Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakaberekwa Vari Rudzi rwaMwari Rwakasarudzwa

Vakaberekwa Vari Rudzi rwaMwari Rwakasarudzwa

Vakaberekwa Vari Rudzi rwaMwari Rwakasarudzwa

“Ndiwe wakasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti uve rudzi rwake.”—DHEUTERONOMIO 7:6.

1, 2. Jehovha akaitira vanhu vake mabasa api esimba, uye vaIsraeri vakapinda muukama hupi naMwari?

MUNA 1513 B.C.E., Jehovha akapinda muukama hutsva nevashumiri vake vepasi pano. Gore iroro, akanyadzisa simba renyika achibva anunura vaIsraeri pauranda. Nokuita izvi, akava Muponesi wavo uye Muridzi wavo. Asati aita izvi, Mwari akaudza Mosesi kuti: “Iti kuvanakomana vaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, ndichakubvisai pamitoro yevaIjipiti ndokununurai pauranda hwavo, ndichakusunungurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kukuru. Ndichakutorai kuti muve rudzi rwangu, ndichava Mwari wenyu.’”—Eksodho 6:6, 7; 15:1-7, 11.

2 Nguva shomanana Vabuda muIjipiti, vaIsraeri vakapinda muukama hwesungano naMwari wavo, Jehovha. Pane kubata nomunhu mumwe nomumwe, mhuri, kana kuti madzinza, kubvira ipapo Jehovha aizova nevanhu vakarongeka, rudzi rumwe chete pasi pano. (Eksodho 19:5, 6; 24:7) Akapa vanhu vake mitemo yaidzora upenyu hwavo hwezuva nezuva uye, zvaitonyanya kukosha, yaidzora kunamata kwavo. Mosesi akati kwavari: “Ndorupi rudzi rukuru ruripo rune vanamwari vari pedyo narwo sezvakaita Jehovha Mwari wedu pakudana kwose kwatinoita kwaari? Uye ndorupi rudzi rukuru ruripo rune mirau yakarurama nezvakatongwa sezvakaita mutemo wose uyu wandiri kuisa pamberi penyu nhasi?”—Dheuteronomio 4:7, 8.

Kuberekwa Murudzi rweZvapupu

3, 4. Ndechipi chaiva chikonzero chinokosha chokuvapo kwaIsraeri sorudzi?

3 Mazana emakore gare gare, achishandisa muprofita wake Isaya, Jehovha akayeuchidza vaIsraeri nezvechikonzero chinokosha chokuvapo kwavo sorudzi. Isaya akati: “Zvanzi naJehovha, Musiki wako, haiwa iwe Jakobho, uye Muumbi wako, haiwa iwe Israeri: ‘Usatya, nokuti ndakakudzikinura. Ndakakushevedza nezita rako. Uri wangu. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri Muponesi wako. . . . Uyai nevanakomana vangu vari kure, uye nevanasikana vangu vari kumugumo wenyika, munhu wose anoshevedzwa nezita rangu uye wandakasikira kukudzwa kwangu, wandakaumba, chokwadi iye wandakaita. Imi muri zvapupu zvangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘mushumiri wangu wandakasarudza, . . . ivo vanhu vandakazviumbira, kuti varondedzere kurumbidzwa kwangu.’”—Isaya 43:1, 3, 6, 7, 10, 21.

4 Sevanhu vaishevedzwa nezita raJehovha, vaIsraeri vaizoshumira sezvapupu kuuchangamire hwake pamberi pemarudzi. Vaifanira kuva vanhu ‘vakasikirwa kukudzwa kwaJehovha.’ Vaifanira ‘kurondedzera kurumbidzwa kwaJehovha,’ kurondedzera mabasa ake anoshamisa okununura uye zvadaro kukudza zita rake dzvene. Nemashoko mashoma, vaifanira kuva rudzi rwezvapupu zvaJehovha.

5. Israeri akanga ari rudzi rwakazvitsaurira pakudini?

5 Muzana remakore rechi11 B.C.E., Mambo Soromoni akaratidza kuti Jehovha akanga aita Israeri rudzi rwakatsaurwa. Achinyengetera kuna Jehovha, akati: “Ndimi makavatsaura kuti vave nhaka yenyu pamarudzi ose enyika.” (1 Madzimambo 8:53) VaIsraeri vamwe nevamwe vaivawo noukama hunokosha naJehovha. Mosesi akanga ambovataurira kuti: “Imi muri vanakomana vaJehovha Mwari wenyu. . . . Nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako.” (Dheuteronomio 14:1, 2) Saka, vaIsraeri vechiduku vakanga vasingafaniri kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Vaiberekwa vari nhengo dzevanhu vaMwari vakazvitsaurira. (Pisarema 79:13; 95:7) Chizvarwa chitsva chimwe nechimwe chairayiridzwa mumitemo yaJehovha uye chaifanira kuichengeta nemhaka yesungano yakabatanidza Israeri naJehovha.—Dheuteronomio 11:18, 19.

