Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Chokwadi Chaichoicho

Kuwana Chokwadi Chaichoicho

Kuwana Chokwadi Chaichoicho

WAIVA musi waDecember 18, 1810. Akanga ava manheru. Mugungwa rine dutu, kuri kure nemhenderekedzo yeScotland, kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva, Ngarava duku Yehondo yokuBritain inonzi HMS Pallas yakanga yarasa gwara. Kusviba kwokunze kwaiwedzera uye sinou zvakanga zvichiita kuti zvitonyanya kuomera vanhu vaiva mungarava yacho kuti vaone zviratidzo zvavaida kuti vatungamirire ngarava yavo kunzvimbo yakachengeteka. Chimbofungidzira kuzorodzwa kwavakaita pavakazoona chiedza ndokutyaira ngarava yavo vakananga ikoko! Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti ichi chakanga chisiri chiedza chinotungamirira chavakanga vachida. Chaizvoizvo, waiva moto wevamwewo vashandi waibvira pedyo nemhenderekedzo. Ngarava yacho, Pallas, yakatyairwa ichienda nokwaiva nematombo ichibva yaparara zvachose. Vanhu gumi nomumwe vakanyura. Zvinorwadza chaizvo!

Pane zvakaitika kuPallas yacho, pane chikanganiso chakakonzera njodzi iyi. Zvisinei, pane dzimwe nguva, vatyairi vengarava vakasangana nenjozi yakatonyanya kukura—zviratidzo zvenhema zvechiedza. Chiedza chakadaro chaisimudzwa kuti chinyengere ngarava kuti dziende kumhenderekedzo dzine matombo kuitira kuzoba zvinhu zvengarava inenge yaparara, maererano nebhuku rinonzi Wrecks, Wreckers and Rescuers.

‘Zvinyorwa Zvitsvene Zvinogona Kuita Kuti Upone’

Pakutsvaka kwaunoita chokwadi, unosangana nenjodzi dzakafanana nedzakasangana nevatyairi ivavo vengarava. Ungatevera mashoko anotsausa, kana kuti ungatonyengedzwa nemaune. Zvose izvi zvingakonzera njodzi. Chii chaungaita kuti uzvidzivirire? Iva nechokwadi chokuti kwaunowana chokwadi kwakarurama uye kwakavimbika. Kwemakore anodarika 125, magazini ino yakatsigira Shoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, kuti ndiro rine chokwadi chakavimbika kudarika zvose nokuti rine “zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kuita kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso.”—2 Timoti 3:15-17.

Kutaura zvazviri, kuti uvimbe neBhaibheri sechiedza chinotungamirira chakavimbika, zvine musoro kuti uongorore uchapupu hwokuti nderechokwadi. (Pisarema 119:105; Zvirevo 14:15) Inzwa wakasununguka kunyorera vanobudisa magazini ino kuti uwane mashoko akabatsira mamiriyoni evanhu kuti vabvume kuti Bhaibheri zvechokwadi rakafuridzirwa naMwari. Somuenzaniso, verenga bhurocha rinonzi A Book for All People. * Rine mashoko akawanda anoratidza kuti Bhaibheri rakarurama, nderechokwadi, uye rakafuridzirwa.

Chokwadi Chinokosha

Saka, ndechipi chimwe chokwadi chinokosha chiri mu“zvinyorwa zvitsvene” izvi? Chimbofunga nezvemienzaniso inotevera.

Kuna Mwari Wemasimbaose mumwe chete uye Musiki akasika zvinhu zvose. (Genesisi 1:1) Tiripo bedzi ‘nokuti Mwari akasika zvinhu zvose’ uye akatipa upenyu. (Zvakazarurwa 4:11) Ndokusaka tichifanira kunamata iye oga. Chokwadi chose Chinobva kuMusiki. (Pisarema 36:9; Isaya 30:20, 21; 48:17, 18) Ane zita raanoda kuti tishandise. (Eksodho 3:15) Zita iroro, rakanyorwa nemabhii echiHebheru anomiririrwa naYHWH, rinowanika kanenge ka7 000 muBhaibheri. Kwemakumi emakore, rave richishandiswa muchiShona kuti “Jehovha.”—Pisarema 83:18.

