Kutenda Kwake Kunokurudzira Vamwe
Kutenda Kwake Kunokurudzira Vamwe
PAKABEREKWA Silvia muna December 1992, airatidzika sekasikana kane utano hwakanyatsonaka. Asi ava nemakore maviri, Silvia akaongororwa akaonekwa kuti aiva nechirwere chinonzi cystic fibrosis, hosha isingarapiki inoramba ichikonzera kutadza kufema zvakanaka uye kutadza kugaya zvokudya. Kuti ararame nourwere hwake, Silvia anonwa mapiritsi 36 zuva nezuva, anoshandisa mushonga waanoita zvokufema, uye anofanira kurovedzwa muviri achibatsirwa nachiremba. Sezvo mapapu ake achingoshanda pamwero we25 muzana chete, anofanira kuramba achishandisa bhodhoro reokisijeni, kunyange paanobva pamba.
“Zvisinei, zvinoshamisa kuti Silvia anorarama sei nourwere uhwu,” vanodaro amai vake, Teresa. “Pamusana pezivo yake yeMagwaro, ane kutenda kwakasimba. Kutenda uku kunomubatsira kukurira nhamo yake uye kurwadziwa kwaanoita. Nguva dzose anoyeuka chipikirwa chaJehovha chenyika itsva, pachaporeswa vanhu vose vanorwara.” (Zvakazarurwa 21:4) Dzimwe nguva mhuri yake painenge yakaora mwoyo, kunyemwerera kune chivimbo kwaSilvia kunoikurudzira. Anoudza vabereki vake uye hanzvadzi yake kuti: “Upenyu hwomunyika itsva huchatsiva kutambura kwose kwatiri kuita iye zvino.”
Silvia anogara achiudza vamwe mashoko akanaka eShoko raMwari, uye vanhu vaanotaura navo vanocherechedza kuti chiso chake chinoratidza kudekara uye mufaro. Nhengo dzeungano yechiKristu yaanopinda nayo muCanary Islands dzinofarirawo zvikuru kuteerera mhinduro dzake. Uye musangano mumwe nomumwe wapera, Silvia anofarira kumbosara achitaura nehama nehanzvadzi dzake dzechiKristu. Kuva kwake munhu ane ushamwari uye anofara kwakaita kuti munhu wose ari muungano amude.
“Silvia anotidzidzisa chidzidzo chinokosha zvikuru,” vanodaro baba vake, Antonio. “Kunyange tiine matambudziko, upenyu chipo chinobva kuna Mwari, uye tinofanira kuhukoshesa.” Kufanana naSilvia, vashumiri vaMwari vose—vaduku nevakuru—vanomirira nomwoyo wose nguva apo ‘kunenge kusisina mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.”’—Isaya 33:24.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Silvia ari kuverenga rugwaro rweBhaibheri amai vake vakabata bhodhoro reokisijeni