Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anonunura Anotambudzika

Jehovha Anonunura Anotambudzika

Jehovha Anonunura Anotambudzika

“Matambudziko omunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ose.”—PISAREMA 34:19.

1, 2. Mumwe muKristu akatendeka akasangana nedambudziko ripi, uye nei tingava nemanzwiro akafanana?

MUMWE mukadzi wechiduku anonzi Keiko * ave ari mumwe weZvapupu zvaJehovha kwemakore anodarika 20. Akashumira sapiyona wenguva dzose, kana kuti muzivisi woUmambo wenguva yakazara kwenguva yakati. Aikoshesa chaizvo ropafadzo iyi. Zvisinei, isiri nguva refu yapfuura, Keiko akakundwa nokusava netariro uye kuva oga. “Chandaigona kuita chete kwaiva kuchema,” anodaro. Kuti akunde mafungiro ake akanga asina kunaka, Keiko akatsaura nguva yakawanda yokudzidza ari oga. “Kunyange zvakadaro handina kugona kuchinja mafungiro angu,” anodaro. “Ndakasvika pakuti dai ndafa zvangu.”

2 Wakambonetseka here nepfungwa dzakadai dzokuora mwoyo? Zvauri mumwe weZvapupu zvaJehovha, une zvikonzero zvakawanda zvokuti ufare nokuti kuzvipira kuna Mwari “kunobatsira muzvinhu zvose, zvakuine chipikirwa choupenyu huno nohuya huchauya.” (1 Timoti 4:8) Iye zvino chaiye uri muparadhiso yezvokunamata! Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti unodzivirirwa pakutambura kwose? Kwete! Bhaibheri rinoti: “Matambudziko omunhu akarurama mazhinji.” (Pisarema 34:19) Izvi hazvishamisi nokuti “nyika yose iri musimba reakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Pamwero wakati, tose zvedu tinosangana nemigumisiro yokutonga kwaSatani.—VaEfeso 6:12.

Migumisiro Yokutambura

3. Taura mienzaniso yomuBhaibheri yevashumiri vaMwari vakamboora mwoyo kwazvo.

3 Kuora mwoyo kwenguva refu kunogona kutivhiringidza zvachose. (Zvirevo 15:15) Chimbofunga nezvomurume akarurama Jobho. Ari pakati chaipo pedambudziko rakanga rakaipisisa, Jobho akati: “Munhu, akaberekwa nomukadzi, anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa.” (Jobho 14:1) Mufaro waJobho wakanga watsakatika. Kwenguva yakati, akatombofunga kuti Jehovha akanga amusiya. (Jobho 29:1-5) Jobho haasi oga mushumiri waMwari akatambura zvikuru. Bhaibheri rinotiudza nezvaHana kuti akanga aine “mweya waishungurudzika” nokuti akanga asina mwana. (1 Samueri 1:9-11) Arwadziwa nemhaka yemamiriro ezvinhu emhuri yake, Ribheka akati: “Ndava kusema upenyu hwangu.” (Genesisi 27:46) Paaifunga nezvezvaakanga akanganisa, Dhavhidhi akati: “Zuva rose ndinofamba-famba ndakasuruvara.” (Pisarema 38:6) Mienzaniso mishoma iyi inoratidza zvakajeka kuti varume nevakadzi vaitya Mwari, chiKristu chisati chavapo vakambovawo nenguva yavaiora mwoyo kwazvo.

4. Nei zvisingashamisi kuti kune “mweya yakaora mwoyo” pakati pevaKristu nhasi?

4 Zvakadini nevaKristu? Muapostora Pauro akawana zvakakodzera kuudza vaTesaronika kuti ‘taurai zvinonyaradza nemweya yakaora mwoyo.’ (1 VaTesaronika 5:14) Rimwe bhuku rinotaura kuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “mweya yakaora mwoyo” rinogona kureva vaya “vanokundwa kwenguva pfupi nezvinonetsa muupenyu.” Mashoko aPauro anoratidza kuti vamwe vakazodzwa nomudzimu vaiva muungano yaiva kuTesaronika vakanga vakaora mwoyo. Nhasi pavaKristu panewo mweya yakaora mwoyo. Asi nei vakaora mwoyo? Ngatimbokurukura zvikonzero zvitatu zvinozivikanwa.

Kusakwana Kwedu Kunogona Kutitambudza

5, 6. Mashoko api anonyaradza atinogona kuwana kubva pana VaRoma 7:22-25?

5 Kusiyana nevanhu vakaipa ‘vasisina kana nepfungwa yose,’ vaKristu vechokwadi vanorwadziwa nemhaka yokusakwana kwavo. (VaEfeso 4:19) Vanganzwa sezvakaita Pauro akanyora kuti: “Ndinofarira mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri nechomukati, asi ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.” Pauro akabva atizve: “Ndiri munhu wenhamo!”—VaRoma 7:22-24.

