Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku, Sarudzai Kushumira Jehovha

Vechiduku, Sarudzai Kushumira Jehovha

Vechiduku, Sarudzai Kushumira Jehovha

“Zvisarudzirei nhasi wamuchashumira.”—JOSHUA 24:15.

1, 2. Marudzi api okubhabhatidza akaipa ave achiitwa muchiKristudhomu?

“REGAI [vana] vave vaKristu pavanenge vava kukwanisa kuziva Kristu.” Mumwe munyori anonzi Tertullian akanyora mashoko iwayo zana remakore rechipiri C.E. rava kunopera. Akanga achitsutsumwa nezvokubhabhatidzwa kwevacheche, tsika yakanga yakadzika midzi muchiKristu chakaramba kutenda chomuzuva rake. Asingabvumirani naTertullian uye neBhaibheri, Papa Augustine akati kubhabhatidzwa kunobvisa gwapa rechivi chepakutanga uye kuti vacheche vanofa vasina kubhabhatidzwa vanoenda kunopiswa kuhero. Pfungwa iyoyo yakasimudzira tsika yokubhabhatidza vana nokukurumidza sezvinobvira pashure pokunge vaberekwa.

2 Machechi echiKristudhomu anopindwa nevakawanda achiri kubhabhatidza vacheche vachangoberekwa. Uyezve, kubvira kare, rubhabhatidzo rwokumanikidzira rwe“vahedheni” vainge vakundwa rwaiitwa nevatongi nevatungamiriri vezvitendero vemarudzi ainzi ndeechiKristu. Asi kubhabhatidza vacheche uye kubhabhatidza vanhu vakuru zvokuvamanikidzira hakubvi muBhaibheri.

Nhasi Hakuna Anoberekwa Akazvitsaurira

3, 4. Chii chingabatsira vana vane vabereki vakazvitsaurira kuti vazvitsaurire nokuzvidira?

3 Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoona vana vaduku sevatsvene kunyange kana mumwe chete wevabereki vavo ari muKristu akatendeka. (1 VaKorinde 7:14) Izvozvo zvinoita kuti vana vakadaro vave vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira here? Aiwa. Zvisinei, vana vanorerwa nevabereki vakazvitsaurira kuna Jehovha vanodzidziswa zvingaita kuti naivowo vazvitsaurire kwaari nokuzvidira. Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Haiwa mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako, usasiya mutemo waamai vako. . . . Paunofamba-famba, uchakutungamirira; paunorara, uchakurinda; uye paunenge wamuka, uchava nehanya newe. Nokuti murayiro irambi, mutemo chiedza, uye kutsiura kwokuranga inzira youpenyu.”—Zvirevo 6:20-23.

4 Mazano evabereki vechiKristu anogona kudzivirira vechiduku, kana vachida kuatevedzera. Soromoni akatiwo: “Mwanakomana akachenjera ndiye anoita kuti baba vafare, asi mwanakomana benzi anoshungurudza amai vake.” “Haiwa iwe mwanakomana wangu, inzwa uve akachenjera, utungamirire mwoyo wako munzira.” (Zvirevo 10:1; 23:19) Chokwadi, kuti mubatsirwe nokudzidziswa kwamunoitwa nevabereki, imi vechiduku munofanira kubvuma kurayirwa, zano uye chirango nokuzvidira. Hamuberekwi makachenjera, asi munogona ‘kuva vakachenjera’ motevera “nzira youpenyu” nokuzvidira.

Kutungamirira Pfungwa Kudini?

5. Pauro akapa vana uye vanababa zano rei?

5 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nokuti izvi ndizvo zvakarurama: ‘Kudza baba vako naamai vako’; uyo uri murayiro wokutanga une chipikirwa chokuti: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’ Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”—VaEfeso 6:1-4.

6, 7. Chii chinorehwa nokurera vana mu“kutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha,” uye nei izvi zvisingarevi kuti vabereki vari kubatira vana vavo?

6 Vabereki vechiKristu vari kubatira vana vavo pavanovarera “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha” here? Aiwa. Ndiani angashora vabereki pamusana pokudzidzisa vana vavo zvavanofunga kuti zvakanaka uye kuti zvinobatsira mutsika? Vanhu vasingatendi kuti Mwari ariko havashorwi pavanodzidzisa vana vavo kuti Mwari haako. VaRoma Katurike vanonzwa kuti ibasa ravo kurera vana vavo vari muchitendero chechiKaturike, uye havamboshorwi nokuedza kwavanoita kuita izvozvo. Saizvozvowo, Zvapupu zvaJehovha hazvifaniri kupiwa mhosva zvichinzi zviri kumanikidza vana vazvo pazvinovarera kuti vave nemafungiro aJehovha pachokwadi chinokosha uye mitemo yetsika.