Vakasununguka Kusarudza

6. VaIsraeri vaifanira kusarudza chii somunhu mumwe nomumwe?

6 Kunyange zvazvo vaIsraeri vakanga vaberekerwa murudzi rwakazvitsaurira, munhu mumwe nomumwe aifanira kuzvisarudzira kushumira Mwari. Vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akavaudza kuti: “Ndinoshevedza matenga nenyika kuti zvikupupurirei nhasi, kuti ndaisa upenyu norufu pamberi penyu, uye chikomborero nokutukwa; naizvozvo sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu, nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari; nokuti iye ndiye upenyu hwenyu nokuwanzwa kwemazuva enyu, kuti mugare panyika yakapikirwa naJehovha kuti achapa madzitateguru enyu Abrahamu, Isaka naJakobho.” (Dheuteronomio 30:19, 20) Saka, somunhu mumwe nomumwe vaIsraeri vaifanira kusarudza kuda Jehovha, kuteerera inzwi rake, uye kunamatira kwaari. Sezvo vaIsraeri vaiva norusununguko rwokuzvisarudzira, vaifanira kuzobvuma migumisiro yezvavaisarudza.—Dheuteronomio 30:16-18.

7. Chii chakaitika chizvarwa chaJoshua chafa?

7 Nguva yeVatongi inonyatsoratidza migumisiro yokutendeka neyokusatendeka. Nguva shomanana nguva iyoyo isati yatanga, vaIsraeri vakatevera muenzaniso wakanaka waJoshua uye vakakomborerwa. “Vanhu vakaramba vachishumira Jehovha mazuva ose aJoshua nemazuva ose evarume vakuru vakanga vachiri kurarama Joshua afa uye vakanga vaona basa rose guru raJehovha raakaitira Israeri.” Zvisinei, pane imwe nguva Joshua afa, “chimwe chizvarwa ch[a]katanga kumuka pashure pavo chakanga chisingazivi Jehovha kana basa raakanga aitira Israeri. Zvino vanakomana vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha.” (Vatongi 2:7, 10, 11) Zviri pachena kuti chizvarwa chevechiduku, chakanga chisina zvachaiziva hachina kukoshesa nhaka yacho senhengo dzevanhu vakazvitsaurira, vakanga vaitirwa mabasa anoshamisa naMwari wavo Jehovha munguva yakanga yapfuura.—Pisarema 78:3-7, 10, 11.

Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira Kwavo

8, 9. (a) Urongwa hupi hwaiita kuti vaIsraeri varatidze kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha? (b) Vaya vaipa zvinopiwa zvokuzvidira vaizviwanira chii?

8 Jehovha akapa vanhu vake mikana yokuti vararame maererano nokuzvitsaurira kwavo sorudzi. Somuenzaniso, Mutemo wake wakaita kuti pave nezvibayiro zvinopiwa, kana kuti zvipo, zvimwe zvacho munhu wose aisungirwa kuzvipa asi zvimwe zvacho munhu aipa nokuzvidira. (VaHebheru 8:3) Zvibayiro zvakadaro zvaisanganisira zvinopiwa zvinopiswa, zvinopiwa zvezviyo, uye zvinopiwa zvokugoverana izvo zvaipiwa nokuzvidira—zvipo zvaipiwa Jehovha kuti munhu afarirwe naye uye kuratidza kuonga.—Revhitiko 7:11-13.

9 Zvibayiro izvozvo zvokuzvidira zvaifadza Jehovha. Chinopiwa chinopiswa uye chinopiwa chezviyo zvainzi “kunhuhwirira kwakanaka kunoitirwa Jehovha.” (Revhitiko 1:9; 2:2) Pachibayiro chokugoverana, ropa uye mafuta emhuka zvaipiwa Jehovha, asi zvikamu zvenyama zvaidyiwa nevapristi uye nomunhu wacho ainge apa. Saka kwaiva kudya kwokufananidzira kwairatidza ukama hune rugare naJehovha. Mutemo waiti: “Zvino kana mukabayira chibayiro chokugoverana kuna Jehovha, munofanira kuchibayira kuti mufarirwe.” (Revhitiko 19:5) Kunyange zvazvo vaIsraeri vose vakanga vakazvitsaurira kuna Jehovha pamusana pokuberekwa vakadaro, vaya vaiita kuti kuzvitsaurira kwavo kuve nezvakunoreva nokupa zvinopiwa zvokuzvidira ‘vaifarirwa’ uye vaikomborerwa zvikuru.—Maraki 3:10.

