Kutsungirira Kunounza Mufaro
Nyaya Youpenyu
Kutsungirira Kunounza Mufaro
YAKATAURWA NAMÁRIO ROCHA DE SOUZA
“VaRocha vangangotadza kumuka pavachavhiyiwa.” Pasinei nemashoko iwayo achiremba anoratidza kusava netariro, nhasi kwapera makore 20, ndichiri mupenyu, ndichishumira somuparidzi wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Chii chakandibatsira kuti nditsungirire makore ose aya?
NGUVA youduku hwangu hwose ndaigara papurazi riri pedyo neSanto Estêvão, musha uri muruwa rweBahia, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweBrazil. Ndava nemakore manomwe, ndakatanga kubatsira Baba kuita basa repapurazi. Zuva nezuva ndabva kuchikoro, vaindipa basa rokuti ndiite. Nokufamba kwenguva, pose paienda Baba kuSalvador, guta guru renyika vachifambira zvebhizimisi, vaindisiya ndichitarisira purazi.
Takanga tisina magetsi, mvura yomupombi, kana kuti zvimwe zvinhu zvemazuva ano, asi taifara. Ndaibhururutsa kaiti kana kuti ini neshamwari dzangu taitambisa motokari dzemapuranga dzataigadzira. Muchechi medu ndairidzawo chiridzwa chakada kuita sebhosvo chinonzi clarinet tichifamba takaita mudungwe. Ndaiva mukwaya yomuchechi yokwataigara, uye ikoko ndiko kwandakaona bhuku rinonzi História Sagrada (Nhoroondo Tsvene), iro rakaita kuti ndifarire Bhaibheri.
Muna 1932, pandakanga ndava nemakore 20, mvura yakapedza nguva yakareba chaizvo isinganayi kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweBrazil. Mombe dzedu dzakafa uye zvirimwa zvakatsva, saka ndakatamira kuSalvador, kwandakawana basa rokutyaira zvitima zviduku. Gare gare, ndakanga ndava kurenda imwewo imba uye ndakatora mhuri yedu kuti tigare pamwe chete. Muna 1944, Baba vakashayika, ndokundisiya ndichitarisira Amai nehanzvadzi dzangu sere uye vanun’una vatatu.
Mutyairi Wezvitima Zviduku Anova Muevhangeri
Chimwe chezvinhu zvandakatanga kuita pandakasvika kuSalvador kwaiva kutenga Bhaibheri. Pashure pokunge ndapinda chechi yeBaptist kwemakore anoverengeka, ndakatanga kushamwaridzana naDurval, mumwe wandaishanda naye pakutyaira zvitima zviduku. Ini naDurval taiwanzokurukura nezveBhaibheri kwenguva yakareba. Rimwe zuva akandipa kabhuku kaiva nomusoro unoti Where Are the Dead? * Kunyange zvazvo ndaitenda kuti munhu ane mweya usingafi, ndaida chaizvo kuona kuti magwaro eBhaibheri ari mukabhuku kacho anoti chii. Ndakashamisika kuti Bhaibheri rinotaura kuti mweya unotadza uchafa.—Ezekieri 18:4.
Achiona kufarira kwandaiita, Durval akakumbira Antônio Andrade, mumwe mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, kuti andishanyire kumba. Pashure pokunge ashanya kechitatu, Antônio akandikumbira kuti ndimuperekedze kunoudza vamwe dzidziso dzeBhaibheri. Ataura padzimba mbiri dzokutanga, akati, “Iye zvino chava chijana chako.” Ndakatya zvikuru, asi ndakazofara kuti imwe mhuri yakanyatsoteerera ndokugamuchira mabhuku maviri andakagovera. Nanhasi, ndichiri kufara zvikuru pandinosangana nomumwe munhu anofarira chokwadi cheBhaibheri.
