Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanofara Kuita Kuda kwaMwari

Vanofara Kuita Kuda kwaMwari

Vanofara Kuita Kuda kwaMwari

JESU akaratidza vaKristu vose muenzaniso nokunyengetera kuna Baba vake achiti: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:42) Kuzviisa pasi paJehovha ikoko nokuzvininipisa kunoratidzwa nhasi nemamiriyoni evashumiri vaMwari. Pakati pavo pane vadzidzi 52 vekirasi yechi120 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Musi waMarch 11, 2006, kirasi yevaipedza kudzidza yakafarira tariro yokuita kuda kwaMwari munyika dzakasiyana-siyana, kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma.

Chii chinokurudzira vadzidzi ivavo kuti vaite kuti kuda kwaJehovha kutungamirire upenyu hwavo? Chris naLeslie, vakaroorana vakatumirwa kunoshanda semamishinari kuBolivia, vakati: “Sezvo takazviramba, tinoda kuita chero zvose zvine chokuita nesangano raJehovha.” (Mako 8:34) Jason naChere, vakatumirwa kuAlbania, vakawedzera kuti: “Basa rose ratakapiwa nesangano raJehovha raiva nezvinetso zvaro. Asi, takaona zvakakodzera kuti tivimbe naJehovha zvakakwana.”

Kukurudzirwa Kuzviisa Pasi Pezvinodiwa naJehovha

George Smith, nhengo yemhuri yeBheteri anoshanda muDhipatimendi Remifananidzo, akazarura purogiramu yacho nomunyengetero. Stephen Lett, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha uye ari sachigaro wepurogiramu yacho, akagamuchira vose vaivapo. Vaeni vakabva kunyika 23 vakanga vafamba kuenda kuWatchtower Educational Center kuPatterson, New York, kuti vave pachiitiko ichi chaifadza. Hama Lett vakaudza kirasi yevaipedza kudzidza kuti vachaita “chimwe chinhu chine simba zvikuru.” Vakataura nezve“zvinhu zvakadzika midzi”—zvakadai sedzidziso dzenhema—izvo mamishinari matsva aizoputsa nesimba reMagwaro. (2 VaKorinde 10:4, 5) Vakagumisa vachiti: “Muchafara chaizvo kushandiswa naJehovha kuti muputse zvinhu zvakadzika midzi muvanhu vane mwoyo yakatendeseka vari mubasa renyu!”

Harold Jackson, mumwe wevashandi vepadzimbahwe, akakurukura musoro waiti “Zvinhu Zvishomanana Zvokuyeuka.” Akataura kuti mamishinari matsva haambofaniri kukanganwa ‘kutanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari.’ (Mateu 6:33) Vanofanira kuyeuka kuti “rudo runovaka” uye runoita kuti vasazombofa vakakundikana. (1 VaKorinde 8:1) Akati: “Itai kuti rudo rukutungamirirei mumararamiro enyu nevamwe.”

Zvadaro, Geoffrey Jackson, nhengo yeDare Rinodzora akashanda somumishinari kubvira muna 1979 kusvikira muna 2003, akabvunza vadzidzi vacho kuti: “Munoita Basa Renyu Here?” Akataura nezvokuti munhu anofanira kuzviona zvakanaka iye pachake uye kuona ushumiri zvakanaka. VaKristu vanofanira kushanda nesimba pakudyara uye pakudiridza mbeu dzechokwadi. Zvisinei, ibasa raJehovha kuti pave nokuwedzera mune zvokunamata, sezvo ari “Mwari anoita kuti zvikure.” (1 VaKorinde 3:6-9) Akawedzera kuti: “Jehovha anoti ibasa renyu kuti murambe makasimba pakunamata. Asi basa renyu guru nderei? Munofanira kuda Jehovha uye kuda vanhu vamuchanoshumira.”

Murayiridzi weGiriyedhi Lawrence Bowen akakurukura musoro waiti “Zivai Kuti Munofanira Kuzvibata Sei.” Akayeuchidza vadzidzi kuti Jehovha akatungamirira uye akadzivirira vaIsraeri zvinoshamisa pavaipfuura nomurenje. (Eksodho 13:21, 22) Nhasi anotitungamirira uye anotidzivirira, pamwe achishandisa ungano yevaKristu vakazodzwa, “mbiru nechinhu chinotsigira chokwadi.” (1 Timoti 3:14, 15) Mamishinari matsva anofanira kutsigira chokwadi, izvo zvinoita kuti vanhu vanozvininipisa vatungamirirwe uye vadzivirirwe.

Wallace Liverance, mumwe murayiridzi weGiriyedhi, akarayira vadzidzi vacho kuti vasakanganwa shoko raMwari riri “shure” kwavo. Shoko raMwari riri shure kwedu mupfungwa yokuti Bhaibheri rakapera kunyorwa mazana emakore akapfuura. Sezvinoita mufudzi anoshevedzera ari shure kweboka remakwai, Jehovha ari shure kwevanhu vake, achivapa mirayiridzo achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Isaya 30:21; Mateu 24:45-47) Chikoro cheGiriyedhi chakabatsira vadzidzi vacho kuti vawedzere kuonga boka iroro romuranda. “Muranda” akatopa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Mukurukuri wacho akakurudzira vadzidzi kuti: “Torai pfuma iyi yemashoko, moishandisa kudzidzisa vamwe.”—Mateu 13:52.