Jehovha akasika varume nevakadzi kuti vararame nokusingaperi muParadhiso pasi pano chaipo. Akapa vanhu unhu hutsvene hunoratidza zvaari iye. Akavapa mano nenjere zvaizoita kuti vave noupenyu husingaperi, hunogutsa panyika pano. (Genesisi 1:26-28) Haana kumboronga kuti nyika ive nzvimbo yokuedza varume nevakadzi—nzvimbo yokuvagadzirira upenyu hwomudzimu kudenga, sokunge kuti ikoko bedzi ndiko kwavanogona kuva noukama hwakanaka naMwari.

Pakanga pasina chakaipa nevanhu vakanga vasikwa naMwari. Uipi hwakazongouya zvimwe zvezvisikwa zvaMwari—vanhu uye zvisikwa zvomudzimu—pazvakashandisa zvisina kunaka rusununguko rwazvo rwokusarudza ndokupandukira Mwari. (Dheuteronomio 32:5) Vabereki vedu vokutanga vakafunga kuti vaifanira kushandisa kodzero yavo yokuzvisarudzira zvakanga zvakanaka nezvakanga zvakaipa. (Genesisi 2:17; 3:1-5) Izvozvo zvakakonzera kuti vanhu vafe. (Genesisi 3:19; VaRoma 5:12) Kuti agadzirise nhau dzakanga dzamutswa nevapanduki, Jehovha akasarudza kumbobvumira uipi kwekanguva. Asi chinangwa chake nokuda kwenyika uye vanhu hachina kuchinja. (Isaya 45:18) Varume nevakadzi vachazorarama nokusingaperi muParadhiso panyika yakacheneswa.—Mateu 6:10; Zvakazarurwa 21:1-5.

Jesu Kristu haasi Mwari Wemasimbaose, asi Mwanakomana waMwari. Jesu Kristu pachake akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere vachiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Haana kumboti akaenzana naMwari. Asi akatoti: “Baba vakuru kwandiri.”—Johani 14:28.

Jesu anoita basa guru mukuitwa kwechinangwa chaMwari. Mwari akamutuma “sechiedza munyika, kuti munhu wose anotenda ma[a]ri arege kuramba ari murima.” (Johani 12:46) Maererano nomuapostora Petro, “hapana mumwe angaponesa vanhu.” (Mabasa 4:12) Ichi ichokwadi nokuti kuponeswa kwedu kunobva paropa rinokosha raKristu. (1 Petro 1:18, 19) Jesu Kristu akapa upenyu hwake sechibayiro chorudzikinuro kuti adzikinure vanhu pachivi chakaunzwa kumhuri yevanhu nevabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha. (Mateu 20:28; 1 Timoti 2:6) Jesu akashandiswawo naMwari kuzivisa zvaanoda uye chinangwa Chake.—Johani 8:12, 32, 46, 47; 14:6; Mabasa 26:23.

Mwari akagadza Umambo hwokudenga, kana kuti hurumende, ina Jesu Kristu nevaya vakasarudzwa pakati pevanhu. Iyi nyaya inoramba ichidzokororwa inowanikwa muBhaibheri rose. Mwari akapa hurumende iyi basa rokuva nechokwadi chokuti zvaanoda zvinoitwa panyika sezvazvinoitwa kudenga. (Mateu 6:10) Chakanga chisiri chinangwa chaMwari chepakutanga kuti pave nevanhu vanoenda kudenga. Vaifanira kugara panyika. Asi pashure pokunge munhu aita chivi, Mwari akaronga chimwe chinhu chitsva. Akaronga kusarudza vanhu “kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi” kuti ‘vatonge semadzimambo’ naKristu muhurumende yokudenga. (Zvakazarurwa 5:9, 10) Nokukurumidza hurumende iyoyo yoUmambo ‘ichapwanya, yogumisa’ kutonga kwose kwevanhu, kwakakonzera nhamo huru kwazvo uye kurwadziwa kukuru kumhuri yevanhu.—Dhanieri 2:44.