6 Wakambonzwawo sezvakaita Pauro here? Hazvina kuipa kuti unyatsoziva kusakwana kwako, nokuti zvinogona kuita kuti uone kuipa kwechivi uye zvingasimbisa kutsunga kwako kuti urege zvakaipa. Asi haufaniri hako kuramba wakangosuruvara pamusana pezvaunokanganisa. Pamashoko ake okuora mwoyo achangobva kutaurwa, Pauro akawedzera kuti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaRoma 7:25) Chokwadi, Pauro aiva nechivimbo chokuti ropa rakateurwa raJesu raigona kumudzikinura kubva muchivi chaakagara nhaka.—VaRoma 5:18.

7. Chii chingabatsira munhu kuti asaodzwa mwoyo nokunzwa achida kuita zvivi?

7 Kana ukanzwa uchikundwa nokusakwana kwako, nyaradzwa nemashoko omuapostora Johani, akanyora kuti: “Kana munhu akatadza, tine mubatsiri ari kuna Baba, iye Jesu Kristu, akarurama. Iye chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu, kwete zvedu chete asiwo zvenyika yose.” (1 Johani 2:1, 2) Kana wakaora mwoyo nokunzwa uchida kuita zvivi, gara uchiyeuka kuti Jesu akafira vatadzi kwete vanhu vakakwana. Chokwadi, “vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.

8, 9. Nei tichifanira kubvisa pfungwa dzokuzvipa mhosva?

8 Zvisinei, ngatitii wakatadza zvakakomba kare. Hapana mubvunzo kuti wakanyengetera kuna Jehovha nokuda kwenyaya yacho, zvichida kazhinji. Wakabatsirwa nevakuru vechiKristu. (Jakobho 5:14, 15) Wakapfidza zvepachokwadi ndokuramba uri muungano. Kana kuti zvichida wakambosiya sangano raMwari, asi wakazopfidza ndokuvazve nezita rakanaka. Chero zvazvingava, ungafunga nezvechivi chawakaita kare uye ungatambudzika. Kana izvozvo zvikaitika, yeuka kuti Jehovha anokanganwira “zvikuru” vanopfidza zvepachokwadi. (Isaya 55:7) Uyezve, haadi kuti unzwe uine mhosva usina tariro. Satani anoda kuti unzwe saizvozvo. (2 VaKorinde 2:7, 10, 11) Dhiyabhorosi achaparadzwa nokuti akakodzera kuparadzwa, asi anoda kuti unzwe sokuti wakakodzera kuwana mutongo wakafanana nowake. (Zvakazarurwa 20:10) Usarega Satani achibudirira pazano rake rokuparadza kutenda kwako. (VaEfeso 6:11) Asi, ‘murwise’ munyaya iyi, sezvaunongoita mune zvimwe.—1 Petro 5:9.

9 Pana Zvakazarurwa 12:10, Satani anonzi “anopomera hama dzedu”—vaKristu vakazodzwa. “Anodzipomera masikati nousiku” pamberi paMwari. Kufungisisa nezvendima iyi kungakubatsira kuti uone kuti Satani, mupomeri wenhema, angafara kana ukazvipomera uye ukazvipa mhosva, kunyange zvazvo Jehovha asingadaro. (1 Johani 3:19-22) Nei uchifanira kuramba uchirwadziwa nezvikanganiso zvako zvokusvika pakuda kukanda mapfumo pasi? Usarega Satani achiparadza ukama hwako naMwari. Usarega Dhiyabhorosi achiita kuti usaone chokwadi chokuti Jehovha ane “ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo.”—Eksodho 34:6.

Zvinotitadzisa Kuita Zvimwe Zvinhu Zvinogona Kutiodza Mwoyo

10. Zvinotitadzisa kuita zvimwe zvinhu zvingatiodza mwoyo munzirai?

10 Vamwe vaKristu vanoodzwa mwoyo pamusana pokuti vanokanganiswa nezvimwe zvinhu zvinovatadzisa kuita basa raMwari. Unazvowo here? Zvichida chirwere chakakomba, kukwegura, kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu anokutadzisa kupa nguva yakawanda muushumiri sezvawaiita kare. Ichokwadi kuti vaKristu vanokurudzirwa kutenga nguva yokuitira Mwari basa. (VaEfeso 5:15, 16) Asi zvakadini kana paine zvinhu chaizvo zvinokutadzisa kuita zvakawanda muushumiri uye zvichikuodza mwoyo?

