Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Mwari Wedu Anokwanisa Kutinunura’

‘Mwari Wedu Anokwanisa Kutinunura’

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”

‘Mwari Wedu Anokwanisa Kutinunura’

CHIITIKO chacho chakanga charongwa kuti chishamise kwazvo. Chifananidzo chikuru chendarama chakanga chamiswa mubani reDhura, zvichida pedyo neguta reBhabhironi. Chifananidzo chacho chaifanira kutsaurirwa pamhemberero yaikosha yevakuru vakuru vaitarisirwa kuchikotamira paingotanga kunzwika kurira kwezviridzwa zvakasiyana-siyana zvemimhanzi. Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari akanga arayira kuti ani naani aizorega kunamata chifananidzo chacho aizofira muvira remoto waipisa kwazvo. Ndiani aizorega kuteerera murayiro wakadaro?

Zvichitoshamisa vaivapo, vamwe vanamati vatatu vaitya Jehovha—Shadreki, Misheki, naAbhedhinego—havana kukotamira pasi. Vaiziva kuti kuita saizvozvo kwaizova kutyora mutemo wokuzvipira kwavo zvizere kuna Jehovha Mwari. (Dheuteronomio 5:8-10) Pavakarayirwa kuti vatsanangure zvakanga zvaita kuti vatsunge kuita zvavakaita, vakaudza Nebhukadhinezari vasingatyi, kuti: “Kana zvikaitika, Mwari wedu watiri kushumira anokwanisa kutinunura. Iye achatinunura muvira romoto unopfuta kwazvo nomuruoko rwenyu, haiwa imi mambo. Asi kana zvikasaitika, haiwa imi mambo, zivai kuti hatisi kuzoshumira vanamwari venyu, uye hatisi kuzonamata chifananidzo chendarama chamakamisa.”—Dhanieri 3:17, 18.

VaHebheru vatatu pavakakandirwa mumoto waipisa kwazvo, upenyu hwavo hwakatozoponeswa nenzira yaishamisa. Mwari akatuma ngirozi yake kuti idzivirire vashumiri Vake vakanga vakatendeka. Asi vakanga vatosarudza kuti vafe pane kusateerera Jehovha. * Zvavakaita zvakanga zvakafanana nezvakaitwa nevaapostora vaJesu Kristu, avo pashure pokunge kwapfuura mazana matanhatu emakore vakataura pamberi pedare repamusoro revaJudha, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

Zvinhu Zvinokosha Zvatinodzidza

Shadreki, Misheki, naAbhedhinego mienzaniso yakanaka chaizvo yokutenda, yokuteerera, uye yokuvimbika. VaHebheru vatatu ava vaitenda muna Jehovha. Hana yavo yakanga yadzidziswa neMagwaro haina kuvabvumira kuti vabatanidzwe mukunamata kwenhema uye kuzvipira kunyika yavaiva mairi. Saizvozvowo vaKristu vemazuva ano vanovimba zvizere naMwari wechokwadi. Vanotungamirirwa nehana yavo yakadzidziswa neBhaibheri uye vanoramba kubatanidzwa pane zvinoitwa pakunamata kwenhema kana kuita mhemberero dzinotyora mitemo yaMwari.

VaHebheru vatatu vakanga vakatendeka vaivimba naJehovha uye vakamuteerera pasinei nezvose zvavaigona kupiwa noUmambo hweBhabhironi zvakadai somukurumbira, zvinzvimbo, kana kuti kukudzwa. Majaya aya akanga akagadzirira kutambura uye kufa pane kuti akanganise ukama hwawo naMwari. Kungofanana naMosesi akararama ivo vasati vavapo, ‘vakaramba vakasimba sevaiona Uyo asingaoneki.’ (VaHebheru 11:27) Pasinei nokuti Jehovha aizosarudza kuvanunura parufu kana kuti kwete, vatatu ava vakanga vakatsunga kuramba vakavimbika kwaari pane kuti vabvume kuita zvisizvo kuti vaponese upenyu hwavo. Zviri pachena kuti achitaura nezvomuenzaniso wavo, muapostora Pauro anotaura nezvevakatendeka “vakadzivisa simba romoto.” (VaHebheru 11:34) Kutenda kwakadaro nokuteerera, kunoratidzwa nevashumiri vaJehovha pavanotarisana nemiedzo yokutendeka muzuva redu.

Kubva pane zvakaitika kuna Shadreki, Misheki, naAbhedhinego, tinodzidzawo kuti Mwari anopa mubayiro vaya vakavimbika kwaari. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha . . . haazosiyi vakavimbika vake.” (Pisarema 37:28) Nhasi, hatigoni kutarisira kuti Mwari atinunure nenzira inoshamisa sezvaakaita vaHebheru vatatu. Kunyange zvakadaro, tinogona kuvimba kuti pasinei nematambudziko atingasangana nawo, Baba vedu vokudenga vachatibatsira. Mwari angaita kuti chinetso chacho chipere, angatipa simba rokuchitsungirira, kana kutimutsa kana tikaramba takavimbika kusvikira parufu. (Pisarema 37:10, 11, 29; Johani 5:28, 29) Kutenda, kuteerera, uye kuvimbika ndiko kunoita kuti tikunde nguva dzose panoedzwa kutendeka kwedu uye patinosarudza kuteerera Mwari panzvimbo pevanhu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2006, July/August.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

WAIZVIZIVA HERE KUTI

• VaHebheru vatatu vakanga vava kuda kusvitsa makore 30 pavakatarisana nomuedzo uyu wokutendeka?

• Vira racho sezviri pachena rakaitwa kuti ripise kwazvo sezvaigoneka?—Dhanieri 3:19.