Kuita Kuda kwaJehovha Muushumiri Hwomumunda

Muhurukuro yaiva nomusoro unoti, “Kuda Kwazvo Kuzivisa Mashoko Akanaka,” murayiridzi weGiriyedhi Mark Noumair akataura zvimwe zvakaitika kuvadzidzi muushumiri hwepachena pavaipinda Chikoro cheGiriyedhi. (VaRoma 1:15) Kubvunzurudza vadzidzi kwakabudisa pachena kuti zvechokwadi vakanga varatidza kuti vaida chaizvo kuparidza nguva dzose.

Vadzidzi vacho vakakurudzirwazve nokubvunzurudza kwakaita Kenneth Flodin vatariri vanofambira vatatu zvino vari kufambira vari kuUnited States. Richard Keller naAlejandro Lacayo, vaimboshumira vari kuSouth uye kuCentral America, vakatsanangura kuti vakakurira sei miedzo yakasiyana-siyana uye vakarondedzera zvimwe zvezvikomborero zvavakawana pavaiva mamishinari. Moacir Felisbino akarondedzera kurovedzwa kwaakanga aitwa paaishanda pamwe chete nemamishinari kuBrazil, kwaakakurira.

Mamishinari matatu ava nenguva ari mubasa racho, Robert Jones, Woodworth Mills, uye Christopher Slay, vakabvunzurudzwa naDavid Schafer. Hama dzacho nhatu dzakarondedzera kuti dzakadzidza sei kuvimba naJehovha padzaisangana nematambudziko. Dzakavimbisa kirasi yacho kuti kudzidziswa kwavakanga vaitwa nesangano raJehovha kwakanga kwanyatsovagadzirira kuita basa ravo roumishinari. Hama Mills vakagumisa vachiti: “Harusi ruzivo rwandakawana paGiriyedhi rwakanyanya kundibatsira, asi zvandakadzidziswa nechikoro chacho nezvokuzvininipisa uye rudo.”

Nhengo yeDare Rinodzora Guy Pierce akapa hurukuro inokosha yaiva nomusoro unoti, “Jehovha Haambokundikani.” Adhamu akakundikana, asi izvozvo zvaireva here kuti Mwari akanga akundikana? Mwari akakundikana kusika Adhamu zvakakwana here, sezvinotaura vamwe vanhu? Kwete, nokuti “Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama.” (Muparidzi 7:29) Kuvimbika kwaJesu mumuedzo mukuru zvikuru paaiva pasi pano kwakaratidza kuti “Adhamu akanga asina chokuzvipembedza nacho, asina chikonzero chokuti akundikane,” akadaro mukurukuri wacho. Muedzo waAdhamu wokuteerera paaiva mumunda weEdheni wakanga usina kunyanya kuoma pane wakasangana naJesu, asi akaukunda. Asi Adhamu akakundikana. Kunyange zvakadaro, Jehovha haazombokundikani. Chinangwa chake chichazadzika. (Isaya 55:11) Hama Pierce vakaudza mamishinari matsva kuti: “Mune ropafadzo yokukudza Jehovha nomwoyo unoda. Jehovha ngaave nomumwe nomumwe wenyu kwose kwamuchange muchimushumira semamishinari.”

Pashure pokunge sachigaro, Hama Lett, vaverenga kwaziso dzakabva kuhofisi dzemapazi akasiyana-siyana eZvapupu zvaJehovha, vakapa vaipedza kudzidza vacho madhipuroma avo uye vakavaudza kwavaizoenda. Vernon Wisegarver, ava nenguva refu ari paBheteri, akamiririra vateereri mumunyengetero wokugumisa.

Vanhu 6 872 vaivapo vakanzwa kuti purogiramu iyi yakanga yamutsiridzazve kushingaira kwavo kuita kuda kwaMwari. (Pisarema 40:8) Andrew naAnna avo vaipedza kudzidza vakati: “Takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha. Takavimbisa Jehovha kuti tichaita zvose zvaanoda kuti tiite. Zvino Jehovha atikumbira kuti tiende kuCameroon, kuAfrica.” Vaviri ava uye dzimwe nhengo dzekirasi yacho vanoda kwazvo kuita basa richavagutsa uye richavapa mufaro. Chokwadi, vanofara kuita kuda kwaMwari.

[Bhokisi riri papeji 17]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 6

Nyika dzavakatumirwa: 20

Vadzidzi: 52

Avhareji yezera: 35,7

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 18,3

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 14,5

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kirasi Yechi120 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1)Wright, S.; Suárez, B.; Croisant, B.; Davenport, L. (2)Johnson, A.; Ali, C.; Cady, K.; Guerrero, P.; Ases, A. (3)Ortiz, L.; Lyall, K.; Uzeta, M.; Perez, R.; Backus, K.; Caterina, C. (4)Palmer, B.; Loving, D.; Macdonough, J.; Bostock, D.; Benetatos, L. (5)Jasicki, M.; Sarafianos, E.; Stelter, C.; Vaira, R.; Woon, J.; Prentice, K. (6)Davenport, H.; Croisant, H.; Perez, M.; Vaira, E.; Suárez, A.; Caterina, I.; Wright, C. (7)Cady, K.; Macdonough, J.; Ortiz, M.; Woon, J.; Ali, J.; Ases, M. (8)Sarafianos, G.; Lyall, D.; Uzeta, C.; Stelter, P.; Prentice, G.; Johnson, A.; Benetatos, C. (9)Palmer, J.; Jasicki, W.; Backus, J.; Bostock, S.; Guerrero, J. M.; Loving, S.