Musi waApril 19, 1943, pazuva raiyeukwa rufu rwaKristu gore iroro, ndakabhabhatidzwa muAtlantic Ocean pedyo neSalvador. Sezvo pakanga pasina varume vechiKristu vaiva nounyanzvi, ndakasarudzwa kuti ndibatsire boka reZvapupu raisangana pamba paHama Andrade pane mumwe mugwagwa wakamanikana unobatanidza chikamu chokumusoro nechezasi cheguta reSalvador.
Kushorwa Kwepakutanga-tanga
Basa redu rechiKristu rakanga risingafarirwi nevakawanda mumakore eHondo Yenyika II (1939-45). Vamwe vanhu vane masimba vaifungira kuti taiva vasori vokuNorth America nokuti mabhuku edu akawanda aibva kuUnited States. Saka taigara tichisungwa uye tichibvunzurudzwa. Chapupu pachaisadzoka kubva kubasa romumunda, taibva taziva kuti chainge chasungwa, saka taienda kukamba yemapurisa kunokumbira kuti chisunungurwe.
Muna August 1943, Adolphe Messmer, chimwe Chapupu chokuGermany, akasvika kuSalvador kuti abatsire kuronga nezvegungano redu rokutanga. Pashure pokunge tabvumirwa nezviremera kuti tiite gungano racho, hurukuro yavose yaiva nomusoro unoti, “Rusununguko Munyika Itsva” yakaziviswa mumapepa omunharaunda yedu, uye mapepa akanyorwa musoro wacho akanamirwa pamahwindo ezvitoro nepamativi ezvitima zviduku. Asi pazuva rechipiri regungano, mumwe mupurisa akatiudza kuti rezenisi redu rokuti tiungane rakanga rakanzurwa. Mumwe bhishopi mukuru womuSalvador akanga amanikidza mukuru mukuru wemapurisa kuti amise gungano redu. Zvisinei, mwedzi waApril wakatevera, takazobvumirwa kuva nehurukuro yavose iya yakanga yamboziviswa.
Chinangwa Chokutevera
Muna 1946, ndakagamuchira tsamba yokukokwa kuti ndipinde Gungano Remarudzi Anofara echiKristu muguta reSão Paulo. Kaputeni weimwe ngarava inotakura zvinhu muSalvador akabvumira boka redu kuti rifambe nengarava yake kana taizorara pamusoro pengarava pasina chinhu. Pasinei nokuti takasangana nedutu uye tose takarwara nokufamba mugungwa, pashure pemazuva mana tiri mugungwa takasvika zvakanaka kuRio de Janeiro. Zvapupu zvokuRio zvakatigamuchira mudzimba dzazvo kuti tizorore kwemazuva anoverengeka tisati tapfuurira norwendo rwedu nechitima. Boka duku revanhu vaiva nezvikwangwani zvakanga zvakanyorwa mashoko aiti, “Zvapupu zvaJehovha Munogamuchirwa” rakatikwazisa pakasvika chitima chedu muSão Paulo.
Ndichangodzokera kuSalvador, ndakataura naHarry Black, mumwe mumishinari aibva kuUnited States, nezvechido changu chokuva piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Harry akandiyeuchidza kuti ndaiva nemhuri yokutarisira uye akandiudza kuti ndishivirire. Pakupedzisira, pakazosvika June 1952, vanun’una vangu nehanzvadzi dzangu vakanga vava kuzvimiririra mune zvemari, uye ndakanzi ndishande sapiyona mune imwe ungano duku kuIlhéus, makiromita 210 tichidzika nemhenderekedzo yeSalvador.
