Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushanya Kwakaita Kuti Ndichinje

Kushanya Kwakaita Kuti Ndichinje

Kushanya Kwakaita Kuti Ndichinje

“NDAIDA nomwoyo wose kuudza mhuri yangu nezve‘ngirozi’ mbiri dzandakanga ndatumirwa naMwari.” Akanyora kudaro mumwe murume akanga ashanyirwa nevamwe vasikana vaviri vari Zvapupu zvaJehovha. Vhiki shomanana vasati vashanya, akanga afirwa nomudzimai wake aiva nemakore 45. Murume uyu akanga arwadziwa chaizvo. Vana vake vakuru vakanga vamunyaradza, asi vaigara kure. Pakanga pasina shamwari kana vavakidzani vakanga vauya kuzomushanyira.

“Ini naMwari hatisi kutaudzana mazuva ano,” murume wacho akaudza vasikana ava pavakamushanyira. Zvisinei, vakamunzwira tsitsi vachibva vamusiyira turakiti reBhaibheri rine musoro unoti: Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa? Akariverenga manheru iwayo achibva anyaradzwa.

Kwapera kanguva, vasikana vaya vakadzoka. Vakayeuka kusuruvara kwaakanga akaita pavakamboshanya vachibva vauya kuzoona kuti akanga ava kunzwa sei. Murume wacho akazonyora kuti, “Ndakashamiswa zvikuru kuti vanhu vaviri vandisingambozivi vaiva nehanya neni uye nokugara kwangu zvakanaka.” Akakurudzirwa nepfungwa dzavakakurukura naye dzomuBhaibheri. Vasikana vacho vakati vaizodzokazve. Murume wacho akafara uye akanzwa achida kunyora mashoko ataurwa pamusoro apa mutsamba yaakatumira kuImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunharaunda yacho.

Asati atamira pedyo nokunogara mumwe wevana vake, murume uyu akapinda musangano wechiKristu weZvapupu zvaJehovha uye akadya zvokudya nemhuri yomumwe wevasikana vaya. Akanyora kuti: “Ndava kutama muno, asi ndicharamba ndichiyeuka uye ndichinyengeterera vasikana vaya nechechi yenyu. Chokwadi, iye zvino ndava kunyengetera—kakawanda. Ndachinja zvachose. Vasikana vaya vakaita basa guru mune izvi, uye ndichagara ndichivaonga.”