Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Musagunun’una’

‘Musagunun’una’

‘Musagunun’una’

“Rambai muchiita zvinhu zvose musingagunun’uni.”—VAFIRIPI 2:14.

1, 2. Muapostora Pauro akapa zano rokutii kuvaKristu vaiva muFiripi nomuKorinde, uye nei?

MUTSAMBA yake yaakanyora afuridzirwa naMwari yaienda kuungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga yaiva muFiripi, muapostora Pauro akataura mashoko akawanda okurumbidza. Akarumbidza vaainamata navo vomuguta iroro nokuti vaiva norupo uye vaishingaira, uye akaratidza kufara pamusana pemabasa avo akanaka. Kunyange zvakadaro, Pauro akavayeuchidza kuti ‘varambe vachiita zvinhu zvose vasingagunun’uni.’ (VaFiripi 2:14) Nei muapostora wacho akapa zano iri?

2 Pauro aiziva zvaigona kukonzerwa nokugunun’una. Makore mashomanana akanga apfuura, aiva ayeuchidza ungano yaiva muKorinde kuti kugunun’una kunogona kuva nengozi. Pauro akataura kuti vaIsraeri pavaiva murenje, vakanga vatsamwisa Jehovha kakawanda. Sei? Nokuda zvinhu zvinokuvadza, nokunamata zvifananidzo uye kuita ufeve, nokuedza Jehovha, uye nokugunun’una. Pauro akakurudzira vaKorinde kuti vadzidze kubva pamienzaniso iyi. Akanyora kuti: “Regaiwo kuva vagunun’uni, sevamwe vavo vakagunun’una, vakazongoparadzwa nomuparadzi.”—1 VaKorinde 10:6-11.

3. Nei nyaya yokugunun’una ichikosha nhasi?

3 Zvatiri vashumiri vaJehovha vemazuva ano, tiri kungoitawo zvaiita ungano yomuFiripi. Tinoshingairira mabasa akaisvonaka, uye tine rudo pakati pedu. (Johani 13:34, 35) Zvisinei, tichifunga nezvokuti kugunun’una kwakakuvadza vanhu vaMwari kare, tine chikonzero chakanaka chokuteerera zano iri rinoti: “Rambai muchiita zvinhu zvose musingagunun’uni.” Ngatitangei takurukura mienzaniso yevanhu vakagunun’una inotaurwa muMagwaro. Zvadaro tichakurukura zvimwe zvinhu zvatinofanira kuita kuitira kuti kugunun’una kusatikuvadza nhasi.

Ungano Yakaipa Inogunun’unira Jehovha

4. VaIsraeri vakagunun’una sei murenje?

4 Shoko rechiHebheru rinoreva kuti ‘kugunun’una, kunyunyuta, kana kuti kupopota’ rinoshandiswa muBhaibheri nokuda kwezvaiitika munguva iya vaIsraeri pavaiva murenje kwemakore 40. Nguva nenguva, vaIsraeri vaisagutsikana noupenyu hwavo uye vairatidza izvi nokugunun’una. Somuenzaniso, mavhiki mashomanana bedzi pashure pokunge vanunurwa muuranda muIjipiti, “ungano yose yevanakomana vaIsraeri yakatanga kugunun’unira Mosesi naAroni.” VaIsraeri vakanyunyuta pamusana pezvokudya, vachiti: “Kudai takanga taurayirwa hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, patainge tigere pedyo nehari dzenyama, patainge tichidya zvokudya tichiguta, nokuti makatibudisa mukatipinza murenje rino kuti muuraye ungano yose iyi nenzara.”—Eksodho 16:1-3.

