Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyanya Kufunga Zvakanakira Sangano raJehovha

Nyanya Kufunga Zvakanakira Sangano raJehovha

Nyanya Kufunga Zvakanakira Sangano raJehovha

“Tichagutswa nokunaka kweimba yenyu.”—PISAREMA 65:4.

1, 2. (a) Urongwa hwokuvakwa kwetemberi hungadai hwakaita kuti vanhu vaMwari vanzwe sei? (b) Dhavhidhi akapa rubatsiro rwei kuti temberi ivakwe?

DHAVHIDHI weIsraeri yekare ndomumwe munhu anomukurumbira zvikuru anotaurwa muMagwaro echiHebheru. Mufudzi uyu, muimbi, muprofita, uye mambo aivimba zvizere naJehovha Mwari. Ukama hwepedyo hwaiva naDhavhidhi naJehovha hwakaita kuti ade kuvakira Mwari imba. Imba iyi, kana kuti temberi, yaizova nzvimbo yokunamata kwechokwadi muIsraeri. Dhavhidhi aiziva kuti urongwa hwetemberi hwaizoita kuti vanhu vaMwari vafare uye vakomborerwe. Saka Dhavhidhi akaimba kuti: “Anofara munhu wamunosarudza [Jehovha] uye wamunoswededza pedyo, kuti agare muzvivanze zvenyu. Tichagutswa nokunaka kweimba yenyu, iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.”—Pisarema 65:4.

2 Dhavhidhi haana kubvumirwa kuti atarisire kuvakwa kweimba yaJehovha. Asi, ropafadzo iyoyo yakasiyirwa mwanakomana wake Soromoni. Dhavhidhi haana kugunun’una kuti ropafadzo yaaida nomwoyo wose yakanga yapiwa mumwe munhu. Chainyanya kukosha kwaari ndechokuti temberi yacho ivakwe. Nomwoyo wake wose, akatsigira urongwa hwacho nokusiyira Soromoni mapurani echivako chacho aakanga apiwa naJehovha. Uyezve, Dhavhidhi akaronga kuti zviuru zvevaRevhi zvishande zviri mumapoka uye akapa ndarama yakawanda nesirivha kuti temberi yacho ivakwe.—1 Makoronike 17:1, 4, 11, 12; 23:3-6; 28:11, 12; 29:1-5.

3. Vashumiri vaMwari vane mafungiro api paurongwa hwokunamata kwechokwadi?

3 VaIsraeri vakanga vakatendeka vakatsigira urongwa hwakaitwa hwokunamata kwechokwadi paimba yaMwari. Zvatiri vashumiri vaJehovha vemazuva ano, tinotsigirawo saizvozvo urongwa hwokunamata huri musangano repasi pano raJehovha. Patinenge tichidaro tinenge tichiratidza kuti tine mafungiro akafanana neaiva naDhavhidhi. Isu hatisi vaya vanonyunyuta. Asi, tinonyanya kufunga zvakanakira sangano raMwari. Wakambofunga nezvezvinhu zvakawanda zvakanaka zvingaita kuti tionge zvechokwadi here? Ngatimbokurukurai zvimwe zvacho.

Kuonga Vaya Vari Kutungamirira

4, 5. (a) “Muranda akatendeka, akangwara” anozadzika sei basa rake? (b) Zvimwe Zvapupu zvakanzwa sei pamusoro pezvokudya zvine chokuita nokunamata zvazvinogamuchira?

4 Tine zvikonzero zvakanaka zvokuti tionge “muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa naJesu Kristu kuti atarisire zvinhu zvake zviri pasi pano. Boka romuranda rine vaKristu vakazodzwa ndiro riri kutungamirira basa rokuparidza mashoko akanaka, kuronga misangano yokunamata, uye kubudisa mabhuku eBhaibheri mumitauro inopfuura 400. Mamiriyoni evanhu munyika yose anodya nokuonga ‘zvokudya izvi zvakakodzera nguva.’ (Mateu 24:45-47) Chokwadi hapana chikonzero chokugunun’una.

5 Kwemakore akawanda, chimwe Chapupu chaJehovha chati kurei chinonzi Elfi chakanyaradzwa nokutsigirwa nokushandisa zano romuMagwaro rinowanika mumabhuku eboka romuranda. Kuonga kwakadzama kwakaita kuti Elfi anyore kuti: “Ndaizoitei dai sangano raJehovha rakanga risipo?” Peter naIrmgard vavewo vari vashumiri vaMwari kwemakore akawanda. Irmgard anoonga mabhuku ose akabudiswa ne“sangano raJehovha rine rudo uye rine hanya.” Mabhuku aya anosanganisira akanyorerwa vanhu vasinganyatsooni kana kunzwa zvakanaka.