11. Zano raPauro rakanyorwa pana VaGaratiya 6:4 ringatibatsira sei?

11 Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisave nousimbe asi kuti tive “vatevedzeri vevaya vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.” (VaHebheru 6:12) Tinogona kuita izvi bedzi kana tikaongorora muenzaniso wavo wakanaka zvikuru uye tikaedza kutevedzera kutenda kwavo. Zvisinei, hatizobatsiriki kana tikazvienzanisa nevamwe zvisiri izvo uye tikaguma tati zvatinoita hazvina kunyatsokwana. Saka tinoita zvakanaka kushandisa zano raPauro rinoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

12. Nei tingafara nokuda kwebasa ratinoitira Jehovha?

12 VaKristu vane chikonzero chakanaka chokufara, kunyange vachitadziswa kuita zvakawanda nezvinetso zvakakomba zvoutano. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Kungava kuti mamiriro ezvinhu ausingakwanisi kudzora akaita kuti zvikuomere kuramba uchiita basa serawaiita kare. Zvisinei, uchibatsirwa naJehovha ungakwanisa kuita zvakawanda mune humwe ushumiri hwechiKristu, hwakadai sokupupurira norunhare nokunyora tsamba. Unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha Mwari achakukomborera nokuda kwebasa raunenge uchimuitira nomwoyo wose uye rudo rwaunomuratidza uye rwaunoratidza vamwe vanhu.—Mateu 22:36-40.

“Nguva Dzinonetsa” Dzinogona Kutiodza Mwoyo

13, 14. (a) “Nguva dzinonetsa” idzi dzingatitambudza munzirai? (b) Kushayikwa kworudo rukuru rwokuzvarwa narwo kuri kuoneka sei nhasi?

13 Kunyange zvazvo tichitarisira kurarama munyika itsva yaMwari yakarurama, iye zvino tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Tinonyaradzwa nokuziva kuti zvinhu zvinotitambudza zviri kuratidza kuti tava pedyo nokununurwa. Kunyange zvakadaro, tinovhiringidzwawo nezvinhu zviri kuitika mukurarama kwedu. Somuenzaniso, zvakadini kana usiri kushanda? Mabasa angave ari mashoma, uye mwedzi zvainopfuura, ungashamisika kana Jehovha achiona dambudziko rako kana kuti achinzwa minyengetero yako. Kana kuti zvichida wakabatwa norusarura kana kuti hauna kururamisirwa mune zvimwewo zvinhu. Kunyange kungoverenga misoro yemapepanhau kwoga kungaita kuti unzwe sezvakaita murume akarurama Roti, uyo akanga “achitambudzika kwazvo” (“achiodzwa mwoyo,” Young’s Literal Translation of the Holy Bible) nokusazvibata kwevaya vaairarama navo.—2 Petro 2:7.

14 Pane chimwe chinhu chiri kuitika mumazuva okupedzisira chatisingagoni kurerutsa. Bhaibheri rakafanotaura kuti vakawanda vaizova “vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:3) Rudo rwokuzvarwa narwo chokwadi ruri kushayika chaizvo mumhuri dzakawanda. Kutaura zvazviri, bhuku rinonzi Family Violence rinoti, “uchapupu hunoratidza kuti vanhu vangangourayiwa, kurohwa, kana kuti kubatwa zvisina kufanira mupfungwa kana kuti mune zvepabonde nevamwe vomumhuri yavo kudarika zvavangaitwa nevamwe vanhu. Nzvimbo iyo vanhu vanofanira kunge vachidiwa uye vachinzwa vakachengeteka yazova nzvimbo ine ngozi zvikuru kupfuura dzimwe dzose nokuda kwevanhu vakura uye vana.” Vaya vanenge vakakurira mumusha usina kunaka vangazvidya mwoyo uye vangaora mwoyo pano neapo mumakore anozotevera. Zvakadini kana izvi zvichiitika kwauri?

15. Rudo rwaJehovha runopfuura sei nokure rwevanhu chero vapi nevapi zvavo?

15 Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” (Pisarema 27:10) Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti rudo rwaJehovha runopfuura rwevabereki chero vapi nevapi zvavo! Kunyange zvazvo kurambwa, kubatwa zvisina kufanira kana kuti kusiyiwa kwaungaitwa nomubereki kungarwadza, hakuna zvakunoita pakudiwa kwaunoitwa naJehovha. (VaRoma 8:38, 39) Yeuka kuti Mwari anoita kuti vaya vaanoda vauye kwaari. (Johani 3:16; 6:44) Pasinei nokuti wakabatwa sei nevanhu, unodiwa naBaba vako vokudenga!

Matanho Anoshanda Anoderedza Kusafara

16, 17. Kana munhu achinzwa asingafari, angaitei kuti arambe akasimba pakunamata?