5. VaIsraeri pavakanyunyuta, ndiani chaiye wavaigunun’unira?

5 Chaizvoizvo, Jehovha akapa vaIsraeri zvinhu zvavaida pavaiva murenje, achivapa norudo zvokudya nemvura. Pakanga pasina kana nenjodzi zvayo yokuti vanhu vaIsraeri vaizofa nenzara murenje. Zvisinei, vasingagutsikani vakaita kuti dambudziko ravo riite serakanga riri guru zvikuru ndokutanga kugunun’una. Kunyange zvazvo vaigunu’unira Mosesi naAroni, mukuona kwaJehovha wavaigunun’nira chaiye aiva Mwari. Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Jehovha anzwa kumugunun’unira kwamuri kuita. Isu tiri chii? Hamusi kugunun’unira isu, asi Jehovha.”—Eksodho 16:4-8.

6, 7. Sezvinoratidzwa pana Numeri 14:1-3, mafungiro evaIsraeri akanga achinja sei?

6 Isiri nguva refu vadaro, vaIsraeri vakagunun’una zvakare. Mosesi akatuma varume 12 kuti vanosora Nyika Yakapikirwa. Gumi vacho vakadzoka nemashoko akaipa. Zvakaguma nei? “Vanakomana vaIsraeri vose vakatanga kugunun’unira Mosesi naAroni, ungano yose ikatanga kuti kwavari: ‘Dai takanga tafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takanga tafira hedu murenje rino! Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi [yeKenani] kuti tiurayiwe nebakatwa? Madzimai edu nevana vedu vachapambwa. Hazvisi nani here kuti tidzokere hedu kuIjipiti?’”—Numeri 14:1-3.

7 Inga mafungiro evaIsraeri akanga achinja chaizvo! Pakutanga, vakanga vamboimba nziyo dzokurumbidza Jehovha vachiratidza kuonga kuti akanga avabudisa muIjipiti uye avanunura paGungwa Dzvuku. (Eksodho 15:1-21) Zvisinei, vava murenje makanga musina upenyu hwakanyatsonaka uye vachitya vaKenani, kuonga kwaimboita vanhu vaMwari kwakatsiviwa nepfungwa yokusagutsikana. Pane kuti vaonge Mwari kuti akanga avasunungura, vakamupomera pamusoro pezvinhu zvavakaona zvisina kururama sokunyimwa. Saka kugunun’una kwaiva chiratidzo chokusaonga zvakakodzera zvinhu zvavaipiwa naJehovha. Ndokusaka akati: “Ungano iyi yakaipa icharamba ichindigunun’unira kusvikira rini?”—Numeri 14:27; 21:5.

Kugunun’una Muzana Remakore Rokutanga

8, 9. Taura mienzaniso yokugunun’una yakanyorwa muMagwaro echiKristu echiGiriki.

8 Kutaura zvazviri, mienzaniso yataurwa yokugunun’una yaisanganisira mapoka evanhu vaitaura kusagutsikana kwavo paruzhinji. Zvisinei, Jesu Kristu paakanga ari muJerusarema paMutambo weMatumba muna 32 C.E., “kwakanga kuine kuzevezera kuzhinji pamusoro pake pakati pemapoka evanhu.” (Johani 7:12, 13, 32) Vaiita zevezeve nezvake, vamwe vachiti aiva munhu akanaka, vamwe vachiti akanga asiri munhu akanaka.

9 Pane imwe nguva, Jesu nevadzidzi vake vaiva vaenzi pamusha waRevhi, kana kuti Mateu, muteresi. “VaFarisi nevanyori vavo vakatanga kugunun’unira vadzidzi vake, vachiti: ‘Nei muchidya nokunwa nevateresi nevatadzi?’” (Ruka 5:27-30) Pane imwe nguva muGarireya, “vaJudha vakatanga kumugunun’unira [Jesu] nokuti akati: ‘Ndini chingwa chakaburuka chichibva kudenga.’” Kunyange vamwe vevateveri vaJesu vakagumburwa nezvaakataura ndokutanga kugunun’una.—Johani 6:41, 60, 61.

10, 11. Nei vaJudha vaitaura chiGiriki vakagunun’una, uye vakuru vechiKristu vanogona sei kubatsirika pane zvakaitwa nevaapostora nezvokugunun’una kwakaitwa?

