumwe waaishanda naye vakawanawo mubayiro wePulitzer Prizes kaviri. Panguva iyoyo kakawanda akanga asingafari uye akaora mwoyo.”

Sezvaungave wakacherechedza, kuvimba kuti pfuma ichakupa mufaro kazhinji kunonyengera. Mumwe mutori wenhau dzebhizimisi wepepanhau rinonzi The Globe and Mail rokuToronto, Canada, akarondedzera kuti vanhu vakawanda vakapfuma vano“surukirwa uye havana chinangwa.” Maererano nomumwe chipangamazano wezvemari, vabereki vakapfuma pavanopa vana vavo mari yakawanda uye pavanovatengera zvinhu zvakawanda, “kazhinji vanenge vachidyara mhodzi dzenhamo dzinozoonekwa pave paya.”

Pane Here Chikonzero Chakasimba Chokufara?

Kuti rikure, ruva rinotumbuka rinoda ivhu rakanaka, mvura uye mamiriro okunze akakodzera. Saizvozvowo, nyanzvi dzinoziva kuti pane zvinhu zvinogona kuita kuti ufare. Izvi zvinosanganisira utano hwakanaka; basa rinogutsa; zvokudya zvakakwana, pokugara, uye zvokupfeka; kugutsa zvishuvo zvokuda kuita zvinhu zvitsva; uye shamwari dzechokwadi.

Zvichida haungarambi kuti zvinhu izvozvo zvine zvazvinobatsira kuti munhu afare. Asi pane chimwe chinhu chinonyanya kukosha. Ndiko kuziva “Mwari anofara,” ane zita rinonzi Jehovha. (1 Timoti 1:11) Kumuziva kunobatsira sei? Jehovha ndiye Musiki wedu, uye akaita kuti tikwanise kufara. Saka zvinonzwisisika kuti anoziva zvingaita kuti tifare zvechokwadi. Nyaya inotevera icharondedzera nzira yaanotungamirira nayo vanhu vari munzvimbo chero ipi zvayo kana kuti mumamiriro ezvinhu chero api zvawo kuti varambe vachifara.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Sezvinoita ruva rinotumbuka, mufaro unoda mamiriro ezvinhu akakodzera kuti uwedzere

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

© Gideon Mendel/CORBIS