7 Maererano neTheological Dictionary of the New Testament, shoko rechiGiriki rekare rakashandurwa kuti “kutungamirira pfungwa” pana VaEfeso 6:4 rinotaura nezvo“kuedza kururamisa pfungwa, kururamisa zvinhu zvisina kururama, kuvandudza mafungiro ezvokunamata.” Zvakadini kana wechiduku akaramba kudzidziswa nevabereki pamusana pokuda kufanana nevezera rake, chido chokuita zvinoitwa nevoruzhinji? Ndivanaani vanganzi vari kumumanikidzira kuita zvinhu zvinokuvadza—vabereki kana kuti vezera rake? Kana vezera rake vari kumanikidzira wechiduku kuti ashandise zvinodhaka, anwe doro zvakanyanyisa, kana kuti aite mufambiro wounzenza, vabereki vanofanira kushorwa here nokuedza kwavanoita kugadzirisa mafungiro omwana wavo vomubatsira kuti aone migumisiro yomufambiro wakadaro une ngozi?

8. Chii chaibatanidzwa ‘pakuita kuti Timoti ave nechokwadi’?

8 Muapostora Pauro akanyorera murume wechiduku Timoti kuti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani uye kuti kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kuita kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso uchishandisa kutenda muna Kristu Jesu.” (2 Timoti 3:14, 15) Kubvira Timoti achiri muduku, amai naambuya vake vakanga vavakira zvakasimba kutenda kwake muna Mwari pazivo yeMagwaro Matsvene. (Mabasa 16:1; 2 Timoti 1:5) Gare gare, pavakazova vaKristu, havana kumanikidza Timoti kuti atende asi ‘vakamuita kuti ave nechokwadi’ nokumuudza zvinhu zvaiva nomusoro zvaibva pazivo yeMagwaro.

Jehovha Anokukumbira Kuti Usarudze

9. (a) Jehovha akakudza sei zvisikwa zvake, uye nechikonzero chei? (b) Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akashandisa sei rusununguko rwake rwokusarudza?

9 Jehovha aigona kudai akaita kuti zvisikwa zvake zvive marobhoti, akarongerwa kuita zvaanoda uye asingakwanisi kuzvisarudzira. Pane kudaro, akakudza zvisikwa zvake nokuzvipa rusununguko rwokusarudza. Mwari wedu anoda vanhu vanoita zvinhu nokuzvidira. Anofarira kuona zvisikwa zvake, vakuru nevaduku, vachimushumira nokuti vanomuda. Muenzaniso wakanaka chaizvo wokuda kuteerera zvinodiwa naMwari ndewoMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, nezvake Jehovha akati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:17) Uyu Mwanakomana wedangwe akati kuna Baba vake: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.”—Pisarema 40:8; VaHebheru 10:9, 10.

10. Chii chinodiwa pakushumira Jehovha nenzira yaanoda?

10 Jehovha anotarisira vaya vanomushumira vachitungamirirwa noMwanakomana wake kuti vateerere zvaAnoda. Achiprofita, munyori wepisarema akaimba kuti: “Vanhu vako vachazvipa nomwoyo unoda pazuva raunoenda neuto rako rehondo kunorwa. Mukubwinya kwoutsvene, kubva muchibereko chemambakwedza, une boka rako remajaya akaita semadonhwe edova.” (Pisarema 110:3) Kushanda kwesangano raJehovha rose, rokudenga nerepasi, kunobva pakuteerera norudo zvinodiwa naMwari.

11. Vechiduku vakarerwa nevabereki vakazvitsaurira vanogona kuzvisarudzira chii?

11 Saka imi vechiduku munofanira kunzwisisa kuti vabereki venyu kana kuti vakuru vechiKristu vari muungano havasi kuzokumanikidzai kuti mubhabhatidzwe. Imi ndimi munofanira kuva nechido chokushumira Jehovha. Joshua wekare akaudza vaIsraeri kuti: ‘Shumirai Jehovha musina mhosva uye muchokwadi. Zvisarudzirei nhasi wamuchashumira.’ (Joshua 24:14-22) Saizvozvowo, munofanira kuzvidira kuti musarudze kuzvitsaurira kuna Jehovha mozvipira kuita zvaanoda.

Bvuma Basa Rako

12. (a) Kunyange zvazvo vabereki vachigona kudzidzisa vana vavo, chii chavasingagoni kuvaitira? (b) Wechiduku anozvidavirira rini kuna Jehovha pane zvaanosarudza?