10 Kugunun’una kwakaitika nguva pfupi pashure pePendekosti ya33 C.E. kwakaguma nezvakanaka chaizvo. Vadzidzi vakawanda vakanga vachangotendeuka vakanga vasiri vomunyika yeIsraeri vakanga vagamuchirwa nevamwe vavainamata navo muJudhiya, asi pakava nezvinetso zvaiva nechokuita nokugovana zvokudya zvaivapo. Nhoroondo yacho inoti: “VaJudha vaitaura chiGiriki vakagunun’unira vaJudha vaitaura chiHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzakanga dzichidarikwa pakugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva.”—Mabasa 6:1.

11 Vanhu ava vaigunun’una vakanga vakasiyana nevaIsraeri vomurenje. VaJudha vaitaura chiGiriki havana kuratidza nenzira youdyire kusagutsikana kwavo nezvinhu zvavaiva nazvo muupenyu. Vakaita kuti zvioneke kuti dzimwe chirikadzi dzakanga dzisiri kutarisirwa. Uyezve, vaigunun’una vacho havana kuita sevanhu vaya vanongoda kunetsa uye vachibva vanyunyutira Jehovha zvakananga. Vakanyunyutira vaapostora, avo vakaronga kuti nyaya yacho ikurumidze kugadziriswa nokuti zvavainyunyutira zvaiva zvakarurama. Chokwadi vaapostora vakasiya muenzaniso wakanaka chaizvo nokuda kwevakuru vechiKristu nhasi! Vafudzi ava mune zvokunamata vanongwarira kuti ‘vasavhara nzeve dzavo kuti varege kunzwa kuchema kwokunyunyuta kweakaderera.’—Zvirevo 21:13; Mabasa 6:2-6.

Ngwarira Kuparadza Kunoita Kugunun’una

12, 13. (a) Enzanisira kukuvadza kunoita kugunun’una. (b) Chii chingaita kuti munhu agunun’une?

12 Mienzaniso yakawanda yomuMagwaro yatakurukura inoratidza kuti kugunun’una kwakakuvadza kwazvo vanhu vaMwari kare. Saka, zvakanaka kuti tifungisise nezvokuparadza kwakungaita nhasi. Muenzaniso ungabatsira kuti tione kuti kunoparadza. Mhando dzakawanda dzesimbi dzinowanzoita ngura. Kana zviratidzo zvokutanga zvengura zvikasiyiwa, simbi yacho inogona kuita ngura zvokuti haizoshandisiki. Motokari dzisingaverengeki dzinozorega kufamba mumigwagwa kwete nokuti hadzichashandi, asi nokuti marata adzo anenge ava nengura zvikuru zvokuti dzinenge dzisisina kukotsekana. Tingashandisa sei muenzaniso uyu pakugunun’una?

13 Sezvinongoitawo dzimwe simbi dzinoita ngura, vanhu vasina kukwana vane tsika yokunyunyuta. Tinofanira kungwarira kuti tione chiratidzo chipi nechipi chokuda kuita izvi. Mhepo ine unyoro nemunyu wakawanda zvazvinoita kuti ngura iwedzere, dambudziko rinoita kuti tide chaizvo kugunun’una. Kunetseka mupfungwa kunogona kuita kuti kushatirwa kuduku kuve kugunun’una zvikuru. Sezvo mamiriro ezvinhu omumazuva ano okupedzisira ari kuramba achiipa, zvingakonzera kunyunyuta zvingangowedzera. (2 Timoti 3:1-5) Nemhaka yeizvi, mumwe mushumiri waJehovha angatanga kugunun’unira mumwe. Izvi zvingakonzerwa nechinhu chiduku, zvakadai sokusagutsikana nokukanganisa kunomboita mumwe munhu, mano ake, kana kuti ropafadzo dzake.

14, 15. Nei tisingafaniri kubvumira tsika yokunyunyuta kuti ienderere mberi tisingaigadzirisi?