10. Jehovha akaratidza sei kusafara kwake mumazuva aIsaya naMaraki?

10 Zvisinei, rudzi rwakazvitsaurira rwaIsraeri rwaiwanzoratidza kuti rwakanga rusina kutendeka kuna Jehovha. Achishandisa muprofita wake Isaya, Jehovha akati kwarwuri: “Hauna kundiunzira makwai ezvinopiwa zvako zvinopiswa zvakakwana, uye hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukumanikidza kuti undishumire nechipo.” (Isaya 43:23) Uyezve, zvinopiwa zvakanga zvisingapiwi nokuzvidira uye norudo zvakanga zvisingakoshi mukuona kwaJehovha. Somuenzaniso, anenge makore mazana matatu pashure paIsaya, mumazuva omuprofita Maraki, vaIsraeri vaipa mhuka dzisina kunaka. Saka, Maraki akavaudza kuti: “‘Handikufaririi,’ Jehovha wemauto adaro, ‘uye handifariri chipo chinopiwa chinobva mumaoko enyu.’ . . . ‘Makauya nechinhu chakabvamburwa-bvamburwa, nechakaremara, nechinorwara; chokwadi makauya nacho kuti chive chipo. Ndingafara kuchigamuchira chichibva mumaoko enyu here?’ Jehovha adaro.”—Maraki 1:10, 13; Amosi 5:22.

Kurambwa Sorudzi Rwakazvitsaurira

11. Israeri akapiwa mukana wei?

11 Panguva yakava vaIsraeri rudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha, akavavimbisa kuti: “Kana mukanyatsoteerera inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu, muchabva mava pfuma yangu chaiyo pakati pemamwe marudzi ose, nokuti nyika yose ndeyangu. Imi muchava kwandiri umambo hwevapristi norudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6) Mesiya akapikirwa aizooneka pakati pavo ovapa mukana wokutanga wokuva nhengo dzehurumende yoUmambo hwaMwari. (Genesisi 22:17, 18; 49:10; 2 Samueri 7:12, 16; Ruka 1:31-33; VaRoma 9:4, 5) Asi vazhinji vorudzi rwaIsraeri havana kurarama maererano nokuzvitsaurira kwavo. (Mateu 22:14) Vakaramba Mesiya uye pakupedzisira vakamuuraya.—Mabasa 7:51-53.

12. Mashoko api akataurwa naJesu anoratidza kuti Israeri akarambwa sorudzi rwaJehovha rwakazvitsaurira?

12 Mazuva mashomanana asati afa, Jesu akaudza vatungamiriri vechitendero chechiJudha kuti: “Hamuna kumboverenga here muMagwaro kuti, ‘Dombo rakarambwa nevavaki ndiro razova dombo guru repakona. Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’? Ndokusaka ndichiti kwamuri, Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” (Mateu 21:42, 43) Achiratidza kuti Jehovha akanga avaramba sorudzi rwakazvitsaurira kwaAri, Jesu akati: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotema nematombo vakatumwa kwaari,—ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida. Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.”—Mateu 23:37, 38.

Rudzi Rutsva Rwakazvitsaurira

13. Jehovha akataura mashoko api ouprofita mumazuva aJeremiya?

13 Panguva yomuprofita Jeremiya, Jehovha akafanotaura chimwe chinhu chitsva nezvevanhu vake. Tinoverenga kuti: “‘Tarirai! Mazuva achauya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha; isina kuita sesungano yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, “sungano yangu yavakaputsa, kunyange zvazvo ini ndakanga ndiri murume wavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ‘Nokuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri pashure pemazuva iwayo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichaisa mutemo wangu mavari, uye ndichaunyora mumwoyo mavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.’”—Jeremiya 31:31-33.

14. Rudzi rutsva rwaJehovha rwakazvitsaurira rwakavapo rini uye pahwaroi? Rondedzera rudzi rwacho rutsva.

14 Hwaro hwesungano iyi itsva hwakaiswa pakafa Jesu uye ndokuzopa Baba vake ukoshi hweropa rake rakateurwa, muna 33 C.E. (Ruka 22:20; VaHebheru 9:15, 24-26) Zvisinei, sungano itsva yakatanga kushanda pakadururwa mudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. panovawo pakaberekwa rudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; VaRoma 2:28, 29; 9:6; 11:25, 26) Achinyorera vaKristu vakazodzwa, muapostora Petro akazivisa kuti: “Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa. Nokuti maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari.” (1 Petro 2:9, 10) Ukama hunokosha pakati paJehovha norudzi rwaIsraeri hwakanga hwaguma. Muna 33 C.E., Jehovha akanga abvisa chikomborero chake pana Israeri wepasi pano achichipa Israeri womudzimu, ungano yechiKristu, “rudzi runobereka zvibereko” zvoUmambo hwaMesiya.—Mateu 21:43.