Urongwa Hworupo
Gore rakatevera, ndakanzi ndiende kuJequié, taundi guru riri chinhambwe kubva kumhenderekedzo uko kwakanga kusina Zvapupu. Munhu wandakatanga kushanyira aiva mupristi womunzvimbo yacho. Akatsanangura kuti taundi racho raiva ndima yake ndokundirambidza kuparidza imomo. Akanyevera vanhu vomuchechi yake nezvokusvika kwo“muprofita wenhema” ndokuisa vasori kutenderedza taundi racho kuti vaongorore basa rangu. Kunyange zvakadaro, musi iwoyo ndakagovera mabhuku eBhaibheri anodarika 90 uye ndakatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vana. Kwapera makore maviri, muJequié makanga mava neImba yoUmambo, uye Zvapupu 36! Nhasi, muJequié mune ungano sere uye Zvapupu zvinenge 700.
Mumwedzi wokutanga ndiri muJequié, ndaigara mune rimwe kamuri duku randairenda nechokunze kwetaundi racho. Ndakabva ndazosangana naMiguel Vaz de Oliveira, aiva muridzi weSudoeste Hotel, imwe yehotera dzakanakisisa muJequié. Miguel akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akaramba achinditi nditamire mune rimwe kamuri pahotera yake. Miguel nomudzimai wake vakazova Zvapupu.
Mumazuva andaiva muJequié, handikanganwi Luiz Cotrim, mudzidzisi wepane imwe sekondari wandakadzidzisa Bhaibheri. Luiz akati aida kundibatsira kuvandudza ruzivo rwangu rwechiPutukezi nemasvomhu. Ndakanga ndangodzidza kupuraimari chete, saka ndakabva ndangobvuma. Zvidzidzo izvozvo zvandaiita pashure pokunge ndapedza kudzidza Bhaibheri naLuiz vhiki imwe neimwe zvakandibatsira pane dzimwe ropafadzo dzandakazopiwa musangano raJehovha.
Kutarisana Nedambudziko Idzva
Muna 1956, ndakagamuchira tsamba yaindikoka kuti ndiende kuhofisi yebazi redu, panguva iyoyo yaiva kuRio de Janeiro, kuti ndinodzidziswa kuva mutariri wedunhu, sokudanwa kunoitwa vashumiri vanofambira veZvapupu zvaJehovha. Kosi yacho, iyo yakapindwawo nevamwe vasere, yakaita unongoti pfuurei mwedzi mumwe. Payakanga yava kunopera, ndakanzi ndiende kuSão Paulo, izvo zvakaita kuti ndishushikane. Ndakazvibvunza kuti: ‘Iniwo zvangu, munhu mutema *
ndichanoitei ikoko pakati pevanhu vose ivavo vokuItaly? Vachandigamuchira here?’Paungano yokutanga yandakashanyira muruwa rweSanto Amaro, ndakakurudzirwa kuona kuti Imba yoUmambo yakanga yakazara neZvapupu uye vanhu vanofarira. Chakaita kuti ndibvume kuti kunetseka kwangu kwakanga kusina nebasa rose ndechokuti vose 97 vaiva muungano vakabuda neni muushumiri kupera kwevhiki iyoyo. ‘Ivo ihama dzangu chaidzo,’ ndakafunga kudaro. Hwaiva ushamwari hwehama nehanzvadzi idzodzo dzinodiwa hwakaita kuti ndishinge kuramba ndiri muushumiri hwokufambira.
Madhongi, Mabhiza, Nehwiribidi
Rimwe rematambudziko makuru aitarisana nevatariri vanofambira mumazuva ekare kwaiva kufamba nzendo refu kuti vasvike kuungano uye kumapoka maduku eZvapupu aiva kumaruwa. Munzvimbo idzodzo, zvifambiso zvinoshandiswa nevanhu vakawanda zvainetsa kuwana kana kuti zvaitoshayikwa, uye migwagwa yakawanda yaingova tunzira twakamanikana.
Mamwe matunhu akagadzirisa dambudziko iri nokutenga dhongi kana kuti bhiza kuti mutariri wedunhu ashandise. Pamisi yakawanda yoMuvhuro, ndaitasva dhongi kana bhiza, ndosungirira zvinhu zvangu, ndofamba kwemaawa anosvika 12 kuenda kuungano inotevera. KuSanta Fé do Sul, Zvapupu zvaiva nedhongi rainzi Dourado (Goldie) iro raiziva nzira yaienda kumapoka ezvidzidzo okumaruwa. Dourado raimira pamagedhi epurazi rondimirira nokushivirira kuti ndivhure. Kushanya kwacho kwapera, ini naDourado taipfuurira kune rimwe boka.