16 Unogona kutora matanho anoshanda okuti ukunde kusafara. Somuenzaniso, tevedzera purogiramu inokurudzira yemabasa echiKristu. Fungisisa Shoko raMwari, zvikurukuru kana zvichiita sokunge wava kukundwa nokuora mwoyo. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Pandakati: ‘Chokwadi tsoka yangu ichadzedzereka,’ mutsa wenyu worudo, haiwa Jehovha, wakaramba uchinditsigira. Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.’ (Pisarema 94:18, 19) Kuverenga Bhaibheri nguva dzose kuchabatsira kuti uzadze pfungwa dzako nemashoko anonyaradza nepfungwa dzinokurudzira.

17 Munyengetero unokoshawo. Kunyange kana usinganyatsokwanisi kutaura zviri kutsi kwomwoyo wako, Jehovha anoziva zvaunenge uchiedza kutaura. (VaRoma 8:26, 27) Munyori wepisarema akapa vimbiso iyi inoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”—Pisarema 55:22.

18. Matanho api anoshanda angatorwa nomunhu akaora mwoyo?

18 Vamwe vanoora mwoyo zvokuti vanenge vachitoda kurapwa. * Kana uine dambudziko iri, edza kugara uchifunga nezvenyika itsva yaMwari uye nguva ichange isisina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Kana uchinzwa wakaora mwoyo kwazvo kudarika zviya zvinomboitika apo neapo, kungava kuchenjera kutsvaka rubatsiro kuna vanachiremba. (Mateu 9:12) Zvinokoshawo kuti utarisire muviri wako. Zvokudya zvinovaka uye kurovedza muviri kungabatsira. Iva nechokwadi chokuti uri kuzorora zvakakwana. Usanonoka kurara uchiona terevhizheni, uye siyana nezvinhu zvokunyevenutsa muviri zvinokusiya waneta mumuviri nomupfungwa. Kupfuura zvose, ramba uchiita mabasa aMwari! Kunyange zvazvo isati yava nguva yokuti Jehovha ‘apukute misodzi yose,’ achakubatsira kutsungirira.—Zvakazarurwa 21:4; 1 VaKorinde 10:13.

Kurarama “Pasi Poruoko rwaMwari Rune Simba”

19. Jehovha anovimbisei vaya vari kutambura?

19 Bhaibheri rinotivimbisa kuti kunyange zvazvo matambudziko omunhu akarurama akawanda, “Jehovha anomununura maari ose.” (Pisarema 34:19) Mwari anozviita sei? Muapostora Pauro paakanyengetera anyengeterazve kuti anunurwe pa“munzwa munyama,” Jehovha akamuudza kuti: “Simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” (2 VaKorinde 12:7-9) Jehovha akavimbisei Pauro, uye anokuvimbiseiwo? Haakuvimbisi kuti achakurapa iye zvino, asi kuti achakupa simba rokutsungirira.

20. Pasinei nemiedzo yedu, 1 Petro 5:6, 7 inotivimbisa chii?

20 Muapostora Petro akanyora kuti: “Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti iye akukwidziridzei munguva yakakodzera; muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.” (1 Petro 5:6, 7) Nokuti Jehovha ane hanya newe, haazombokusiyi. Achakutsigira pasinei nemiedzo yaunosangana nayo. Ziva kuti vaKristu vakatendeka vari “pasi poruoko rwaMwari rune simba.” Sezvatinoshumira Jehovha, anotipa simba rokutsungirira. Kana takatendeka kwaari, hapana chinogona kutikuvadza zvechigarire mune zvokunamata. Saka, ngatirambe takavimbika kuna Jehovha kuitira kuti tiwane upenyu husingaperi munyika yake itsva yaakapikira uye zvechokwadi kuti tione zuva raachange anunura zvachose munhu anotambura!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Zita rakachinjwa.

^ ndima 18 Kuora mwoyo uku kunoda kurapwa ndokuya kwokuti kusuruvara kwacho kunenge kwakanyanyisa uye kuchingoenderera. Kana uchida mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1988, mapeji 25-9; November 15, 1988, mapeji 21-4; uye yaSeptember 1, 1996, mapeji 30-1.

Unoyeuka Here?

• Nei kutambura kuchivhiringidza kunyange vashumiri vaJehovha?

• Ndezvipi zvimwe zvinhu zvingaita kuti vamwe vanhu vaMwari vanzwe vasingafari?

• Jehovha anotibatsira sei kuti tikunde zvinhu zvinoita kuti tizvidye mwoyo?

• Tiri “pasi poruoko rwaMwari rune simba” munzirai?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 25]

Pasinei nemiedzo, vanhu vaJehovha vane chikonzero chokufara

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kupupurira norunhare ndeimwe nzira yokushumira Jehovha nomwoyo wose