Mweya unofa. Chokwadi chinokosha ichi cheBhaibheri chinojekesa zvakawanda nezvomunhu uye tariro yake youpenyu. Chinobvisawo mashoko asinganzwisiswi uye asina kururama akavhiringidza vanhu pamusoro pemamiriro ezvinhu evakafa.

Bhuku rokutanga chairo reBhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” (Genesisi 2:7) Unoona kuti izvozvo zvinorevei here? Mweya hausi chimwe chinhu chisinganyatsonzwisisiki chiri mumuviri womunhu. Munhu haana mweya. Iye ndiye mweya—mubatanidzwa wezvinhu zvinowanikwa mu“guruva revhu” uye simba roupenyu rinobva kuna Mwari. Mweya hausi chinhu chisingafi. Munhu paanofa, mweya unofa.—Genesisi 3:19; Muparidzi 9:5, 10.

Vakafa vanogona kudzorerwa kuupenyu nokuita zvokumutswa. Kana nguva yakambobvumira Mwari uipi yapera, “vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.” (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Rumuko ruchadzorera vanhu kuupenyu muparadhiso pasi pano, upenyu hwaida Mwari kuti vanhu vake vararame kubvira pakutanga.

Nyatsoongorora Magwaro Zuva Nezuva

Unoona here kuti kuziva chokwadi chinokosha zvakadaro kungakubatsira sei? Munguva dzino dzinonetsa, dzisina kugadzikana, zivo yakadaro inogona kukudzivirira pa“inonzi ‘zivo’ iyo iri yenhema” inoparadzirwa naSatani Dhiyabhorosi. Anonyepedzera kuva “ngirozi yechiedza,” uye vamiririri vake vanonyepera kuva “vashumiri vokururama.” (1 Timoti 6:20; 2 VaKorinde 11:13-15) Zivo yakarurama yeBhaibheri ingakudzivirira pane chinonzi chokwadi chinobva paruzivo rwevanhu “vakachenjera nevakangwara” vari munyika, avo “vakaramba shoko raJehovha.”—Mateu 11:25; Jeremiya 8:9.

Muzuva rake maiva nedzidziso dzakawanda chaizvo dzaitsausa uye dzimwewo pfungwa dzoruzivo, zvokuti muapostora Johani akanyevera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa.” Akati: “Edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari.” (1 Johani 4:1) Funga nezvomuenzaniso uyu. Kana ukatambira mashoko anogona kuchinja upenyu hwako zvikuru, waizongoabvuma sezvaari nokungoti anobva kumunhu waunovimba naye here? Kwete. Waizoongorora kwaanobva woona zvaakaita usati waita chimwe chinhu nezvawo.

Nokupa chinyorwa chakafuridzirwa chine chokwadi chinokosha, Mwari akaita kuti ukwanise kuita izvozvo chaizvo—kuti ‘uve nechokwadi’ chokuti chiedza chinotungamirira, kana kuti zviratidzo, zvaunotevera ndezvechokwadi. (1 VaTesaronika 5:21) Vanhu vaiva nepfungwa dzakanaka vomuzana remakore rokutanga vakarumbidzwa nokuti va“inyatsoongorora Magwaro zuva nezuva” kuti vaone kuti zvavakanga vadzidza zvainyatsova zvechokwadi. (Mabasa 17:11) Unogonawo kuita izvozvo. Kufanana ne“rambi rinopenya munzvimbo ine rima,” ita kuti Bhaibheri rikutungamirire kunzvimbo yakachengeteka. (2 Petro 1:19-21) Kana ukadaro, “uchawana zivo pamusoro paMwari,” inounza chokwadi chaichoicho.—Zvirevo 2:5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Shoko raMwari rakaita serambi

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mwari anonzi ani?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Remangwana revanhu rakadini?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Jesu ndiMwari Wemasimbaose here?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Vakafa vari kupi?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kumuka kwevakafa ndechimwe chokwadi chinokosha chinodzidziswa muBhaibheri