12 Nguva ichasvika imi vechiduku pamuchange musingachadzivirirwi nokutendeka kwevabereki venyu. (1 VaKorinde 7:14) Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana munhu achiziva kuita zvakarurama asi asingazviiti, iye ari kuita chivi.” (Jakobho 4:17) Vabereki havagoni kushumira Mwari vachiitira vana vavo uyewo vana havagoni kushumira Mwari vachiitira vabereki vavo. (Ezekieri 18:20) Makadzidza nezvaJehovha nezvinangwa zvake here? Makura zvokunzwisisa zvamakadzidza uye kutanga kuva noukama naye here? Saka hazvingavi nomusoro here kufunga kuti Mwari anoona kuti munokwanisa kusarudza kumushumira?

13. Vechiduku vasina kubhabhatidzwa vangaita zvakanaka kuzvibvunza mibvunzo ipi?

13 Uri wechiduku asina kubhabhatidzwa here ari kurerwa nevabereki vanonamata Mwari, anopinda misangano yechiKristu uye anotoparidzirawo mashoko akanaka oUmambo? Kana zvakadaro, zvibvunze nomwoyo wose kuti: ‘Nei ndiri kuita izvi? Ndinopinda misangano uye ndinoparidzira nokuti vabereki vangu vanonditarisira kuita izvozvo here kana kuti nokuti ndinoda kufadza Jehovha?’ Wakaona here kuti ndezvipi ‘zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana’?—VaRoma 12:2.

Nei Uri Kuverengera Kubhabhatidzwa?

14. Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inoratidza kuti kubhabhatidzwa hakufaniri kunyanya kuverengerwa?

14 “Chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?” Murume wokuItiopiya akabvunza Firipi muevhangeri mubvunzo iwoyo akanga achangobva kudzidza kuti Jesu aiva Mesiya. Asi muItiopiya wacho aiziva Magwaro zvakakwana zvokuti akaziva kuti aisafanira kunonoka kuratidza pachena kuti kubvira ipapo, aizoshumira Jehovha senhengo yeungano yechiKristu, uye izvozvo zvakaita kuti afare zvikuru. (Mabasa 8:26-39) Saizvozvowo, mumwe mukadzi ainzi Ridhiya, aiva nemwoyo ‘wakanyatsovhurwa kuti ateerere zvinhu zvakanga zvichitaurwa naPauro,’ akabva “abhabhatidzwa,” iye neveimba yake. (Mabasa 16:14, 15) Uyewo, murindi wejeri wokuFiripi akateerera Pauro naSirasi pa“vakamutaurira shoko raJehovha,” uye “iye nevokwake vakabhabhatidzwa pakarepo.” (Mabasa 16:25-34) Saka, kana uine zivo inokosha pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake, uchida nomwoyo wose kuita zvaanoda, uine mukurumbira wakanaka muungano,uchipinda misangano uye kuparidzirawo mashoko akanaka oUmambo nokutendeka, nei ungaverengera kubhabhatidzwa?—Mateu 28:19, 20.

15, 16. (a) Kufunga kupi kusina kururama kungatadzisa vamwe vechiduku kubhabhatidzwa? (b) Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kungadzivirira sei vechiduku?

15 Kungava kuti unozeza here kutora danho iri rinokosha uchityira kuti unozozvidavirira kana ukapinda mumufambiro wakaipa? Kana zvakadaro, funga izvi: Waizoramba kutora chitupa chokutyaira nemhaka yokungoti unotya kuti rimwe zuva ungaita tsaona here? Aiwa! Saka haufaniriwo kuzeza kubhabhatidzwa kana uchikodzera. Zvechokwadi, uchatokurudzirwa zvikuru kuti uedze nepaunogona napo kurega kuita zvinhu zvakaipa kana wakatsaurira upenyu hwako kuna Jehovha uye wakabvuma kuita zvaanoda. (VaFiripi 4:13) Tapota vechiduku, musafungidzira kuti nokuverengera kubhabhatidzwa, hamuzozvidaviriri. Pamuchazosvika zera rokuzvidavirira, muchazvidavirira kuna Jehovha pane zvamunoita, mungave makabhabhatidzwa kana kuti musina.—VaRoma 14:11, 12.