6, 7. (a) Mabasa eungano dziri mupasi rose anotarisirwa sei? (b) Chii chakataurwa nezvesangano raJehovha repasi pano?

6 “Muranda akatendeka” anomirirwa neDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, boka duku revarume vakazodzwa nomudzimu rinoshanda padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, New York. Dare Rinodzora rinogadza vashumiri vaJehovha vane ruzivo kuti vashande mumahofisi emapazi anotarisira mabasa eungano dzinodarika 98 000 mupasi rose. Varume vanokwanisa kuita zvinodiwa neBhaibheri vanogadzwa kuti vave vakuru nevashumiri vanoshumira muungano idzi. (1 Timoti 3:1-9, 12, 13) Vakuru vanotungamirira uye vanofudza norudo makwai aMwari avanotarisira. Chikomborero chaicho kuvawo muboka remakwai uye kuona rudo nokubatana kuri pakati pe“sangano rose rehama”!—1 Petro 2:17; 5:2, 3.

7 Pane kuti vanyunyute, vanhu ava vanowanzotaura vachionga kutungamirirwa norudo mune zvokunamata kwavanoitwa nevakuru. Somuenzaniso, chimbofunga nezvaBirgit, mumwe mukadzi wechiKristu ane makore ari kuma30. Achiri muduku, akatanga kushamwaridzana neshamwari dzakaipa uye akapotsa aita zvakaipa. Asi zano rakajeka romuBhaibheri rakabva kuvakuru nokutsigira kwevamwe vaanonamata navo zvakamubatsira kunzvenga mamiriro ezvinhu angadai akamukuvadza. Birgit ari kunzwa sei iye zvino? Anoti: “Ndinoonga chaizvo kuti ndichiri musangano raJehovha rakanaka zvikuru.” Mumwe mukomana ane makore 17 anonzi Andreas anoti: “Chokwadi iri isangano raJehovha, sangano rakanaka kupfuura ose ari munyika.” Hatifaniri kuonga kunaka kwesangano raJehovha repasi pano here?

Vaya Vari Kutungamirira Havana Kukwana

8, 9. Vamwe vakararama naDhavhidhi vakaita sei, uye Dhavhidhi akaita sei pane zvavakamuitira?

8 Zvechokwadi, vaya vanogadzwa kuti vatungamirire mukunamata kwechokwadi havana kukwana. Vose vanokanganisa, uye vamwe vane unhu husina kunaka huri kungoramba huripo hwavari kushanda nesimba kuti vagadzirise. Izvi zvinofanira kutitadzisa kufara here? Kwete. Kunyange vanhu vaiva nomutoro wakakura muIsraeri yekare vakakanganisa zvikuru. Somuenzaniso, Dhavhidhi paakanga achiri jaya, akakumbirwa kuti ave muimbi wokunyaradza Mambo Sauro akanga aine zvaimunetsa. Gare gare, Sauro akaedza kuuraya Dhavhidhi zvokuti aifanira kuzotiza nokuda kwoupenyu hwake.—1 Samueri 16:14-23; 18:10-12; 19:18; 20:32, 33; 22:1-5.

9 Vamwe vaIsraeri vakaita nenzira yokunyengera. Somuenzaniso, mutungamiriri weuto waDhavhidhi, Joabhi, akaponda hama yaSauro yainzi Abhineri. Absaromu akamukira baba vake, Dhavhidhi, achida kuva mambo. Uye munhu aipa Dhavhidhi mazano waaivimba naye, Ahitoferi, akamupandukira. (2 Samueri 3:22-30; 15:1-17, 31; 16:15, 21) Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi haana kunyunyuta akatsamwa; uye haana kusiya kunamata kwechokwadi. Kutaura zvazviri, akaita nenzira yakasiyana chaizvo. Matambudziko akaita kuti Dhavhidhi avimbe naJehovha uye kuti arambe aine mafungiro akanaka aaiva nawo paakatiza Sauro. Panguva iyoyo, Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, ndinzwirei nyasha, nokuti mweya wangu wakapotera kwamuri; ndinopotera mumumvuri wemapapiro enyu kusvikira nhamo dzapfuura.”—Pisarema 57:1.

10, 11. Chii chakaitika kune mumwe muKristu ainzi Gertrud paaiva muduku, uye akatii nezvokukanganisa kwevamwe vake vaainamata navo?

10 Hatina chikonzero chokunyunyuta pamusoro pokunyengera kungava musangano raMwari nhasi. Jehovha kunyange ngirozi dzake kana vafudzi mune zvokunamata havamboshiviriri kuvapo kwevakaipa, vanonyengera muungano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, tose zvedu tinokanganisa nemhaka yokusakwana kungori muvanhu—kwedu pachedu kana kuti kwevamwe vashumiri vaMwari.