Kuzvitsaurira Kwomunhu Mumwe Nomumwe

15. Pazuva rePendekosti ya33 C.E., Petro akakurudzira vateereri vake kuti vabhabhatidzwe rubhabhatidzo rupi?

15 Pendekosti ya33 C.E. yapera, munhu wose, muJudha kana kuti Wemamwe Marudzi, aifanira kuzvitsaurira kuna Mwari obhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” * (Mateu 28:19) PaPendekosti, muapostora Petro akaudza vaJudha vaiteerera uye vanhu vakanga vaita zvokutendeuka, kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo chepachena chomudzimu mutsvene.” (Mabasa 2:38) VaJudha vakadaro nevaya vakanga vaita zvokutendeuka vaisangofanira kuratidza norubhabhatidzo rwavo kuti vakanga vatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha asiwo kuti vakanga vagamuchira Jesu senzira yavaizokanganwirwa nayo zvivi zvavo naJehovha. Vaifanira kumugamuchira soMupristi Mukuru waJehovha uye soMutungamiriri wavo, Musoro weungano yechiKristu.—VaKorose 1:13, 14, 18.

16. Muzuva raPauro, vaya vaiva nemafungiro akanaka—vaJudha neVemamwe Marudzi—vakava sei nhengo dzaIsraeri womudzimu?

16 Mumakore akazotevera, muapostora Pauro akati: “Kutanga kune vari muDhamasiko nokune vaya vari muJerusarema, nenyika yose yeJudhiya, nokune mamwe marudzi ndakavaendesera mashoko okuti vaifanira kupfidza votendeukira kuna Mwari nokuita mabasa anokodzera rupfidzo.” (Mabasa 26:20) Pashure pokunyengetedza vanhu—vaJudha neVemamwe Marudzi—kuti Jesu ndiye aiva Kristu, Mesiya, Pauro akavabatsira kuti vazvitsaurire uye vabhabhatidzwe. (Mabasa 16:14, 15, 31-33; 17:3, 4; 18:8) Nokutendeukira kuna Mwari, vadzidzi ivavo vatsva vakava nhengo dzaIsraeri womudzimu.

17. Ibasa ripi rokuisa chisimbiso rava pedyo nokuguma, uye nderipi rimwe basa riri kuitwa nokukurumidza?

17 Nhasi, kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwevasara vevaIsraeri vomudzimu kwava pedyo. Pakunenge kwapera, “ngirozi ina” dzakabata mhepo ina dzokuparadza dzo“kutambudzika kukuru” dzichabvumirwa kudziregedza. Panguva ino, kuunganidzwa kwe“boka guru revanhu,” vanotarisira kurarama nokusingaperi pasi pano, kuri kuitwa nokukurumidza. Aya “mamwe makwai” anosarudza nokuzvidira kutenda “muropa reGwayana” obhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwawo kuna Jehovha. (Zvakazarurwa 7:1-4, 9-15; 22:17; Johani 10:16; Mateu 28:19, 20) Pakati pawo pane vechiduku vakawanda vakarerwa nevabereki vechiKristu. Kana uri wechiduku akadaro, uchafara kuverenga nyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

Kudzokorora

• Nei vaIsraeri vechiduku vakanga vasingafaniri kuzvitsaurira kuna Jehovha?

• VaIsraeri vaigona sei kuratidza kuti vairarama maererano nokuzvitsaurira kwavo?

• Nei Jehovha akaramba Israeri sorudzi rwake rwakazvitsaurira, uye rwakatsiviwa sei?

• Kubvira paPendekosti ya33 C.E., vaJudha neVemamwe Marudzi vaifanira kuitei kuti vave nhengo dzaIsraeri womudzimu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

VaIsraeri vechiduku vaiberekwa vari nhengo dzorudzi rwaMwari rwakasarudzwa

[Mufananidzo uri papeji 23]

MuIsraeri mumwe nomumwe aifanira kuzvisarudzira kushumira Mwari

[Mufananidzo uri papeji 23]

Zvinopiwa zvokuzvidira zvaipa vaIsraeri mukana wokuratidza kuda kwavaiita Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pendekosti ya33 C.E. yapera, vateveri vaKristu vaifanira kuzvitsaurira kuna Mwari vachiratidza izvi nokubhabhatidzwa