14 Pasinei nokuti chii chiri kuita kuti tisafare, kana tikabvumira kuti tsika yokunyunyuta ienderere mberi tisingaigadzirisi, inogona kuita kuti tisagutsikana togara tichingogunun’una. Zvechokwadi, kuparadza kunoita kugunun’una mune zvokunamata kunogona kutikanganisa kwazvo. VaIsraeri pavakagunun’una nezvoupenyu hwomurenje, vakatosvika pakupa mhosva Jehovha. (Eksodho 16:8) Ngatisambodaro!

15 Kuita ngura kwesimbi kunogona kuderedzwa nokuipenda nependi inodzivirira ngura uye kukurumidza kugadzirisa nzvimbo dziya dzinenge dzava kutanga kuita ngura. Saizvozvowo, tsika yokunyunyuta inogona kudziviswa kana tikainyengeterera tobva taigadzirisa pakarepo. Sei?

Ona Zvinhu Semaonero Anoita Jehovha

16. Tsika yokunyunyuta ingakundwa sei?

16 Kugunun’una kunoita kuti tirambe tichingozvifunga nezvinetso zvedu kwoita kuti tisaone zvikomborero zvatinazvo seZvapupu zvaJehovha. Kuti tikunde tsika yokunyunyuta, tinofanira kuramba tichifunga nezvezvikomborero izvi mupfungwa dzedu. Somuenzaniso, mumwe nomumwe wedu ane ropafadzo yakanaka chaizvo yokudanwa nezita raJehovha. (Isaya 43:10) Tinogona kushandira kuva noukama hwepedyo naye, uye tinokwanisa kutaura no“Munzwi womunyengetero” chero nguva. (Pisarema 65:2; Jakobho 4:8) Upenyu hwedu hune chinangwa nokuti tinonzwisisa nyaya youchangamire hwezvose zvakasikwa uye yeuka kuti tine ropafadzo yokuramba takavimbika kuna Mwari. (Zvirevo 27:11) Tinogona kushanda nguva dzose mubasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mateu 24:14) Kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu kunoita kuti tikwanise kuva nehana yakachena. (Johani 3:16) Izvi ndezvimwe zvezvikomborero zvatinazvo pasinei nezvatinofanira kutsungirira.

17. Nei tichifanira kuedza kuona zvinhu semaonero anoita Jehovha, kunyange zvazvo tiine chikonzero chakanaka chokunyunyuta?

17 Ngatiedzei kuona zvinhu semaonero anoita Jehovha, kwete nemaonero edu chete. “Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu,” akaimba kudaro munyori wepisarema Dhavhidhi. (Pisarema 25:4) Kana tiine chikonzero chakanaka chokuti tinyunyute, Jehovha anenge achizviona. Anogona kukurumidza kugadzirisa nyaya yacho. Saka nei dzimwe nguva achibvumira kuti dambudziko rienderere mberi? Izvi angazviitira kuti zvitibatsire kuva nounhu hwakanaka zvikuru, hwakadai sokushivirira, kutsungirira, kutenda, uye mwoyo murefu.—Jakobho 1:2-4.

18, 19. Enzanisira zvingangoitika kana tikatsungirira zvinhu zvinenge zvisina kutinakira tisinganyunyuti.

18 Kutsungirira kwatinoita zvimwe zvinhu zvinenge zvisina kutinakira tisinganyunyuti hakungotibatsiri chete kuti tinatsiridze unhu hwedu asiwo kunogona kukurudzira vaya vanenge vachiona mufambiro wedu. Muna 2003 rimwe boka reZvapupu zvaJehovha raifamba nebhazi kubva kuGermany richienda kugungano reruwa kuHungary. Mutyairi webhazi racho akanga asiri Chapupu, uye akanga asingadi kuva pamwe neZvapupu kwemazuva gumi. Zvisinei, pakazopera rwendo rwacho, akanga achinja mafungiro ake zvachose. Nei?