11 Gertrud, mumwe ave achinamata Jehovha kwenguva refu, paaiva mukadzi wechiduku, akapomerwa zvenhema kuti aiva munyengeri uye kuti akanga asiri muzivisi woUmambo wenguva yakazara. Akaita sei? Gertrud akagunun’una nemabatirwo aakaitwa here? Kwete. Nguva pfupi asati afa muna 2003 ava nemakore 91, akafunga nezvoupenyu hwake ndokubva ati: “Izvi nezvimwe zvakazoitika zvakandidzidzisa kuti pasinei nokukanganisa kunoita vanhu, Jehovha anotungamirira basa rake guru, achishandisa vanhu vasina kukwana.” Paaikanganisirwa nevamwe vashumiri vaMwari vasina kukwana, Gertrud ainyengetera kuna Jehovha nomwoyo wake wose.

12. (a) Muenzaniso upi usina kunaka wakaitwa nevamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga? (b) Tinofanira kuramba tichifunga nezvechii?

12 Sezvo vaKristu vaya vakazvipira uye vakavimbika kwazvo vasina kukwanawo, mushumiri akagadzwa paanokanganisa, ngatirambei ‘tichiita zvinhu zvose tisingagunun’uni.’ (VaFiripi 2:14) Zvingasuruvarisa chaizvo kana tikatevedzera muenzaniso usina kunaka wevashomanana vaiva muungano yomuzana remakore rokutanga! Maererano nomudzidzi Judha, vadzidzisi venhema vomuzuva rake ‘vaizvidza ushe uye vaituka vaya vanokudzwa.’ Uyezve, vaiti vezvakaipa ava vaiva “vagunun’uni, vanyunyuti pamusoro pomugove wavo muupenyu.” (Judha 8, 16) Ngatirambe kutevera nzira yevagunun’uni vanonyunyuta toramba tichifunga nezvezvinhu zvakanaka zvatinowana kubva ‘kumuranda akatendeka.’ Ngatikoshesei kunaka kwesangano raJehovha ‘toramba tichiita zvinhu zvose tisingagunun’uni.’

“Kutaura Uku Kunoshamisa Kwazvo”

13. Vamwe vakaita sei pane dzimwe dzidziso dzaJesu Kristu?

13 Vamwe vomuzana remakore rokutanga zvavaigunun’unira vashumiri vakagadzwa, vamwe vaigunun’unira dzidziso dzaJesu. Sezvakanyorwa pana Johani 6:48-69, Jesu akati: “Uya anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi.” Vanzwa mashoko aya, “vazhinji vevadzidzi . . . vakati: ‘Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?’” Jesu akaziva kuti “vadzidzi vake vakanga vachigunun’una pamusoro peizvi.” Uyezve, “nokuda kweizvi vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya uye vakanga vasingachafambizve naye.” Asi haasi mudzidzi wose akagunun’una. Ona zvakaitika Jesu paakabvunza vaapostora vake 12 kuti: “Munoda kuendawo here?” Muapostora Petro akapindura kuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi; uye takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”

14, 15. (a) Nei vashoma vasingagutsikani nedzimwe dzidziso dzechiKristu? (b) Chii chatingadzidza pane zvakaitika kune mumwe murume anonzi Emanuel?

14 Mazuva ano, vashoma zvikuru pakati pevanhu vaMwari vakaratidza kusagutsikana nedzimwe dzidziso dzechiKristu uye vakagunun’unira sangano raJehovha repasi pano. Nei izvi zvichiitika? Kugunun’una kwakadaro kunowanzokonzerwa nokusanzwisisa nzira yaMwari yaanoita nayo zvinhu. Musiki anoratidza chokwadi kuvanhu vake zvishoma nezvishoma. Saka manzwisisiro atinoita Magwaro angangonatsiridzwa nguva nenguva. Vakawanda zvikuru pavanhu vaJehovha vanofara nokunatsiridzwa kwakadaro. Vashomanana ndivo ‘vanonyanya kuva vakarurama’ uye vanogumbuka kana pane zvinenge zvachinja. (Muparidzi 7:16) Izvi zvingakonzerwa nokudada, uye vamwe vanobatwa nomusungo wokuda kuzvimirira pakufunga. Pasinei nokuti kunokonzerwa nei, kugunun’una kwakadaro kune ngozi, sezvo kungaita kuti tidzokere kunyika nenzira dzayo.

15 Somuenzaniso, Emanuel, aiva Chapupu chaitsoropodza zvimwe zvinhu zvachaiverenga mumabhuku o“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Akarega kuverenga mabhuku edu echiKristu uye akazoudza vakuru vomuungano yake kuti akanga asingachadi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, pasina nguva, Emanuel akasvika pakuona kuti dzidziso dzesangano raJehovha dzaiva dzakarurama. Akataura neZvapupu, ndokubvuma zvikanganiso zvake, uye akadzorerwa kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Somugumisiro, akanga ava kufara zvakare.