16 Zvapupu zvakawanda pasi pose zvinofunga kuti kusarudza kwazvakaita kubhabhatidzwa zvichiri zviduku kwakazvibatsira zvikuru. Somuenzaniso, funga nezvechimwe Chapupu chine makore 23 chokuWestern Europe. Anoyeuka kuti kubhabhatidzwa kwaakaita aine makore 13 kwakaita kuti angwaririre kusakurirwa no“kuchiva kwouduku.” (2 Timoti 2:22) Paaiva muduku, akasarudza kuva mushumiri wenguva yakazara. Nhasi, ari kushanda achifara pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Zvikomborero zvakawanda zvakamirira vechiduku vose vanosarudza kushumira Jehovha, kusanganisira iwe.

17. Muzvinhu zvipi mazvakafanira kuti tirambe tichinzwisisa kuti “zvinodiwa naJehovha ndezvipi”?

17 Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa ndiko kutanga kwoupenyu hwokufungisisa zvinodiwa naJehovha mune zvose zvatinoita. Kuti tizadzise kuzvitsaurira kwedu zvinoda kuti ‘titenge nguva.’ Tinoitenga sei? Nokushandisa nguva yatingave tichiita zvinhu zvisina basa toitsaurira pakudzidza Bhaibheri zvakasimba, kupinda misangano nguva dzose, uye kuparidza zvizere “mashoko akanaka oumambo” nepatinogona napo. (VaEfeso 5:15, 16; Mateu 24:14) Kuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha uye chido chedu chokuita zvaanoda zvichatibatsira muupenyu hwedu hwose, kusanganisira mashandisiro atinoita nguva yedu yokuzorora, tsika dzedu dzokudya nokunwa, uye rudzi rwemimhanzi yatinoteerera. Wadii kusarudza kuzorora kuchakunakidza nokusingagumi? Zviuru zvakawanda zveZvapupu zvechiduku zvinofara zvichakuudza kuti pane nzira dzakawanda dzinogamuchirika dzokufara asi usingapfuuri muganhu we“zvinodiwa naJehovha.”—VaEfeso 5:17-19.

“Tichaenda Nemi”

18. Vechiduku vanofanira kuzvibvunza mubvunzo upi?

18 Kubvira muna 1513 B.C.E. kusvikira paPendekosti ya33 C.E., Jehovha akanga aine vanhu vakarongeka pasi pano vaakanga asarudza kuti vamunamate uye kuti vave zvapupu zvake. (Isaya 43:12) VaIsraeri vechiduku vakaberekerwa murudzi irworwo. Kubvira paPendekosti, Jehovha ane “rudzi” rutsva pasi pano, Israeri womudzimu, “vanhu vezita rake.” (1 Petro 2:9, 10; Mabasa 15:14; VaGaratiya 6:16) Muapostora Pauro anotaura kuti Kristu akazvichenesera “vanhu vake, vanoshingairira mabasa akanaka.” (Tito 2:14) Imi vechiduku makasununguka kuzvisarudzira kuti vanhu ivavo vanowanikwa kupi. Nhasi ndivanaani vanoumba “rudzi rwakarurama ruri kuramba ruchifamba rwakatendeka,” runorarama maererano nezvinodiwa neBhaibheri, runoshanda seZvapupu zvakatendeka zvaJehovha, uye runozivisa Umambo hwake kuti ndiyo tariro bedzi yevanhu? (Isaya 26:2-4) Tarirai zvinoitwa mumachechi echiKristudhomu uye mune zvimwe zvitendero, moenzanisa mufambiro wavo nezvinodiwa neBhaibheri kuvashumiri vaMwari vechokwadi.

19. Mamiriyoni evanhu pasi pose ane chokwadi chei?

19 Mamiriyoni evanhu pasi pose, kusanganisira vechiduku vakawanda, vane chokwadi chokuti vasara vakazodzwa veZvapupu zvaJehovha ndivo vanoumba “rudzi rwakarurama” irworwo. Vanoti kuvaIsraeri ivavo vomudzimu: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.” (Zekariya 8:23) Chokwadi tinotarisira uye tinonyengeterera kuti imi vechiduku muchasarudza kuva pakati pevanhu vaMwari ‘mosarudza upenyu’—upenyu husingaperi munyika itsva yaJehovha.—Dheuteronomio 30:15-20; 2 Petro 3:11-13.

Kudzokorora

• Chii chinorehwa nokutungamirira pfungwa?

• Kushumira kwakadini kunodiwa naJehovha?

• Vechiduku vose vakarerwa nevabereki vakazvitsaurira vanogona kusarudza chii?

• Nei kubhabhatidzwa kusingafaniri kunyanya kuverengerwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 26]

Uchateerera ani?

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa zvingakudzivirira sei?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Chii chinokutadzisa kubhabhatidzwa?