Kushayikwa kwenzira yakavimbika yokutumira nayo mashoko kwaiitawo kuti basa redunhu riome. Somuenzaniso, kuti ndikwanise kushanyira boka duku reZvapupu raisangana pane rimwe purazi muMato Grosso State, ndaifanira kuyambuka Rwizi rwaAraguaia nengarava ndozotasva dhongi nomusango anenge makiromita 25. Pane imwe nguva, ndakanyorera boka iri ndichiriudza kuti ndakanga ndiri kuuya, asi zviri pachena kuti havana kuona tsamba yacho, nokuti hapana munhu akanga akandimirira pandakayambuka rwizi. Zuva rakanga rovira, saka ndakakumbira muridzi weimwe resitorendi duku kuti ndisiye zvinhu zvangu, ndichibva ndatanga kufamba netsoka ndichingova nebhegi rangu remabhuku.
Pasina nguva kwakanga kwasviba. Sezvandaitatarika murima, hwiribidi yakapfepfedza. Ndakanga ndanzwa kuti hwiribidi inogona kusimuka youraya munhu nemakumbo ayo emberi ane simba. Saka pose pandainzwa ruzha mumabvokocho, ndaibva ndanyahwaira ndichienda mberi ndakaisa bhegi mberi kwangu kuti ndizvidzivirire. Ndafamba kwemaawa anoverengeka, ndakasvika pane kamwe karukova. Zvinosuruvarisa kuti, pamusana perima handina kuona kuti paiva nefenzi yewaya ine minzwa kune rimwe divi rekarukova kacho. Ndakasvetuka karukova kaye kamwe chete ndichibva ndanotsika pafenzi iya, ndokuchekwa-chekwa!
Pakupedzisira, ndakasvika papurazi uye ndakagamuchirwa noruzha rweimbwa dzaihukura.
Panguva iyoyo mbavha dzaiwanzoba makwai usiku, saka pakangozarurwa musuo, ndakabva ndakurumidza kutaura kuti ndaiva ani. Ndinofanira kunge ndaisiririsa nokuti zvipfeko zvangu zvakanga zvabvaruka, zvakatsvuka ropa, asi hama dzakafara kundiona.Pasinei nematambudziko, aya aiva mazuva aifadza. Ndainakidzwa nokufamba nzendo refu ndakatasva bhiza, ndichifamba netsoka, dzimwe nguva ndaizorora pamimvuri yemiti, ndichiteerera shiri dzichiimba, uye ndichiona makava achidimbura nzira yandaifamba nayo mumigwagwa iyoyo yakanyarara. Chimwe chaindifadza ndechokuti ndaiziva kuti kushanya kwangu kwaibatsira vanhu chaizvo. Vakawanda vaindinyorera vachiratidza kuonga kwavo. Vamwe vaindionga pataisangana kumagungano. Ndaifara chaizvo pandaiona vanhu vachikurira matambudziko avo vofambira mberi mune zvokunamata!
Mubatsiri, Pakupedzisira
Mumakore iwayo ndiri mubasa rokufambira, ndaiwanzova ndoga, uye izvozvo zvakandidzidzisa kuvimba naJehovha se“ibwe rangu nenhare yangu.” (Pisarema 18:2) Uyezve, ndakaona kuti kuva asina kuroora kwakandibvumira kuti ndiise pfungwa dzangu zvakakwana pazvinhu zvine chokuita noUmambo.