16. Chii chinogona kutibatsira kuti tikunde pfungwa dzokusava nechokwadi nedzimwe dzidziso dzechiKristu?

16 Zvakadini kana tikaedzwa kuti tigunun’une nokuti hatina chokwadi nedzimwe dzidziso dzesangano raJehovha? Hatifaniri kuva vanhu vasingashiviriri. ‘Muranda akatendeka’ angazobudisa mamwe mashoko anopindura mibvunzo yedu obvisa kusava kwedu nechokwadi. Kuchenjera kutsvaka rubatsiro rwevakuru vechiKristu. (Judha 22, 23) Munyengetero, kudzidza tiri toga, uye kushamwaridzana nevamwe vatinonamata navo kunogona kutibatsirawo kubvisa pfungwa dzokusava nechokwadi uye kunogona kuita kuti tiwedzere kuonga chokwadi chomuBhaibheri chinosimbisa kutenda chatakadzidza musangano raJehovha.

Ramba Uine Mafungiro Akanaka

17, 18. Pane kugunun’una, mafungiro api atinofanira kuva nawo, uye nei?

17 Ichokwadi kuti vanhu vasina kukwana vane tsika yavakagara nhaka yokuita chivi, uye vamwe vanongova nepfungwa dzokungoda kunyunyuta zvisina basa. (Genesisi 8:21; VaRoma 5:12) Asi kana tikava vanhu vanongogara vachigunun’una, tinenge tichiisa pangozi ukama hwedu naJehovha Mwari. Saka tinoda kuzvidzora chaizvo kuti tisave nemafungiro angangovapo okunyunyuta.

18 Pane kugunun’unira zvinhu zvomuungano, zvingava zvakanaka kuti tirambe tiine mafungiro akanaka tova nepurogiramu inoita kuti tirambe tiine zvakawanda zvokuita, tichifara, tichiremekedza, tichiramba tiine maonero akanaka, uye takasimba mukutenda. (1 VaKorinde 15:58; Tito 2:1-5) Jehovha ndiye ari kutarisira zvose zviri musangano rake, uye Jesu anoziva zvinenge zvichiitika muungano yoga yoga, sezvaaingoita muzana remakore rokutanga. (Zvakazarurwa 1:10, 11) Nokushivirira mirira Mwari naKristu, Musoro weungano. Vafudzi vane mutoro vangashandiswa kururamisa zvinhu zvingada kugadziriswa.—Pisarema 43:5; VaKorose 1:18; Tito 1:5.

19. Kutozosvikira Umambo hwava kutarisira zvakakwana zvinhu zvevanhu, tinofanira kunyanya kufunga nezvechii?

19 Nyika ino yakaipa ichaguma nokukurumidza, uye Umambo hwaMesiya huchatarisira zvakakwana zvinhu zvose zvevanhu. Kutozosvikira izvi zvaitika, zvinokosha kuti mumwe nomumwe wedu arambe aine mafungiro akanaka! Izvi zvichatibatsira kuona unhu hwakanaka hwevatinonamata navo pane kunyanya kufunga nezvezvavanokanganisa. Kunyanya kufunga nezvounhu hwavo hwakanaka kuchaita kuti tifare. Pane kunetswa mupfungwa nokugunun’una, tichakurudzirwa uye kuvakwa mune zvokunamata.

20. Mafungiro akanaka achatibatsira kuwana zvikomborero zvipi?

20 Mafungiro akanaka achatibatsirawo kuti tirambe tichifunga zvikomborero zvakawanda zvatinowana nokuti tiri musangano raJehovha repasi. Iri ndiro chete sangano munyika yose rakavimbika kuna Changamire wezvose zvakasikwa. Unonzwa sei neropafadzo uye kuti unonamata Mwari wechokwadi bedzi, Jehovha? Mafungiro ako ngaafanane neaya aDhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri. Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyo, kuti agare muzvivanze zvenyu. Tichagutswa nokunaka kweimba yenyu.”—Pisarema 65:2, 4.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kuonga vaya vari kutungamirira muungano?

• Tinofanira kuita sei kana hama dzine mutoro dzikakanganisa?

• Tinofanira kuona sei kunatsiridzwa kungaitwa kunzwisisa kwatinoita Magwaro?

• Chii chingabatsira muKristu kuti akunde kusava nechokwadi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 20]

Dhavhidhi akapa Soromoni mapurani etemberi uye akanyatsotsigira kunamata kwechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vakuru vechiKristu vanobatsira vachifara mune zvokunamata