19 Pavaifamba, zvinhu zvakawanda hazvina kufamba zvakanaka. Asi Zvapupu zvacho hazvina kumbonyunyuta. Mutyairi wacho akataura kuti iri ndiro raiva boka rakanaka chaizvo pane vanhu vose vaakanga ambotakura! Kutaura zvazviri, akavimbisa kuti paaizoshanyirwazve neZvapupu kumba kwake, aizozvigamuchira onyatsoteerera zvazvinenge zvichitaura. Chokwadi vakanga vakatakurwa ava vakaratidza unhu hwakanaka ‘vachiita zvinhu zvose vasingagunun’uni’!

Kukanganwira Kunosimudzira Kubatana

20. Nei tichifanira kukanganwirana?

20 Zvakadini kana paine zvatiri kunyunyutira watinonamata naye? Kana nyaya yacho yakakomba, tinofanira kushandisa zano riri muBhaibheri ratinowana mumashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 18:15-17. Zvisinei, izvi handizvo hazvo zvinofanira kuitwa nguva dzose, sezvo zvinhu zvakawanda zvatinonyunyutira zviri zviduku. Unodii kuona mamiriro acho ezvinhu somukana wokuti ukanganwire? Pauro akanyora kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:13, 14) Tinonzwa tichida kukanganwira here? Jehovha haana here zvikonzero zvokuti atinyunyutire? Asi anogara achitinzwira tsitsi uye achitikanganwira.

21. Vaya vanenge vakateerera munhu anogunun’una vanganzwa sei?

21 Chero zvingaita kuti tinyunyute, kugunun’una hakumbogadzirisi zvinhu. Shoko rechiHebheru rinoreva kuti ‘kugunun’una’ rinogona kurevawo kupopota. Kazhinji hatinzwi takasununguka kuva pane munhu anongogara achigunun’una uye tinoedza kusashamwaridzana naye. Kana tikagunun’una, kana kuti kupopota, vaya vanenge vakateerera vanganzwa saizvozvowo. Kutaura zvazviri, vanganzwa vasina kusununguka zvokuti vangasada kushamwaridzana nesu! Kupopota kungabata pfungwa dzevanhu, asi chokwadi hakumboiti kuti vatide.

22. Mumwe musikana akati kudii nezveZvapupu zvaJehovha?

22 Pfungwa yokukanganwira inosimudzira kubatana—chimwe chinhu chinokosheswa nevanhu vaJehovha. (Pisarema 133:1-3) Mune imwe nyika yokuEurope, mumwe musikana wechechi yeKaturike akanyorera hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha achiti anozviyemura. Akati: “Ndiro chete sangano randinoziva kuti harina vanhu vakapatsanurwa pamusana poruvengo, makaro, kusashivirira, udyire, kana kuti kusabatana.”

23. Tichakurukurei munyaya inotevera?

23 Kuonga zvikomborero zvose zvatinowana nokuti tiri vanamati vaMwari wechokwadi, Jehovha, kuchatibatsira kuti tisimudzire kubatana uye kurega kugunun’unira vamwe munyaya dzomunhu oga. Nyaya inotevera icharatidza kuti unhu hwatinodzidziswa naMwari hungatibatsira sei kuti tisasvike pakugunun’una zvine ngozi—kugunun’unira sangano repasi pano raJehovha.

Unoyeuka Here?

• Kugunun’una kunosanganisirei?

• Kukuvadza kunoita kugunun’una kungaenzanisirwa sei?

• Chii chingatibatsira kuti tisave netsika yokugunun’una?

• Kuda kukanganwira kungatibatsira sei kuti tisagunun’une?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 14]

Chaizvoizvo vaIsraeri vaigunun’unira Jehovha!

[Mufananidzo uri papeji 17]

Unoedza kuona zvinhu semaonero anoita Jehovha here?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kukanganwira kunosimudzira kubatana kwechiKristu