Zvisinei, muna 1978 ndakasangana naJúlia Takahashi, imwe hanzvadzi yaiva piyona. Akanga asiya basa roukoti raibhadhara chaizvo pane chimwe chipatara chikuru muSão Paulo achiitira kuti ashande kwaidiwa vaparidzi voUmambo zvikuru. Vakuru vechiKristu vaimuziva vakamurumbidza chaizvo nezvounhu hwake hwechiKristu uye mano ake sapiyona. Sezvamungafungidzira, vamwe vakashamiswa nokusarudza kwandakaita kuroora kwapera makore akawanda zvakadaro. Imwe shamwari yangu yepamwoyo yakatadza kuzvibvuma, uye yakandivimbisa nzombe inorema makirogiramu 270 kana ndaizoroora zvechokwadi. Takagocha nzombe iyoyo pamabiko omuchato wedu musi waJuly 1, 1978.
Kutsungirira Pasinei Noutano Husina Kunaka
Júlia akabatana neni mubasa rokufambira, uye pamwe chete takashanyira ungano dzokumaodzanyemba nedzokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweBrazil kwemakore masere akatevera. Ipapo ndopandakatanga kuva nematambudziko omwoyo. Ndakafenda kaviri ndichitaura navanasaimba mubasa rokuparidza. Tichifunga nezvourwere hwangu, takabvuma kuenda kunoshanda semapiyona chaiwo muBirigüi, kuSão Paulo State.
Panguva iyi, Zvapupu zvomuBirigüi zvakanditakura nemotokari kuenda kunoona chiremba kuGoiânia, kure nemakiromita 500. Pandakangonzwa ndava nani, ndakavhiyiwa kuti ndiisirwe chinhu chinodzora kurova kwomwoyo. Izvi zvakaitwa anenge makore 20 adarika. Pasinei nokuti ndakazovhiyiwazve mwoyo kaviri, ndichiri kushingaira mubasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Sezvinongoitawo mamwe madzimai echiKristu akawanda akavimbika, Júlia ave achindisimbisa uye achindikurudzira nguva dzose.
Kunyange zvazvo matambudziko outano aita kuti ndisakwanisa kuita basa rakawanda uye pane dzimwe nguva achiita kuti ndiore mwoyo, ndichiri kukwanisa kupayona. Ndinozviyeuchidza kuti Jehovha haana kumbotipikira kuti upenyu mumamiriro ezvinhu ano ekare huchava nyore. Kana muapostora Pauro nevamwe vaKristu vakavimbika vomunguva yekare vaifanira kutsungirira, nei zvinhu zvingasiyana kwatiri?—Mabasa 14:22.
Nguva pfupi ichangopfuura, ndakaona Bhaibheri rokutanga randakawana kuma1930. Nechomukati mebutiro, ndakanga ndakanyora kuti 350—nhamba yevazivisi voUmambo vaiva muBrazil pandakatanga kupinda misangano yechiKristu muna 1943. Zvinoita sezvisingadaviriki kuti iye zvino muBrazil mava neZvapupu zvinodarika 600 000. Yave iri ropafadzo yakazokura kuvawo nezvandakaita zvishomanana mukuwedzera uku! Zvechokwadi, Jehovha akandikomborera kuti nditsungirire. Sezvakataura munyori wepisarema, ndinogona kuti: “Jehovha akaita chinhu chikuru pane zvaakatiitira. Tava kufara.”—Pisarema 126:3.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 9 Kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino hakachadhindwi.
^ ndima 23 Vanhu vokuItaly vanoda kusvika 1 000 000 vakatamira kuSão Paulo pakati pa1870 na1920.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Zvapupu zviri kuzivisa hurukuro yavose pagungano rokutanga muguta reSalvador, muna 1943
[Mufananidzo uri papeji 10]
Zvapupu zviri kusvika muSão Paulo paGungano Remarudzi Anofara, muna 1946
[Mifananidzo iri papeji 10, 11]
Ndiri mubasa rokufambira mukunopera kwema1950
[Mufananidzo uri papeji 12]
Ndiine mudzimai wangu, Júlia